Huyai, Munditevere
Kubvumbi 20–26. “Izvo Zvose Zvataurwa naIshe Tichazviita”: Exodus 19–20; 24; 31–34


“Kubvumbi 20–26. ‘Izvo Zvose Zvataurwa naIshe Tichazviita’: Eksodo 19–20; 24; 31–34,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kubvumbi 20–26. ‘Izvo Zvose Zvataurwa naIshe Tichazviita,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026

Mosesi akatakura mahwendefa eMirairo ine Gumi

Moses and the Tablets (Mosesi naMahwendefa), naJerry Harston (detail)

Eksodo 20–26: “Izvo Zvose Zvataurwa naIshe Tichazviita”

Eksodo 19–20;24; 31–34

Kunyangwe zvazvo vakanga vambogununʼuna nokuzungunuka kare, apo Mosesi paakaverenga mutemo pazasi peGomo reSinai, vakaita chibvumirano ichi: “Zvose zvataurwa naIshe tichazviita, uye tichateerera” (Eksodo 24:7). Mwari zvino vakadaidza Mosesi kugomo, vachimutaurira kuti avake tabernakeri kuitira “kuti ndigare pakati pavo” (Eksodo 25:8).

Asi apo Mosesi paaiva pamusoro pegomo achidzidza kuti vaIsraeri vangakwanisa sei kuva nehuvepo hwaMwari pakati pavo, vaIsraeri vaiva vari pazasi pegomo vachigadzira chimufananidzo chegoridhe chokuti vagonamata panzvimbo paMwari. Mushure mechinguva chidiki vavimbisa “kusava navamwe vamwari,” “vakakurumidza kutsauka” kubva kuvimbiso yavo (Eksodo 20:3; 32:8onawo Eksodo 24:3 Kwaiva kushanduka kwaishamisa, asi tinoziva kubva muzviitiko kuti rutendo nokuzvipira dzimwe nguva zvinokwanisa kukurirwa nekusava nemwoyo murefu, kutya, kana kusava nechokwadi. Apo patinotsvaka huvepo hwaIshe muupenyu hwedu, zvinokurudzira kuziva kuti Ishe havana kuora mwoyo neIsraeri yechinyakare uye haVazoori mwoyo nesu uye navanhu vatinoda—nokuti “Vazere nenyasha nengoni, vanononoka kutsamwa, uye vanerunako rukuru nezvokwadi zvizhinji” (Eksodo 34:6).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Eksodo 19:3–6

Vanhu vechibvumirano vaIshe ipfuma kwaVari.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “MuTestamente Yekare, shoko rechiHeberu iro shoko rokuti chinoshamisa marakadudzirwa kubva kwariri nderokuti segullah,, izvo zvinoreva ‘zvinhu zvinokosheswa’ kana ‘pfuma’. … Kuti isu tizivikanwe nevaranda vaIshe sevanhu vavo vanoshamisa irumbidzo yapamusoro kupfuura dzimwe dzose ” (“Children of the Covenant,” Ensign,, Chivabvu 1995, 34). Mashoko aMutungamiri Nelson anoshandura sei nzira yaunonzwisisa nayo Eksodo 19:3–6? Ishe vakakutaridza sei kuti Vanokukoshesa?

Eksodo 19:10–11, 17

Zviitiko zvinoera zvinoda gadziriro.

Ishe vakaudza Mosesi kuti vana vaIsraeri vaifanira kuva vakagadzirira vasati vakwanisa “kusangana naMwari” (Eksodo 19:10–11, 17) uye nokuchengeta chibvumirano Navo (Ona Eksodo 19:5). Unogadzirira sei zviitiko zvepamweya, kusanganisira sakaramende uye zvisungo zvemutemberi? Unokwanisa kubatsira vamwe sei kugadzirira? Chii chaunodzidza pamusoro pegadziriro kubva kuna Ruka 6:12–13; Enosi 1:2–6; Aruma 17:2–3?

Gomo reSinai, Egipita

Gomo riri muEgipita iri rakagara richitendwa kuti ndiro Gomo reSinai.

Eksodo 20:1–17

mufananidzo weseminari
Kuteerera kumirairo yaMwari kunounza maropafadzo.

Apo vaIsraeri pavaiva vakaungana pazasi paGomo reSinai, vakanzwa inzwi raMwari richipa Mirairo ine Gumi (ona Deuteronomio 4:12–13). Iyi, zvirokwazvo, haisiriyo chete mirairo yaMwari—kune mimwe mizhinji mumagwaro matsvene. Apo paunoverenga Eksodo 20:1–17, zvibvunze kuti sei Mwari vakasimbisisa iyi gumi kunyanya. Heuno muenzaniso wetebhuru yaunokwanisi kushandisa apo paunofungisisa nezve kukosha kweMirairo ine Gumi muupenyu hwako:

Murairo

Namamwe mashoko, Ishe vari kundikumbira ku …

Maropafadzo ayo anouya kubva mukurarama murairo uyu

  • Kuchengeta mirairo ine gumi iyi kunondibatsira sei kuchengeta mirairo mikuru miviri Jesu yaakapa muna Mateo 22:34–40?

