Huyai, Munditevere
Kurume 9–15. “Ishe Vaiva naJosefa”: Genesi 37–41


“Kurume 9–15. ‘Ishe Vaiva naJosefa’: Genesi 37–41” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kurume 9–15. ‘Ishe Vaiva naJosefa’,” Huyai, Munditevere: 2026

Madzikoma aJosefa vachitora jasi

Joseph and His Brothers [Josefa naMadzikoma Ake], naSam Lawlor

Kurume 9–15: “Ishe Vaiva naJosefa”

Genesi 37–41

Tinoziva kuti Mwari vanoropafadza vanhu vanovimba Navo uye nokuchengeta mirairo Yavo. Asi dzimwe nguva hazvitaridziki saizvozvo. Dzimwe nguva munhu anovimba naMwari anoshurungudzwa nokusiiwa nenhengo dzemhuri. Dzimwe nguva munhu anoramba noushingi kutyora mutemo wokuzvibata anopomerwa mhosva dzamanyepo zvakadaro. Apo zvinhu zvakadaro pazvinoitika kwatiri, tingangonzwa tichida kushatirirwa Mwari. Tingangozvibvunza kuti, “Zvinobatsirei kuedza kuita chinhu chakanaka kana zvichingotaridzika kuti zvinoita kuti upenyu hwunyanye kuoma?”

Josefa, mwanakomana waJakobo, anokwanisa kunge akazvibvunza izvozvo. Pane dzimwe nguva, murume akatendeka uyu aibudirira; pane dzimwe nguva, zvairatidzika sokuti paainge akanyanya kutendeka, ndipo paatarisanawo nematambudziko akanyanya kuwanda. Asi Josefa haana kumbosiya Ishe, uye Ishe havana kumbosiya Josefa. Izvozvo hazvirevi kuti Ishe vaidzivirira kuti zvinhu zvakaipa zvisaitika kuna Joseph, asi nemazviri zvose, “Ishe vaiva naye” (Genesi 39:3).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Genesi 37:1–28; 39; 41:9–45

Ishe vanozova neni munhamo yangu.

Nguva nenguva, rombo rakanaka raitaridzika kusiya Josefa, asi Ishe havana kumbobvira vamusiya. Apo paunoverenga nyaya yaJosefa, fungisisa nezve mibvunzo yakaita seiyi: Chii chakaitwa naJosefa kuti arambe ari pedyo naIshe? Ishe “vaiva naye” sei? (ona Genesi 39; 40:1–19; 41:9–45). Chii chaunodzidza kubva kunyaya yaJosefa icho chinokwanisa kukubatsira kuziva huvepo hwaIshe muupenyu hwako?

Unogonawo kubvunza mibvunzo yakadaro pamusoro peupenyu hwako. Uchapupu hwupi hwawakaona hwokuti Ishe havana kukusiya munguva dzechiedzo? Funga kuti ungagovera sei zviitiko zvako nenhengo dzemhuri uye nezvizvarwa zveramagwana (ona 1 Nifai 5:14).

Chokwadi ndechokuti, unozova nezvimwe zviedzo mune ramangwana. Chii chaunokwanisa kuita iyezvino kuti ubatsire kuita chokwadi kuti zviedzo izvi hazvikukwevi kubva kuna Ishe? Funga pamusoro pokunyora tsamba yokukurudzira iwe pachako wemune ramangwana kuramba uri pedyo Navo zvisinei nechii. Ungangosanganisira nzwisiso kubva muupenyu hwaJosefa kana kubva mushoko raGosa D. Todd Christofferson “Our Relationship with God” (Liahona, Chivabvu 2022, 78–81).

Onawo Johane 14:18; VaRoma 8:28; Aruma 36:3; Dzidziso neZvibvumirano 121:7–8; “Abide with Me! (Garai Neni!),” Hymns, nhamba 166.

Genesi 37:5–11; 40; 41:1–38

Kana ndakatendeka, Ishe vanozonditungamirira uye nokundikurudzira.

Josefa akanga aine chipo chokududzira mashoko aibva kuna Ishe kuburikidza nezviroto. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva kuna Genesi 37:5–11; 40:5–8; 41:14–25, 37–38 pamusoro pekugamuchira uye kunzwisisa zviratidzo zvinobva kuna Ishe? Semuenzaniso, chii chaunokwanisa kudzidza kubva kumuenzaniso waJosefa apo zvakazarurwa pazvinoratidzika sezvakaoma kunzwisisa? (ona Genesi 40:8; 41:16).

