Huyai, Munditevere
Kurume 16–22. “Mwari Vakafunga Kuti zvive Zvakanaka”: Genesi 42–50


“Kurume 16–22. ‘Mwari Vakafunga Kuti zvive Zvakanaka’: Genesi 42–50,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yakare 2026 (2026)

“Kurume 16–22. ‘Mwari Vakafunga Kuti zvive Zvakanaka’,” Huyai, Munditevere: 2026

Josefa achiregerera madzikoma ake

Forgiveness [Ruregerero], naMegan Rieker

Kurume 16–22: “Mwari Vakafunga Kuti zvive Zvakanaka”

Genesi 42–50

Kwakanga kwapera makore angangoita makumi maviri nemaviri kubvira apo madzikoma aJosefa paakamutengesa muunhapwa. Josefa akanga atambura nemiedzo mizhinji, kusanganisira kupomerwa mhosva dzenhema uye kuiswa mutirongo. Apo paakazoona madzikoma ake zvakare, Josefa akanga ava gavhuna weEgipita yose, ari wechipiri kubva kuna Farao chete pamasimba. Aikwanisa zviri nyore kutsiva zvaakaitirwa nemadzikoma ake, uye tichifunga pamusoro pezvavakanga vaita kuna Josefa, kutsiva kungangoratidzika sechinhu chinonzwisisika. Asi zvakadaro, Josefa akavaregerera. Kwete izvozvo chete, asi akavabatsira kuona chinangwa chehumwari pakutambura kwake. “Mwari vakafunga kuti zvive zvakanaka” (Genesi 50:20), akavataurira kudaro, nokuti zvakamuisa pachinzvimbo chokuti aponese “vose veimba yababa vake” (Genesi 47:12) kubva munzara.

Nemunzira zhinji, Josefa aiva saJesu Kristu. Kunyangwe zvazvo zvivi zvedu zvakakonzera Jesu kuva nemarwadzo makurusa, Muponesi anopa ruregerero, achitisunungura tose kubva kumugumo wakaipisisa kupfuura nzara. Kana tichifanira kugamuchira ruregerero kana kurupa—pane imwe nguva tose tinotofanira kuita zvose—muenzaniso waJosefa unotinongedzera kuMuponesi, uyo anova manyuko echokwadi eruporeso neruyananiso.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Genesi 45:5–7; 47:12

“Mwari vakandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei.”

Wakambocherechedza here fanano ipi zvayo iri pakati poupenyu hwaJosefa uye basa rekudzikinura raJesu Kristu? Kuti uone mimwe mienzaniso yefanano idzi, edza kuenzanisa:

  • Genesi 37:3 naMateo 3:17.

  • Genesi 37:26–28 naMateo 26:14–16.

  • Genesi 45:5–7 naRuka 4:18.

  • Genesi 47:12 naJohane 6:35.

Manzwiro api auinawo pamusoro peMuponesi nebasa Rake apo paunoveranga ndima idzi?

Genesi 45; 50:15–21

mufananidzo weseminari
Ruregerero runounza ruporeso.

Kuverenga pamusoro paJosefa achiregerera madzikoma ake pazvinhu zvakaipa zvavakanga vaita kunogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pemumwe munhu wauri kunetseka kuregerera parizvino. Mibvunzo inotevera inogona kubatsira apo paunoedza kushandisa musimboti uyu:

  • Sei zvingangova zvakanga zvakaomera Josefa kuregerera madzikoma ake? (kuti uongorore zvavakaita kwaari, ona Genesi 37). Zviitiko zvipi kana kuti mafungiro api angangova akapa Josefa simba rokuregerera? (ona, semuenzaniso, Genesi 45:1–15 kana 50:15–21).

  • Ndeapi maropafadzo akauya kubva kururegerero rwaJosefa rwemadzikoma ake? Somuenzaniso, enzanisa ukama hwemumhuri yaJosefa kumavambo kwenyaya (ona, somuenzaniso, Genesi 37:3–11) neukama hwaivapo pokupedzisira (ona Genesi 45:9–15; 50:15–21). Zvinhu zvingadai zvakazova nemhedzisiro yakasiyana sei dai Josefa akanga asingadi kuregerera?

