“Ndira 26–Kukadzi 1. ‘Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako’: Genesi 5; Mosesi 6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Ndira 26–Kukadzi 1. ‘Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako’,” Huyai, Munditevere: 2026
Better than Paradise [Zvirinani kupfuura Paradiso], naKendal Ray Johnson
Ndira 26–Kukadzi 1: “Dzidzisa Zvinhu Izvi Wakasununguka Kuvana Vako”
Genesi 5; Mosesi 6
Zvizhinji zvezvinyorwa zviri muna Genesi 5 mudorongodzwa wezvizvarwa pakati paAdama naEva uye naNoa. Tinoverenga mazita akawanda, asi hatidzidzi zvakawanda nezvavo. Zvino tinozoverenga pamusoro pemutsetse uyu unonakidza asi usina kutsanangurwa: “Uye Enoki akafamba naMwari: uye akasazovapo; nokuti Mwari vakamutora” (Genesi 5:24). Chokwadi pane nyaya mundima iyoyo! Asi pasina imwe tsananguro, mudorongodzwa wezvizvarwa unoenderera mberi.
Chakanaka ndechekuti, Mosesi 6 inopa rondedzero yakazara yenyaya yaEnoki—uye inyaya inoshamisa zvikuru. Tinodzidza nezvekuzvininipisa kwaEnoki, kusagadzikana kwake, kwaniso dzakaonekwa naMwari maari, uye nebasa guru raakaita semuporofita waMwari. Tinowanawo nzwisiso yakanyanya kujeka yemhuri yaAdama naEva apo payaifambira mberi nemuzvizvarwa. Tinoverenga nezve “hutongi hukuru” hwaSatani asiwo nezve vabereki avo vakadzidzisa vana “nzira dzaMwari” (Mosesi 6:15, 21). Chakanyanya kukosha ndeizvo zvatinodzidza pamusoro pedzidziso iyo vabereki ava yavakadzidzisa: rutendo munaJesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye kugamuchira Mweya Mutsvene (ona Mosesi 6:50–52). Dzidziso iyoyo, sehupirisita hunoiperekedza, “yaivepo pakutanga [uye] ichavepo pakuguma kwenyikawo” (Mosesi 6:7).
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Chivi chinoderedza kwaniso yangu yekuona, kuziva uye nokunzwa zvinhu zvaMwari.
Apo paunonzvera Mosesi 6:26–36, unodzidzei pamusoro pemhedzisiro dzezvivi? Wakaona sei mhedzisiro idzi? Ndehupi hunhu hwaiva naEnoki hwakamubatsira kukunda mhedzisiro idzi? Mwari vakamuropafadza sei nokuda kwaizvozvo?
Mwari vanondidaidza kuti ndiite basa Ravo zvisinei neutera hwangu.
Kana uchinzwa kuremerwa neizvo Ishe zvavanenge vakudaidza kuti uite, hausi wega. Kunyangwe Enoki akanzwawo saizvozvo apo Ishe pavakamudaidza kuti ave muporofita. Paunoverenga Mosesi 6:26–36, tsvaga kuti sei Enoki akanzwa kuremerwa uye izvo zvakataurwa naIshe kuitira kuti vamupe ushingi.
Kubva mundima 37–47, tsvaga nzira idzo Ishe dzavakatsigira nadzo Enoki uye vakamusimbisa kuti aite basa Ravo (onawo Mosesi 7:13). Unogona kuenzanisa chiitiko chaEnoki neizvo zvevamwe vaporofita vainzwa sevasina kukodzera, saMosesi (ona Eksodo 4:10–16), Jeremia (ona Jeremia 1:4–10), Nifai (ona 2 Nifai 33:1–4), uye Moroni (ona Eta 12:23–29). Unonzwa kuti Mwari vanoda kuti udzidzei kubva muzvinyorwa zvitsvene izvi pamusoro pebasa ravakakupa kuti uite?