Fungisisa kuti Ishe vari kuzarura sei chido Chavo kwauri. Chii chauri kuita kuti uite chimwe chinhu pazvakazarurwa zvaVakakupa? Uri kutsvaga sei imwe nhungamiro yakawedzera kubva kwaVari?’

Josefa achidudzira zviroto

Joseph Interpreting the Bulter and Baker’s Dreams [Josefa Achidudzira Hope dzeMudiri Mukuru neMubiki Mukuru], naFrançois Gérard

Genesi 39:1–20

mufananidzo weseminari
Nerubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kutiza muedzo.

Kana Josefa aizokuraira pamakundiro okuita chiedzo chokuita chivi chezvepabonde, chii chaunofunga kuti aizotaura? Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga pamusoro pechiitiko chake muna Genesi 39. Semuenzaniso, funga pamusoro pokuti Josefa angazodavira sei kuzvinetso zvakaita seizvi:

  • Kana pasina mumwe munhu anoziva zvandiri kuita, chii chinonetsa? (ona ndima 8–9).

  • Ndinoedza kuramba, asi chiedzo chacho hachitaridziki kumira zvachose (ona ndima 10).

  • Chii chandinofanira kuita apo pandinenge ndiri mumamiriro ezvinhu umo chiedzo machinenge chakasimba? ndima 12).

Unozotsanangura sei kuti sei kuteerera kumutemo wekuzvibata kwakakosha? (ona For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices [Nhungamiro yeKuita Sarudzo], 23–28).

Muenzaniso waJosefa, zvirokwazvo, unokwanisa kushanda kune mamwe marudzi echiedzo. Uine chiitiko chaJosefa mupfungwa, funga pamusoro pokuita chirongwa chokudzivirira uye nokukunda chiedzo. Semuenzaniso, unokwanisa kufunga nezve muedzo uye wonyora pasi mamiriro ezvinhu okudzivirira uye “matiziro” aunozoita apo muedzo wacho paunouya.

Muedzo

Mamiriro ezvinhu okudzivirira

Ronga kudaira

Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinokwanisa kutungamirira chirongwa chako. Chii chaunodzidza kubva mundima yoga yoga pamusoro pokuti Muponesi anokwanisa kukubatsira sei kukunda muedzo? Mateo 4:1–11; 1 VaKorinte 10:13; 1 Nifai 15:23–24; 3 Nifai 18:17–18.

Apo paunoita chirongwa chako, zvingangobatsirawo kufunga pamusoro penguva dzapfuura apo pawakabudirira kudzivirira kana kukunda chiedzo. Muponesi akakubatsira sei (ona 2 Nifai 4:18–33).

Genesi 41:15–57

Ishe vanozondibatsira kugadzirira matambudziko anokwanisa kuuya.

Dudziro yaJosefa yechiroto chaFarao yakatungamirira kune dzimwe rairo dzine ungwaru hukuru uye dzinoshanda dzokupona nadzo munguva yenzara (ona Genesi 41:15–57). Funga pamusoro pamashoko ezvepamweya ayo Ishe avangangova nawo kwauri munyaya iyi. Chii chaunonzwa kuti Vanoda kuti uite kuti ugadzirire matambudziko mune ramagwana rako?

Onawo David A. Bednar, ­“We Will Prove Them Herewith (Tinozovaedza Pano),” Liahona, Mbudzi 2020, 8–11.

­

chikamu chevana mufananidzo 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Genesi 37

Ndinokwanisa kuva netsitsi kumhuri yangu.

  • Kuverenga pamusoro pamanzwiro asina kunaka aiva mumhuri yaJosefa kunokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pamabatiro atinofanira kuita nhengo dzemhuri. Kuti utaure nyaya yaJosefa namadzikoma ake kubva muna Genesi 37, unokwanisa kushandisa mifananidzo iri muchidzidzo chino kana iri “muZviroto Zvakafemerwa zvaJosefa” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 47–51). Ita kuti vana vako vagovere ruzivo rwavanoziva pamusoro penyaya yacho. Ungangokumbira vana vako kuti vafungidzire kuti vaiva mumhuri yaJosefa. Vangadai vakataura kana kuita chii kuti vave vayananisi mumhuri? Somuenzaniso, zvinorevei “kutaura norunyararo” mumhuri dzedu? (ndima 4). Jesu Kristu ndiye muyananisi sei mumhuri yaMwari?

