Huyai, Munditevere
Chikumi 15–21. “Kurwa NdokwaIshe”: 1 Samueri 17–18; 24–26; 2 Samuel 5–7


“Chikumi 15–21. ‘Kurwa NdokwaIshe’: 1 Samueri 17–18; 24–26; 2 Samueri 5–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chikumi 15–21. ‘Kurwa NdokwaIshe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Davidi akabata chipfuramabwe

David and Goliath, (Davidi naGoriati), naSteve Nethercott

Chikumi 15–21: “Kurwa NdokwaIshe”

1 Samueri 17–18; 24–26; 2 Samueri 5–7

Kubvira pakagara madzinza aIsraeri munyika yechipikirwa, vaFiristia vakanga vari tyisidziro yairamba iripo kuruchengeteko rwavo. Ishe vakanga vavanunura nguva zhinji kare, asi zvino vakuru vaIsraeri vakati, “Tinozova namambo … [kuti] atungamire mberi kwedu, uye anorwa hondo dzedu” (1 Samueri 8:19–20). Saka Sauro akagadzwa kuva mambo. Asi zvakadaro apo hofori inotyisa Goriati payakataura nechisimba achipikisa mauto aIsraeri, Sauro—savamwe vose vamauto ake—“akatya kwazvo” (1 Samueri 17:11). Pazuva iroro, akanga asiri Mambo Sauro akaponesa Israeri asi mukomana mufudzi akaninipa ainzi Davidi, uyo aiva asina kupfeka nguwo dzehondo asi aiva akapfeka rutendo rwakasimba zvikurusa muna Ishe. Hondo iyi yakaratidza kuIsraeri, uye kuna ani zvake ane hondo dzezvepamweya dzokurwisa, kuti “Ishe havaponesi nemunondo kana nepfumo” uye kuti “kurwa ndekwaIshe” (1 Samueri 17:47).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

1 Samueri 17

mufananidzo weseminari
Nerubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kukunda chinetso chipi zvacho.

Nyaya yaDavidi naGoriati ndiyo imwe yenyaya dzinonyanyisa kuzivikanwa mumagwaro matsvene. Zvechokwadi, kazhinji tinonangisa pfungwa pana Davidi. Asi nguva ino, apo paunoverenga 1 Samueri 17, fungisisawo mashoko avamwe vanhu muchitsauko chino (ona mudorongodzwa uri pazasi). Chii chaunodzidza pamusoro pavo nevavariro dzavo? Chii chaunodzidza pamusoro paDavidi? Akasiyana navo sei?

  • Goriati: ndima 8–10, 43–44

  • Eriabi: ndima 28

  • Sauro: ndima 33

  • Davidi: ndima 26, 32, 34–37, 39, 45–47

Nyaya yako, kunyangwe zvazvo isingazivikanwi zvikurusa seyaDavidi, zvirokwazvo inosanganisira zvinetso zvakakura saGoriati zvokukunda uye mikana yokushandisa rutendo muna Ishe. Muenzaniso waDavidi unokudzidzisa chii pamusoro pokutarisana namatambudziko munyaya yako? Ungangoverengawo shoko raMutungamiri Camille N. Johnson “Invite Christ to Author Your Story” (Liahona, Mbudzi 2021, 80–82) nechimwe chezvinetso zvako mupfungwa. Tsvaka mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi: Ishe vanoda kuti ndione zvinetso zvangu sei? Vakandibatsira sei kare? Ndinokwanisa kuratidza sei kuti ndinovimba Navo kunyora nyaya yangu?

Ungange uchitoziva nechakare kuti kune zvitsauko zvanosuwisa zvikuru pashure munyaya yaDavid (ona, somuenzaniso, 2 Samueri 11). Kana waiva nomukana wokupa Davidi rimwe zano mushure mekurwa kwake naGoriati, chii chawaizotaura? Zano iri ringashanda sei muupenyu hwako?

Onawo “The Lord Will Deliver Me” (vhidhiyo), Gospel Library.

3:24

The Lord Will Deliver Me

1 Samueri 17:26–50

Munhu mumwechete ane rutendo muna Kristu anokwanisa kuita musiyano.

