Huyai, Munditevere
Kurume 23–29. “Ndarangarira Chibvumirano Changu”: Eksodo 1–6


“Kurume 23–29. ‘Ndarangarira Chibvumirano Changu’: Eksodo 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kurume 23–29. ‘Ndarangarira Chibvumirano Changu’,” Huyai, Munditevere:2026

Mosesi neGwenzi Rinopfuta

Moses and the Burning Bush [Mosesi neGwenzi Rinopfuta], naJerry Thompson

Kurume 23–29: “Ndarangarira Chibvumirano Changu”

Eksodo 1–6

Kokero yekunogara muEgipita yakaponesa mhuri yaJakobo. Asi mushure memazana emakore, zvizvarwa zvavo zvakaitwa nhapwa uye zvikatambudzwa zvikuru nafarao mutsva “uyo aisaziva Josefa” (Eksodo 1:8). Zvaizova chinhu chinotarisirwa kuti vaIsraeri vashamisike kuti sei Mwari vakabvumidza izvi kuti zviitike kwavari, vanhu Vavo vechibvumirano. Vakayeuka chibvumirano chaVakanga vakaita navo here? Vaiva vachiri vanhu Vavo here? Vaikwanisa here kuona kutambura kwavaiita?

Panogona kuva nenguva idzo dzawakanzwa uchida kubvunza mibvunzo yakafanana neiyi. Ungangonetseka kuti, “Mwari vanoziva zvandiri kusangana nazvo here? Vanonzwa here kuchemera rubatsiro kwangu?” Kununurwa kwaIsraeri kubva kuEgipita kunopindura mibvunzo yakadai zvakajeka: Mwari havakanganwe vanhu Vavo. Vanorangarira zvibvumirano Zvavo nesu uye vanozozvizadzikisa munguva nemunzira Yavo. “Ndichakudzikunura neruoko rwakatambanudzwa,” Vanotaura kudaro. “Ini ndiri Ishe, Mwari wako, uyo unokuburitsa kubva pasi pemitoro [yako]” (Eksodo 6:6–7).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raEksodo, ona “Eksodo,” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Eksodo 1–2

Mwari vanokwanisa kushanda nemandiri kuzadzikisa zvinangwa zvavo.

Chii chinokufadza pamusoro pemadzimai anotsanangurwa muna Eksodo 1–2? Vakabatsira sei kuzadzikisa chirongwa chaMwari kuvanhu Vavo? Kuedza kwavo kunokudzidzisa chii pamusoro pokushandira mubasa raMwari?

Eksodo 1–3

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

Usati watanga kuverenga Eksodo, ungangofunga pamusoro pedambudziko rauinaro—chimwe chinhu chauri kutarisira kuti Ishe vanozokununura kubva kwachiri. Ndeapi mashoko nendevo zviri muna Eksodo 1–3 zvinonzwikwa zvakafanana neutapwa hwezvepamweya kana zvimwe zvinhu zvatinotarisana nazvo nhasi? Cherechedzawo kuti vana vaIsraeri vakatsvaga sei rununuro uye kuti Ishe vakapindura sei (ona, semuenzaniso, Eksodo 2:23–25; 3:7–8). Ishe “vakaburuka sei kuzonunura” iwe?

Nemubhuku rose raEksodo, ungangocherechedzawo fanano dziri pakati paMosesi naJesu Kristu (ona Deuteronomio 18:18–19; 1 Nifai 22:20–21). Somuenzaniso, ndedzipi fanano dzaunoona pakati paEksodo 1:22; 2:1–10 naMateo 2:13–16? Kana pakati paEksodo 24:18 naMateo 4:1–2? Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti unzwisise pamusoro Pavo nesimba Ravo?

