“Zvita 29–Ndira 4. Testamente Yekutanga yaJesu Kristu: Chisumo kuTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chisumo kuTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere: 2026
Zvita 29–Ndira 4: Testamente Yekutanga yaJesu Kristu
Chisumo kuTestamente Yekare
Apo paunofunga pamusoro pekunzvera Testamente Yekare gore rino, unonzwa sei? Unonzwa chido chikuru here? Unonzwa kusava nechokwadi here? Unonzwa kutya here? Ose manzwiro ayo anonzwisisika. Testamente Yekare ndeimwe yemiunganidzwa yezvinyorwa zvakaresa munyika, uye izvi zvinokwanisa kuiita kuti ive zvose inofadza uye inotyisa. Zvinyorwa izvi zvinobva kutsika yechinyakare iyo inokwanisa kuratidzika seyekure uye dzimwe nguva isingazivikanwi kana kunyangwe inoita kuti tisagadzikana nayo. Asi zvakadaro muzvinyorwa izvi tinoona vanhu vachiva nezviitiko zvinoratidzika kuva zvatinoziva. Tinocherechedza madingindira evhangeri ayo anopupura nezvehumwari hwaJesu Kristu uye nevhangeri Rake. Hongu, vanhu vakaita saAbrahama, Sara, Hana, uye Danieri vakararama upenyu uhwo, nedzimwe nzira, hwakanga hwakasiyana zvikuru nehwedu. Asi vakavawo nemufaro wemhuri uye nekusawirirana kwemhuri, nguva dzerutendo uye nenguva dzekusagadzikana, uye budiriro nekundikano—sezvatinoita isu tose. Chakanyanya kukosha ndechokuti, vaishandisa rutendo, vakatendeuka, vakaita zvibvumirano, vakava nezviitiko zvepamweya, uye havana kumboora mwoyo pavimbiso yeMuponesi. Apo patinodzidza mafambiro akaita Mwari muupenyu hwavo, tinoVaonawo mune hwedu, uye nemunyori wemapisarema tinoti: “Shoko renyu ndiwo imwenje wetsoka dzangu, uye nechiedza panzira yangu. … Saka muranda wenyu anorida” (Mapisarema 119:105, 140).
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Testamente Yekare inopupura nezva Jesu Kristu.
Imwe nzira yokuwana nawo kugutswa kukuru kwezvepamweya muTestamente Yekare ndeye kutsvaka Chingwa cheUpenyu, Jesu Kristu (ona Johane 6:48). Somuenzaniso, unoona sei Muponesi mune zvinotevera?
-
Mana (Eksodo 16:4, 11–15; Johane 6:35)
-
Gwayana rechibairo (Eksodo 12:3–5; Johane 1:29)
-
Nyoka yendarira (Numeri 21:4–10; Johane 3:14)
-
Muporofita Jona (Muporofita Jona 1:4–17; Mateo 12:38–41)
Mienzaniso iyi inondidzidzisa chii pamusoro Pake? Ndezvipi zvimwe zvinotaura pamusoro paJesu Kristu muTestamente Yekare zvaunoziva nechekare?
Mushoko ravo “Jesus Christ Is the Treasure,” Gosa Dale G. Renlund vakatikurudzira “kurangarira uye kunangisa pfungwa nguva dzose pana Jesu Kristu” (Liahona, Mbudzi 2023, 98). Funga pamusoro pokuverenga shoko ravo, uchitsvaka zvinhu zvaungaita kuti uwane Jesu Kristu kwete chete muTestamente Yekare asiwo muupenyu hwako.
Onawo “Marudzi kana Micherechedzo yaKristu” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene; “Jesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri; “Seek the Lord Early,” Children’s Songbook, 108.
Tsvaka zviratidzo zvinopupura nezva Jesu Kristu. Ishe vakadzidzisa Adama, “Zvinhu zvose zvine fanano yazvo, uye zvinhu zvose zvinosikwa uye zvinogadzirwa kuti zvipe uchapupu pamusoro pangu” (Mosesi 6:63). Kunyangwe uri kunzvera kana kudzidzisa, kunangisa pfungwa pana Jesu Kristu kunokwanisa kukubatsira kuwana revo mumagwaro matsvene uye nokuwedzera rudo rwako uye rutendo maAri. (Ona Teaching in the Savior’s Way,7.)
