“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri uye Chibayiro,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yakare 2026 (2026)
“Tabernakeri uye Chibayiro,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro
Tabernakeri uye Chibayiro
Apo patinoverenga Testamente Yekare, dzimwe nguva tinowana ndima dzakareba pamusoro pezvinhu izvo zviri pachena kuti zvaiva zvakakosha kuna Ishe asi zvinogona kusanzwikwa sezvinoenderana nesu nhasi. Eksodo 25–30; 35–40 uye Revitiko 1–9; 16–17 mienzaniso yazvo . Zvitsauko izvi zvinotsanangura zvakadzama tabernakeri murenje uye zvibairo zvemhuka zvaifanira kuitwamo. Tabernakeri yaiva temberi yaikwanisa kutakurwa, nzvimbo yokugara yaIshe pakati pavanhu Vavo.
Temberi dzedu dzazvino dzine zvinhu zvakafanana netabernakeri yeIsraeri, asi zvirokwazvo hadzifanani netsananguro yayo iri muna Eksodo. Uye hatiurayi mhuka mumatemberi edu—Rudzikinuro rweMuponesi rwakagumisa kubairwa kwemhuka makore angangosvika zviuru zviviri akapfuura. Asi zvisinei nemisayano iyi, mune zvakakosha zvikuru nhasi mukuverenga pamusoro pemitoo yokunamata yeIsraeri yechinyakare, kunyanya kana tikaiona zvakaitwa navanhu vaMwari muBhuku raMormoni—senzira “yokusimbisa rutendo rwavo muna Kristu” (Aruma 25:16). Apo patinonzwisisa fananidziro yetabernakeri uye chibayiro chemhuka, tinokwanisa kuwana nzwisiso dzezvepamweya idzo dzinozosimbisa rutendo rwedu muna Kritsu.
Sacrifice of a Lamb [Chibayiro cheGwayana], naRobert T. Barrett
Tabernakeri Inosimbisa Rutendo muna Jesu Kristu
Apo Mwari pavakaraira Mosesi kuvaka tabernakeri mumusasa wavaIsraeri, Vakataura chinangwa chayo: “kuti ndigare pakati pavo” (Eksodo 25:8). Mukati metabernakeri, huvepo hwaMwari hwaimiririrwa neareka yechibvumirano—bhokisi ramapango, raiva rakafukidzwa negoridhe, riine rondedzero yakanyorwa yechibvumirano chaMwari nevanhu Vavo. Areka yaichengetwa mumupanda waiva uri mutsvene-tsvene, wemukati-kati, waiva wakapatsanurwa kubva kune nzvimbo dzose dzetabernakeri nechidzitiro. Chidzitiro ichi chinokwanisa kumiririra kuparadzaniswa kwedu kubva pamberi paMwari nokuda kweKuputsika, pamwepo nenzira yedu yokudzokera kwaVari—kuburikidza neMuponesi.
Kunze kwaMosesi, tinoziva mumwe munhu mumwe chete uyo aikwanisa kupinda ‟munzvimbo tsvene-tsvene” iyoyo (Eksodo 26:34)—mupirisita wapamusoro. Sevamwe vapirisita, aifanira kutanga ashambidzwa nokuzodzwa uye nokupfeka zvipfeko zvinoera zvaiva mucherechedzo wechinzvimbo chake. Kamwechete pagore, pazuva raidaidzwa kuti Zuva reRudzikinuro, mupirisita mukuru aipira zvibayiro akamiririra vanhu asati apinda ari oga mutabernakeri. Pachidzitiro, aizopisa zvinonhuwirira. Chiutsi chainhuwirira chaikwira kudenga chaimiririra minamato yevanhu inokwira kuna Mwari. Zvino mupirisita wapamusoro, akatakura ropa raiva rabva mumhuka yechibayiro, aizopfuura napachidzitiro uye oenda kuchigaro choumambo chaMwari, chaimiririrwa neareka yechibvumirano.
Nokuziva izvo zvaunoziva pamusoro paJesu Kristu uye basa Rake muchirongwa chaBaba Vokudenga, unokwanisa kuona here kunongedzerwa kwatinoitwa netabernakeri kuMuponesi? Sokumiririra kwaiita tabernakeri, uye areka yaiva mukati mayo, huvepo hwaMwari pakati pevanhu Vavo, Jesu Kristu ndiyewo aiva huvepo hwaMwari pakati pavanhu Vavo. Semupirisita wapamusoro, Jesu Kristu ndiye Muyananisi pakati pedu naMwari Baba. Akapfuura nepachidzitiro kuitira kuti atiitire rureverero kuburikidza neropa rekuzvipira Kwake pachake.
Zvimwe zvinhu zvetabernakeri yeIsraeri zvingangoratidzika kuva zvinhu zvaunoziva, kunyanya kana wakaenda kutemberi kunotambira zvisungo zvako pachako. Temberi imba yaIshe—nzvimbo yavo yekugara pakati pavanhu Vavo. Senzvimbo tsvene zvikurusa yetabernakeri , mupanda weseresitiyaro wetemberi unomiririra huvepo hwaMwari. Kuti tipindemo, tinofanira kutanga tashambidzwa nokuzodzwa. Tinopfeka zvipfeko zvinoera. Tinoita zvibvumirano. Tinonamata paaritari iyo kubva pairi minamato inokwira kuna Mwari Uye pokupedzisira tinopfuura nemuchidzitiro kupinda pamberi paMwari.