Pamusoro pezvinetso zvemunhu pachake, tinotarisanawo nematambudziko makuru uye akaoma ayo anobata nyika yose. Apo masimba ehuipi “paanoungana pamwechete … kurwisana” namasimba ezvakanaka (1 Samueri 17:1), tingangozvibvunza kuti kuedza kwedu savanhu pachavo kungakwanisa sei chaizvo kuita musiyano. Chii chaunowana munyaya yaDavid icho chinokupa tariro?

Onawo: “Ngatishingei,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 18.

Jonatani naDavid

True Friendship and Self-Respect (Hushamwari hweChokwadi uye Kuzviremekedza), naWilson Ong (detail)

1 Samueri 18

“Jonatani aida [Davidi] semweya wake pachake.”

Apo paunoverenga 1 Samueri 18, funga pamusoro pokusiyanisa Sauro nemwanakomana wake Janatani (uyo, dai asiri Davidi, aizokwanisa kufunga kuti ndiye aizova mambo aitevera). Sauro naJonatani vakadavira sei kubudiriro yaDavidi? Chii chaunokwanisa kudzidza kubva pachiitiko ichi?

Chii Chaunowana mumafungiro nezviito zvaJonatani izvo zvinokuyeuchidza Jesu Kristu?

“Fananidza Magwaro Matsvene” (1 Nifai 19:23). Magwaro matsvene anopa mikana mikuru yokudzidza kubva kukurudziro nezviito zvavanhu vakaita saDavidi, Jonatani, naSauro. Unozowana kuti hapana munhu mumagwaro matsvene asina zvikanganiso. Saka apo paunoverenga, somuenzaniso, pamusoro pesarudzo dzerutendeko dzaDavidi, iva unoda kudzidzawo kubva kuzvikanganiso zvake. Kuita kudaro kunokwanisa kutibatsira kuziva utera hwungangova matiri uye “todzidza kuva neungwaru hukuru kupfuura zvaiva zvakaita [vamwe]” (Mormoni 9:31).

1 Samueri 24–26

Ruregerero ndirwo gwara rechokwadi rokurunyararo nekupora.

Muna 1 Samueri 24–26, tsvaka zvidzidzo pamusoro perudado, ruregerero, uye kuzvidzora. Ungangofunga pamusoro pokuverenga shoko raGosa Mark A. Bragg “Christlike Poise” sechikamu chokunzvera chako (Liahona, Chivabvu 2023, 60–63). David, Abigairi, uye navamwe vakaratidza sei—kana kuti vakatadza kuratidza sei—rudzikamo serwaKristu muzvitsauko izvi? Ndeipi mikana yauinayo yokuratidza rudzikamo serwaKristu?

Shoko raSisita Kristen Yee “Beauty for Ashes: The Healing Path of Forgiveness” (Liahona, Mbudzi 2022, 36–39) rinokwanisa kukubatsira kunzvera 1 Samueri 25. Abigairi akafanana sei naJesu Kristu?

2 Samueri 5:17–25

Ishe vanokwanisa kundipa nhungamiro.

Kunyangwe mushure mokunge Davidi akunda Goriati, matambudziko ake navaFiristia aiva asina kupera. Apo paunoverenga 2 Samueri 5:17–25, funga kuti muenzaniso waDavidi unokwanisa kukubatsira sei muzvinetso zvawakatarisana nazvo (onawo 1 Samueri 23:2, 10–11[ 30:8; 2 Samueri 2:1). Uri kuropofadzwa sei nokuita chinhu pazvakazarurwa zvaunogamuchira?

2 Samueri 7

Ndeipi “imba” Ishe yavakavimbisa kuna Davidi?

Apo Davidi paakazvipira kuvaka imba, zvichireva temberi, kuitira Ishe (ona 2 Samueri 7:1–3), Ishe vakapindura kuti mwanakomana waDavidi ndiye aizoivaka (ona ndima 12–15; onawo 1 Makoronike 17:1–15). Ishe vakataurawo kuti Ivo vaizovakira Davidi “imba,” vachireva zvizvarwa, uye kuti chigaro choumambo chake chaizovapo nariinhi nariinhi (ona 2 Samueri 7:11, 16, 25–29; Pisarema 89:3–4, 35–37). Vimbiso iyi yakazadzikiswa muna Jesu Kristu, Mambo wedu Wokusingaperi, uyo aiva ari chizvarwa chaDavidi (ona Mateo 1:1; Ruka 1:32–33; Johane 18:33–37).

­­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Samueri 17:20–54

Rutendo muna Jesu Kristu runokwanisa kundibatsira kuva neushingi.