A Seer Hath the Lord Raised Up [Muoni Amutswa naIshe] (Moses 6:36), naEva Timothy
Vaapositora nevaporofita vakawanda vemazuva ano vakataura manzwiro akafanana neaEnoki apo pavakatsanangura kuti vakanzwa sei pavakagamuchira daidzo dzavo. Semuenzaniso, ona uchapupu hwaGosa Ulisses Soares muna “Prophets Speak by the Power of the Holy Spirit” (Liahona, Chivabvu 2018, 98–99).
Chii chaunodzidza kubva kuvaporofita nevaapositora ava pamusoro pemanzwiro ako ekusava wakakodzera? Ndiriinhi wawakanzwa Muponesi achikubatsira apo paAkakukumbira kuita zvinhu zvakaoma? Funga kunyora pasi zviitiko zvishoma mune ramangwana rako apo pauchazoda kuvimba norubatsiro rweMuponesi. Ungatarisana sei nezviitiko izvi nerutendo muna Jesu Kristu?
Onawo David A. Bednar, “Abide in Me, and I in You; Therefore Walk with Me,” Liahona, Chivabvu 2023, 123–25; “I’ll Go Where You Want Me to Go,” Hymns, nhamba 270.
Vhangeri raJesu Kristu rakadzidziswa kubvira pakutanga.
Nokuti tine bhuku raMosesi, tinoziva kuti Mwari vakanga vachidzidzisa vana Vavo mawaniro okuita rununuro kubvira panguva yaAdama naEva. Apo paunonzvera Mosesi 6:48–68, tsvagurudza izvo zvatinofanira kuziva uye kuita kuti tinunurwe. Cherechedza mubvunzo waAdama mundima 53. Wakambobvunza zvakadaro here? Chii chaunodzidza kubva kumhinduro yaIshe mundima 53–65? Ungangofunga nezvendima idzi seshoko raIshe pakubhabhatidzwa kwaAdama. Chii chaunodzidza pamusoro perubhabhatidzo kubva mushoko Ravo? Sei uchifunga kuti Vakaenzanisa rubhabhatidzo “nekuzvarwa patsva”? (ndima 59). Chii chaunokwanisa kuita kuti urambe “uchizvarwa patsva” nemuupenyu hwako hwose?
Tsvaga zviratidzo. Mumagwaro matsvene, zvinhu kana zviitiko kazhinji zvinokwanisa kumiririra kana kuva mucherechedzo wezvokwadi zvezvapamweya, kunyanya zvokwadi pamusoro peMuponesi (ona Teaching in the Savior’s Way, 7). Zviratidzo izvi zvinokwanisa kukudziridza nzwisiso yako Yake nedzidziso Dzake. Semuenzaniso, unodzidzei kubva kuzviratidzo zvemwoyo nenzeve muna Mosesi 6:27, maziso nedhaka muna Mosesi 6:35, kana mvura muna Mosesi 6:59–60?
“Dzidzisa zvinhu izvi wakasununguka kuvana vako.”
Mushure mokudzidzisa Adama zvokwadi zvevhangeri raJesu Kristu, muna Mosesi 6:51–63, Ishe vakaudza Adama kuti azvidzidzise kuzvizvarwa zveramangwana. Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wezvokwadi izvi. (Zvingangobatsira kupatsanura ndevo yacho kuita zvipoka zviduku zvendima, sezvakaita ndima 51–52, 53–57, 58–60, 61–63). Sei zvokwadi izvi zvakakosha kuchizvarwa chiri kukura nhasi? Chii chimwe chaunokwanisa kudzidza kubva kumirairidzo yaIshe kuvabereki muna Mosaya 4:14–15 uye Dzidziso neZvibvumirano 68:25–28; 93:40–50?