Jesu Kristu ndiye Jehova muTestamente Yekare.
Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti: “Baba vakasuma Mwanakomana Wavo Mumwechete Akaberekwa, Jesu Kristu, seMuponesi uye Mununuri wedu uye vakatipa rairo yokuti ‘Timunzwe.’ Kubva kurairo iyi tinosvika pamhedzisiro yokuti rondedzero dzemagwaro matsvene dzemashoko akataurwa ‘naMwari’ kana ‘naIshe’ angangova nguva dzose mashoko aJehova, Ishe wedu vakamuka, Jesu Kristu” (“The Teachings of Jesus Christ,” Liahona, Chivabvu 2023, 102).
The Teachings of Jesus Christ
Apo vatungamiri vevaJuda pavakapikisa Jesu pamusoro pezivikanwo yake, Akataura kuti, “Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.” Mashoko aya akakatyamadza vanhu vakanzwa Jesu, uye vakanga vagadzirira kuMutaka nemabwe (ona Johane 8:58–59). Funga pamusoro pokuverenga Eksodo 3:13–15; 6:3–5 uone kuti sei vamwe vaJuda vakatsamwiswa zvakadaro nezvakataurwa naJesu Kristu.
Sei zvakakosha kwauri kuti uzive kuti Jesu Kristu ndiye Jehova?
Ishe vakadzorera “zvinhu zvaiva pachena uye zvakakosha” zvizhinji kuburikidza naJoseph Smith.
Muchiratidzo, Ishe vakaratidza Nifai kuuya mberi kweBhaibheri, vachitsanangura kuti “zvinhu zvizhinji zvakajeka uye zvakakosha” zvoizobviswa mariri. Funga pamusoro pokuverenga 1 Nifai 13:21–29, 38–42, uchitsvaka kuti Ishe vakaronga sei “kuzivisa zvinhu zvakajeka uye zvakakosha.” Maererano na2 Nifai 3:12, Bhaibheri neBhuku raMormoni zvinoshanda pamwechete sei?
Apo paunonzvera Testamente Yekare gore rino, unozonzverawo mamwe “emamwe mabhuku” akafanoonekwa naNifai. Aya anosanganisira:
-
Bhuku raMosesi, chikamu chedudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri. Rinodzorera zvokwadi uye rondedzero zvisingawanikwi muzvinyorwa zvaiyezvino zvaGenesi 1–6.
-
Bhuku raAbrahama, iro rakaratidzwa kuna Joseph Smith apo paaiwongorora mapapirasi eEgipita echinyakare (ona Topics and Questions, “Book of Abraham,” Gospel Library).
-
Nhoroondo dzakasiyana-siyana kubva kuDudziro yaJoseph Smith, dzimwe dzacho dziri mumanotsi epazasi pepeji, uye muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Heino mimwe mienzaniso yerondedzero dzemuTestamente Yekare dzakadzorerwa kuburikidza naJoseph Smith: guta raEnoki reZioni (Mosesi 7:18–19), chiratidzo chaAbrahama chedare rokudenga (Abrahama 3:22–28), uye hushumiri hwaMerkizedeki (Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:25–40). Sei rondedzero idzi “dzakajeka uye dzakakosha” kwauri?
Adam and Eve Offering Sacrifices [Adama naEva Vachipira Zvibayiro], naKeith Larson (detail)
Testamente Yekare inondibatsira kunzwisisa ukama hwangu hwechibvumirano naMwari.
Testamente Yekare inyaya yaMwari vachitsvaka kutiita “pfuma chaiyo” Yavo kuburikidza nechibvumirano (Ekisodo 19:5). Nokuda kwechikonzero ichocho, nzira yakanaka yokugadzirira nayo kuverenga Testamente Yekare ndeye kudzidza pamusoro pezvibvumirano—kunyanya chibvumirano chisingaperi Mwari chavakapa kuvaporofita vekare saAbrahama, Isaka, Jakobo, nezvizvarwa zvavo. Uye nzira yakanaka yokudzidza nayo zvibvumirano ndeye kunzvera shoko raMutungamiri Russell M. Nelson “Chibvumirano Chisingaperi” (Riahona, Gumiguru 2022, 4–11).