  • Ungangoda kushandisa “Davidi naGoriatimuNyaya dzemuTestamente Yekare, 92–95, kubatsira vana vako kuziva zvakaitika muna 1 Samueri 17:20–54. Zvino unokwanisa kuita kuti vataurezve nyaya yacho vachishandisa mifananidzo kana zvakadhirowewa zviri muchidzidzo chino. Vabvunze kuti vanofunga kuti Ishe vanoda kuti vadzidze chii kubva munyaya iyi?

    2:36

    David and Goliath

  • Iwe navana vako munokwanisawo kunyora mudorongodzwa wezvimwe zvinetso zvakaoma izvo zvavangangotarisana nazvo mupenyu hwavo. Zvino kuvabatsira kuwana zvinhu izvo Davidi zvaakati zvinokwanisa kubatsira nezvinetso izvi (ona 1 Samueri 17:26, 32, 34–37, 45–47). Govera kuti Jesu Kristu akakubatsira sei munguva yezvinetso.

  • Vana vako vanokwanisa kufora sokunge vari Davidi ari kuenda kunorwa naGoriati vachiimba rumbo pamusoro pokuva noushingi, sezvakaita rwokuti “I Will Be Valiant” (Children’s Songbook, 162).

1 Samueri 18:1–4

Shamwari dzakanaka dzinokwanisa kuva ropafadzo inobva kuna Mwari.

  • Unokwanisa kubatsira sei vana vako kudzidza kubva kuhushamwari hwaJonatani naDavidi? Imwe nzira inozova yokupa mwana woga woga mwoyo yemapepa miviri, mumwe kumiririra Davidi uye mumwe wacho kumiririra Jonatani. Zvino verengai pamwechete ndevo shoma kubva kuna 1 Samueri 18:1–4 idzo dzinosimbisa rudo urwo shamwari mbiri idzi rwavainzwa kune mumwe nomumwe wavo. Vana vako vanokwanisa kunyora kana kudhirowa pamwoyo yamapepa avo mataridziro avangaita rudo kushamwari.

2 Samueri 5:19, 23

Kana ndichida nhungamiro, ndinokwanisa kukumbira Baba Vokudenga.

  • Muzvitsauko izvi, Davidi akava mambo weIsraeri. Zvingangova zvinonakidza kuti vana vako vanyepedzere kuva mambo kana mambokadzi. Ndeipi mitemo yavanozoita? Vanozoendepi kunowana rubatsiro? Batsira vana vako kuziva kuti apo Davidi paaida rubatsiro, “akakumbira,” kana kunamatira, mhinduro. Somuenzaniso, apo pamunoverenga 2 Samueri 5:19, 23, koka vana kuteerera kushoko rokuti “kumbira” uye kupeta maoko avo apo pavanorinzwa. Sei Davidi aida rubatsiro rwaIshe muchinzvimbo chake chitsva?

  • Tauriranai pamusoro penguva iyo yamakanamatira rubatsiro rwaBaba Vokudenga. Zvakaita musiyano upi kuva naVo vachikubatsirai?

musikana achinamata

2 Samueri 5:17–25

Jesu Kristu ndiye Mambo wangu Wokusingaperi.

  • Madzimambo atinoverenga pamusoro pawo muTestamente Yekare ose aiva nezvikanganiso, uye umambo hwavo hwakaguma. Asi Jesu Kristu ndiMambo akarurama uye anozotonga nariinhi nariinhi. Unokwanisa kubatsira vana vako kuziva izvi kuburikidza nokuverenga pamwechete izvo muporofita Natani zvaakataurira Mambo Davidi muna 2 Samueri 7:16–17. Umambo hwaDavidi hwaiva hwusina magumo sei? Batsira vana vako kuwana nokuverenga ndima dzemagwaro matsvene dzinodzidzisa kuti Jesu Kristu, chizvarwa chaDavidi, ndiye Mambo wedu, sezvakaita Ruka 1:32–33; Johane 18:33–37; uye Zvakazarurwa 19:16. Jesu akasiyana sei namadzimambo apanyika? Tinokudza Jesu Kristu saMambo wedu Wokusingaperi sei?

­­

Davidi naGoriati

Illustration of David (Mufananidzo waDavidi), naDilleen Marsh

Peji yechiitwa chePuraimari: Rutendo muna Jesu Kristu runokwanisa kundibatsira kuva neushingi