“Abrahama naIsaka,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Abrahama naIsaka,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Genesi 17; 21–22
Abrahama naIsaka
Baba, mwanakomana, uye nechibayiro
Abrahama naSara vakaita mwana mukomana, sekuvimbisa kwaiva kwaita Ishe. Vakamutumidza kuti Isaka.
Genesi 17:9; 21:1–3
Vaida Isaka. Vakamudzidzisa kusarudza zvakarurama uye kuvimba naIshe.
Genesi 21:8
Ishe vakavimbisa Abrahama naSara kuti kuburikidza naIsaka mhuri yavo yaizokura kuropafadza pasi rose. Asi rimwe zuva Ishe vakataurira Abrahama kuti aende naIsaka kuGomo reMoria uye agopira Isaka sechibayiro.
Genesi 17:1–8; 22:1–2
Vari munzira kuenda kugomo, Isaka akabvunza kuti gwayana rechibayiro raivepi. Abrahama akati Ishe vaizoripa kwavari.
Genesi 22:4–8
PaGomo reMoria, Abrahama akavaka aritari uye akaisa huni pairi.
Genesi 22:8–9
Sekuraira kwakaita Ishe, Abrahama akakumbira Isaka kuti arare paaritari. Isaka akavimba naAbrahama sekuvimba kwakaita Muponesi Jesu Kristu naBaba Vake.
Genesi 22:9
Apo Abrahama paaiva oda kubayira Isaka, ngirozi yaIshe yakamumisa. Abrahama akaratidza rutendo rwake muna Ishe. Abrahama aiziva kuti aizogara achitevera Ishe nguva dzose.
Genesi 22:10–12
Abrahama akatarisa mudenga uye akaona gondohwe rakabatwa mumakwenzi. Ishe vakapa gondohwe rechibayiro.
Genesi 22:13
Abrahama naIsaka vakadzidza pamusoro pekuti Baba Vokudenga vaizopira sei Mwanakomana Wavo Jesu Kristu sechibayiro. Ishe Jesu Kristu vakavimba naAbrahama nekuti akateerera. Abrahama akavimba nevimbiso yaIshe yekuti rimwe zuva mhuri yake yaizokura kupfuura huwandu hwenyenyedzi dziri mudenga.
Genesi 22:17–18; Jakobo 4:5