Tsvaga zviratidzo zvinopupura nezvaJesu Kristu. “Unokwanisa … kuwana fanano kumuupenyu hweMuponesi muupenyu hwavaporofita uye nevamwe varume namadzimai vakatendeka vari mumagwaro matsvene. [Kuita kudaro] kunoratidza zvokwadi pamusoro peMuponesi munzvimbo idzo pane imwe nguva dzaungangosatarisa” (Ona Teaching in the Savior’s Way7; onawo Hosea 12:10).

madzimai achiburitsa tswanda kubva murwizi

Faith at Water’s Edge [Rutendo paMahombekombe Emvura], naAnne Marie Oborn

Eksodo 3:1–6

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuratidza ruremekedzo kuzvinhu kana nzvimbo tsvene.

Unokwanisa here kufunga nezve nguva iyo chimwe chinhu pachakakuzadza nerukudzo uye nokushamisika Wakaita sei? Unozotsanangura sei manzwiro awakaita?

Naizvozvo mupfungwa, verenga Eksodo 3:1–6. Chii chinokufadza pamusoro pechiitiko chinosimudzira chaMosesi? Chii chakaitwa naMosesi kuti aratidze rukudzo kuna Mwari? Ndedzipi enderano dzaunoona pakati pezviito zvake neruremekedzo rwezvinhu zvinoera?

Kuverenga ndima idzi kunokwanisa kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pezvinhu zvitsvene uye nzvimbo tsvene muupenyu hwako. Sei zvichiera kwauri? Unozvibata zvakasiyana sei kubva kuzvinhuwo zvazvo? Kutungamirira kufungisisa kwako, unokwanisa kutarisa kuchikamu chine musoro wenyaya unoti “Remembering the Promises” mushoko raGosa David A. Bednar rinoti “Exceeding Great and Precious Promises” (Liahona, Mbudzi. 2017, 91–93). Unogonawo kuimba kana kuteerera rwiyo rwunokurudzira kushamisika, rwakaita serwokuti “Ndinoshamiswa Kwazvo” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 42) uye wofungisisa kuti chii chaizvo pamusoro pevhangeri chinokushamisa.

Chokwadi ndechokuti, kunyangwe takambova nezviitiko zvinoshamisa zvepamweya, pane njodzi yokuva tinonyanya kurerutsa zvinhu zvinoera. Unodzivirira sei izvi? Heano mashoko maviri anogadzirisa nyaya iyi; sarudza imwechete, uye wotsvaka zvirevo zvinokubatsira: Ulisses Soares, “In Awe of Christ and His Gospel” (Liahona, Chivabvu 2022, 115–17); Gérald Caussé, “Is It Still Wonderful to You?” (Liahona, Chivabvu 2015, 98–100).

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 6:10–12; 63:64.

Eksodo 3–4

Mwari vanopa simba kuvanhu vaVanodaidza kuti vaite basa Ravo.

Nhasi tinoziva Mosesi semuporofita nemutungamiri mukuru. Asi Mosesi haana kuzviona nenzira iyoyo apo Ishe pavakatanga kumudana. Apo paunenge uchiverenga Eksodo 3–4, dorongodza zvinetso zvaMosesi uye madaviriro akaita Ishe kune chimwe nechimwe chazvo. Chii chaunowana muzvitsauko izvi chingangokukurudzira apo paunonzwa sokuti hauna kwaniso yokuita zvimwe zvinhu? Ndiriinhi wawakaona Mwari vachikusimbisa iwe kana vamwe mukuita basa Ravo?­

Onawo “The Church Gives Us Opportunities to Assist in God’s Work” muna “Church Organization” iri muTopics and Questions, Gospel Library.

Eksodo 5–6

Zvinangwa zvaIshe zvichazadzikiswa munguva Yavo Pachavo.

Zvinokwanisa kuva zvinooresa mwoyo apo kuedza kwedu nemwoyo wose kuita zvakanaka kuchiratidzika sekusiri kushanda—apo patinenge tichiedza kuita chido chaIshe asi tisingaone mhedzisiro dzatanga tichitarisira. Kuti udzidze pamusoro pechiitiko chakafanana neicho Mosesi chaakava nacho, verenga Eksodo 5:4–9, 20–23. Ishe vakabatsira Mosesi sei kuti akunde manzwiro ake ekuora mwoyo? (ona Eksodo 6:1–13). Ishe vakakubatsira sei kuti utsungirire kuita chido Chavo?