  • Funga pamusoro pekunyora pasi zita remumwe munhu angangoda ruregerero rwako—kunyangwe akumbira kana kuti asina kukumbira ruregerero. Chii chaunokwanisa kuita kuti ukoke simba reMuponesi rekuporesa mumamiriro ezvinhu akadaro? Kana kuregerera kuchiratidzika sekwakanyanya kuoma, funga pamusoro pokuongorora rairo yaGosa Gerrit W. Gong mundima nhanhatu dzokupedzisira dzeshoko ravo “Happy and Forever (Rufaro uye Nariinhi Nariinhi)” (Liahona, Mbudzi 2022, 85). Chii chaunowana chinokupa tariro yokuti unokwanisa kuregerera?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 64:9–11; “Forgiveness: My Burden Was Made Light” (“Ruregerero: Mutoro Wangu Wakarerutswa”) (vhidhiyo), Gospel Library.

8:24

Forgiveness: My Burden Was Made Light

Genesi 49

Jakobo akapa mhuri yake maropafadzo ehuporofita.

Maropafadzo aJakobo kuzvizvarwa zvake dzine mifananidzo yakajeka, asi haisi nyore kunzwisisa. Zvinofadza ndezvokuti, vhangeri rakadzorerwa rinotipa rumwe rubatsiro. Apo paunoverenga ropafadzo yaJosefa muna Genesi 49:22–26, verengawo ndima dzinotevera, uye woona kuti inzwisiso dzipi dzadzinopa: 1 Nifai 15:12; 2 Nifai 3:4–5; Jakobo 2:25; Dzidziso neZvibvumirano 50:44.

Apo paunenge uchiverenga pamusoro peropafadzo yaJuda muna Genesi 49:8–12, yeuka kuti Jesu Kristu aiva chizvarwa chaJuda. Chii chaunowana mundima idzi chinokuyeuchidza nezveMuponesi? (onawo, Zvakazarurwa 5:5–6, 9; 1 Nifai 15:14–15; Dzidziso neZvibvumirano 45:59; 133:46–50).

Kuverenga maropafadzo aya kungangokukurudzira kuwongorora ropafadzo yako rapatiriyaki—kana kuti, kana usinaro, kuti urigamuchire. Ndeapi mashoko uye ndevo muropafadzo yako anotendeutsira pfungwa dzako kuna Jesu Kristu?

Onawo Randall K. Bennett, “Your Patriarchal Blessing—Inspired Direction from Heavenly Father (Ropafadzo Rako raPatiriyaki—Nhungamiro Yakafemerwa kubva kuna Baba Vokudenga),” Liahona (Riahona), Chivabvu 2023, 42–44.

Genesi 50:19–21

Mwari vanokwanisa kundibatsira kuwana revo mumiedzo yangu.

Kunyangwe zvazvo zvakanga zvisina kujeka apo paaisangana nekuedzwa uku, Josefa pokupedzisira akakwanisa kuyeuka matambudziko ake muEgipita uye kuona kuti “Mwari vakafunga kuti zvive zvakanaka” (Genesi 50:20). Dai wakakwanisa kushanyira Josefa apo paiva arimugomba kana mutirongo, waizomunyaradza sei? Ndima dzemuna Genesi 50:19–21 dzinokwanisa kukubatsira sei munguva dzako dzekuedzwa?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 122; “Hwaro Hwakasimba,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 10.

Josefa weEgipita achiona chiratidzo chaJoseph Smith achigamuchira mahwendefa egoridhe kubva kungirozi Moroni

Joseph Smith among the Prophets [Joseph Smith ari pakati paVaporofita], naPaul Mann (detail)

Genesi 50:24–25

“Muoni achamutswa naIshe Mwari vangu.”

Apo paunoverenga Genesi 50:24–25 uye Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 50:24–38, (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene), fungisisa kuti sei zvaiva zvakakosha kuti Josefa azive pamusoro paMosesi naJoseph Smith mazana mazhinji akadaro vasati vavapo. Joseph Smith akazadzikisa sei huporofita hwaJosefa pamusoro pake? (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:17–23; 20:7–12; 39:11; 135:3).

