Huyai, Munditevere
Ndira 5–11. “Iri iBasa Rangu neKubwinya Kwangu”: Mosesi 1; Abrahama 3


“Ndira 5–11. ‘Iri iBasa Rangu neKubwinya Kwangu’: Mosesi 1; Abrahama 3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Ndira 5–11. ‘Iri iBasa Rangu neKubwinya Kwangu’,” Huyai, Munditevere: 2026

nyeredzi negore rehuruva muchadenga

Ndira 5–11: “Iri iBasa Rangu neKubwinya Kwangu”

Mosesi 1; Abrahama 3

Bhaibheri rinotanga nemashoko okuti “pakutanga Mwari wakasika denga nenyika” (Genesisi 1:1). Asi chii chaivapo “kutanga” uku kusati kwavapo? Uye sei Mwari vakasika zvose izvi? Kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, Ishe vakajekesa mibvunzo iyi.

Somuenzaniso, Vakatipa rondedzero yechiratidzo umo Abrahama maakaona kurarama kwedu semweya “nyika isati yavapo” (ona Abrahama 3:22–28). Ishe vakatipawo dudziro yakafemerwa kana kuti gadziriso yezvitsauko zvitanhatu zvokutanga zvaGenesi, inonzi bhuku raMosesi— iyo isingatangi nokuti “pakutanga.” Panokudaro, inotanga nechiitiko chakava naMosesi icho chinopa mamwe mamiriro ezvinhu enyaya yeKusikwa. Pamwechete, zvinyorwa zvitsvene izvi zvemazuva ekupedzisira inzvimbo yakanaka yokutangira kunzvera kwedu kweTestamente Yekare nokuti zvinopindura mimwe mibvunzo yakakosha inokwanisa kutipa nzwisiso pakuverenga kwedu: Mwari Ndiani? Tiri vanaani? Basa raMwari chii, uye nzvimbo yedu mariri ndeyei? Zvitsauko zvokutanga zvaGenesi zvinokwanisa kuonekwa sedaviro yaIshe kuchikumbiro chaMosesi chokuti: “Ivai nengoni kumuranda wenyu, O Mwari, uye munditaurire maererano nenyika ino, uye nevagari vayo, uyewo maererano nematenga” (Mosesi 1:36).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosesi 1

mufananidzo weseminari
Semwana waMwari, ndine mugumisiro wehumwari.

“Dai Ishe vaiva vachitaura kwauri iwe chaiko,” Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa, “chinhu chokutanga chaVaizoita chokwadi kuti unonzwisisa ndeche kuzivikanwa kwako kwechokwadi” (“Choices for Eternity” [munamato wepasi rose wevakuru vechidiki, Chivabvu 2022], Gospel Library). Nokudaro Satani aizoedza kukuvhiringidza pachinhu chimwechetecho. Tsvaka muenzaniso uyu mushoko raMwari kuna Mosesi muna Mosesi 1:4, 6 uye mumashoko aSatani muna Mosesi 1:12. Chii chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro pemisiyano iripo pakati paMwari naSatani?

Mutungamiri Nelson vakadzidzisawo kuti, “Nzira yaunofunga nayo pamusoro pekuti uri ani zvechokwadi inoshandura ingangova sarudzo yoga yoga yaunozomboita” (“Choices for Eternity”). Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wesarudzo dzaunoita nekuda kwekuti kuzivikanwa kwako semwana waMwari kunouya pamberi pemamwe mazita.

Ndedzipi dzimwe ndima kana ndevo dziri muna Mosesi 1 dzinokubatsira kunzwisisa kukosha kwako kwehumwari? Ungangokwanisawo kuverenga zvimwe zvizhinji mushoko reMutungamiri Nelson muchikamu “cheChoices for Eternity” chine musoro wenyaya unoti “First: Know the truth about who you are.” Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti zivikanwo yako semwana waMwari ive madomerwe ako akakoshesesa?

Onawo “Ndiri Mwana waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki (1985), nhamba. 112; “Our True Identity” (vhidhiyo), Gospel Library; Topics and Questions, “Children of God,” Gospel Library.