Kuverenga pamusoro “pebhuku rendangariro” rakachengetwa nemhuri yaAdama naEva kunogona kukukurudzira iwe kana mhuri yako kuita bhuku rendangariro renyu pachenyu. Chii chaunonzwa kuti Ishe vangada kuti usanganisire mariri? Fungai pamusoro pokuchengetedza ruzivo kubva mubhuku rendangariro renyu pawebhusaiti FamilySearch.org
Onawo Dieter F. Uchtdorf, “Jesus Christ Is the Strength of Parents,” Liahona, Chivabvu 2023, 55–59; “Parenting: Touching the Hearts of Our Youth,” “But Why?” (mavhidhiyo), Gospel Library.
Mazano eKudzidzisa Vana
Mwari vanokwanisa kundibatsira kuita zvinhu zvakaoma.
-
Apo Enoki paakadaidzwa kuparidza vhangeri, akanetsekana kuti aizokundikana. Asi Mwari vakamubatsira. Verengai pamwechete nyaya iyi muna Mosesi 6:26–34 (onawo “Enoki Muporofita” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 19–21). Sei Enoki akanzwa kuti aiva asingakwanisa kuparidza vhangeri? (ona Moses 6:31). Ishe vakabatsira sei Enoki? (ona Mosesi 6:32–34; 7:13).
-
Vana vako vangangonakidzwa nokugovera kana kuita mitambo yemimwe mienzaniso yeapo Mwari pavakabatsira vanhu kuita zvinhu zvakaoma—semuenzaniso, Noa, Davidi, Amoni, kana Samueri muRamani (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 7, 19, 78, 81). Ungangogoverawo chiitiko chako pachako uye woita kuti vana vako vataure pamusoro pokuti Mwari vanovabatsira sei kuita zvinhu zvakaoma.
Rutendo munaKristu, rutendeuko, rubhabhatidzo nokugamuchira Mweya Mutsvene zvinondibatsira kugadzirira kudzokera kuna Mwari.
-
Mwari vakadzidzisa Adama izvo zvatinofanira kuita kuti tidzokere kwaVari—kuva nerutendo muna Jesu Kristu, kutendeuka, kubhabhatidzwa, uye kugamuchira chipo choMweya Mutsvene. Batsira vana vako kuwana misimboti iyi muna Mosesi 6:52, 57. Zvino unokwanisa kuvabatsira kunyora nhauro pfupi pamusoro pemumwe wemisimboti yacho. Nhauuro woga woga inogona kusanganisira chinyorwa chitsvene chinobva muna Mosesi 6, chiitiko, uye uchapupu. Ita kuti vagoverana hurukuro dzavo.
-
Unogonawo kuratidza mifananidzo inomiririra misimboti yekutanga yevhangeri (ona musimboti wechitendero wechina). Isa mifananidzo iyi mumutsetse unoenda kumufananidzo waJesu Kristu. Apo paunoverenga Mosesi 6:52, vana vako vanokwanisa kumira pedyo nemufananidzo kwawo apo pavanonzwa mashoko anomiririra mufananidzo wacho.
-
Vana vako vangangonakidzwa nekuimba dzimbo dzinodzidzisa misimboti iri muna Mosesi 6:52, dzakaita sedzokuti “Faith,” “When I Am Baptized,” uye “The Holy Ghost” (Children’s Songbook, 96–97, 103, 105). Vabatsire kuwana misimboti iyi muna Mosesi 6:52.
Baba Vokudenga vanoda kuti vabereki vadzidzise vana Vavo.
-
Kuti ukurudzire vana vako kutsigira vabereki vavo mubasa ravo sevadzidzisi vevhangeri, funga pamusoro pekukumbira mumwe mwana kuverenga Mosesi 6:58 uye kudoma murairo uyo Mwari wavakapa kuvabereki. Zvino unogona kuratidza mufananidzo waAdama naEva vachidzidzisa vana vavo (seuyo uri kumagumo kwechidzidzo chino) uye ita kuti vana vako vataure pamusoro pezvavanoona pamufananidzo wacho. Vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yemhuri dzavo dzichiverenga magwaro matsvene pamwechete, kunamata pamwechete, kana kutamba pamwechete.