Pamwe fanano yakanyanyisa kukosha pakati pamatemberi anhasi uye netabernakeri yechinyakare ndeyokuti dzose, kana dzikanzwisiswa nemazvo, dzinosimbisa rutendo rwedu muna Jesu Kristu uye nokutizadza neruvongo rwekuzvipira kwerudzikinuro Kwake. Mwari vanoda kuti vana Vavo vose vapinde pamberi Pavo; Vanoda “umambo hwevapirisita” navapirisitakadzi (Eksodo 19:6). Asi zvivi zvedu zvinotidzivirira kubva mukuwana ropafadzo iroro, nokuti “hakuna chinhu chisina kuchena chinokwanisa kugara naMwari” (1 Nifai 10:21). Saka Mwari Baba vakatuma Jesu Kristu “mupirisita wedu wapamusoro wezvinhu zvakanaka zvinozouya” (VaHeberu 9:11). Anotivhurira chidzitiro uye anopa simba kuvanhu vose vaMwari kuti “tiswedere tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni” (VaHeberu 4:16).
Nhasi, chinangwa chematemberi chinopfuura kungowana kusimudzirwa kumusoro-soro kwedu pachedu. Mushure mokugamuchira zvisungo zvedu pachedu uye kuita zvibvumirano naMwari, tinokwanisa kumira muchinzvimbo chamadziteteguru edu uye togamuchira zvisungo takavamiririra. Neimwe nzira, tinokwanisa kuva chimwe chinhu chakaita semupirisita wapamusoro wechinyakare—uye Mupirisita waPamusoro Mukuru—tichivhurira vamwe nzira inoenda pamberi paMwari.
Kuzvipira Kunosimbisa Rutendo muna Jesu Kristu
Misimboti yerudzikinuro uye yeruyananiso inodzidziswa zvakasimba zvikuru mutsika yechinyakare yokubayira mhuka, iyo yaivapo kare-kare mutemo waMosesi usati wavapo. Adama naEva vaipira zvibayiro. Vainzwisisa chirevo chazvo chefananidziro kuchibayiro cheMuponesi. Uye vakadzidzisa izvi kuvana vavo.
Mucherechedzo wechibayiro chemhuka ungangova wairatidzika kuva wakakomba zvikuru paZuva roRudzikinuro reIsraeri yechinyakare (“Yom Kippur” muChiHeberu). Kudikanwa kwemhemberero yegore roga roga iyi kwakataurwa muna Revitiko 16:30: “Nezuva iroro mupirisita achakuitirai rudzikinuro, kuti munatswe, kuti mugonatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paIshe.” Izvi zvaibvumira kuti huvepo hwaMwari hwurambe hwuripo pakati pavanhu. Rudzikinuro urwu rwakazadzikiswa kuburikidza nemhemberero dzakasiyana siyana. Pane imwe yemhemberero idzi, mbudzi yaiuraiwa semupiro wezvivi zvavanhu, uye mupirisita wapamusoro aitora ropa rembudzi oenda naro munzvimbo yaiva iri tsvene zvikurusa. Pashure, mupirisita wapamusoro aizoisa maoko ake pambudzi mhenyu uye oreurura zvivi zvevana vaIsraeri—mumucherechedzo achibvisa zvivi izvozvo ozviendesa kumbudzi. Mbudzi zvino yaizotandaniswa kubudiswa mumusasa waIsraeri.
Mumiteuro iyi, mbudzi dzaimiririra Jesu Kristu, achitora chinzvimbo chavanhu vane zvivi. Chivi hachifaniri kubvumirwa pamberi paMwari. Asi pane kuparadza kana kutandanisira kure vatadzi, Mwari vakapa imwe nzira—mbudzi yaizouraiwa kana kutandanisirwa kunze pachinzvimbo chavatadzi. “Uye mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose” (Revitiko 16:22).
Miteuro iyi yainongedzera kunzira iyo Mwari yavakapa kuitira kutidzosera pamberi Pavo—Jesu Kristu noRudzikinuro Rwake. Muponesi “akatakura matenda edu, uye akasimudza kurwadziwa kwedu,” kunyangwe “kuipa kwedu tose” (Muporofita Isaya 53:4, 6). Akamira muchinzvimbo chedu, akapa upenyu Hwake kuripira chirango chechivi, uye zvino akakunda rufu kuburikidza noKumuka Kuvakafa Kwake. Kuzvipira kwaJesu Kristu ndiko kwaiva “chibairo chikuru uye chokupedzisira, hongu, kwete chibairo chomunhu, kana chemhuka” asi “chibairo chisina mugumo uye chokusingaperi” (Aruma 34:10). Ndiye aiva zadzikiso yezvinhu zvose izvo zvibairo zvechinyakare zvazvainongedzera kwazviri.
Nokuda kwechikonzero ichi, mushure mokunge kuzvipira Kwake kwapera, Akati “Imi haumuchazopiri kwandiri zvakare kudeurwa kweropa; hongu, zvibairo zvenyu … zvicharegerwa. … Uye imi muchapira sechibairo kwandiri chomwoyo wakatyoka nemweya wekudemba” (3 Nifai 9:19–20).
Saka apo paunowana ndima muTestamente Yekare pamusoro pezvibairo uye petabernakeri (kana pashure, temberi)—uye unozowana dzakawanda dzadzo—rangarira kuti chinangwa chikuru chazvo zvose ndeche kusimbisa rutendo rwako muna Mesiasi, Jesu Kristu. Batanidza zvaunoverenga uye nokudzidza nekunamata kwako muimba Yavo. Ita kuti mwoyo wako nepfungwa dzako zvitendeukire kwaAri. Fungisisa izvo zvaAkaita kuti akudzosere pamberi paMwari—uye izvo zvaunozoita kuti uMutevere.