“Kurume 2–8. ‘Bvumira Mwari Kuti Vakunde’,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Kurume 2–8. ‘Bvumira Mwari Kuti Vakunde’,” Huyai, Munditevere: 2026
Esau Sells His Birthright [Esau Anotengesa Udangwe Hwake], naGlen S. Hopkinson (detail)
Kurume 2–8: “Bvumira Mwari Kuti Vakunde”
Genesi 24–33
Unozviwanira sei ropafadzo kubva kuna Mwari? Ungangoti nyaya yaJakobo, muzukurukomana waAbrahama naSara, irondedzero yemurume akadzidza mhinduro kumubvunzo iwoyu. Mutsika iyo mwanakomana dangwe maaigashira ropafadzo yeudangwe, Jakobo akazvarwa ari wechipiri, akabata pachitsitsinho chemupatya wake, Esau. Zita rokuti “Jakobo” rinoreva “mutsivi”—uyo anotsiva nzvimbo yeumwe. Jacobo akararama maererano nezita iroro kuburikidza nekuyedza, zvinopfuura kamwechete, kutsiva Esau semugari weropafadzo yeudangwe nokuti Esau aiva asina kuikodzera (ona Genesi 25:30–34; 26:34–35; 27:36). Mugumisiro wacho waiva rupesano mumhuri, uye Jakobo akafanira kuti atizire mugwenga kuti aponese upenyu hwake.
Mumakore aitevera, Mwari vakaraira Jakobo kuti adzokere kumusha kwake. Arimunzira, Jakobo, mukuzvininipisa, zvakare akatsvaga ropafadzo kubva kuna Mwari. Magwaro matsvene anotsanangura nguva iyi “semutsimba” kuna Jakobo, uye akazivisa kuti aisazongazoregi “kunze kwokunge mandiropafadza” (Genesi 32:26). Zvino kwakauya chidzidzo—uye ropafadzo racho. Mwari vakashandura zita raJakobo kuti Israeri—zvichireva, pakati pezvimwe zvinhu kuti, “bvumira Mwari kuti vakunde.” Israeri akadzidza kuti kugamuchira Maropafadzo akakoshesesa aMwari, maropafadzo Avo echibvumirano, hazvisi zvinodikanwa kutsiva mumwe munhu. Maropafadzo Avo haatengwi kana kubvutwa, kana kuwanikwa nokukunda. Vanoapa pachena kuna avose vanorarama maererano nezita raIsraeri—avo vanobvumira Mwari kuti vakunde muupenyu hwavo.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Genesi 24
Muchato wechibvumirano wakakosha kuchirongwa chokusingaperi chaMwari.
Paunenge uchiverenga Genesi 24, zvibvunze kuti sei Abrahama aiona muchato wemwana wake Isaka kuva wakakosha zvikurusa. Sei muchato wakakosha kuna Mwari?
Ndehwupi hunhu hwaunowana muna Rebeka hungawedzera kukusimba kwemuchato nemhuri? (ona kunyanya ndima 15–28, 57–61).
Onawo Topics and Questions, “Marriage (Muchato),” Gospel Library.
Genesi 25:29–34
Ndinokwanisa kukoshesa zvinhu zvokusingaperi kupfuura zvinhu zvepanyama.
Mutsika dzaIsaka naRebeka, mwanakomana mukurusa aigamuchira udangwe, izvo zvaireva nhaka hurusa, pamwechete nemabasa makurusa ekuchengeta mhuri. Apo paunoverenga Genesi 25:29–34, funga pamusoro pokuti sei Esau akanga achida kupa mumwe udangwe hwake kuti awane zvokudya. Zvidzidzo zvipi zvaunozviwanira iwe pachako murondedzero iyi? Zvingangobatsira kuita midorongodzwa miviri: (1) maropafadzo ekusingaperi ayo Mwari aVanoda kukupa uye (2) zvinhu zvepanyika izvo zvingangokukangaidza. Zvino unokwanisa kuverenga ndima iyi, uchitsiva “udangwe” nechimwe chinhu kubva mumudorongodzwa wokutanga uye “bota” nechimwe chinhu kubva mune wechipiri. Unozonangisa pfungwa sei paMuponesi nemaropafadzo ekusingaperi evhangeri Rake?