­Onawo Jeffrey R. Holland, “Waiting on the Lord,” Liahona, Mbudzi. 2020, 115–17.

­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Nokuda kwokuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvokudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuti Varambe Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose

Eksodo 1–2

Mwari vanokwanisa kushanda nemandiri kuzadzikisa zvinangwa zvavo.

  • Mosesi aiva nebasa gurusa mukusunungura Israeri kubva muusungwa. Asi angadai asina kukwanisa kuzviita dai amai vake, hanzvadzi yake, mwanasikana waFarao, nemamwe madzimai akatendeka vasina kumudzivirira nokumuchengeta. Batsira vana vako kudzidza pamusoro pemadzimai aya muna Eksodo 1:15–20; Eksodo 2:2–10 (onawo Numeri 26:59); uye Eksodo 2:16–21. Unokwanisawo kushandisa peji yechiitwa chevhiki ino uye “Mosesi Mucheche” ( muNyaya dzeTestamente Yekare, 61–63) kutaura nyaya dzavo. Madzimai aya akabatsira kuzadzikisa chirongwa chaMwari sei? Taurai pamwechete pamusoro pevamwe vanhu vamunoyemura avo vanobatsira nebasa raMwari, kusanganisira munzira diki uye dzirinyore. Tingatevera sei muenzaniso wavo?

    1:36

    Baby Moses

Eksodo 3:1–5

Ndinokwanisa kubata nzvimbo dzinoera neruremekedzo.

  • Mushure mokuverenga Eksodo 3:1–5 pamwechete, kumbira vana vako kuti vataure muchidimbu ndima idzi mumashoko avo pachavo (onawo “Mosesi MuporofitamuNyaya dzemuTestamente Yekare, 64–66). Mosesi akaratidza sei ruremekedzo pamberi paMwari? Mwari vanoda kuti tiratidze sei ruremekedzo? Ungangokumbira vana vako kuti vakubatsire kuwana (kana kudhirowa) mifananidzo yenzvimbo dzinoera kana zviitwa umo matinofanirwa kuva neruremekedzo. Chii chatingakwanisa kuita kuti imba yedu ive nzvimbo inoera?

    1:26

    Moses the Prophet

  • - ­ Dai taiva tiri kuunza shamwari kuchechi kwokutanga, taizotsanangura sei zvazvinoreva kuva neruremekedzo?

Mosesi naAroni vanotaura kuvanhu

Moses and Aaron Speak to the People [Mosesi naAroni vanotaura kuvanhu], naJames J. Tissot

Eksodo 3–4

Kana Ishe vakandikumbira kuti ndiite chimwe chinhu, Vanozondibatsira kuchiita.

  • Uchishandisa rondedzero iri muna Eksodo 3; 4:1–17, ita kuti vana vako vatore mijana yokunyepedzera kuva Mosesi. Zvingangova zvinonakidza kusanganisira zvinhu kana zvishandiso zvakareruka, zvakaita sechivenekeso uye chirimwa kuti zvimiririre gwenzi rinopfuta. Batsira vana vako kuona manzwiro akaita Mosesi pamusoro pebasa raakapuwa naIshe (ona Eksodo 3:11; 4:1, 10). Pamwe munokwanisa kugoverana dzimwe nguva dzamakava nemanzwiro akafanana neaya. Nderipi zano rataizogoverana naMosesi kumubatsira? Verenga pamusoro pokuti Ishe vakakurudzira Mosesi sei muna Eksodo 3:12; 4:2–9, 11–12. Taurira vana kuti Ishe vakakubatsira sei kuzadzikisa daidzo, kutevera kurudziro, kana kuita chimwe chinhu chakanga chakakuomera.

­­

Amai vaMosesi

The Mother of Moses [Amai vaMosesi], naSimeon Solomon

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinokwanisa kuregerera