Huyai, Munditevere
Kurume 30–Kubvumbi 5. “Anozomedza Rufu Mukukunda”: Isita


“Kurume 30–Kubvumbi 5. Isita: ‘Anozomedza Rufu Mukukunda’: Isita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kurume 30–Kubvumbi 5. ‘Anozomedza Rufu Mukukunda,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Bwiro hwaKristu hwusina chinhu

Mufananidzo webwiro husina chinhu

Kurume 30–Kubvumbi 5: “Anozomedza Rufu Mukukunda”

Isita

Upenyu hwaJesu Kristu “hwakakosha zvikuru kunhoroondo yose yevanhu” (“Kristu Anorarama: Uchapupu hwaVaApositora,” Raibhurari yeVhangeri Zvinorevei izvozvo? Muchikamu, zvinoreva kuti upenyu hweMuponesi hunoshandura magumo ekusingaperi emunhu wose akambofa akararama kana anozombofa akararama. Mungangotiwo Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu, paSvondo yeIsita iyoyo yokutanga, kunobatanidza vanhu vose vaMwari nomunhoroondo yose: avo vakazvarwa Kumuka Kuvakafa Kwake kusati kwaitika vakatarisira kwakuri nerutendo (ona Jakobo 4:4), uye avo vakazvarwa mushure mako vanokurangarira nerutendo. Apo patinoverenga nyaya nehuporofita zvemuTestamente Yekare, hatimbofi takaona zita rokuti Jesu Kristu, asi tinoona umboo hwerutendo hwavatendi vechinyakare uye nokushuvira kwavo Mesia neMununuri wavo. Naizvozvo isu tinokokwa kuMurangarira tinokwanisa kunzwa kubatana naavo vakatarisira kwaAri. Nokuti zvirokwazvo Jesu Kristu akatakura “huipi hwedu tose” (Muporofita Isaya 53: 6; kusimbisa kwakawedzerwa), uye “muna Kristu tose tichararamiswa” (1 VaKorinte 15:22; kusimbisa kwakawedzerwa).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Vaporofita vechinyakare navamazuva ano vanopupura nezve kuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi.

Ndima dzakawanda dziri muTestamente Yekare dzinotaura nezve kushumira uye nekuzvipira kwerudzikinuro zveMuponesi. Tebhuru iri pazasi inodorongodza dzimwe dzendima idzi. Apo paunoverenga ndima idzi, ndeapi manzwiro anouya kwauri pamusoro peMuponesi?

Testamente Yekare

Testamende Itsva

Testamente Yekare

Muporofita Zekaria 9:9

Testamende Itsva

Mateo 21:1–11

Testamente Yekare

Muporofita Zekaria 11:12–13

Testamende Itsva

Mateo 26:14–16; 27:3–8

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 53:4

Testamende Itsva

Mateo 8:16–17; 26:36–39

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 53:7

Testamende Itsva

Marko 14:60–61

Testamente Yekare

Mapisarema 22:16

Testamende Itsva

Johane 19:17–18; 20:25–27

Testamente Yekare

Mapisarema 22:18

Testamende Itsva

Mateo 27:35

Testamente Yekare

Mapisarema 69:21

Testamende Itsva

Mateo 27:34, 48

Testamente Yekare

Mapisarema 118:22

Testamende Itsva

Mateo 21:42

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 53:9, 12

Testamende Itsva

Mateo 27:57–60; Marko 15:27–28

Testamente Yekare

Muporofita Isaya 25:8

Testamende Itsva

Marko 16:1–6; Ruka 24:6

Testamente Yekare

Danieri 12:2

Testamende Itsva

Mateo 27:52–53

Huporofita hwunodzidzisa pamusoro peMuponesi hwakatonyanya kuwanda uye kujeka muBhuku raMormoni. Funga pamusoro pemasimbisirwo anoitwa rutendo rwako nendima dzakaita seidzi: 1 Nifai 11:31–33; 2 Nifai 25:13; Mosaya 3:2–11; Aruma 7:10–13.

Vaporofita vamazuva ekupedzisira vanoramba vachipupura uchapupu hwakakosha hwaJesu Kristu uye nebasa rerudzikinuro Rake. Apo paunoteerera kumusangano mukuru vhiki yeIsita ino, nyora pasi uchapupu hwaKristu hwaunonzwa. Chii chaanokudzidzisa pamusoro Pake?

mufananidzo weseminari
Jesu Kristu anondipa runyararo nomufaro.