Onawo Mateo 6:19–33; M. Russell Ballard, “Remember What Matters Most,” Liahona, Chivabvu 2023, 105–7.
Jacob at Bethel [Jakobo paBeteri], naJames Smetham
Genesi 28
Zvibvumirano zvemuimba yaIshe zvinounza simba raMwari muupenyu hwangu.
Akarara pamutsago wematombo, Jakobo akava nechiroto chinoshandura upenyu. Chaiva chiri chiitiko chinoera zvokuti Jakobo akadaidza nzvimbo iyi kuti Beteri, kana “Imba yaMwari,” achizivisa kuti, “Zvirokwazvo Ishe vari panzvimbo ino” (Genesi 28:16).
Apo paunoverenga Genesi 28, unokwanisa kuzvibvunza kuti chii chakaita kuti chiitiko ichi chive chinoera zvakadaro kuna Jakobo. Chii chaiva chichiitika muupenyu hwake panguva iyoyo? Angangodaro ainzwa sei? Unokwanisawo kutsvaga mashoko nendevo mundima 10–22 dzinokuyeuchidza nezveimba yaIshe. Manzwiro api aunogamuchira pamusoro paMwari, imba Yavo, uye zvibvumirano Zvavo?
Kumagumo kwechidzidzo chino kune mufananidzo unoratidza chiroto chaJakobo; ungangotarisa kwauri apo paunoverenga. Dai iwe waizoitawo mufananidzo wako pachako wechiroto chake, waizoita sei? Ndezvipi zvokwadi kubva munyaya iyi zvawaizoedza kuratidza?
- - Temberi inokubatsira sei kunzwa uri pedyo naMwari? - Ungangodawo kuwongorora zvibvumirano uye maropafadzo eimba yaIshe muGeneral Handbook, 27.2 (Gospel Library). Kuchengeta zvibvumirano izvi kunounza sei simba raMwari muupenyu hwako?
Shandisa mazano ane uchenjeri. Kune nzira dzakawanda dzokudzidza kubva mumagwaro matsvene kunze kwokungoaverenga. Vamwe vanhu vanowana kuti vanonzwisisa magwaro matsvene zvirinani kana vakadhirowa mifananidzo yezviri murondedzero dzacho. Vamwe vanowana nzwisiso dzezvepamweya mumumhanzi unoera unoenderana nemagwaro matsvene. Usangoshandisa nzira imwechete yekudzidza; iva unoedza nzira dzakasiyana siyana
Genesi 29:31–35; 30:1–24
Ishe vanondirangarira mumiedzo yangu.
Apo paunoverenga Genesi 29:31–35 uye 30:1–24, tsvaga mashoko anotsanangura ngoni dzaMwari kuna Rakeri naRea. Fungisisa kuti Mwari “vakatarisa sei kumatambudziko [ako]” uye “vakakuyeuka”(Genesi 29:32; 30:22).
Genesi 32–33
Muponesi anokwanisa kuporesa mhuri yangu.
Apo Jakobo paakadzokera kuKanani, “aitya uye aitambudzika zvikuru” pamusoro pematambirirwo aaizoitwa naEsau (Genesi 32:7). Apo paunoverenga Genesis 32–33, fungisisa ukama hwuri mumhuri yako pachako—kunyanya uhwo hwunoda kuporeswa. Pamwe nyaya iyi inokwanisa kukukurudzira kunanavira kune mumwe munhu. Mibvunzo yakaita seiyi inokwanisa kutungamira kuverenga kwako:
-
Jakobo akagadzirira sei kusangana naIsau?
