“VaIsraeri vari Murenje,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“VaIsraeri vari Murenje,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Eksodo 16
VaIsraeri vari Murenje
Kudzidza kuvimba panaIshe.
Mushure mekunge vaIsraeri vabuda muEgipita, vakanyunyuta kuti vaiva vasina zvokudya zvakakwana. Vakati zvaizova nani kuvanhapwa muEgipita pane kuziya nenzara vari murenje.
Eksodo 16:1–3
Kudzidzisa vaIsraeri kuvimba Navo, Ishe vakatumira chingwa kubva kudenga kuti vanhonge zuva rega rega. Vaidaidza chingwa ichi kuti mana. Chaitapira sehuchi. Ishe havana kutumira mana pazuva reSabata, zuva rechinomwe revhiki. Nokudaro pazuva rechitanhatu, Vakavaudza kuti vanhonge mana yaikwana kwamazuva maviri.
Eksodo 16: 4–5, 14–31.
Kwechinguva, Ishe vakatumirawo zvihuta zvekuti vaIsraeri vadye. Mangwanani vainhonga mana, uye manheru vaiunganidza zvihuta. Ishe vaida kuti vaIsraeri vadzidze kuvimba Navo. Nenzira iyi, Vakavataririra vari murenje.
Eksodo 16:11–13