Huyai, Munditevere
Kukadzi 9–15. “Noa Wakawana Tsitsi Pamberi paIshe”: Genesi 6–11; Mosesi 8


“Kukadzi 9–15. ‘Noa Wakawana Tsitsi Pamberi paIshe’: Genesi 6–11; Mosesi 8,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kukadzi 9–15. ‘Noa Wakawana Tsitsi Pamberi paIshe’,” Huyai, Munditevere: 2026

mhuka dziri kubuda muareka naNoa nemhuri yake vakamira padombo

Jehovah Keeps a Promise [Jehova Anochengeta Vimbiso], naSam Lawlor

Kukadzi 9–15: “Noa Wakawana Tsitsi Pamberi paIshe”

Genesi 6–11; Mosesi 8

Tichirarama mumazuva ekupedzisira, tine chikonzero chakakosha chekuteeresa kunyaya yeMafashama. Apo Jesu Kristu paakadzidzisa kuti tinofanira kutarisira sei kuKuuya kweChipiri Kwake, Akati, “Sezvazvakanga zviri mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichange zvakaitawo pakuuya kweMwanakomana weMunhu” (Joseph Smith—Mateo 1:41). Pamusoro pezvo, mashoko anotsanangura zuva raNoa akaita seokuti, “uori” uye “akazadzwa nechisimba,” anokwanisa zvirinyore chaizvo kutsanangura nguva yedu (Genesi 6:12–13; Mosesi 8:28). Nyaya yeShongwe yeBaberi inoratidzikawo seinoshanda kuzuva redu, netsananguro yayo yerudado rwakateverwa nevhiringidziko uye zvino rupesano.

Rondedzero dzechinyakare idzi dzakakosha kwete chete nokuti dzinotiratidza kuti hunyangadzi hunozvidzokorora nemunhoroondo yose. Zvakanyanya kukosha ndezvekuti, dzinotidzidzisa izvo zvekuita pamusoro pahwo. Noa “akawana nyasha mumaziso aIshe” (Mosesi 8:27). Uye mhuri yaJaredi neyemukoma wake dzakatendeukira kuna Ishe uye dzikadzivirirwa kubva kuvhiringidziko uye nerupesano muBaberi (ona Eta 1:33–43). Kana tichinetseka kuti tingazvichengeta sei isu nemhuri dzedu takachengeteka munguva yeuori nechisimba, nyaya dziri muzvitsauko izvi dzine zvakawanda zvekutidzidzisa.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Genesi 6; Mosesi 8

mufananidzo weseminari
Mune ruchengeteko rwezvepamweya mukutevera muporofita waIshe.

Unoona chimwe chinhu here mutsananguro yezuva raNoa icho chinoratidzika sechakafanana nemamiriro ezvinhu muzuva redu? Kunyanya, tarisa muna Mosesi 8:15–24, 28. Ndeapi madingindira aunoona achidzokororwa?

Imwe fanano yakakosha yaunozoona ndeyokuti Mwari vakadana Noa kuita muporofita, uye Vakadanawo muporofita nhasi. Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wezvokwadi zvaunodzidza pamusoro pavaporofita kubva kuna Mosesi 8:13–30. Muporofita wedu anorarama akaita saNoa sei? Hongu zvechokwadi, muporofita waIshe nhasi haasi kuyambira nezve Mafashama kana kutikoka kubatsira kuvaka areka. Asi arikutiyambira pamusoro pezvei? Uye ari kutikoka kuti tiitei? ­Kubatsira kupindura mibvunzo iyi, unokwanisa kuwongorora chitsauko kubva muTeachings of Presidents of the Church [Dzidziso dzeVatungamiri veChechi] muGospel Library, kunyanya chikamu “cheInvitations and Promised Blessings.” ­Pamwe unokwanisa kusarudza yambiro imwechete uye nekokero imwechete zvinoratidzika kuva zvakanyanya kukosha kwauri.