  • Ndezvipi zvinhu zvaungaedzwa kukoshesa kupfuura Mwari? Ndeapi maropafadzo awakaona kubva mukukoshesa Mwari kupfuura zvose?

  • Ungazopindura sei mumwe munhu anotaura kuti Mirairo ine Gumi yakapuwa kare kare uye haichashandi nhasi? Ndeipi mienzaniso kubva muupenyu hwako yaunozogovera sechikamu chemhinduro yako? ­­

  • Ishe vakazadzikisa sei vimbiso iri muna Eksodo 20:6 muupenyu hwako?

Onawo“The Great Commandment—Love the Lord,” muTeachings of Presidents of the Church: Ezra Taft Benson (2014), 37–45; Dallin H. Oaks, “No Other Gods,” Liahona, Mbudzi. 2013, 72–75; Topics and Questions, “Commandments,” Gospel Library.

Eksodo 24:1–11

Kuita zvibvumirano kunoratidza chido changu chokuteerera mutemo waMwari.

Apo paunoverenga Eksodo 24:3–8, funga pamusoro pezvibvumirano zvawakaita naMwari. Apo chibvumirano chaIsraeri chaisanganisira miteuro iyo yakasiyana kubva kune iyo inodikanwa naMwari nhasi, ungangocherechedza dzimwe fanano. Somuenzaniso, ndima 4, 5, uye 8 dzinotaura aritari, zvibairo zvemhuka, uye ropa. Chii chinokwanisa kumiririrwa nezvinhu izvi, uye zvinoenderana sei nezvibvumirano zvako?

Eksodo 32–34

Chivi chinoreva kutendeukira kure naMwari, rutendeuko zvinoreva kutendeukira kwaVari uye kure nehuipi.

Edza kuzviisa munzvimbo yavaIsraeri—uri murenje, Mosesi akaenda kwamazuva makumi mana, uye kurwisana navaKanani pamusoro penyika yechipikirwa kuri kuzoitika mune ramagwana rako (onawo Eksodo 32:1–8). Sei uchifunga kuti vaIsraeri vaida chimufananidzo chegoridhe? Chii chinokukurudzira pamusoro peteterero yaMosesi kuna Ishe muna Eksodo 33: 11–17?

Apo chivi chavaIsraeri chaiva chakakomba zvikuru, nyaya iyi inosanganisirawo shoko rengoni noruregerero zvaMwari. Chii icho Eksodo 32:30–32 chainokudzidzisa pamusoro peMuponesi? (ona Eksodo 32:30–32; Mosaya 14:4–8; 15:9; Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5).

Eksodo 31:13–16

Sabata chiratidzo.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakatsanangura kuti: “Mumakore angu ehuduku, ndakanzvera basa ravamwe avo vakanga vanyora midorongodzwa yezvinhu zvokuita uye zvinhu zvokusaita paSabata. Pakazoti patova pashure ndipo pandakazodzidza kubva mumagwaro matsvene kuti maitiro angu uye nemafungiro angu paSabata zvaiumba chiratidzo pakati pangu naBaba vangu Vokudenga [ona Exodus 31:13; Muporofita Ezekieri 20:12, 20]. Nenzwisiso iyoyo, ndakanga ndisisafaniri zvakare kuva nemidorongodzwa yezvokuita nezvokusaita. Apo pandaifanira kuita sarudzo yokuti chiitwa chakakodzera here kana kuti kwete paSabata, ndaingozvibvunza kuti, ‘Ndechipi Chiratidzo chandinoda kupa kuna Mwari?’ Mubvunzo iwoyo wakaita kuti sarudzo dzangu pamusoro pezuva reSabata dzive dzakajeka zvikurusa” (“The Sabbath Is a Delight,” Liahona, Chivabvu 2015, 130). Fungisisa pamusoro pechiratidzo chaunoda kupa Mwari necherechedzo yako yeSabata.

Eksodo 34:1–4

Mutsauko wakanga uri wei pakati pamapoka maviri amahwendefa amabwe akagadzirwa naMosesi?

