“Kukadzi 2–8. ‘Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni’: Mosesi 7” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Kukadzi 2–8. ‘Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni’,” Huyai, Munditevere: 2026
Enoch Sees the Meridian of Time [Enoki Anoona Pakati peNguva], naJennifer Paget
Kukadzi 2–8: “Ishe Vakadaidza Vanhu Vavo Kuti Zioni”
Mosesi 7
Nemunhoroondo yose, vanhu vakaedza kuzadzikisa izvo zvakabudirirwa pazviri naEnoki navanhu vake: kuvaka nzanga yakanaka umo musina urombo kana kurwisana kwechisimba. Savanhu vaMwari, tinachowo chido ichi. Tinochidaidza kuti kuvaka Zioni, uye chinosanganisira—pamusoro pokutaririra vanhu vanoshaya uye nokukurudzira runyararo—kuita zvibvumirano, kugara pamwechete muururami, uye kuva mumwechete nemumwe nemumwe wedu uye naJesu Kristu, “Mambo weZioni” (Mosesi 7:53 Kana panyika, munzvimbo maunogara, kana mhuri yako zvisiri chaizvo zvaunoda kuti zvive, zvinobatsira kubvunza kuti, Enoki nevanhu vake vakazviita sei? Vakava sei “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” (Mosesi 7:18) zvisinei negakava raiva rakavakomberedza? Pakati peruzivo rwakawanda Mosesi 7 yarunotipa pamusoro peZioni, rumwechete rwakanyanya kukosha kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira rungangova urwu: Zioni haisi ingori guta chete—mamiriro emwoyo neemweya. Zioni, sekudzidzisa kwakaita Ishe, ndivo avo “vakachena mumwoyo” (Dzidziso neZvibvumirano 97:21). Saka pamwe nzira yakanakisa yokuvaka nayo Zioni ndeye kutanga mumwoyo yedu pachedu uye nemudzimba dzedu pachedu.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Ndinokwanisa kubatsira kuvaka Zioni.
Apo Muporofita Joseph Smith paakatanga kudzidza pamusoro paEnoki neGuta reUtsvene rake, akakurudzirwa. “Akaziva kuti zuva rakanga rasvika apo Ishe pavaizomisa zvakare Zioni panyika” (Saints, 1:108–9), uye akatanga chinangwa cheupenyu hwose chokuvaka Zioni. Kuveranga Mosesi 7 kunokwanisa kukukurudzira kuenderera mberi nokuedza ikoko nhasi.
Ungangotanga nokuwongorora mibvunzo inoti “Zioni chii?” uye “Yakasiyana sei kubva kunyika yose?” Funga pamusoro pokudorongodza mhinduro idzo dzinouya kwauri apo paunenge uchinzvera Mosesi 7, kunyanya ndima 16–21, 27, 53, 62–69.
Mhinduro dzako kumibvunzo iyi dzingangojekesa kuti tichine basa rakawanda zvikuru rokuita kuti tivake Zioni. Saka tinozviita sei? Zvingangobatsira kufunga pamusoro penguva idzo dzawakanzwa kuti waiva “wemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” nemumwe munhu (Mosesi 7:18). Pamwe paiva muwadhi, mumhuri, kana muboka rokubasa kana rokuchikoro. Chii chakaitwa navanhu kuti vavake rubatano rwakarurama?
Hezvino zvimwe zvinyorwa zvaunokwanisa kuwongorora kuti uwane mazano nefemero. Sarudza chimwechete kana zvakawanda zvokunzvera, uye zvino wonyora pasi izvo zvaunonzwa kufemerwa kuti uite kuitira kuvaka Zioni:
-
VaFiripi 2:1–4; 4 Nifai 1:15–18; Dzidziso uye Zvibvumirano 97:21; 105:5.
-
Ulisses Soares, “Brothers and Sisters in Christ,” Liahona, Mbudzi 2023, 70–73.
-
D. Todd Christofferson, “One in Christ,” Liahona, Chivabvu 2023, 77– 80.
Mwari vanoda vanhu Vavo kuti vave “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” (Mosesi 7:18).
Jesu Kristu ndiye “Mambo weZioni.”
Zvinorevei kwauri kuva naJesu Kristu saMambo wako? Cherechedza mamwe mazita eruremekedzo aJesu Kristu mundima idzi. Chii chaanokudzidzisa pamusoro Pake? Unofunga kuti zvinorevei kupinda “nepasuwo uye [wokwira] kumusoro kuburikidza [Naye]”?
Onawo “Come, O Thou King of Kings,” Hymns, nhamba 59.
Mwari vanochema—uye vanofara—nokuda kwavana Vavo.
Vamwe vanhu vanoona Mwari semunhu ari kure asingabatwe pamwoyo nezvinoitika kwatiri. Enoki akawana maonero akasiyana aMwari muchiratidzo chakanyorwa muna Mosesi 7. Chii chaakadzidza pamusoro paMwari—uye chii chaunodzidza— mundima 28–40? Sei uchifunga kuti Enoki akashamiswa kuona Mwari vachichema? Sei zvakakosha kwauri kuti uzive kuti Vanochema?
Apo chiratidzo pachaienderera, Enoki akachemawo. Asi Mwari vakagoveranawo naye zvikonzero zvokufara. Zvitsvake muna Mosesi 7:41–69. Chii chaunodzidza kubva kuchiratidzo chaEnoki icho chinokwanisa kukubatsira “kusimudza mwoyo wako, uye ufare,” zvisinei “nemarwadzo” ari muupenyu hwakondima 44)?