Gosa Allen D. Haynie vakadzidzisa kuti, “Baba vari Kudenga vakarurama uye vane rudo vakasarudza mutoo wokuzarura chokwadi kuvana Vavo kuburikidza nemuporofita” (“A Living Prophet for the Latter Days,” Liahona, Chivabvu 2023, 25). Funga pamusoro pekunzvera shoko raGosa Haynie, uchitsvaka zvikonzero zvinoratidza kuti kuva nemuporofita chiratidzo cherudo rwaBaba Vokudenga. Kutevera muporofita waIshe kwakubatsira sei kunzwa kuva wakachengeteka kurarama mumazuva ekupedzisira?

Onawo Topics and Questions, “Prophets,” Gospel Library; “Why Do We Have Prophets?” (vhidhiyo), Gospel Library.

1:37

Why Do We Have Prophets?

Genesi 6:5–13

Mafashuma aiva chiito chengoni dzaMwari.

Vamwe vanhu vanonetseka pamusoro pechirango chaMwari mukutumira Mafashama kuti “aparadze munhu” (Genesi 6:7). Gosa Neal A. Maxwell vakatsanangura kuti panguva yeMafashama, “uwori hwakanga hwasvika pachinhanho chekuparadza kwaniso yokuzvisarudzira zvokuti zvaisazova zvineruenzaniso kuti mweya itumirwe kuzogara panyika” (We Will Prove Them Herewith [1982], 58). Ungangofungawo pamusoro pekuti Mafashama aiva chiito chengoni sei. Chii chaunowana muna Genesi 6:5–13 chinoratidza ngoni nyoro uye rudo rwaIshe kuvanhu?

Genesi 9:8–17

Zviratidzo kana zvioneso zvinotibatsira kuyeuka zvibvumirano zvangu naIshe.

Maererano naGenesi 9:8–17, muraraungu unokwanisa kuunza chii kundangariro dzako? ­­Chii chinowedzerwa neDudziro yaJoseph Smith, Genesi 9:21–25 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene) kunzwisiso yako? Ungangofungawo pamusoro pokuita mudorongodzwa wezvimwe zvinhu (zvakaita sezviratidzo, zvinhu zvatinoshandisa, kana zvimwe zvinhu zvipi zvazvo) izvo Mwari zvavakapa kwauri kuti vakuyeuchidze nezve zvibvumirano zvako. Zvinhu izvi zvinokudzidzisei? Zvinokubatsira sei kurangarira?

Onawo Gerrit W. Gong, “Always Remember Him,” Liahona, Chivabvu 2016, 108–11; “Reverently and Meekly Now,” Hymns, nhamba 185.

shongwe ine varume varikukwira kuenda kumusoro  netambo nemanera

The Tower of Babel [Shongwe yeBaberi], naDavid Green

Genesi 11:1–9

Kutevera Jesu Kristu ndiyo chete nzira yokuenda kuna Baba Vokudenga.

Nyaya yevanhu veBaberi vachivaka shongwe inopa musiyano unonakidza kurondedzero yaEnoki nevanhu vake vachivaka Zioni, iyo yawakanzvera vhiki rapfuura. Mapoka ose evanhu ava aiedza kusvika kudenga asi nenzira dzakasiyana. Vanhu veZioni vakawana denga sei? (ona Mosesi 7:18–19, 53, 62–63, 69). Chii chaunodzidza kubva kuna Genesi 11:1–9 uye Hiramani 6:26–28 pamusoro pevanhu veBaberi? Izvi zvinotidzidzisa chii maererano nokuedza kwedu pachedu kudzokera pamberi paMwari? Chii icho Mwari chavakatipa kutibatsira “kusvika kudenga” (Genesisi 11:4; onawo Johane 3:16).

Dzidza neushingairi. Kudzidza kunokwanisa kusanganisira zvinopfuura kungoverenga kana kungoteerera. Somuenzaniso, apo paunodzidza nezve Shongwe yeBaberi, iwe nemhuri yako kana kirasi munokwanisa kunyora pamapepa madiki, zvinhu zvinotibvisa pana Mwari. Zvino, pana mamwe mapepa madiki, munokwanisa kunyora zvinhu zvinotiunza pedyosa naMwari. Rongai boka rokutanga ramapepa kuita chimiro cheshongwe uye boka rechipiri kuita chimiro chetemberi.

