“Kukadzi 23–Kurume 1. ‘Kune Chinhu Chingakunda Ishe Here?’: Genesi 18–23,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Kukadzi 23–Kurume 1. “Kune Chinhu Chingakunda Ishe Here?’,” Huyai, Munditevere: 2026
Sarah and Isaac (Sara naIsaka),, naScott Snow
Kukadzi 23–Kurume 1: “Kune Chinhu ChingakundaIshe Here?”
Genesi 18–23
Upenyu hwaAbrahama naSara, uhwo hwaiva hwakazadzwa nezviitiko zvose zvinorwadza uye zvinosimudzira, ndihwo umboo hwechokwadi chakadzidzwa naAbrahama muchiratidzo—kuti tiri panyika pano kuti tiedzwe, “kuona kana [isu] tichizoita zvinhu zvose zvipi nezvipi zvazvo Ishe Mwari [vedu] zvavachatiraira ” (Abrahama 3:25 Abrahama naSara vaizoratidza kuva vakatendeka here? Vaizoenderera mberi here nokuva nerutendo muvimbiso yaMwari yezvizvarwa zvakawanda, kunyangwe apo pavaiva vasati vava nemwana muukweguru hwavo? Uye apo Isaka paakanga azvarwa, rutendo rwavo rwaizoshingirira here izvo zvisingafungikwi—murairo wekubayira Mwanakomana iyeye uyo kuburikidza naye Mwari wavakanga vavimbisa kuzadzikisa chibvumirano ichocho?
Abrahama naSara vaivimba naMwari, uye Mwari vaivamba navo (ona Genesi 15:6; VaRoma 4:3). Muna Genesi 18–23, tinowana nyaya kubva muupenyu hwaAbrahama, Sara, uye navamwe idzo dzinokwanisa kutikurudzira kufunga pamusoro pechido chedu pachedu chokutenda vimbiso dzaMwari, kutiza hunyangadzi uye kusambofa takatarisa shure, uye kuvimba naMwari zvisinei nokuzvipira kunodikanwa. Mukutiedza, Mwariwo vanotinatsurudza.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Genesi 18:9–14; 21:1–7
Ishe vanozadzikisa vimbiso Dzavo munguva Yavo.
Ishe vakaita vimbiso dzinoshamisa kuna vakatendeka, asi dzimwe nguva mamiriro ezvinhu eupenyu hwedu anokwanisa kutikonzera kunetsekana kuti vimbiso idzodzo dzinozokwanisa kuzadzikiswa sei chaizvo. Abrahama naSara vangangova vakanzwa saizvozvo. Chii chaunodzidza kubva pazviitiko zvavo? Zvingangova zvinobatsira kutanga kunzvera kwako nokuwongorora izvo Ishe zvavakanga vavimbisa muna Genesi 17:4, 15–22 Abrahama naSara vakadavira kwazviri sei? (ona Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 17:23 [muna Genesi 17:17, chinyorwa chapazasi pepeji b]; Genesi 18:9–12). Ishe vakapindura sei kuitira kuvabatsira kuti vave nerutendo rukurusa muvimbiso Dzavo? (ona Genesi 18:14).
Chii chaunowana mundima idzi chinovaka rutendo rwako? Ndezvipi zvimwe zviitiko—muupenyu hwako kana hwemumwe munhu—zvakasimbisa rutendo rwako rwokuti Ishe vanozozadzikisa vimbiso Dzavo munguva uye nemunzira Yavo pachavo? Ungangofungisisawo matsigiriro aunokwanisa kuita rutendo rwako apo maropafadzo akavimbiswa paanenge asina kugamuchirwa muupenyu. Ndeipi rairo yaunowana muna VaHeberu 11:8–13 uye mushoko raMutungamiri Russell M. Nelson “Kristu Amuka; Rutendo maAri Runozosudurutsa Makomo”? (Liahona, Kubvumbi 2021, 101–4).
Genesi 19:12–29
Ishe vanondiraira kutiza hunyangadzi uye kusacheukira kumashure.
Zvidzidzo zvipi zvaunodzidza pamusoro pokutiza hunyangadzi apo paunoverenga pamusoro paRoti nemhuri yake? Somuenzaniso, chii chinokufadza pamusoro peizvo ngirozi dzazvakataura nokuita kuitira kubatsira Roti nemhuri yake kutiza ruparadzo? (ona Genesi 19:12–17). Ishe vanokubatsira sei iwe nemhuri yako kutiza kana kuwana dziviriro kubva kurunziro dzehuipi dziri munyika? Funga pamusoro pemamiriro ezvinhu umo maungangoedzwa“[kucheukira] kumashure” (ndima 26) apo paunenge uchifanira kutarira mberi nerutendo muMuponesi. Chii icho Ruka 9:62 chainowedzera kunzwisiso yako yepfungwa iyi?
Genesi 19:26
Chii chakakanganiswa nemukadzi waRoti?