Isita inguva yomufaro, nokuda kwokuti inguva yokupemberera Rudzikinuro noKumuka Kuvakafa zveMuponesi. Asi zvakadaro, kunyangwe panguva yeIsita, kune vanhu vakawanda vasinganzwi mufaro nokuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana. Chii chaunokwanisa kuita kuparadzira runyararo nomufaro zveMuponesi Isita ino?

Rimwe zano nderokuwana mashoko mumagwaro matsvene pamusoro perunyararo nomufaro zvinopuwa naJesu Kristu, akaita seaya: Mapisarema 16:8–11; 30:2–5; Muporofita Isaya 12; 25:8–9; 40:28–31; Johane 14:27; 16:33; Aruma 26:11–22. Funga pamusoro pokuti ungagoverana sei mashoko aya navamwe. Somuenzaniso, pamwe unokwanisa kugadzira makadhi eIsita okugovera vanhu, akamisirwa pamashoko aya. Namata pamusoro paavo vanofanira kugamuchira kwaziso yako yeIsita. Ungangosarudzawo kugovera mashoko ako panhepfenuro dzepaindaneti, apo vanhu vakawanda pavanokwanisa kuaona.

Nziyo pamusoro paKristu noKumuka Kuvakafa, sezvakaita rwokuti “Amuka” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 108, dzinokwanisawo kutibatsira kunzwa runyararo nemufaro paIsita. Tsvaka ndevo murwiyo rwacho idzo, mumafungiro ako, dzinomiririra mufaro weIsita.

Onawo Jeffrey R. Holland, “Not as the World Giveth,” Liahona, Chivabvu 2021, 35–38; Mark S. Palmer, “Our Sorrow Shall Be Turned into Joy,” Liahona, Chivabvu 2021, 88–90.

Jesu achikwazisa Maria kunze kwebwiro

Why Weepest Thou [Unochemeiko], naSimon Dewey (detail)

Nokuda kweRudzikinuno Rwake, Jesu Kristu ane simba rokundibatsira kukunda zvivi, rufu, miedzo, uye noutera.

Hechino chiitwa chinokwanisa kukubatsira kuona maropafadzo akawanda ayo anouya kuburikidza naJesu Kristu uye neRudzikinuro Rwake? Verenga zvinyorwa zvitsvene zviri pazasi pamusoro peizvo Jesu Kristu zvaanotibatsira kukunda. Edza kuronga ndima dzacho muzvikamu izvi: chivi, rufu, zviedzo, uye utera (dzimwe ndima dzinogona kukwana muzvikamu zvinopfuura chimwechete). Apo paunoverenga, ndeapi manzwiro anuova navo pamusoro pesimba roMuponesi?

Ungazotsanangura sei kushamwari isiri muKristu kuti sei Jesu Kristu akakosha kwauri? Shoko ragosa Ahmad S. Corbitt “Do You Know Why I as a Christian Believe in Christ?” (Liahona, Chivabvu 2023, 119–21) rinokwanisa kubatsira.

Onawo Reyna I. Aburto, “The Grave has No Victory,” Liahona, Chivabvu 2021, 85–87; Topics and Questions, “Atonement of Jesus Christ,” “Resurrection,” Gospel Library.

Jesu Kristu akaripa mutengo mukurusa kuitira ruponeso rwedu.

Chii chaunodzidza kubva kundima dzinotevera pamusoro pemutengo uyo Jesu Kristu waakaripira ruponeso rwako: Muporofita Isaya 53:3–5; Mosaya 3:7; Dzidziso neZvibvumirano 19:16–19? Mutengo upi wakaripwa naBaba Vokudenga? (ona Johane 3:16).

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Jesu Kristu akanditamburira uye akandifira.

