“Kukadzi 16–22. ‘Kuva Muteveri Mukuru weUrurami’: Genesi 12–17; Abrahama 1–2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Kukadzi 16–22. ‘Kuva Muteveri Mukuru weUrurami’,” Huyai, Munditevere: 2026
Melchizedek Blesses Abram [Merkizedeki Anoropafadza Abramu], naWalter Rane (detail)
Kukadzi 16–22: “Kuva Muteveri Mukuru weUrurami”
Genesi 12–17; Abrahama 1–2
Nokuda kwechibvumirano icho Mwari chavakaita naye, Abrahama anodaidzwa kunzi “baba vevakatendeka” (Dzidziso neZvibvumirano 138:41) uye “Hama yaMwari” (Jakobo 2:23). Mamiriyoni evanhu mazuva ano vanomuremekedza sateteguru wavo chaiye, uye vamwe vakatorwa kuva vemumhuri yake kuburikidza nerutendeuko kuvhangeri raJesu Kristu. Asi Abrahama pachake akabva kumhuri yainge inezvinetso—baba vake, avo vakanga vasiya kunamata Mwari wechokwadi, vakaedza kuita kuti Abrahama abayirwe kuna vanamwari venhema. Zvisinei neizvi, chido chaAbrahama chaiva chekuva “muteveri mukuru weururami” (Abrahama 1:2), uye rondedzero yeupenyu hwake inoratidza kuti akazadzisa chido chake. Upenyu hwaAbrahama hunomira seuchapupu hwekuti zvisinei nekuti nhoroondo yemhuri yemunhu yanga yakaita sei, ramangwana rinokwanisa kuzadzwa netariro.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Mwari vanozondiropafadza nokuda kwerutendo rwangu uye kwezvido zvakarurama zvangu.
“Tose tinokurudzirwa nemhuri dzedu [uye] netsika dzedu,” Elder Neil L. Andersen vakadzidzisa, “asi zvakadaro ndinotenda kuti mune nzvimbo mukati medu yatinodzora nekuumba pachedu. … Pokupedzisira, zvido zvedu zvomukati zvinopuwa upenyu uye zvinoonekwa musarudzo dzedu nemuzviito zvedu” (“Educate Your Desires, Elder Andersen Counsels,” ChurchofJesusChrist.org). Funga kuti Abrahama 1:1–19 inoratidza sei zvakadzidziswa naGosa Andersen. Mibvunzo yakaita seiyi ingangobatsira:
-
Chii chaidiwa naAbrahama? Zvido zvake zvaionekwa sei muzviito zvake? Mwari vakatsigira sei zvido zvake?
-
Iwe zvido zvako ndezvei? Zvinoonekwa sei muzviito zvako? Mwari vanokutsigira sei?
-
Ndima idzi dzine mashoko api kuna avo nhengo dzemhuri dzavo dzisina chido cheururami?
Chimwe chezvido zvikurusa zvaAbrahama naSara—kuva nemwana—hachina kuzadzikiswa kwemakore akawanda (ona Genesi 15:1–6). Chii chaunodzidza kubva muna VaHeberu 11:8–13 pamusoro pokuti Abrahama naSara vakatarisana sei nemuedzo uyu? Muponesi anokubatsira sei “kugamuchira” vimbiso Dzake, kunyangwe zvazvo dziri “kure kure”?
Onawo “Deliverance of Abraham” (vhidhiyo), Gospel Library.
Deliverance of Abraham
Genesi 12:1–3; 13:15–16; 15:1–6; 17:1–8, 15–22; Abrahama 2:6–11
Mwari vanoda kuti ndiite nokuchengeta zvibvumirano Navo.
