Huyai, Munditevere
Ndira 12–18. “Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika”: Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5


“Ndira 12–18. ‘Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika’: Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Ndira 12–18. ‘Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika’,” Huyai, Munditevere: 2026

nyika nemwedzi

Ndira 12–18: “Pakutanga Mwari Vakasika Denga neNyika”

Genesi 1–2; Mosesi 2–3; Abrahama 4–5

Nokuda kwokuti nyika yakatikomberedza yakanakisisa uye inoshamisa zvikuru, zvakaoma kufungidzira nyika apo payakanga “isina kugadzirwa, isinechinhu” uye “isina chirimo uye riri dongo” (Genesi 1:2; Abrahama 4:2). Chinhu chimwechete chatinodzidziswa nenyaya yeKusikwa ndechekuti Mwari vanokwanisa, mukufamba kwenguva, kugadzira chinhu chakanakisisa kubva pachinhu chisina kurongeka. Izvi zvinobatsira kuyeuka apo upenyu pahunoratidzika sehwakanyongana. Baba Vokudenga naJesu Kristu Vasiki, uye basa Ravo rehusiki nesu harisati rapera. Vanokwanisa kuita kuti chiedza chipenye munguva dzerima muupenyu hwedu. Vanokwanisa kuzadza kusava nechinhu kwedu noupenyu. Vanokwanisa kutishandura kuva vanhu vehumwari avo vatakasikirwa kuva. Ndizvo zvazvinoreva kusikwa mumufananidzo waMwari, takafanana Navo (ona Genesi 1:26). Tinekwaniso yokuva saIvo: vakasimudzirwa kumusoro-soro, vakabwinyiswa, vokudenga.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raGenesi, ona “Genesi” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–25; Abrahama 4:1–25

“Kuburikidza newangu Mumwechete Akaberekwa ndakasika zvinhu izvi.”

Kunyangwe zvazvo tisingazivi zvinhu zvose pamusoro pokuti nyika yakasvikwa sei, zvinonakidza kucherechedza izvo Mwari zvavakasarudza kuzivisa pamusoro peKusikwa. Ndezvipi izvo Mwari zvavanokudzidzisa pamusoro pazvo muna Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–25; uye Abrahama 4:1–25? Sei Vachida kuti iwe uzive zvinhu izvi? Apo paunofungisisa pamusoro penyaya idzi, ungangofungawo kuti dzinokudzidzisei pamusoro paBaba Vokudenga, Jesu Kristu, nyika, uye iwe pachoka.

Kuti unatsurudze kunzvera kwako, funga pamusoro pekuverenga ndima idzi uri panze pakati pezvisikwa zvaMwari kana kuti apo paunenge uchiteerera rumbo rwakaita serwokuti “All Creatures of Our God and King” (Hymns, nhamba. 62). Unokwanisa kuwana mifananidzo yezvisikwa Zvavo inokubatsira kuti unzwe ruremekedzo kuna Musiki. Funga pamusoro pekugoverana navamwe mifananidzo iyi, pamwepo neuchapupu hwako.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 101:32–34.

mufananidzo weBindu reEdeni

The Garden of Eden [Bindu reEdeni], naGrant Romney Clawson

Genesi 1:26–27; Mosesi 2:26–27; Abrahama 4:26–27

mufananidzo weseminari
Ndakasikwa mumufananidzo waMwari

Apo paunoverenga Genesi 1:26–27; Mosesi 2:26–27; uye Abrahama 4:26–27, fungisisa kuti zvinorevei kusikwa “mumufananidzo” waMwari kana “mukufanana” naMwari, munhurume nemunhukadzi. Sei zvakakosha kwauri kuti uzive zvokwadi zviri mundima idzi? Semuenzanizo, zvokwadi izvi zvinoshandura sei nzira yaunozviona iwe pachako, vamwe vanhu, uye Mwari? Zvinokwanisa kukubatsira sei apo paunenge uine manzwiro asina kunaka pamusoro pako pachako?