-
Chii chakanyanya kukosha kwauri pamusoro pemunamato waJakobo unowanikwa muna Genesi 32:9–12?
-
Chii chaunodzidza pamusoro peruregerero kubva pamuenzaniso waEsau?
-
Muponesi angatibatsira sei kugadzirisa hukama hwemhuri?
Mazano eKudzidzisa Vana
Genesi 24:10–21
Ndinokwanisa kuva netsitsi kuna vamwe.
-
Kuti uratidze muenzaniso unoshamisa wetsitsi dzaRebeka, unokwanisa kuratidza vana vako mufananidzo uri pazasi kana peji yechiitwa yevhiki ino paunoita pfupiso yenyaya iri muna Genesi 24:10–21. Vana vako vangangonakidzwa nokuita mutambo wenyaya yacho. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kunhaurirano pamusoro pemabasa etsisti ayo iwe nevana vako amakamboona.
-
Funga pamusoro pokuimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro petsisti, sezvakaita rwokuti “Tsitsi Dzinotanga Neni” (Nziyo neDzevana Vadiki, 123). Vana vako vanokwanisa kuteerera kuti vanzwe shoko rokuti “tsisti” (kana rimwe shoko rakafanana naro) uye vosimuka apo pavanorinzwa. Tingakwanisa sei kuva netsitsi saRebeka?
Old Testament Heroes [Magamba emuTestamente Yekare], naDilleen Marsh (detail)
Genesi 25:21–34
Zvinhu zvokusingaperi zvakanyanya kukosha kupfuura zvinhu zvepanyika.
-
Funga pamusoro pokushandisa “Jakobo naEsau” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 38–41) kubatsira vana vako kunzwisisa nyaya iri muna Genesis 25:21–34. Zvimwe vana vako vanokwanisa kufungidzira kuti Esau akakumbira rairo yavo pamusoro pokuti angatengesa here udangwe hwake kuti awane bota. Vaizotii kwaari?
2:5Jacob and Esau
-
Ndezvipi zvinhu zvakakosha kwokusingaperi kwauri nevana vako? Pamwe vana vako vanokwanisa kuwana mifananidzo kana zvinhu zvinomiririra zvinhu izvi. Tinokwanisa kuratidza sei Ishe kuti zvinhu izvi zvakakosha kwatiri?
Genesi 28:10–22
Zvibvumirano zvinondibatsira kudzokera kuna Baba Vokudenga.
-
Apo pamunoverenga Genesi 28:10–22 pamwechete, munokwanisa kushandisa manera (kana mufananidzo wakafanana neuri kumagumo kwechidzidzo chino) kuti mutaure pamusoro pemafananiro akaita zvibvumirano zvedu nemanera. Pamwe vana vako vanokwanisa kunyepedzera kukwira manera, uye nenhanho yoga yoga, votaura pamusoro penguva idzo dzatinovimbisa kuteerera Mwari, sezvakaita apo patinobhabhatidzwa, patinotora sakaramende, kana patinoenda kutemberi. Zvibvumirano zvedu zvinotiunza sei pedyo naMwari?
Genesi 32:6–11; 33:1–4
Baba Vokudenga naJesu Kristu vanokwanisa kundibatsira kuda mhuri yangu.
-
Kusuma ndima idzi, ungangotsanangura kuti mushure memakore akawanda eruvengo, Jakobo aizonosangana naEsau zvakare. Verengai pamwechete Genesi 32:6–11. Jakobo akanzwa sei? Chii chaakaita kuti awane rubatsiro? Verengai pamwechete Genesi 33:1–4 kuti muwane mapinduriro akaita Mwari munamato waJakobo. Kana Jakobo naEsau vaikwanisa kutaura nesu nhasi, chii chavangataura kutibatsira apo pamunenge muine kukakavadzana mumhuri yedu.