“Kubvumbi 6–12. ‘Rangarirai Zuva Iri, Ramakabudiswa naro paEgipita,’ Eksodo 7–13,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yakare 2026 (2026)
“Kubvumbi 6–12. ‘Rangarirai Zuva Iri, Ramakabudiswa naro paEgipita,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yakare 2026
Illustration of Moses and Aaron in the court of Pharaoh[Mufananidzo waMosesi naAroni mudare raFarao], naRobert T. Barrett
Kubvumbi 6–12: “Rangarirai Zuva Iri, Ramakabudiswa naro paEgipita”
Eksodo 7–13
Dambudziko mushure medambudziko akatambudza Egipita, asi Farao zvakadaro airamba kusunungura vaIsraeri. Asi Mwari vakaramba vachiratidza simba Ravo uye vakapa Farao mikana yokuti abvume “kuti ini ndini Ishe” uye “hapana wakafanana neni panyika pose” (Eksodo 7:5; 9:14). Pazvaiitika izvi, Mosesi navaIsraeri vanofanira kunge vakatarisa norushamiso rukuru pazviratidzo izvi zvesimba raMwari richishanda muchinzvimbo chavo. Chokwadi izvi zviratidzo zvaienderera zvakasimbisa rutendo rwavo muna Mwari uye zvakasimbisa chido chavo chokutevera muporofita waMwari. Zvino, mushure mokunge matambudziko mapfumbamwe akaipisisa atadza kusunungura vaIsraeri, rakanga riri dambudziko rechigumi—rufu rwedangwe, kusanganisira dangwe raFarao—rwakazogumisa utapwa hwacho. Izvi zvinoita sezvakakodzera nokuda kwokuti pachiitiko chose cheutapwa hwezvepamweya, zvirokwazvo pane nzira imwechete yekupukunyuka. Chete kuzvipira kwaJesu Kristu, Dangwe—ropa reGwayana risina mhosva yaringapomerwa —ndiko kunozotiponesa.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Eksodo 7–11
Ndinokwanisa kusarudza kupfavisa mwoyo wangu.
Tinovimba, chido chako hachizombopikisani nechido chaMwari sezvaiva zvakaita chaFarao. Kunyangwe zvakadaro, tose tine nguva apo mwoyo yedu painenge isina kupfava sezvainofanira kunge yakaita. Chii chinokushamisa pamusoro pemhinduro dzaFarao kumatambudziko acho muna Eksodo 7:14–25; 8:5–32; 9:1–26; 10:12–29; 12:29–33? Cherechedza jekesero iri muDudziro yaJoseph Smith yaEksodo 7:3, 13; 9:12.
Sei “wakaoma” iri tsananguro yakanaka yemwoyo waFarao? Funga pamusoro pezvaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro pokuva nemwoyo munyoro: 1 Nifai 2:16; Mosaya 3:19; Aruma 24:7–8; 62:41; Eta 12:27. Apo paunovernga pamusoro pemhedzisiro dzekuoma kwemwoyo waFarao, fungisisa nezvemamiriro emwoyo wako. Ishanduro dzipi dzaunonzwa kukurudzirwa kuita?
Eksodo 12:1–42
Jesu Kristu anokwanisa kundiponesa nokuda kweRudzikinuro Rwake.
Nzira imwechete yevaIsraeri yokuti vaponeswe kubva kudambudziko rechigumi, yakatsanangurwa muna Eksodo 11:4–5, yaiva yokutevedzera nemazvo chaimo mirairidzo iyo Ishe yavakapa kuna Mosesi muna Eksodo 12, tsika inozivikanwa sePaseka. Paseka inotidzidzisa kuburikidza nezviratidzo kuti sokusunungura kwakaita Ishe vaIsraeri kubva muusungwa muEgipita, Vanokwanisawo kutisunungura kubva muusungwa hwechivi. Kuti uwongorore fananidziro iyi muna Eksodo 12:1–42, unokwanisa kushandisa chati yakaita seiyi:
|
Chiratidzo |
Zvazvingangoreva |
Shoko raMwari kwandiri |
|---|---|---|
Chiratidzo Kutanga kwemwedzi (ndima 2; Ishe vakaraira vaIsraeri kushandisa chiitiko ichi kumaka kutanga kwekarenda ravo). | Zvazvingangoreva Aya aiva mavambo matsva eIsraeri. Vaifanira “kuzvarwa patsva.” | |
Chiratidzo Gwayana (ndima 3–5). | Zvazvingangoreva Ona Johane 1:29; 6:54; 1 Petro 1:19. | |
Chiratidzo Ropa regwayana pamagwatidziro (ndima 7, 13, 23). | Zvazvingangoreva Ona Mosaya 4:2; Zvakazarurwa 12:11. | |
Chiratidzo Chingwa chisina mbiriso (ndima 8, 15, 19–20). | Zvazvingangoreva Mbiriso, inokwanisa kuva chiratidzo cheuwori nokuti inokanganisika zvirinyore. Ona Mateo 16:6–12; Johane 6:35. | |
Chiratidzo Miriwo inovava (ndima 8). | Zvazvingangoreva Yeuchidzo yokuvava kwechivi uye utapwa. Ona Eksodo 1:14; Mosesi 6:55. | |
Chiratidzo Kudya nekukurumidza, vakapfeka zvokuti vaende (ndima 11). | Zvazvingangoreva Chiratidzo chekukurumidza kusiya utapwa hwechivi. Ona Genesi 39:12; 2 Timotio 2:22. | |
Chiratidzo Muparadzi (ndima 13, 23). | Zvazvingangoreva | |
Chiratidzo VaIsraeri vakasunungurwa (ndima 29–32). | Zvazvingangoreva | |
Zvii zvimwe zvaunowana mumirairidzo nezviratidzo zvePaseka zvinokuyeuchidza nezvaJesu Kristu uye Rudzikinuro Rwake? Zviratidzo izvi zvinotaura chii kwauri pamusoro pemagamuchiriro okuita maropafadzo eRudzikinuro Rwake?