Kukubatsira kufunga pamusoro pemibvunzo iyi, edza kupedzisa mubvunzo wakaita seuyu: “Nokuti ndinoziva kuti ndakasikwa mumufananidzo waMwari , ndinosarudza ku …” Kuwongorora “Your body is sacredmuFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (mapeji 22–29) kunokwanisa kubatsira. Funga pamusoro pekusarudza chimwe chinhu chaunozoita kuratidza Mwari kuti unoziva kuti muviri wako unoera.

Muvhidhiyo inonzi “God’s Greatest Creation” (Gospel Library), Mutungamiri Russell M. Nelson vanopa uchapupu hwemuviri wemunhu unoshamisa. Apo paunoona vhidhiyo iyi, zvibvunze kuti, “Baba Vokudenga vanoda kuti ndinzwe sei pamusoro pemuviri wangu?” Izvi zvakasiyana sei nemashoko aungangonzwa kubva kuna vamwe?

2:51

God's Greatest Creation

Vamwe vanhu vanogona kuti kuva takasikwa mumufananidzo waMwari zvinoreva kuti pfungwa, mazwiro, uye zvido zvedu zvinotenderwa Navo uye hatifaniri (kana kuti hatikwanisi) kunatsurudza. Unozoti kudini kune mafungiro iwayo? Ndedzipi nzwisiso dzaunowana kubva kuna Mosaya 3:19 uye Eta 12:27?

Onawo Russell M. Nelson, “Your Body: A Magnificent Gift to Cherish,” Liahona, Nyamavhuvhu 2019, 50–55.

Genesi 1:27–28; 2:18–25; Mosesi 3:18, 21–24; Abrahama 5:14–18

Muchato pakati pemurume nemudzimai wakagadzwa naMwari.

“Adama naEva vakabatanidzwa pamwechete mumuchato kwenguva uye nokusingaperi kwose nesimba rehupirisita husingaperi” (Russel M. Nelson, “Lessons from Eve,” Ensign, Mbudzi 1987, 87). Fungisisa izvi apo paunoverenga Genesi 1:27–28; 2:18–25; Moses 3:18, 21–25; uye Abrahama 5:14–19. Ungakwanisa kubata sei muchato nekuera kwawakapuwa naMwari?

Onawo 1 Vakorinte 11:11; “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Raibhurari yeVhangeri.

Genesi 1:28; Mosesi 2:28; Abrahama 4:28

Ndine basa rekuchengetedza zvisikwa zvaMwari.

Chii chinotaurwa naGenesi 1:28; Mosesi 2:28; uye Abrahama 4:28 pamusoro pebasa redu kune zvisikwa zvaMwari? Chii chinowedzerwa neDzidziso neZvibvumirano 59:16–21 uye 104:13–18 kunzwisiso yako?

Onawo Gérald Caussé, “Our Earthly Stewardship,” Liahona, Mbudzi 2022, 57–59; Topics and Questions, “Environmental Stewardship and Conservation,” Gospel Library.

Genesi 2:2–3; Mosesi 3:2–3; Abrahama 5:2–3

Mwari vakaropafadza uye vakatsvenesa zuva reSabata.

Mwari vakaita kuti zuva reSabata rive dzvene, uye Vanotikumbira kuti tirichengete riri dzvene. Apo paunoverenga Genesi 2:2–3; Mosesi 3:2–3; uye Abrahama 5:2–3, funga pamusoro pekuti chii chinoita kuti Sabata rive “rakaropafadzwa” kwauri.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 59:9–13; “The Sabbath Is a Delight” (vhidhiyo)), Gospel Library.

0:50

Highlight: The Sabbath Is a Delight

­­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Genesi 1:1–25; Mosesi 2:1–25; Abrahama 4:1–25

Jesu akasika nyika.