Sei zvakakosha kwauri kuti uzive pamusoro pechibvumirano icho Mwari chavakaita naAbrahama? Nokuti Mwari vanoda kuita chibvumirano chakadaro newe. Vakavimbisa kuti chibvumirano ichi chaizoenderera mberi kuzvizvarwa zvaAbrahama, kana kuti “zvibereko zvake,” uye kuti “vazhinji vachagamuchira Vhangeri iri … vachaverengwa sezvibereko zvako” (ona Abrahama 2:10–11). Namamwe mashoko, chibvumirano ichi chinoenderera mberi nemauri—apo paunobhabhatidzwa uye zvakanyanyo zara apo paunoita zvibvumirano mutemberi (ona vaGaratia 3:26–29; Dzidziso neZvibvumirano 132:30–32).
Nokuda kwechikonzero ichocho, ungangoda kunzvera Abrahama 2:6–11 uye woita mudorongodzwa weizvo, chaizvo, Mwari zvavakavimbisa Abrahama naSara (onawo Genesi 12:1–3; 13:15–16; 15:1–6; 17:1–8, 15–22). Maropafadzo aya angangoshanda sei kwauri?
Dzimwe vimbiso idzi dzine fananidzo dzokusingaperi. Vimbiso dzakaita senyika yenhaka kana zvizvarwa zvakawanda zvinozadzikiswa sei nokusingaperi? (ona Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4; 132:20–24, 28–32).
Kunze kwokuvimbisa maropafadzo, Mwari vakaudza Abrahama kuti “ave ropafadzo” (Genesi 12:2; simbiso yakawedzerwa). Unofunga kuti zvinorevei izvozvo? Ko iwe unozova ropafadzo sei? (ona Abrahama 2:11).
Kuti vadzidzise pamusoro pezvibvumirano, Gosa Dale G. Renlund vakataura nezve masaisai ari muRwizi rweAmazon, uye Mutungamiri Emily Belle Freeman vakataura pamusoro pokufamba munzira ine matombo nechiziso chegumbo chakatyoka (ona “Accessing God’s Power through Covenants,” Liahona, Chivabvu 2023, 35–37; “Walking in Covenant Relationship with Christ,” Liahona, Mbudzi. 2023, 76–79). Tsvagurudza rimwechete kana maviri emashoko aya kuti uwane mitsetse inobatsira kupindura mubvunzo uyu “Sei Mwari vachida kuti ndiite zvibvumirano Navo?”
Koka vanhu kuti vadzidzisane. Kana urikudzidzisa mhuri yako kana kirasi yemuChechi pamusoro pezvibvumirano, funga pamusoro pokupa munhu umwe neumwe chikamu cheshoko raGosa Renlund kana Mutungamiri Freeman kuti vanzvere. Zvino vanokwanisa kugoverana nemhuri kana kirasi yose izvo zvavadzidza. Izvi zvinotendera vanhu kupa uchapupu uye kudzidza kubva kune vamwe, uye izvi zvinokoka Mweya. (Ona Teaching in the Savior’s Way, 26.)
Onawo Topics and Questions, “Abrahamic Covenant,” Gospel Library; “Thoughts to Keep in Mind: The Covenant,” mubhuku rino.
The Abrahamic Covenant [Chibvumirano chaAbrahama], naDilleen Marsh (detail)
Genesi 14:18–19; Joseph Smith Translation, Genesis 14:25–40
“Merkizedeki aive murume werutendo.”
Fungidzira uchisuma Merkizedeki kune mumwe munhu asingamuzivi. Waizoti kudii? Tsvaga mazano muna muDudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:26–27, 33–38 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene); Aruma 13:13–19; Dzidziso neZvibvumirano 107:1–4. Ndehupi hunhu sehwaKristu hwaunowana mutsananguro dzaMerkizedeki idzi? Kunzvera kwako upenyu hwaMerkizedeki kunoshandura sei maonero aunoita hupirisita hwaMerkizedeki?
Genesi 14:18–24; Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:36–40
Abrahama aibhadhara chegumi.
Chii chaunodzidza pamusoro pemaonerwo anoitwa hupfumi naAbrahama kubva muna Genesi 14:18–24 uye Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:36–40 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene)? Somuenzaniso, cherechedza mhinduro yake kuna mambo weSodoma muna Genesi 14:23. Kuteerera mutemo wechegumi kwakashandura sei maonero ako emari?
