Huyai, Munditevere
Ndira 19–25. Kuputsika kwaAdama naEva: Genesi 3–4; Mosesi 4–5


“Ndira 19–25. Kuputsika kwaAdama naEva: Genesi 3–4; Mosesi 4–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Ndira 19–25. Kuputsika kwaAdama naEva,” Huyai, Munditevere: 2026

Adama naEva

Adam and Eve [Adama naEva], naDouglas M. Fryer

Ndira 19–25: Kuputsika kwaAdama naEva

Genesi 3–4; Mosesi 4–5

Pakutanga, nyaya yeKuputsika kwaAdama naEva inogona kuratidzika senjodzi. Adama naEva vakadzingwa kubva muBindu reEdeni rakanaka. Vakaendeswa munyika yemarwadzo, rusuwo, uye nerufu (ona Genesi 3:16–19). Uye vakaparadzaniswa naBaba vavo Vokudenga. Asi zvokwadi zvakadzorerwa kuburikidza naMuporofita Joseph Smith mubhuku raMosesi zvinotipa maonero akasiyana paKuputsika.

Hongu, Bindu reEdeni raiva rakanaka. Asi Adama naEve vaida izvo zvinopfuura nzvimbo yakanaka. Vaida—uye tose tinoda—mukana wekukura. Kusiya Bindu reEdeni ndiyo yakanga iri nhanho yokutanga yaidikanwa vakananga kudzokera kuna Mwari uye pokupedzisira nokuzova saIvo. Izvi zvaireva kutarisana nepikiso, kuita sarudzo, kuita zvikanganiso, kudzidza kutendeuka, uye kuvimba neMuponesi, uyo Rudzikinuro rwake rwunoita kuti kufambira mberi uye “mufaro werununuro rwedu” zvikwanisike (Mosesi 5:11). Saka apo paunoverenga pamusoro pokuputsika kwaAdama naEva, usanangisa pfungwa pane izvo zvinoratidzika senjodzi asi pakwaniso—kwete paparadiso iyo Adama naEva yavakarasikirwa nayo asi pakubwinya uko sarudzo yavo yakunotibvumira kugamuchira.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Genesi 3; Mosesi 4

Kuputsika kwaiva chikamu chinodikanwa chechirongwa chaMwari.

Ichokwadi kuti sarudzo yaAdama naEva yakatungamirira kumatambudziko mazhinji atinosangana nawo muupenyu hwunofa. Asi izvi hazvirevi kuti tinodemba sarudzo yavo. Apo paunoverenga Genesi 3 uye Mosesi 4, unokwanisa kuzvibvunza kuti, sei Kuputsika kwaiva kwakakosha kuchirongwa chaMwari?

Maererano naMosesi 5: 9–12, Adama naEva vakanzwa sei pamusoro peKuputsika? Unokwanisa kushandisa sei mashoko avo muzviitiko zvako munyika ino yakaputsika? Ndezvipi zvimwe zvaunodzidza kubva muna 2 Nifai 2:19–25?

Onawo Mosaya 3:19; Aruma 12:21–37; uye Dzidziso neZvibvumirano 29:39–43.

Eva akabata apuro

Leaving Eden [Kubuda muEdeni], naAnnie Henrie Nader

Genesi 3:1–7; Mosesi 4:22–31; 5:4–15

Jesu Kristu anopa tariro nerununuro.

Nyaya yaAdama naEva inyaya yetariro nerununuro kuburikidza naJesu Kristu. Kuti uone kuti sei, ungangotanga nokutsvaka mhedzisiro dzeKuputsika muna Genesi 3:1–7; Mosesi 4:22–31 uye nokumaka kana kuita mudorongodzwa wezvaunowana. Mhedzisiro idzi dzinoshandura upenyu hwako sei? Zvino unokwanisa kutsvagurudza Mosesi 5:4–15, uchitsvaka chirongwa chaMwari chokutinunura kubva kumhedzisiro idzi. Sei Adama naEva “vakafara” mushure mokunge ngirozi yavashanyira? Chii chaunodzidza kubva kwavari pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga?

Onawo “Because of Him” (vhidhiyo), Gospel Library.

2:44

Because of Him

Genesi 3:16; Mosesi 4:22

Zvinorevei kuti Adama aizova “ishe” waEva?