    2:17

    Joseph’s Inspired Dreams

Genesi 37:18–28; 39:20–23; 41:38

Mwari vanokwanisa kundibatsira apo zvinhu zvakaipa pazvinoitika.

  • Apo vana vako pavanotarisana nenguva dzakaoma, vanofanira kuziva kuti Ishe vanozova navo, sezvaVaiva naJosefa. Pamwe unokwanisa kubatsira vana vako kuita mudorongodzwa wezvinhu zvakaoma izvo zvakaitika kuna Josefa (ona Genesi 37:23–28; 39:20; kana “Zviroto Zvakafemerwa zvaJosefa” uye “Josefa muEjipita,” muNyaya dzeTestamente Yekare, 47–51, 52–56). Mushure medambudziko roga roga ravanowana, koka vana vako kuti vadzokorore kuti, “Ishe vaiva naJosefa” (Genesi 39:2).

    2:17

    Joseph’s Inspired Dreams

    2:50

    Joseph in Egypt

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kutsvagurudza muna Genesi 39:1–3, 20–23 kuti vawane apo pose pane ndevo yokuti “Ishe vaiva naJosefa” uye dzimwe ndevo dzakafanana nayo. Ita kuti vagovere izvo zvavanofunga kuti ndevo iyi inoreva. Tinoziva sei kuti Ishe vanesu? Tauriranai pamusoro pamanzwiro amakaita kuti Mwari vaiva nemi munguva yezvinetso.

Josefa ari mutirongo

Joseph of Egypt in Prison [Josefa weEgipita ari Mutirongo], naJeff Ward (detail)

Genesi 39:7–12

Nerubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kutiza muedzo.

  • Hechino chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa icho chinokwanisa kubatsira vana vako kutevera muenzaniso waJosefa wokutiza kubva kumukadzi waPotifa: Shandisa mamagineti maviri kuti amiririre Jesu Kristu naSatani. Shandisa chinhu chidiki chesimbi, zvakaita sepepakiripi, kuti zvitimiririre isu. Zvino ita kuti vana vako vaone kuti huridziro yemagineti pachinhu chesimbi yakasimba zvikurusa apo pavanoswededza chinhu chacho pedyo nemagineti. Chiitiko chaJosefa muna Genesi 39:7–12 chinoratidza chokwadi ichi sei? Chii chatinokwanisa kuita kuti tisudurukire kure kubva kuchivi uye tiswedere pedyo naJesu? Vhidhiyo inonzi “Temptation Fades as We Seek Christ in Every Thought (Muedzo Unobva apo Patinotsvaka Kristu Mupfungwa Yose)” (Gospel Library) uye rumbo rwakaita serwokuti “Ndinokudai Nguva Dzose” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 22) zvinokwanisa kubatsira nehurukuro iyi.

    2:58

    Temptation Fades as We Seek Christ in Every Thought

    Shandisa mumhanzi. “Nziyo nedzimwe dzimbo dzinoera zvinokwanisa kubatsira vana kunzwa rudo rwaMwari, kunzwa Mweya, uye kudzidza zvokwadi zvevhangeri. Chuni, mutinhimira, nenhetembo dzakareruka zvinokwanisa kubatsira vana kuyeuka zvokwadi zvevhangeri kwemakore akawanda anotevera. Apo paunoimba navana, vabatsire kuziva uye kunzwisisa misimboti inodzidziswa munziyo dzacho” (Teaching in the Savior’s Way32).

  • Batsira vana vako kufunga nezve miedzo yavangangotarisana nayo. Ita kuti vaite mutambo wokuratidza “matiziro” avanokwanisa kuita kubva kumiedzo.

­­

Madzikoma aJosefa vachitora jasi

Joseph, the Dream Interpreter [Josefa, Mududziri weZviroto], naKristi Kirisberg Harmon

Peji yechiitwa chePurairami: ndinokwanisa kuva netsitsi kumhuri yangu