­­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Genesi 6:14–22; 7–8; Mosesi 8:16–24

Kutevera muporofita waIshe kunozondiropafadza ini nemhuri yangu.

  • Vana vazhinji vanoda nyaya yaNoa neareka. Funga pamusoro pokupa vana vako mikana yokugovera zvavanoziva pamusoro payo. Kuti uvabatsire, unokwanisa kushandisa mifananidzo iri muchidzidzo chino, “Noa neMhuri YakemuNyaya dzemuTestamente Yekare (22–25), uye ndima yechitatu “yeFollow the Prophet” (Children’s Songbook, 110–11). Vana vako vangangofarira kuita mitambo yezvidimbu zvenyaya yacho—semuenzaniso, kuburikidza nekunyepedzera kushandisa turusi kuvaka areka kana kufamba semhuka dziri kupinda muareka.

  • Apo pamunotaura pamusoro paNoa pamwechete, batsira vana vako kuona kuti takaropafadzwa sei kuva nemuporofita waMwari muzuva redu. Batsira vana vako kutsvagurudza Mosesi 8:16–24 kuti vawane zvinhu zvakadzidziswa naNoa izvo vaporofita vaIshe zvavachiri kudzidzisa nhasi. Tinoropafadzwa sei apo patinoteerera dzidziso idzi?

Genesi 9:15–16

Mwari vachachengeta vimbiso Dzavo kwandiri.

  • Vana vako vangangofarira kudhirowa kana kuisa ruvara pamufananidzo wemuraraungu apo pamunenge muchitaura pamusoro pokuti unomiririrei. Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 9:21–25 [muNhungamiro kuMagwaro Matsvene]). Mwari vaida kuti Noa nemhuri yake vafungei pose paivaiona muraraungu?

  • Unokwanisawo kuratidza vana chimwe chinhu chauinacho chinokuyeuchidza chimwe chinhu chakakosha muupenyu hwako, sezvakaita mhete yemuchato, mufananidzo, kana jonari. Ita kuti vana vako vagovere mienzaniso yavo pachavo. Izvi zvinogona kutungamirira kuhurukuro pamusoro pezvinhu zvinotibatsira kurangarira zvibvumirano zvedu, sezvakaita sakaramende, iyo inotibatsira kurangarira chibvumirano chedu cherubhabhatidzo chokutevera Jesu Kristu (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:75–79).

miraraungu miviri

Mwari vakaudza mhuri yaNoa kuti muraraungu waizova “chiratidzo chechibvumirano chandichaita pakati pangu nemi” (Genesi 9:12).

Genesi 11:1–9

Kutevera Jesu Kristu ndiyo chete nzira yokudenga.

  • Zvinokwanisa kuva zvinonakidza kuvaka shongwe kubva mumabhuroku kana zvimwe zvinhu nevana vako. Apo pamunodaro, tsanangura kuti vanhu veBaberi vaifunga kuti vaikwanisa kusvika kudenga kuburikidza nokuvaka shongwe yakareba. Zvino munokwanisa kutarisa pamwechete pamufananidzo weMuponesi uye wobvunza vana vako kuti Anotibatsira sei kusvika kudenga. Zvino munokwanisa kutaura pamwechete pamusoro pezvinhu zvamunokwanisa kuita kutevera Muponesi.

  • Pamusoro pokuverenga nyaya yeshongwe yeBaberi muna Genesis 11:1–9, iwe nevana vako munokwanisa kuverenga Hiramani 6:28. Maererano nendima iyi, vanhu veBaberi vakavakirei shongwe? Sei kuvaka shongwe iyi yaiva nzira isiriyo yokusvika kudenga? Zvino munokwanisa kutsvagurudza muna 2 Nifai 31:20–21 uye Hiramani 3:28 kuti muwane nzira kwayo yokusvika kudenga. Izano ripi ratingazopa kuvanhu veBaberi?

­­

Areka yaNoa

Noah’s Ark [Areka yaNoa], naAdam Klint Day. adamdayart.com

Peji yechiitwa chePuraimari: Kutevera muporofita kunozondiropafadza nemhuri yangu