Gosa Jeffrey R. Holland vakadzidzisa kuti:
“Zviri pachena kuti, chaiva chakaipa pamukadzi waRoti chaiva chokuti akanga asiri kungocheukira chete kumashure; mumwoyo make aida kudzokera kumashure. Zvinoratidzika sokuti kunyangwe paiva asati apfuura miganhu yeguta, aiva avakutosuwa izvo Sodoma neGomora zvayakanga yamupa. …
“Zvinobvira here kuti mukadzi waRoti akacheukira kumashure nerugumbuko kuna Ishe nokuda kweizvo zvaVaimukumbira kuti asiye kumashure. … Saka zvaiva zvisiri zvokungoti akacheukira kumashure; akacheukira kumashure nechishuviro Muchidimbu, kubatirira kwake kune zvekare kwakakurira ruvimbo rwake mune ramangwana. Izvozvo, zviri pachena, kuti ndizvo zvaiva chikamu chechivi chake.
“… Ndinoteterera kwamuri kuti musafungisisa nezvemazuva iyezvino apfuura kana kushuvira zvisina maturo vanazuro, zvisinei nokuti vanazuro ivavo vangange vaiva vakanaka sei. Zvakapfuura zvinofanira kudzidzwa kubva kwazviri asi kwete kugara mazviri. Tinocheukira kumashure kutora mazimbe kubva kuzviitiko zvinopenya asi kwete madota. Uye apo patinenge tadzidza izvo zvatinofanira kudzidza uye taunza nesu zvakanakisisa izvo zvatakasangana nazvo, zvino tinotarisa mberi uye torangarira kuti rutendo nguva dzose rwakanongedzerwa kune ramangwana. …
“… Kugara tichifunga nezve upenyu hwakapfuura, kusanganisira zvikanganiso zvakapfuura, hakuna kunaka zvachose! Harisiro vhangeri raJesu Kristu. …
“Kuna [vanhu] vose vechizvarwa choga choga, ndinosimbisa kuti, ‘Rangarirai mukadzi waRoti’ [Ruka 17:32]. Rutendo ndorwe ramangwana. Rutendo rwunovakira pane zvakapfuura asi harumbofi rwakashuvira kugara ipapo. Rutendo runovimba kuti Mwari vane zvinhu zvikuru kune mumwe nemumwe wedu uye kuti Kristu zvirokwazvo ndiye ‘mupirisita mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya,’ (VaHeberu 9:11)” (“The Best Is Yet to Be,” Ensign,, Ndira 2010, 24, 26–27).
Abraham and Isaac (Abrahama naIsaka), naHarold Copping
Genesi 22:1–19
Chido chaAbrahama kubayira Isaka ifananidzo yaMwari neMwanakomana Wavo.
Kunyangwe zvazvo tisingazivi zvikonzero zvose izvo Mwari zvavakarairira Abrahama kuti apire Isaka sechibairo; tinoziva kuti kwaiva kuedzwa kwerutendo rwake muna Mwari. Tinozivawo kuti yaiva “fananidzo yaMwari neMwanakomana wavo Mumwechete Wakaberekwa” (Jakobho 4:5). Apo paunenge uchiverenga Genesi 22:1–19, unokwanisa kutsvaka zviratidzo kana fanano pakati pokupira kwaAbrahama Isaka uye nokupira kwaBaba Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Funga pamusoro pokunyora izvo zvaunowana muchati yakaita seiyi:
|
Abrahama naIsaka |
Baba Vokudenga naJesu Kristu |
|---|---|
Abrahama naIsaka Isaka aiva mwanakomana mumwechete wakaberekwa waAbrahama naSara (Genesi 22:2; onawo VaHeberu 11:17) | Baba Vokudenga naJesu Kristu Jesu ndiye Mumwechete Wakaberekwa waBaba (Johane 3:16) |
Abrahama naIsaka Isaka aifanira kupirwa muchinzvimbo chegwayana (Genesi 22:7–9) | Baba Vokudenga naJesu Kristu Jesu Kristu ndiye gwayana raMwari (Johane 1:29) |
Ndezvipi zviratidzo nefanano kukuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi zvaunowana kuti zvakanyanyisa kukosha? Funga pamusoro pokuimba kana kuverenga mashoko erwiyo urwo rwunotaridza rudo rwaBaba Vokudenga kwatiri, sezvakaita rwokuti “God Loved Us, So He Sent His Son,” Hymns, nhamba. 187. Ungangonyorawo pasi manzwiro ako pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu uye nokuzvipira Kwavo kuitira iwe.
Kana uchida kunzvera zvimwe zvakawanda pamusoro pekuzvipira kweMuponesi wedu, funga pamusoro pokuverenga shoko raMutungamiri Jeffrey R. Holland “Behold the Lamb of God” (Liahona, Chivabvu 2019, 44–46). Sei gwayana riri chiratidzo chinesimba guru kudaro cheMwanakomana waMwari? Chii icho Mutungamiri Holland chavakadzidzisa chinowedzera ruremekedzo rwako kuchipo chaBaba Vokudenga?
