Huyai, Munditevere
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Chibvumirano,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chibvumirano,” Huyai, Munditevere: 2026

mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Chibvumirano

NemuTestamente Yekare mose, unozoverenga kakawanda shoko rinoti chibvumirano Nhasi tinowanzofunga zvibvumirano sevimbiso dzinoera naMwari, asi munyika yechinyakare, zvibvumirano zvaivawo chikamu chakakosha chekudyidzana kwevanhu. Kuitira ruchengeteko neurarami rwavo, vanhu vaida kukwanisa kuvimba nemumwe nemumwe wavo, uye zvibvumirano zvaiva nzira yekuchengetedza ruvimbo irworwo.

Saka apo Mwari pavakataura naEnoki, Noa, Mosesi nevamwe pamusoro pezvibvumirano, Vakanga vachivakoka kuti vapinde muukama hweruvimbo Navo. Tinodaidza chibvumirano ichi kuti chibvumirano chitsva chokusingaperi kana kuti chibvumirano chaAbrahama—kutaura chibvumirano icho Mwari chavakaita naAbrahama naSara uye zvino vakazochivandudzwa nezvizvarwa zvavo Isaka naJakobo (izvo zvinodaidzwawo kuti Israeri). MuTestamente Yekare, chaingozivikanwa chete “sechibvumirano.” Unozoona kuti Testamente Yekare ndiyo chaizvo nyaya yevanhu vaizviona pachezvavo sevagari venhaka vechibvumirano ichi—vanhu vechibvumirano.

Chibvumirano chaAbrahama chinoenderera mberi nokuva chakosha nhasi, kunyanya kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Sei? Nokuda kwokuti isuwo tiri vanhu vechibvumirano, kunyangwe tiri kana tisiri zvizvarwa chaizvo zvaAbrahama, Isaka, naJakobo. Nokuda kwechikonzero ichi, zvakakosha kuzwisisa kuti chibvumirano chaAbrahama chii uye kuti chinoshanda sei kwatiri nhasi.

Chibvumirano chaAbrahama chii?

Abrahama aida “kuva muteveri mukurusa weururami” (Abrahama 1:2), nokudaro Mwari vakamukoka kuti ave muhukama hwechibvumirano. Abrahama akanga asiri wekutanga kuva nechido ichi, uye akanga asiri wekutanga kugashira chibvumirano. Chakanga chiri, mushure mazvose, chibvumirano chokusingaperi. Abrahama akatsvaga “maropafadzo emadzibaba” (Abrahama 1:2)—maropafadzo akapuwa nechibvumirano kuna Adama naEva uye mushure mazvo kuna avo vaitsvaga maropafadzo aya neushingairi.

Chibvumirano chaMwari naAbrahama chakavimbisa maropafadzo anoshamisa: nhaka yenyika, chizvarwa chikuru, kuwana zvisungo zvehupirisita, uye zita raizokudzwa kwezvizvarwa zvakawanda zvichauya. Asi nangiso yechibvumirano ichi yakanga isiri chete pamaropafadzo aizogashirwa naAbrahama nemhuri yake asiwo paropafadzo ravaizova kune vamwe vose vana vaMwari. “Uchava ropafadzo,” Mwari vakazivisa, “uye mauri mhuri dzose dzepanyika dzicharopafadzwa (Genesi 12:2–3).

Chibvumirano ichi chakapa here Abrahama, Sara, uye nezvizvarwa zvavo pundutso dzakakosha pakati pevana vaMwari? Chete mupfungwa yekuti ipundutso kuropafadza vamwe. Mhuri yaAbrahama yaifanira “kutakura hushumiri neHupirisita uhwu kumarudzi ose,” vachigovera “maropafadzo eVhangeri, ayo anova maropafadzo eruponeso, kunyangwe eupenyu hwokusingaperi” (Abrahama 2:9, 11). Kuva kwavo vanhu vaMwari vechibvumirano kwaisareva kuti vaiva nani panevamwe; kwaireva kuti vaiva nebasa rokubatsira vamwe kuva nani.