Apo paunoverenga, zvibvunze kuti: Sei zvibvumirano zvakakosha kwandiri? Nderupi “rudzi rwakakosha rwerudo uye ngoni ” rwandinogamuchira kubva kuna Mwari apo pandinochengeta zvibvumirano zvangu Navo? Apo paunoverenga Testamente Yekare gore rino, iva unotsvaka zvinhu izvo Mwari zvavanoda kukudzidzisa pamusoro peukama hwako hwechibvumirano Navo.
Onawo Jeremia 31:31–34.
Mazano eKudzidzisa Vana
Ndinokwanisa kudzidza nezvaJesu Kristu muTestamente Yekare.
-
Mashoko uye tsika dzeTestamente Yekare zvingangova zvakaoma kuti vana vanzwisise, asi unokwanisa kuvabatsira kuona Jesu Kristu muzviratidzo uye munyaya. Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo uri pazasi, The Prophet Isaiah Foretells Christ’s Birth [Muporofita Isaya Anofanotaura nezvoKuzvarwa kwaKristu]. Ita kuti vana vako vadome izvo zvavanoona. Nangisa pfungwa dzavo, kunyanya, kuna Jesu mucheche. Zvino unokwanisa kuverenga navo izvo Isaya zvaakanyora pamusoro pokuzvarwa kweMuponesi muna Muporofita Isaya 7:14; 9:6. Goverana nevana vako manzwiro aunoita pamusoro pokutsvaka Muponesi muTestamente Yekare gore rino.
Isaiah Writes of Christ’s Birth (The Prophet Isaiah Foretells Christ’s Birth) [Muporofita Isaya Anonyora nezve Kuzvarwa kwaKristu (Muporofita Isaya Anofanotaura nezve Kuzvarwa kwaKristu)], naHarry Anderson
-
Iwe nevana vako munokwanisawo kuverenga Mapisarema 23 kana Muporofita Isaya 53:3–9 uye mowana mashoko anokuyeuchidzai nezvaJesu Kristu. Mashoko aya anotidzidzisa chii pamusoro peupenyu Hwake uye Rudzikinuro Rwake?
Baba Vokudenga vanoda kuita zvibvumirano neni.
-
Zvibvumirano idingindira gurusa muTestamente Yekare. Kuti usume dingindira iri kuvana vako, unokwanisa kutaura navo pamusoro pevimbiso dzavanoita nokuchengeta nemhuri kana shamwari uye kuti sei kuchengeta zvibvumirano izvi kwakakosha. Zvino munokwanisa kutarisa mufananidzo werubhabhatidzo uye motaura pamusoro pevimbiso, kana chibvumirano, chatinoita naMwari apo patinobhabhatidzwa (ona Mosaya 18:10, 13). Unokwanisawo kuratidza mufananidzo wetemberi uye wogovera manzwiro ako pamusoro pezvibvumirano zvatinoita imomo.
-
Peji yechiitwa chevhiki ino inokwanisa kubatsira vana vako kufarira kuita uye kuchengeta zvibvumirano naBaba Vokudenga.
Jesu Kristu ndiye Jehova muTestamente Yekare.
-
Vana vako vanoziva here mumwe munhu anodaidzwa nemazita akasiyana mumamiriro ezvinhu akasiyana? Pamwe mubereki kana mudzidzisi anodaidzwa zvakasiyana kubasa, kumba, uye kuchechi. Taurai pamusoro pemazita iwayo; zvino moverenga Eksodo 6:3 pamwechete uye wokoka vana vako kuti vatsvake mazita Jesu Kristu aaizivikanwa nawo asati Azarwa (onawo Dudziro yaJoseph Smith muchinyorwa chepazasi pepeji ).c).