Huyai, Munditevere
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Testamente Yekare


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Keverenga Testamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kuverenga Testamente Yekare,” Huyai, Munditevere: 2026

mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Kuverenga Testamente Yekare

Apo Nifai paaida kukurudzira madzikoma ake kuvimba naIshe, akagovera nyaya pamusoro paMosesi nedzidziso kubva kuna Isaya. Apo muApositora Pauro paaida kukurudzira vaKristu vokutanga kuva nerutendo muvimbiso dzaMwari, akavayeuchidza pamusoro perutendo rwaNoa, Abrahama, Sara, Rahabi, uye navamwe. Uye apo Jesu Kristu paakaudza vatungamiri vevaJuda kuti, “nzverai magwaro matsvene,” achitsanangura kuti “anopupura nezvangu” (Johane 5:39), magwaro matsvene aAitaura pamusoro pawo ndiwo zvinyorwa zvatinodaidza kuti Testamente Yekare.

Mune mamwe mashoko, apo paunoverenga Testamente Yekare, urikuverenga mashoko ayo akafemera, akanyaradza, uye akakurudzira vanhu vaMwari kwezviuru chaizvo zvemakore.

Asi chimwe chinhu chakanyorwa kare-kare chinokwanisa kukubatsira zvechokwadi here kuwana mhinduro kumatambudziko anhasi? Hongu, chinokwanisa! Kunyanya kana ukarangarira uyo Testamente Yekare wairi pamusoro pake zvechokwadi.

Uchapupu hwaJesu Kristu

Zvingava zvipi nezvipi zvazvo zvinetso iwe nemhuri yako zvamungange makatarisana nazvo, mhinduro ndiJesu Kristu nguva dzose. Saka kuti uwane mhinduro muTestamente Yekare, Mutsvake. Hazvizovi nyore nguva dzose. Ungangoda kufungisisa nemwoyo murefu uye kutsvaka nhungamiro yezvepamweya. Dzimwe nguva izvo zvinotaurwa neZvake zvinoratidzika kutaura iye pachake zviri pachena, semuchiziviso chaIsaya chokuti, “Takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana: … uye zita rake richanzi … Muchinda Worugare” (Muporofita Isaya 9:6). Mune dzimwe nzvimbo, Muponesi anomiririrwa zvisiri pachena, kuburikidza nezviratidzo uye fanano—semuenzaniso, kuburikidza netsanangudzo dzezvibairo zvemhuka kana rondedzero yaJosefa achiregerera madzikoma ake uye achivaponesa kubva kunzara.

Jesu Kristu amire padombo rakatarira kugungwa

Light of the World [Chiedza cheNyika], naScott Sumner

Kana ukatsvaka rutendo rukurusa muMuponesi apo paunonzvera Testamende Yekare, unozoruwana. Pamwe izvi zvinokwanisa kuva chinangwa chekunzvera kwako gore rino. Namata kuti Mweya unozokutungamirira kuti uwane uye unangise pfungwa pandima, nyaya, uye huporofita hunozokuunza pedyo naJesu Kristu.

Yakachengetedzwa neHumwari

Usatarisire kuti Testamende Yekare ipe nhoroondo yakazara uye kwayo chaiyo yevanhu. Izvi hazvisirizvo zvaiedzwa kuitwa nevanyori uye nevaunganidzi vayo vokutanga. Vavariro yavo hurusa yakanga iri yokudzidzisa chimwe chinhu pamusoro paMwari—pamusoro pechirongwa Chavo kuvana Vavo, pamusoro pezvazvinoreva kuva vanhu Vavo vechibvumirano, uye pamusoro pamawaniro okuita rununuro apo patinenge taita zvikanganiso. Dzimwe nguva vaizviita nokurondedzera zviitiko zvenhoroondo maererano nemanzwisisiro avaizviita, kusanganisira nyaya dzaibva muupenyu hwevaporofita vakuru. Bhuku raGenesi muenzaniso weizvi, sezvakaitawo mabhuku akaita seaJoshua, Vatongi, naI uye II Madzimambo. Asi vamwe vanyori veTestamente Ykare havana kuedza kunyora zvenhoroondo zvachose. Panekudaro, vakadzidzisa kuburikidza nemabasa ehunyanzvi akaita senhetembo nezvinyorwa zvemabhuku. Mapisarema naZvirevo anopinda muchikamu ichi. Uye zvino kune mashoko akakosha evaporofita, vakaita saIsaya naMaraki, avo vakataura shoko raMwari kuvaIsraeri vechinyakare—uye, kuburikidza nechishamiso cheBhaibheri, vachiri kutaura nesu nhasi.