Chibvumirano ichi chaiva chiri ropafadzo raishuvirwa naAbrahama. Mushure mokuchigashira, Abrahama akati mumwoyo make, “Muranda wenyu akakutsvakai nemwoyo wose; zvino ndakuwanai ”(Abrahama 2:12).

Izvo zvaiva zviuru zvemakore apfuura, asi chibvumirano ichi chakadzorerwa muzuva redu. Uye iyezvino chiri kuzadzikiswa muupenyu hwevanhu vaMwari. Kuzadzikiswa kwechibvumirano ichi kuri kuramba kuchisimba mumazuva ekupedzisira apo basa raMwari pariri kufambira mberi, richiropafadza mhuri napanyika pose. Uye munhu upi zvake uyo, saAbrahama, anoda kuva muteveri mukurusa weururami—munhu upi zvake anotsvaga Ishe nemwoyo wose—anokwanisa kuva chikamu chacho.

mhuri pamberi petemberi

Chibvumirano chaAbrahama Chinorevei Kwandiri?

Uri mwana wechibvumirano. Unoita chibvumirano naMwari apo paunobhabhatidzwa uye nepaunotora sakaramende. Uye unogamuchira kuzara kwechibvumirano nezvisungo zvinoera zvemutemberi.

Kuburikidza nezvibvumirano nezvisungo izvi, tinova vanhu vaMwari. Tinosunganidzwa kwaVari “nesunganidzo dzisingaperi.” “Apo patinenge taita chibvumirano naMwari,” mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa, “tinobva zvachose panzvimbo isina kwatakarerekera. Mwari havazosiyi hukama Hwavo neavo vakavaka sungano yakadaro Navo. Pachokwadi, avo vose vakaita chibvumirano naMwari vane kodzero yokuwana rudzi rwakakosha rwerudo nengoni. … Nokuda kwechibvumirano chedu naMwari, haVazombofi vakaneta mukuedza Kwavo kutibatsira, uye isu hatizombofi takapedza mwoyo murefu Wavo unengoni nesu.” Unozoona izvi munhoroondo yevanhu vechibvumirano chaMwari muTestamente Yekare, uye unozozviona muupenyu hwako pachako semumwe wevana Vavo vechibvumirano.

Jesu akamira pamusoro pemvura neruoko rwakatambanudzwa

Be Not Afraid [Usatya], naDan Wilson

Iyi ndiyo nzwisiso yakakosha inopuwa kwatiri nokuda kweKudzorerwa kwechibvumirano chaAbrahama kuburikidza naMuporofita Joseph Smith. Saka apo paunoverenga pamusoro pezvibvumirano muTestamente Yekare, usangofunga chete pamusoro pehukama hwaMwari naAbrahama, Isaka naJakobho. Fungawo pamusoro peukama Hwavo newe. Apo paunoverenga pamusoro pezvizvarwa zvisingaverengeki, usafunga chete pamusoro pemamirioni ayo nhasi anodaidza Abrahama kuti baba vavo. Fungawo pamusoro pevimbiso yaMwari kwauri yemhuri dzokusingaperi uye kuwedzerwa kwokusingaperi. Apo paunoverenga pamusoro pevimbiso yenyika yenhaka, usafunga chete pamusoro penyika yakavimbiswa kuna Abrahama. Fungawo pamusoro pemugumisiro weseresitiyaro wenyika pachayo—nhaka yakavimbiswa avo “vakazvininipisa” avo “vanomirira panaIshe” (Mateo 5:5; Mapisarema 37:9, 11). Uye apo paunoverenga pamusoro pevimbiso yekuti vanhu vechibvumirano vaMwari vacharopafadza “mhuri dzose dzepanyika” (Abrahama 2:11), usafunga chete pamusoro pehushumiri hwaAbrahama kana vaporofita vakazvarwa kubva kwaari. Fungawo pamusoro peizvo iwe zvaungakwanisa kuita—semuteveri wechibvumirano waJesu Kristu—kuti uve ropafadzo kumhuri dzakakukomberedza.