Onawo “Akedah (The Binding)” (vhidhiyo), Gospel Library.
Akedah (The Binding)
Shandisa zvinhu zvinoonekwa kudzidzisa. Kuti uwedzere zvakasiyana siyana mukudzidzisa nokudzidza, ungangoshandisa mumwechete kana yakawanda yemifananidzo iri muchidzidzo chino apo paunonzvera nyaya dziri muna Genesi 18–23. Somuenzaniso, iwe nemhuri kana kirasi yako munokwanisa kucherechedza ruzivo rwuri mumifananidzo yaAbrahama naIsaka. Taurai pamusoro pokuti sei ruzivo urwu rwakakosha kunyaya yacho, uye mowana ruzivo urwu mumifananidzo yacho. Rwunosimbisa sei zviratidzo zvinoshandiswa munyaya zvokuzvipira kweMwanakomana waMwari?
Mazano eKudzidzisa Vana
Genesi 17:15–21; 18:14; 21:1–7
Ndinokwanisa kuvimba naMwari kuchengeta mirairo Yavo.
-
Kuti mudzidze pamusoro poruvimbo rwaAbrahama naSara muvimbiso dzaMwari, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro penguva iyo yavakafanira kumirira chimwe chinhu chavaida chaizvo. Zvino munokwanisa kutarisa mufananidzo waSara naIsaka kumavambo kwechidzidzo chino uye motaura pamusoro pevimbiso iyo Mwari yavakaita kwaari naAbrahama (onawo “Abrahama naSara,” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 28–31). Batsira vana vako kufunga nezve zvinhu izvo Mwari zvavakativimbisa kana takatendeka. Vakurudzire kuti vave nemwoyo murefu uye vavimbe kuti Mwari vanozochengeta vimbiso Dzavo.
2:20Abraham and Sarah
-
Kuti ubatsire vana vako kudzidza chokwadi chakakosha chiri muna, Genesi 18:14, unokwanisa kunyora shoko roga roga kubva kumutsetse wokutanga wendima iyoyo pazvidimbu zvemapepa zvakasiyana. Zvino wosanganisa mapepa acho, uye wokoka vana vako kuisa mashoko acho munhevedzano kwayo. Iwe navana vako munokwanisa zvino kuverenga Genesi 17:15–21; 21:1–7 kuti muwane muenzaniso wechimwe chinhu Ishe chavakaita icho chaitaridzika sechisingakwanisiki. Goverana nevana vako rutendo rwako rwokuti Ishe vanozozadzikisa vimbiso Dzavo, kunyangwe kana zvichitaridzika sezvisingakwanisiki kana kuti zvikatora nguva yakareba.
Genesi 19:15–26
Ndinokwanisa kutiza hunyangadzi.
-
Bvunza vana vako pamusoro pamamiriro ezvinhu umo mumwe munhu maangangovakoka kuita chimwe chinhu chavanoziva kuti hachina kunaka. “Tinozotiza” sei mamiriro ezvinhu aya? Pfupisa Genesi 19:15–26 nokutsanangura kuti mhuri yaRoti yaigara muguta raiva nohunyangadzi hukuru uye ngirozi dzakavayambira kuti vabude. Apo iwe navana vako pamunenge muchiverenga ndima 15–17, 26, vabvunze izvo zvazvingareva kwatiri nhasi “kutiza” huipi uye “kusacheukira kumashure” (ndima 17).
Sodom (Sodoma), naJulius Schnorr von Carolsfeld
Genesi 22:1–14
Abrahama akateerera Ishe.
-
Kushandisa mifananidzo yaAbrahama naIsaka uye yoKuroverwa paMuchinjikwa (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 9,57) kunokwanisa kubatsira vana vako kuenzanisa nyaya yemuna Genesi 22 nokuzvipira kweMuponesi (ona Mateo 27:26–37). Chii chatinokwanisa kudzidza pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu kubva kutsananguro dzenyaya dzaAbrahama naIsaka uye dzeKuroverwa paMuchinjikwa? (Onawo “Abrahama naIsaka,” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 34–37.)
2:0Abraham and Isaac
-
Unokwanisa here kufunga nezve mutambo wakareruka wokutamba navana vako uyo unoda kuti vatevere mirairidzo? Pamwe mirairidzo yacho inokwanisa kutungamirira kumufananidzo wakavigwa weMuponesi. Mutambo unokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pezvinhu Baba Vokudenga zvavakatiraira kuita kuitira kuti tigokwanisa kurarama naVo uye naJesu Kristu zvakare. Funga pamusoro pokuimba rumbo rwakaita sorwokuti: “Keep the Commandments,” (Children’s Songbook, 146–47). Peji yechiitwa chevhiki ino chinokwanisa kubatsirawo.