Ndima iyi yemumagwaro matsvene dzimwe nguva yaiva isinganzwisiswi ichionekwa seinoreva kuti murume ane chikonzero chakanaka chekubata mudzimai wake zvisina tsitsi. Muzuva redu, vaporofita vaIshe vakadzidzisa kuti murume nemukadzi vanofanira kuonana sevabatidzani vakaenzana mukuzadzikisa basa ravo rohumwari mumhuri (ona “Mhuri: Chiziviso kuNyika” [Raibhurari yeVhangeri.]). Gosa Dale G. Renlund naSisita Ruth Lybbert Renlund vakatsanangura kuti murume akarurama “anozotsvaka kushumira; anozobvuma apo paanenge aita chikanganiso uye otsvaka ruregerero; anozokurumidza kupa rumbidzo; anozova nehanya nezvinodiwa nenhengo dzemhuri; anozonzwa huremu hukurusa hwebasa rokupa ‘zvidikanwi zvoupenyu uye dziviriro’ kumhuri yake; anozobata mudzimai wake nerukudzo neruremekedzo rukurusa. … Anozoropafadza mhuri yake” (The Melchizedek Priesthood: Understanding the Doctrine, Living the Principles [2018], 23).

Mosesi 4:1–4

mufananidzo weseminari
Ndinoda kwaniso yokuzvisarudzira uye pikiso kuti ndikure.

Gosa Dale G. Renlund vakadzidzisa kuti, “Chinangwa chaBaba vedu Vokudenga mukurera vana hachisi chokuti vana Vavo vaite zvakanaka; ndechokuti vana Vavo vasarudze kuita zvakanaka uye pokupedzisira vagova saIvo” (“Choose You This Day,” Liahona, Mbudzi 2018, 104). Sei zvakakosha muchirongwa chaBaba Vokudenga kuti isu tisarudze kuita zvakanaka?

Apo paunoverenga Mosesi 4:1–4, tsvaka izvo Baba Vokudenga naJesu Kristu zvavakaita kuitira kudzivirira kodzero yako yokusarudza—kwaniso yokuzvisarudzira yako. Ungakwanisa sei kuwana simba ravo rekudzivirira? Kuti uwane mazano, funga pamusoro pokunzvera chikamu chokuti “Make inspired choicesmuFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (4–5).

Fungawo pamusoro pokuverenga izvo zvakadzidziswa naRihai pamusoro pekwaniso yokuzvisarudzira muna 2 Nifai 2:11–20, 25–30. Sei rupikiso rwuchidikanwa kuitira kwaniso yokuzvisarudzira? Unokwanisa kuratidza sei ruvongo rwako kuna Jesu Kristu nokuda kwokukuita “akasununguka kusarudza”? (2 Nifai 2:27).

Onawo Dallin H. Oaks, “Opposition in All Things,” Liahona, Chivabvu 2016, 114–17; Topics and Questions, “Agency,” Gospel Library; “Ita Zvakanaka,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 66.

Wedzera kutora chinhanho. Zviitwa zvokudzidza zvizhinji zvinokwanisa kuitwa nemunhu pachake, mhuri, kana kirasi; mumapoka madiki; kana vaviri-vaviri. Shandisa nzira dzakasiyana-siyana kuitira kubvumira vanhu kutora chinhanho avo vangange vasina mukana pane dzimwe nguva. Pachiitwa chino, unokwanisa kukoka munhu mumwechete kana boka kuverenga Mosesi 4 uye nhungamiro yeFor the Strength of Youth apo rimwe boka parinonzvera ndima muna 2 Nifai 2. Vanozokwanisa zvino kudzidzisana izvo zvavadzidza mundima dzavo dzavapuwa.

Mosesi 4:4–12; 5:13–33

Satani anotsvaka “kundinyengedza nokundipofomadza.”

Apo paunoverenga Mosesi 4: 4–12; 5:13–33, funga pamusoro pokudorongodza nzira idzo Satani dzaakaedza nadzo kuedza Adama naEva nevana vavo. Anoedza sei kuita zvinhu zvimwechetezvo nhasi? Baba Vokudenga vanokubatsira sei kuramba hunyengedzi hwaSatani?

Mosesi 4:13–16, 27

“Ini, Ishe Mwari … ndakavapfekedza.”

Mushure mokutora muchero usingabvumirwi, Adama naEva vakaedza kufukidza kusasimira kwavo. Pashure, Ishe vakati vaizovapfekedza. Apo paunoverenga Mosesi 4:13–16, 27, funga pamusoro pezvinotevera:

  • Fungisisa kuti kusasimira uye zvipfeko zvinokwanisa kumiririrei mumagwaro matsvene (ona, semunzaniso, Zvakazarurwa 7:9, 13–15; 2 Nifai 9:14; Dzidziso neZvibvumirano 109:22–26, 76). Chii chaunodzidza kubva muchiitiko chaAdama naEva nezvekusasimira uye zvipfeko?