Apo Mosesi paakadzika kubva mugomo, akaunza mutemo wakanyora pamahwendefa amabwe. Mushure mokuziva kuti vaIsraeri vakanga vatyora chibvumirano chavo, Mosesi akaputsa mahwendefa acho (ona Eksodo 31:18; 32: 19). Pashure, Mwari vakaraira Moses kugadzira mamwe mahwendefa maviri amabwe uye agodzokera nawo kugomo (ona Eksodo 34:1–4). Dudziro yaJoseph Smith yaEksodo 34:1–2 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene) inotsanangura kuti mahwendefa emabwe maviri okutanga anosanganisira zvisungo “zvehurongwa hutsvene,” hwaMwari kana kuti Hupirisita hwaMerkizedeki. Mahwendefa maviri echipiri anosanganira “mutemo wemurairo wenyama.” Uyu waiva murairo muduku waishandiswa “nehupirisita huduku” (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:17–27), uyo waifanira kugadzirira vaIsraeri kumutemo mukuru uye kuhupirisita hukuru kuitira kuti vagopinda pamberi paMwari

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Eksodo 20:3–17

Ishe vanondipa mirairo nokuti Vanoda kuti ndifare.

  • Ungakwanisa sei kuita kuti kudzidza pamusoro peMirairo ine Gumi kunakidze kuvana vako? Apo pamunoverenga Eksodo 20:3–17 pamwechete, ita kuti vana vako vakubatsire kuwana kana kudhirowa mufananidzo unomiririra mumwe nemumwe weMirairo ine Gumi. Zvino vana vako vanokwanisa kutora mijana yokusarudza mufananidzo uye votaura pamusoro pokuti vangakwanisa sei kurarama murairo iwoyo. Goveranai kuti kurarama murairo iwoyo kunokuunzirai sei mufaro.

  • ­ -

Apo vana pavanogovera zviitiko zvepamweya, uchapupu hwavo hwunokura. Mibvunzo yaunobvunza inokwanisa kukurudzira vana vako kugovera manzwiro avanoita pamusoro peMuponesi uye kuti kurarama vhangeri kwakavaropafadza sei (ona Teaching in the Savior’s Way,32). Apo pavanoita izvi, vanenge vachipupura uchapupu. Funga pamusoro pamaitiro amungaita izvi apo pamunokurukura maropafadzo ayo anouya kubva mukurarama Mirairo ine Gumi.

Eksodo 20:12

Ishe vanoda kuti ndikudze vabereki vangu.

  • Batsira vana vako kudzidza ndevo yokuti “Kudza baba vako namai vako” (Eksodo 20:12). Ungangoda kutsanangura kuti “kukudza” mumwe munhu kunokwanisa kureva kuratidza ruremekedzo kwavari kana kuvaunzira mufaro. Chii chakaitwa naJesu kukudza amai Vake venyama inofa uye naBaba Vake Vokudenga? (ona Ruka 2:48–51; Johane 19:26–27). Pamwe vana vako vanokwanisa kutora mijana yokuita mutambo wezvinhu zvavanokwanisa kuita kukudza vabereki vavo, vamwe vana vachifembera izvo zvavari kuita.

Eksodo 31:13, 16–17

Kukudza Sabata chiratidzo chorudo rwangu kuna Ishe.

  • Vana vako vangangonakidzwa nokutarisa pamienzaniso yezviratidzo—sezvakaita zviratidzo zvemumugwagwa kana zviratidzo zvepachivako. Zvinangwa zvezviratidzo ndezvei? Vana vako vanokwanisa kuwana shoko rokuti “chiratidzo” muna Eksodo 31:13. 16–21 Chii chakanzi naIshe chiratidzo pakati pedu Navo? Goveranai dzimwe dzenzira idzo iwe nemhuri yako dzamunoedza kutaridza nadzo rudo kuna Ishe paSabata.

Mosesi akabata Mirairo ine Gumi

Mufananidzo waMosesi akabata Mirairo ine Gumi, naSam Lawlor (detail)

Eksodo 32:1–8, 19–24; 34:6–7

Ini “handizotsauki” kubva munzira dzaMwari.

  • Funga pamusoro pokushandisa “Mosesi ari paGomo reSinai” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 77–82) kubatsira mhuri yako kudzidza nyaya iri muna Eksodo 32:1–8, 19–24. Sei zvaiva zvakaipa kuti vaIsraeri vanamate chimufananidzo pane kunamata Mwari?

    2:55

    Moses on Mount Sinai

  • Zvingangonakidza kugadzira gwara pasi (kana kuwana rimwe pedyo nepamba) kuti utaridze mashoko aya anobva kuna Eksodo 32:8: “Vakakurumidza kutsauka kubva panzira.” Apo pavanenge vachifamba pagwara iri, vana vako vanokwanisa kutaura pamusoro pemiedzo yatinotarisana nayo kuti titsaukire kure kubva kuna Mwari. Chii chinotibatsira kuramba tiri pagwara raMwari—uye kudzokera kwariri kana tikatsauka? (ona Eksodo 34:6–7).

­­

Mosesi achikandira pasi Mirairo ine Gumi

Worship of the Calf, (Kunamatwa kweMhuru), naW.C. Simmonds

Peji yechiitwa chePuraimari: Mwari vanondipa mirairo nokuti Vanoda kuti ndifare.