3:39

Our True Identity

amai, baba, nemwana mucheche vachisekerera

Mosesi 1:12–26

Norubatsiro rwaIshe, ndinokwanisa kukunda Satani.

Sokuratidzwa pachena kwazvinoitwa muna Mosesi 1 zviitiko zvepamweya zvine simba hazvirevi kuti hatizomboyedzwi zvakare. Chokwadi ndechokuti, rimwe zano raSatani ndere kutiyedza kuti tisava nechokwadi nezve zviitiko izvozvo. Apo paunoverenga daviro yaMosesi kuna Satani mundima 12–26, chii chaunodzidza icho chinokwanisa kukubatsira kuti urambe uri pachokwadi kuuchapupu hwawakagamuchira? Pakupedzisira, chii chakabatsira Mosesi kukunda Satani?

Imwe dzidziso kubva kuchiitiko chaMosesi ndeyekuti Satani anotiyedza nenyepedzero dzechokwadi nesimba raMwari. Funga nezvedzimwe mhando dzenyepedzero dzezvinhu, sezvakaita semaruva epurasitiki kana kamwana kechidhori. Ungakwanisa sei kuziva kuti ndezvekunyepedzera? Zvino funga pamusoro pezvinhu zvekunyepedzera zvinoshandiswa naSatani nhasi kukuyedza. Unodzidzei kubva muna Mosesi 1:13–18 pamusoro pokuziva uye kuramba nyepedzero dzake? Ishe vangakubatsira sei? (ona Mosesi 1:24–26).

Onawo Mateo 4:1–11; Gary E. Stevenson, “Deceive Me Not,” Liahona, Mbudzi 2019, 93–96; “I Am a Son of God” (vhidhiyo), Gospel Library.

6:31

I Am a Son of God

Kudzidza kumba kunokwanisa kurongwa asi kunokwanisawo kungoerekana kwaitika. “Mikana yokudzidzisa mumhuri kazhinji inoitika munguva dzisina kurongwa, dzemazuva ose—apo pamunenge muchidya zvokudya, muchiita mabasa epamba, muchitamba mitambo, [kana] muri parwendo” (Teaching in the Savior’s Way, 31). Somuenzaniso, pamusoro pokuverenga makundiro ayo Mosesi aakaita Satani muna Mosesi 1, mungangopedza nguva pfupi panguva yokudya kwemanheru muchitaura semhuri pamusoro pemakundiro amakaita pesvedzero dzomuvengi.

Mosesi 1:27–39; Abrahama 3

Basa nekubwinya kwaMwari ndere kundibatsira kuwana upenyu hwokusingaperi.

Mushure mokuona chiratidzo chezvisikwa zvaMwari, Mosesi akati kuna Ishe: “Nditaurirei … kuti sei zvinhu izvi zvakadai” (Mosesi 1:30). Chii chaunoyemura pamusoro pemhinduro yaIshe iri muna Mosesi 1:31–39? Ndeupi musiyano uri pakati peupenyu hwusingafi neupenyu hwokusingaperi? (ona Topics and Questions, “Eternal Life,” Gospel Library). Jesu Kristu anobatsira sei pakuita kuti zvose zviviri izvi zviitike? Abrahama akavawo nechiratidzo, chakanyorwa muna Abrahama 3. Chii chaunowana mundima 24–26 icho chinokwanisa kubatsira kupindura chikumbiro chaMosesi?

Abrahama 3:22–28

Ndakararama semweya ndisati ndazvarwa panyika.

Tinoziva zvishomanana pamusoro peupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika. Asi zvizhinji zvezvatinoziva zvinobva kuchiratidzo chaAbrahama muna Abrahama 3:22–28. Apo paunoverenga ndima idzi, ita mudorongodzwa wezvokwadi zvaunowana—kusanganisira zvokwadi pamusoro pako uye pamusoro paJesu Kristu. Sei zvokwadi izvi zvakakosha kwauri? Ndeupi musiyano wazvinoita muupenyu hwako?

Onawo Topics and Questions, “Premortal Life,” Gospel Library.