  • Vhiki yeIsita inguva yakanaka yokudzidzisa vana vako pamusoro peizvo Muponesi zvaakatiira muGetsemani uye pamuchinjikwa. Unokwanisa kutanga nokuvataridza mifananidzo iri pazasi uye woita kuti vataure pamusoro pezviri kuitika mumifananidzo. Apo vana vako pavanenge vachitarisa pamifananidzo, unokwanisa kuverenga ndima idzo dzinotsanangura zviitiko izvi (ona Mateo 26:36–46; 27:35–50; Ruka 22:39–46; Johane 19:16–30). Vana vako vanokwanisa kudoma zvinhu zviri mumifananidzo izvo zvavanonzwa mundima dzacho.

mufananidzo une mapikicha maviri waJesu Kristu ari muGetsemane uye ari pamuchinjikwa

Kuruboshwe: Jesus in Gethsemane [Jesu ari muGetsemani], naHarry Anderson. Kurudyi: The Crucifixion [Kurovera paMuchinjikwa], naHarry Anderson

  • Tinoropafadzwa sei nokuda kwokuzvipira kwaJesu kuitira isu? Batsira vana vako kutsvaka mashoko nendevo izvo zvinopindura mubvunzo uyu muna Muporofita Isaya 53:4–12; Aruma 7:11–13; uye Dzidziso neZvibvumirano 19:16–19. Goveranai manzwiro amunoita pamusoro poMuponesi mushure mokuverenga zvinyorwa zvitsvene izvi.

Jesu Kristu akamuka kuvakafa kuitira ini.

  • Unokwanisa kushandisa peji yechiitwa yevhiki rino kana mimwe mifananidzo muchidzidzo chino kutaurira vana vako nyaya yeKumuka Kuvakafa (onawo “Jesu Amuka,” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 139–44). Zvino ita kuti vana vako vataure nyaya yacho kwauri.

  • Funga pamusoro pamabatsiriro aunozoita vana vako kuwana mufaro muna Kristu Isita ino. Somuenzaniso, munokwanisa kuimba pamwechete rwiyo rwunodikanwa rweIsita, rwakaita serwokuti “Kristu Ishe Wamuka Nhasi” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 106) kana “Gethsemane” (Gospel Library). Kuti muwane dzimwe dzimbo pamusoro peKumuka Kuvakafa, munokwanisa kutarisa mumunongedzo wenziyo weHymns uye weChildren’s Songbook. Iwe nevana vako munokwanisa kugoverana kuti sei muchida dzimbo idzi uye manzwiro amunoita apo pamunodziimba. Chii chatinodzidziswa nedzimbo idzi pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu?

Vana vanokwanisa kunzwa Mweya asi vangangoda rubatsiro kuziva shanduro Yawo. “Dzidzisa vana pamusoro penzira dzakasiyana siyana idzo Mweya dzaunotaurirana nesu. Vabatsire kuziva inzwi Rawo apo paUnotaura kwavari. Izvi zvinozovabatsira kukudziridza tsika yokutsvaka uye kuita chimwe chinhu pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake nemuupenyu hwavo hwose” (Teaching in the Savior’s Way32). Somuenzaniso, apo paunoimba dzimbo pamusoro peMuponesi navana vako, tarisai pamifananidzo Yake, kana kuverenga pamusoro Pake, mogoverana manzwiro ezvepamweya amuinawo.

  • Raibhurari yeVhangeri ine muunganidzwa weEaster videos ayo vana vako avangangofarira. Pamwe unokwanisa kuita kuti vasarudze rimwechete rokuona. Vabvunze izvo zvavanodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva muvhidhiyo yacho? Ungangovakumbirawo kuti vapfupise shoko rinodzidziswa nevhidhiyo mumutsetse mumwechete.

Vaporofita vanopupura nezva Jesu Kristu uye Rudzikinuro Rwake.

  • Apo iwe navana vako pamunoona musungano mukuru pamwechete paIsita pano, vabatsire kucherechedza apo zvapupu zvakakosha zveMuponesi pazvinopa uchapupu hweKumuka Kuvakafa. Pamwe mungangoita mutambo wazvo—vakoke kusimuka nguva dzose dzavanonzwa mashoko akaita sookuti Isita kana Rudzikinuro kana Kumuka Kuvakafa. Goveranai kuti sei muchivonga nezvapupu zvavaporofita vanorarama veMuponesi.

­­

mufananidzo waJesu mushure moKumuka Kuvakafa

For This Purpose [Nechinangwa Ichi], naYongsung Kim Mufananidzo wakatorwa kubva havenlight.com

Peji yechiitwa chePuraimari: Jesu akamuka kuvakafa kuitira ini