Vaporofita, vadetembi, uye vaunganidzi vose ava vaiziva here kuti mashoko avo aizoverengwa nevanhu panyika pose zviuru zvemakore pashure? Hatizivi. Asi isu tinokahadzika kuti izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Marudzi akasimuka uye akaputsika, maguta akakurirwa, madzimambo akararama uye akafa, asi Testamente Yekare yakararama kuvapfuura vose, kubva kuchizvarwa kuenda kuchizvarwa, kubva kumunyori kuenda kumunyori, kubva kududziro kuenda kududziro. Chokwadi ndechokuti zvimwe zvinhu zvakarashika kana kushandurwa, asi zvakadaro neimwe nzira zvakawanda zvikuru nenzira inoshomisa zvakachengetedzwa.

muporofita wechinyakare achinyora pamupumburu

Old Testament Prophet [Muporofita weTestamente Yekare], naJudith A. Mehr (detail)

Izvi ndizvo zvimwe zvinhu zvishomanana zvokuchengeta mundangariro apo paunoverenga Testamente Yekare gore rino. Mwari vakachengetedza zvinyorwa zvechinyakare izvi nokuda kwokuti Vanokuziva uye neizvo zvauri kusangana nazvo. Vakakugadzirira shoko rezvepamweya mumashoko aya, izvo zvinozokuswededza pedyo naVo uye nokuvaka rutendo rwako muchirongwa Chavo neMwanakomana Wavo Anodikanwa. Pamwe Vanozokutungamirira kundima kana kunzwisiso iyo inozoropafadza mumwe munhu waunoziva—shoko raunokwanisa kugoverana neshamwari, nhengo yemhuri, kana mumwe wako Mutendi. Pane kwaniso dzakawandisa. Izvi hazvisi zvinofadza here kufunga pamusoro pazvo?

Nifai akati, “Mweya wangu unofara muzvinyorwa zvitsvene” (2 Nifai 4:15). Pamwe uchava nemanzwiro aya apo paunoverenga mashoko mazhinji mamwechetewo ayo akaverengwa naNifai—ayo atava kudaidza iyezvino kuti Testamente Yekare.

Mabhuku ari muTestamente Yekare

Mumhando dzechiKristu dzakawanda dzeTestamente Yekare, mabhuku akarongwa zvakasiyana-siyana kubva pamarongerwo aakaitwa apo paakatanga kubatanidzwa kuita muunganidzwa mumwechete. Naizvozvo apo Bhaibheri rechiHebheru parinounganidza mabhuku aya kuisa muzvikwata zvitatu—mutemo, vaporofita, nezvinyorwa—maBhaibheri akawanda echiKristu anoronga mabhuku acho muzvikwata zvina zvinoti: mutemo (Genesi–Deuteronomio), nhoroondo (Joshua–Estere), mabhuku enhetembo (Jobo–Rwiyo waSoromoni), uye vaporofita (Muporofita Isaya–Muporofita Maraki).

Sei zvikwata izvi zvakakosha? Nokuda kwokuti kuziva rudzi rwebhuku rauri kunzvera kunokwanisa kukubatsira kuti unzwisise manzverero ekuriita.

Hechino chimwe chinhu chokuchengeta mundangariro apo paunotanga kuverenga “mutemo,” kana kuti mabhuku mashanu okutanga eTestamente Yekare. Mabhuku aya, ayo kubvira kare anotendwa kuti akanyorwa naMosesi, pamwe akapfuura nemumaoko evanyori nevaunganidzi vakawanda nemukufamba kwenguva. Uye tinoziva kuti, nemumazana emakore, “zvikamu zvizhinji zviri pachena uye zvakakosha” zvakabviswa muBhaibheri (ona 1 Nifai 13:23–26). Zvakadaro, mabhuku aMosesi ishoko rakafemerwa raMwari, kunyangwe zvazvo—serimwe basa ripi zvaro raMwari rinotumwa kuburikidza nevanhu venyama—anokwanisa kuva nezvikanganiso zvevanhu (ona Moses 1: 41; Misimboti yeChitendero 1:8). Mashoko aMoronai, achitaura pamusoro perondedzero inoera yeBhuku raMormoni iyo yaakabatsira kuunganidza, anobatsira pano: “Kana paine mhosho izvi zvikanganiso zvevanhu; naizvozvo, musashoropodza zvinhu zvaMwari” (Peji yeMusoro weNyaya yeBhuku raMormoni). Namamwe mashoko, bhuku remagwaro matsvene harifaniri kuva risina zvikanganiso zvevanhu kuitira kuti rive shoko raMwari.

Manotsi

  1. Ona 1 Nifai 4:2–3; 17:23–43; 19:22–23.

  2. Ona VaHeberu 11.

  3. Ona Russell M. Nelson, “The Answer Is Always Jesus Christ,” Liahona, Chivabvu 2023, 127–28.

  4. Ona Revitiko 1:3–4.

  5. Ona Genesi 45–46.

  6. Mutungamiri M. Russell Ballard vakati: “Hachisi chinhu chakagoitika nokuda kwerombo rakanaka kana chakangoerekana chaitika chokuti tine Bhaibheri nhasi. Vanhu vakarurama vakafemerwa neMweya kuti vanyore pasi zvose zvinhu zvinoera zvavakaona uye nemashoko akafemerwa avakanzwa uye avakataura. Vamwe vanhu vakazvipira vakafemerwa kuti vadzivirire uye vachengetedze rondedzero idzi” (“The Miracle of the Holy Bible,” Liahona, Chivabvu 2007, 80).