­­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Genesi 42– 44; 45:4–15

Ndinokwanisa kuratidza rudo uye ruregerero kumhuri yangu.

  • Zvingava zvinonakidza kuti vana vako vaite mutambo wenyaya yaJosefa achibatanidzwa nemhuri yake zvakare (ona Genesi 42–44). Kana kuti vanokwanisa kushandisa “Josefa uye Nzara” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 57–60) kana mifananidzo iri muchidzidzo chino kuti vadzidzisane nyaya yacho. Heino mimwe mibvunzo ingangobatsira vana vako kudzidza kubva munyaya yacho:

    • Chii chakaitwa naJosefa kuratidza rudo kumhuri yake? (ona Genesi 45:4–15).

    • Unonzwa kuti sei Josefa akaregerera madzikoma ake?

    • Unofonga kuti madzikoma aJosefa akanzwa sei pavakaziva kuti Josefa aiva avaregerera? Ndiani muupenyu hwako anoda kuregererwa? Unoratidza sei rudo uye ruregerero?

    2:26

    Joseph and the Famine

Apo paunogadzirira kudzidzisa, bvunza kuti, “Chii icho vana vangu chavanozoita kuti vadzidze?” Somuenzaniso, muchiitwa chino vana vako varikuita mutambo kana kurondedzerazve nyaya. Kuita izvi kunozovabatsira kurangarira zvose zvakaitika uye misimboti yevhangeri zvinowanikwa munyaya yacho.

  • Iwe kana vana vako mungangoda kugoverana chiitiko apo pavakaregerera mumwe munhu kana apo mumwe munhu paakavaregerera. ­­

Genesi 48:8–9

Ishe vanondibatsira kuburikidza nemaropafadzo ehupirisita.

  • Iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo waJakobo achiropafadza vanakomana vake uri kumagumo kwechidzidzo chino uye moita hurukuro yezviri kuitika (ona Genesi 48:8–9). Kana zvichidikanwa, tsanangura kuti Jakobo, baba vaJosefa, vaida kupa maropafadzo ehupirisita kumhuri yavo. Pamwe munokwanisa kugoverana zviitiko zvipi zvazvo zvamakava nazvo muchigamuchira rubatsiro kubva kuna Mwari kuburikidza neropafadzo yehupirisita. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingangoita kuti tikumbire ropafadzo yehupirisita?

musikana wechidiki achigamuchira ropafadzo

Genesi 45:5–11

Baba Vokudenga vakatumira Jesu Kristu kuzondiponesa.

  • Ungakwanisa kubatsira sei vana vako kuona Muponesi munyaya yaJosefa achiponesa mhuri yake kubva kunzara? Funga pamusoro pokugadzira chati ine zvikamu zviviri zvakanzi Josefa uye Jesu Kristu. Batsira vana vako kutsvagurudza magwaro matsvene anotevera ari maviri-maviri uye mozadzisa chati yacho nezvinhu zvakafanana pakati paJosefa naJesu: Genesi 37:3 naMateo 3:17; Genesi 37:26–28 naMateo 26:14–16; Genesi 45:5–7 naRuka 4:18; uye Genesis 47:12 naJohane 6:35.

  • Bvunza vana vako zvazvinoreva kuponesa kana kununura mumwe munhu. Kana mumwe wavo akambova nechiitiko chokuponeswa kana kununurwa kubva munjodzi, mukoke agovere. Josefa akaponesa madzikoma ake sei? (ona Genesi 42:1–3; 45:5–7). Zvino munokwanisa kutarisa pamwechete pamufananidzo weMuponesi uye wobvunza vana vako kuti Jesu anotiponesa sei.

­­

Israeri achipa ropafadzo yehupirisita kumwanakomana wake

Jacob Blessing Joseph (Jacob Blessing His Sons) [Jakobo Achiropafadza Josefa (Jakobo Achiropafadza Vanakomana Vake)], naHarry Anderson

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinokwanisa kuregerera