Genesi 16
Mwari vanondinzwa.
Paunoverenga Genesi 16, ungangofunga pamusoro penguva yawakanzwa uchibatwa zvisina kunaka, sezvakaita Hagari. Cherechedza kuti “Ishmaeri” zvinoreva kuti “Mwari vanonzwa.” Ishe vakakutaridza sei kuti Vakunzwa?
Onawo “Secret Prayer,” Hymns, nhamba. 144.
Mazano eKudzidzisa Vana
Jesu Kristu Anozonditungamirira neruoko.
-
Apo iwe nevana vako pamunoverenga Abrahama 1:18 uye 2:8, unokwanisa kuvakoka kuti vateerere kunhengo yemuviri inotaurwa mundima dziri mbiri. Kana kuti munokwanisa kutamba mutambo umo mumwe mwana maanovhara maziso ake uye womutungamirira kune imwe nzvimbo neruoko. Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pemanzwiro amunoita pamusoro pekuva naJesu achititungamirira neruoko kana kutidzivirira.
Genesi 13:5–12
Ndinokwanisa kuva muyananisi.
-
Vana vako vangangonakidzwa nekuita mutambo unobva muna Genesi 13:5–12, vachinyepera kuva Abrahama, Loti, uye vafudzi. Tinokwanisa kutevera sei muenzaniso waAbrahama wekuva muyananisi nemhuri dzedu kana kuti shamwari? Yedzai kuita mutambo wemhinduro dzavo.
Lot’s Choice [Sarudzo yaLoti], naWilliam Fredericks © Providence Collection/licensed from goodsalt.com
Genesi 13:16; Genesi 15:1–6; 17:1–8; Abrahama 2:9–11
Mwari vanoda kuti ndiite zvibvumirano Navo.
-
Funga pamusoro pokuratidza vana vako mudziyo unejecha, nyeredzi dziri mudenga, kana mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino. Izvi zvinokwanisa kuvabatsira kunzwisisa vimbiso dzaMwari muna Genesi 13:16; 15:1–6. Taurai pamusoro pokuti makadzidza sei kuvimba nevimbiso dzaMwari, kunyangwe padzairatidzika sedzisingakwanisiki?
-
Dzidzisa vana vako pamusoro pezvibvumirano, vakumbire kuti vakutaurire pamusoro penguva yavakaita vimbiso kana apo mumwe munhu paakaita vimbiso kwavari. Kana zvichibatsira, govera imwe mienzaniso yako pachako—kusanganisira zvibvumirano zvawakaita naMwari pakubhabhatidzwa kana mutemberi. Zvibvumirano zvako zvakashandura sei hukama hwako naMwari? Sarudza ndevo shoma kubva muna Genesi 15:1–6; 17:1–8; Abrahama 2:9–11 kuti ugovere mamwe emaropafadzo ayo Mwari aVakavimbisa kuna Abrahama naSara.
-
Kubatsira vana vako kugadzirira kuita chibvumirano naMwari pavanobhabhatidzwa, unokwanisa kushandisa mamwe mazano ezviitwa akapuwa muchiwedzerwa A kana chiwedzerwa B.
Abrahama 1:12–17; Genesi 16:7–11
Mwari vanondinzwa.
-
Apo upenyu hwaAbrahama pahwakanga hwava munjodzi, akadaidza kunaMwari Apo Hagari paaiva ega mugwenga, akadzidza kuti Mwari vakamunzwa. Funga pamusoro pokugoverana nyaya mbiri idzi nevana vako: “Abrahama naSara” uye “Hagari” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 28–31, 32–33. Chii chatinodzidza pamusoro paMwari kubva munyaya idzi? Zvino munokwanisa kugoverana zviitiko zvaapo pamakanzwa kuti Mwari vakakunzwai. Rwiyo rwakaita seurwu “A Child’s Prayer” (Children’s Songbook, 12–13) rwunokwanisa kusimbisa musimboti uyu.
Abraham and Sarah
Hagar