  • Unozoita sei kuti kudzidza pamusoro peKusikwa kunakidze kuvana vako? Unokwanisa kuvatora kuenda panze kunotsvaga marudzi ezvinhu akagadzirwa munguva yega yega yenhambo yeKusikwa. Vana vako vanokwanisawo kutarisa mifananidzo yezvinhu zvakasikwa naJesu (ona “Kusikwa kweNyikamuNyaya dzemuTestamente Yekare, 8–12). Zvino iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemanzwiro amunoita pamusoro paJesu Kristu mushure mekuverenga pamusoro peKusikwa.

  • Fungai kuimba rumbo pamwechete pamusoro penyika yedu yakanaka, rwakaita “serwokutiMy Heavenly Father Loves Me” (Children’s Songbook, 228–29). Zvimwe vana vako vangakwanisa kuwedzera kurumbo rwacho zvimwe zvinhu Mwari zvavakasika zvinovabatsira kunzwa rudo Rwavo.

Batsira vana varatidze fungidziro dzavo dzinouchenjeri. “Apo paunokoka vana kudhirowa, kuvaka, kuisa ruvara, kana kunyora chimwe chinhu chinoenderana nemusimboti wevhangeri, unovabatsira kunzwisisa zvirinani musimboti wacho uye unovapa chiyeuchidzo chinobatika chezvavanenge vadzidza” (Teaching in the Savior’s Way,32).

Genesi 1:26–27; Mosesi 2:26–27; Abrahama 4:26–27

Ndakasikwa mumufananidzo waMwari.

  • Vana vako vanokwanisa kukudziridza pfungwa yeruremekedzo nerukudzo kumiviri yavo pachavo neyavamwe apo pavanodzidza kuti tose takasikwa mumufananidzo waMwari. Kuvabatsira kunzwisisa kuti izvi zvinorevei, unokwanisa kuita kuti vana vako vatarise mufananidzo wavo mugirazi kana pamufananidzo paunenge uchiverenga Mosesi 2:26–27 kwavari. Unokwanisawo kuvaratidza kuti mhuka diki kazhinji dziri “mukufanana” nevaberiki vadzo sei (ona mufananidzo muchidzidzo chino, semuenzaniso). Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pekuti sei zvakakosha kwauri kuziva kuti wakasikwa mumufananidzo waBaba vako Vokudenga.

    bere nevana
  • Iwe nevana vako mungangofarira kudhirowa muviri wemunhu uye kucheka zvamadhirowa zvacho kuita mapazuru. Apo vana vako pavanobatanidza mapazuru avo pamwechete, vanogona kutaura pamusoro penzira dzavanokwanisa kuratidza nadzo Baba Vokudenga kuti vane ruvongo nemiviri yavo.

Genesi 2:2–3; Mosesi 3:2–3; Abrahama 5:2–3

Sabata izuva dzvene.

  • Apo paunoverenga Mosesi 3:2–3, kumbira vana vako kuti vateerera kunzwa izvo zvakaitwa naMwari muzuva rechinomwe. Batsira vana vako kuwana kana kudhirowa mifananidzo yezvinhu zvavanokwanisa kuita musi weSvondo kuitira kuti rive ziva dzvene uye rakasiyana namamwe mazuva. Goveranai pamwechete kuti sei zvakakosha kwamuri kuchengetedza zuva reSabata riri dzvene.

  • Batsira vana vako kuita mutambo vachitsanangura kushamwari kuti sei vachisarudza kuita zvinhu musi weSvondo zvinokudza Baba Vokudenga naJesu. Ipa pfungwa yekuti vashandise Genesi 2:2–3 mutsananguro dzavo. Kuchengetedza zuva reSabata riri dzvene kunoratidza sei rudo rwedu kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu?

­­

Jehova anomira mumakore noruoko rwake ruri pamusoro penyika yaari kuronga

The Creation [Kusikwa], naAnnie Henrie Nader

Peji yechiitwa chePuraimari: Jesu akasika nyika