Onawo Jeffrey R. Holland,The Grandeur of God,” Liahona, Mbudzi 2003, 70–73.
Jesu Kristu anozouya zvakare mumazuva okupedzisira.
Chiratidzo chaEnoki, kunyanya izvo zvakanyorwa muna Moses 7:59–67, ndicho chimwe chehuporofita hwokutanga hwenhoroondo yoKuuya kweChipiri kweMuponesi. Chii chinokufadza pamusoro penzira iyo ndima idzi yadzinotsanagura nayo mazuva okupedzisira? Somuenzaniso, funga pamusoro pamanzirwo aunoita kuti huporofita hunobva mundima 62 hwuri kuzadzikiswa sei? Chii chaunodzidziswa nendevo idzi pamusoro pebasa raMwari mumazuva okupedzisira?
Onawo Henry B. Eyring, “Sisters in Zion,” Liahona, Mbudzi 2020, 67–69.
Mazano eKudzidzisa Vana
Mwari vanoda kuti tive “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete.”
-
Kuti ubatsire vana vako kudzidza pamusoro paEnoki uye Zioni, unokwanisa kushandisa “Enoki Muporofita” muNyaya dzemuTestamente Yekare (19–21) kana mundima yechipiri yerumbo “Follow the Prophet” (Children’s Songbook, 110–11). Zvino unokwanisa kubvunza vana vako kukubatsira kutaurazve nyaya yacho mumashoko avo pachavo. Mifananidzo yaEnoki iri muchidzidzo chino ingangobatsira.
-
Heino imwe nzira yokubatsira vana vako kunzwisisa izvo zvazvinoreva kuva “vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete” (Mosesi 7:18): Gadzira mwoyo webepa uye woucheka kuita zvidimbu zvidimbu, zvinokwana kuti mwana woga woga ave nechidimbu chimwechete. Ita kuti vanyore mazita avo pachidimbu chavo uye voshanda pamwechete kuisa mwoyo uyu pamwechete. Apo pavanenge vachiita kudaro, ungangotaura pamusoro pezvinhu zvaunoda pamusoro pemwana woga woga.
-
Batsira vana vako kuverenga kuti shoko rokuti “Zioni” rinowanikwa kangani muna Mosesi 7:18–21, 62–63, 68–69. Nguva yoga yoga yavanowana shoko racho, vabatsire kuziva izvo ndima yazvinotaura pamusoro peZioni (onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Zioni,” Raibhurari yeVhangeri). Tinokwanisa sei kunyanya kuva savanhu vakatsanangurwa mundima idzi?
Kurudzira kunzvera magwaro matsvene kwemunhu pachake. Kana uri kudzidzisa mhuri yako kumba kana kirasi musi weSvondo, imwe yenzira dzakanakisisa yaunokwanisa kubatsira vamwe nayo kuvaka rutendo rusingaperi muna Jesu Kristu ndeyokuvabatsira kumisa tsika yokutsvaka zviitiko zvemunhu pachake nemagwaro matsvene. Govera zviitiko zvauri kuva nazvo nemagwaro matsvene, uye wokurudzira mhuri kana nhengo dzekirasi kuti dzigovere zviitiko zvadzo. Apo patinonzwa pamusoro pokuti kuverenga magwaro matsvene kuri kuropafadza vamwe sei, kazhinji tinokurudzirwa kutsvaka maropafadzo mwamwechetewo kubva kuna Ishe. (Ona Teaching in the Savior’s Way,25.)
Baba Vokudenga vanoda kuti ndisarudze kuVatevera.
-
Kuti usume Mosesi 7:32–33 kuvana vako, ungangotaura kwavari pamusoro pesarudzo dzavakafanira kuita chinguva chipfupi chapfuura. Zvino munokwanisa kuverenga ndima dzacho pamwechete kuti muzive izvo Ishe zvavanoda kuti tisarudze. Ndedzipi sarudzo dzatinokwanisa kuita kuratidza kuti tinosarudza Ivo? Pamwe vana vako vanokwanisa kutora mijana yokuita mutambo weimwe yesarudzo idzi vamwe vachifembera kuti chiito chacho chinomiririra chii?
Jesu anozodzoka zvakare panyika.
-
Muna Mosesi 7:59, Enoki anobvunza Ishe mubvunzo. Koka vana vako kuti vauwane, zvino wovakumbira kuti vawane mhinduro mundima 60. Ungangotaurawo navo pamusoro penguva iyo yavaitarisira mumwe munhu kudzoka kumba. Vabvunze kuti vakanzwa sei uye kuti chii chavakaita kugadzirira. Tinokwanisa sei kugadzirira kudzoka kwaJesu?
-
Funga pamusoro pokuratidza mifananidzo yenguva apo Muponesi paakazviratidza kuvanhu (sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 60, 82, 83, uye 84). Chii chirikuitwa navanhu mumifananidzo yacho? Vanhu vangava vakanzwa sei apo pavakasangana naJesu? Munokwanisawo kuimba rumbo pamusoro peKuuya kweChipiri kweMuponesi, sezvakaita “When He Comes Again” (Children’s Songbook, 82–83), uye wobvunza vana izvo zvavanofunga kuti zvichange zvakaita apo Jesu paanouya zvakare. Ita kuti vana vako vagovere manzwiro avanoita pamusoro pokuona Jesu apo paAnouya zvakare.