­

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosesi 1:1–4, 6, 12

Ndiri mwana waMwari.

  • Mushure mokuverenga pamwechete shoko raMwari kuna Mosesi muna Mosesi 1:4, funga pamusoro pekuita kuti vana vako vazvitarise muchiringiro uye vachizvipa shoko rakafanana naro: “Ndiri mwana waMwari.” Zvino vainokwanisa kupanana shoko rimwechetero: “Uri mwana waMwari.” Ungangowana kunyangwe mifananidzo yevanhu vakasiyana-siyana uye wokoka vana vako kuti vanongedze pamumwe nemumwe vachiti, “Uyu mwana waMwari.” Goveranai kuti sei muchifara nekuziva kuti muri vana vaMwari. Kuziva izvi kunoshandura sei nzira yamunozvibata nayo imi pachenyu uye yamunobata nayo vamwe?

  • Iwe nevana vako munokwanisa kuenzanisa shoko raMwari kuna Mosesi muna Mosesi 1:4 neshoko raSatani mundima 12. Unokwanisa kubatsira sei vana vako kuziva musiyano pakati pemashoko aMwari kwavari neayo aSatani?

Jehova achizviratidza kuna Mosesi

Moses Sees Jehovah [Mosesi Anoona Jehova], naJoseph Brickey (detail)

Mosesi 1:6, 39

Baba Vokudenga vane basa rokuti ndiite.

  • Paunoverenga Moses 1:6 nevana vako, ungangotaura navo pamusoro “pebasa” iro Mwari ravaiva vakachengetera Mosesi. Funga pamusoro pokushandisa Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 13–16, kana Nyaya dzemuTestamente Yekare, mapeji 64–84, kubatsira vana vako kuona zvakazadzikiswa naMosesi nerubatsiro rwaBaba Vokudenga. Nderipi basa iro Mwari ravainaro rokuti isu tiite? (ona, semuenzaniso, Dzidziso neZvibvumirano 11:20).

Mosesi 1:12–26

Ndinokwanisa kukunda miyedzo yaSatani.

  • Apo paunonzvera Mosesi 1:12–26 nevana vako, vabatsire kuwana zvakaitwa naMosesi kuti akunde Satani (ona ndima 13, 15, 18, 20–22, 26). Zvingangovanakidza kuita mitambo yezvinhu zvavanokwanisa kuita kuti vakunde miyedzo yaSatani (zvakaita sokunamata, kusuduruka, kana kukumbira rubatsiro).

Abrahama 3:22–28

Ndakararama semweya ndisati ndazvarwa panyika.

  • Kuziva pamusoro peupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika kunokwanisa kukurudzira vana vako kuita sarudzo dziri maererano nezvokwadi zvokusingaperi. Kuti uvabatsire kudzidza pamusoro pazvo, unokwanisa kuvapa mamwe mashoko nendevo dzakakosha dzekuwana muna Abrahama 3:22–28, sezvakaita “nyika isati yavapo,” “mweya,” “gadzira nyika,” uye “yedza.” Ndima idzi dzinotidzidzisei pamusoro pokuti sei Baba Vokudenga vakatitumira panyika?

  • ­Rwiyo rwakaita serwokuti “I Will Follow God’s Plan” (Children’s Songbook, 164–65) rwunokwanisa kusimbisa izvo Abraham 3 zvainodzidzisa. Pamwe unokwanisa kukoka vana vako kuti vadhirowe mifananidzo inoenderana nemashoko acho.

  • Batsira vana vako kufunga mamiriro ezvinhu ayo avanofanira kusarudza kuita kana kusaita izvo Mwari zvavakakumbira kuti vaite (ona Abrahama 3:25; onawo For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices). Ita kuti vadzidzire daviro dzingaitwa mumamiriro ezvinhu aya. Muponesi anokwanisa kutibatsira sei apo patinoita sarudzo dzisiri kwadzo?

­­

Mosesi achidzingira Satani kure

Moses Overcomes Satan [Mosesi Anokurira Satani], naJoseph Brickey

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndiri Mwana waMwari