“Paseka,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Paseka,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Eksodo 11–12; 14–15
Paseka
Kudzivirirwa naIshe
Farao akaramba kuti vaIsraeri vasunungurwe vaende, saka Ishe vakaudza Mosesi kuti Vaizotumira rimwe dambudziko rokupedzisira. Mwana aiva dangwe remhuri yoga yoga munyika yeEgipita aizofa, kunyangwe dangwe remhuka dzavo.
Eksodo 11:1, 4–10
Ishe vakavimbisa kuti kana vaIsraeri vakatevera mirairidzo Yavo, dambudziko raizopfuura napamusoro pavo uye raisazovakuvadza.
Eksodo 12:3, 13, 23
Ishe vakaudza mhuri yechiIsraeri yoga yoga kuti ibayire gwayana gono rakarurama uye vapende ropa regwayana racho pagwatiridziro redzimba dzavo.
Eksodo 12:4–7
Ishe vakaudza vaIsraeri kuti vabike uye vakurumidze kudya gwayana racho. Apo pavainge vachidya, vaifanira kunge vakapfeka mbatya uye vakagadzirira kusiya dzimba dzavo. Ishe vakati kana vaIsraeri vakaita zvinhu izvi, matangwe avo aizochengetedzwa kubva kudambudziko.
Eksodo 12:8–11
Sokuyambira kwakaita Ishe, dambudziko rakauya. Matangwe ose muEgipita akafa, kusanganisira mwanakomana mukurusa waFarao. Asi dambudziko rakapfuura napamusoro peimba yoga yoga iyo akanga iine ropa regwayana pagwatiridziro. Matangwe avaIsraeri akaponeswa nokuda kwokuti vakateerera kuna Ishe.
Eksodo 12:12–13, 29–30
Apo Farao paakaona kuti mwanakomana wake pachake aiva afa nokuda kwedambudziko iri, akaudza Mosesi naAroni kuti vatore vaIsraeri vose uye vabude muEgipita.
Eksodo 12:31–33
VaIsraeri vakabva, asi Farao aiva ashatirwa. Akaunganidza mauto ake uye ngoro dzake uye akadzingirira vaIsraeri.
Eksodo 12:37–41: 14:5–8
VaIsraeri vakamisa misasa paGungwa Dzvuku. Nechinguva chipfupi Farao namauto ake vakavabata. Apo vaIsraeri pavakaona vaEgipita vachiuya, vakatya. Asi Mosesi akaudza vaIsraeri kuti Ishe vaizovadzivirira.
Eksodo 14:9–14
Apo vaEgipita pavakasvika pedyo, Ishe vakaudza Mosesi kuti asimudze tsvimbo yake. Mosesi akadaro, uye Ishe vakaparadzanisa gungwa. VaIsraeri vakayambuka gungwa napasi pakaoma. Vakatiza kubva kuna Farao namauto ake.
Eksodo 14:15–16, 21–22
Mauto echiEgipita akadzingirira vaIsraeri. Apo vaIsraeri vose pavaiva vayambuka zvakanaka kuenda kune rimwe divi regungwa, Ishe vakarega mvura ichidzika pasi. Mauto echiEgipita vakanyura mugungwa.
Eksodo 14:23–30
VaIsraeri vakanga vasununguka pokupedzisira. Vakaimba dzimbo, vakapembera, uye vakatenda Ishe. Nguva dzose vakarangarira Paseka senguva iyo Ishe yavakaponesa upenyu hwavo uye vakavatungamira kubuda muEgipita.
Eksodo 14:31; 15:1–22