  • Kana wakatora endawumenti mutemberi, funga kuti Adama naEva vangangoti kudii kwauri pamusoro pemakoshero egamendi rako remutemberi uye kuti rinomiririrei.

Onawo “Sacred Temple Clothing” (vhidhiyo), Gospel Library.

4:12

Sacred Temple Clothing

Mosesi 5:4–9, 16–26

Mwari vanozogamuchira mipiro yangu kana ndikaipa nemwoyo unoda uye unoteerera.

Apo paunoverenga Mosesi 5: 4–9, 16–26, funga pamusoro pemafungiro aAdama naEva uye vanakomana vavo Kaini naAberi pamusoro pechibayiro. Sei Ishe vakatambira chibayiro chaAberi asi kwete chaKaini?

Chii icho Ishe chavanokukumbira kuti upire? Pane chimwe chinhu here chiri mundima idzi chinoumba nzira yaunofunga nayo pamusoro pemipiro iyoyo?

­­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Genesi 3; Mosesi 4; 5:8–15

Jesu Kristu anotiponesa kubva paKuputsika.

  • Kubatsira vana vako kuti vanzwisise Kuputsika kwaAdama naEva zvirinani, ungangokopa mifananidzo kubva kuna “Adama naEva” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 13–16) uye woicheka. Zvino munokwanisa kushanda pamwechete kuisa mifananidzo yacho mukutevedzana kwayo apo pamunokurukura zviitiko zvaAdama naEva. Apo pamunodaro, taurai pamusoro pokuti sei zvaiva zvakakosha, muchirongwa chaBaba Vokudenga, kuti Adama naEva vabve muBindu reEdeni.

  • Vana vako vanokwanisa kunzwa ruvongo rweRudzikinuro rwaJesu Kristu apo pavanonzwisisa makundiro Aanoita mhedzisiro dzeKuputsika. Apo pamunoveranga pamwechete Mosesi 4:25; 6:48; VaRoma 5:12; 2 Nifai 2:22–23, batsira vana vako kuwana nzira dzokupedzisa mutsetse uno: “Nokuda kweKuputsika, Ini …” Zvino, apo pamunoverenga pamwechete Mosesi 5:8–11, 14–15; 6:59; Aruma 11:42, vanokwanisa kupedzisa mutsetse uno: “Nokuda kwaJesu Kristu, Ini …” Goveranai ruvongo rwenyu rwaJesu Kristu.

Mosesi 4:1–4

Ndinokwanisa kusarudza zvakanaka.

  • Funga pamusoro pechidzidzo chirinyore chinoshandisa zvinhu zvinobatwa kuti usume musimboti wekwaniso yokuzvisarudzira: koka vana vako kuti vaise ruvara papeji yechiitwa chevhiki ino, asi vape ruvara rumwechete rwokushandisa. Sei zvingava zvirinani kuva nesarudzo? Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Mosesi 4:1–4 uye motaura pamusoro pokuti sei Mwari vachida kuti isu tive tinokwanisa kusarudza pakati pechakanaka nechakaipa. Baba Vokudenga naJesu Kristu vanotibatsira sei kuita sarudzo dzakanaka?

  • Batsira vana vako kufunga uye kudhirowa mifananidzo yesarudzo dzakanaka dzavanokwanisa kuita kuti vatevera Jesu Kristu. Kana kuti mungangoimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro pokuita sarudzo dzakanaka, sezvakaita rwokuti “Choose the Right Way” (Children’s Songbook, 160–61). Munokwanisa kutaurirana pamusuro penguva dzamakasarudza kuita sarudzo dzakanaka uye motaura kuti makanzwa sei mushure mazvo.

Adama naEva

The Fall [Kuputsika], naRobert T. Barrett

Mosesi 5:4, 8

Ndinokwanisa kunamata kuna Baba Vokudenga.

  • Apo Adama naEva pavakafanira kubuda muBindu reEdeni, vaisazokwanisa kuva naBaba Vokudenga. Verenga Mosesi 5:4, 8 nevana vako, uye vabatsire kuwana izvo zvakaitwa naAdama naEva kuti vanzwe kuva pedyo Navo uye vaVanzwe. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinokwanisa kutaura kuna Baba Vokudenga muminamato yedu?

­­

Adama naEva vaine gwayana rechibairo paaritari

In Similitude of the Sacrifice of the Only Begotten of the Father [Mumufananidzo weKuzvipira kweMumwechete Akaberekwa waBaba], naMike Malm (ona Mosesi 5:5–9)

Peji yechiitwa chePuraimari: Kuputsika kwaAdama naEva