Huya kuna Kristu kuburikidza nokuziva zviratidzo zvinopupura neZvake. “Zvinhu zvose,” Ishe vakazivisa, “zvinosikwa uye zvinogadzirwa kuti zvipe uchapupu pamusoro pangu” (Mosesi 6:63; onawo 2 Nifai 11:4). Muna Eksodo 12, zviratidzo zvakaita segwayana, ropa, chingwa chisina mbiriso, zvishamiso, uye rusununguko zvose zvinonongedza kuna Kristu. “Apo patinenge tanzwisisa kuti zvinhu izvi zviri maererano sei neMuponesi, zvinokwanisa kutidzidzisa nezvesimba nehunhu Hwake” (Teaching in the Savior’s Way,7).
In Remembrance of Me [Mukurangarira Ini], naWalter Rane
Eksodo 12:14–17, 24–27; 13:1–16
Sakaramende inondibatsira kuyeuka rusunungurwo rwangu kuburikidza naJesu Kristu.
Muponesi akaraira vaIsraeri kucherechedza Paseka gore roga-roga kuitira kuvabatsira kurangarira kuti Akanga avasunungura, kunyangwe mushure mokunge utapwa hwavo hwava ndangariro iri kure. Paunoverenga mirairidzo yavo muna Eksodo 12:14–17, 24–27; 13:1–16, funga pamusoro pezvauri kuita kuyeuka maropafadzo aMwari kwauri. Ungakwanisa sei kuchengetedza ndangariro iyoyo “nemuzvizvarwa zvako zvose”? (ona Eksodo 12:14, 26–27).
Ndedzipi fanano dzaunoona pakati pemabiko ePaseka nesakaramende? Chii chaunokwanisa kuita kuti “urangarire nguva dzose” Jesu Kristu? (Moronai 4:3; 5:2).
Unogonawo kufungisisa zvimwe zvinhu izvo Ishe zvavanoda kuti urangarire; ona, semuenzaniso, Hiramani 5:6–12; Moroni 10:3; Dzidziso Nezvibvumirano 3:3–5, 10; 18:10; 52:40.
Onawo Kevin W. Pearson, “Are You Still Willing?,” Liahona, Mbudzi 2022, 67–69; “Always Remember Him” (vhidhiyo), Gospel Library; “In Memory of the Crucified,” Hymns, nhamba 190.
Always Remember Him
Mazano eKudzidzisa Vana
Eksodo 7–11
Ishe vane simba pamusoro pezvinhu zvose.
-
Matambudziko akatsanangurwa muna Eksodo 7–11 akaratidza vaEgipita navaIsraeri kuti Ishe vane simba guru. Ishe vanozobatsira vana vako nomuupenyu hwavo hwose apo pavanenge nerutendo musimba Ravo. Kuvabatsira kudzidza kubva kunyaya iyi, unokwanisa kupa mwana woga woga bepa rakakamurwa kuita zvikamu gumi, uye wovakoka kudhirowa mifananidzo yematambudziko akatsanangurwa mundima idzi: Eksodo 7:17–18; 8:1–4; 8:16–17; 8:20–22; 9:1–6; 9:8–9; 9:22–23; 10:4–5; 10:21–22; 11:4–7 (onawo “Matambudziko eEgipita” muNyaya dzeTestamende Yekare, 67–69). Verengai pamwechete Eksodo 7:5 uye 9:14 kuti mutsanangure kuti sei Ishe vakatumira matambudziko.
2:3The Plagues of Egypt
-
Goverana nevana vako kuti Ishe vakakuratidza sei kuti “hapana akafanana [Navo] panyika pose” (Eksodo 9:14). Ita kuti vagovere maziviro avanoita kuti Ishe vane simba.
Eksodo 8:28–32; 9:7
Ishe vanokwanisa kundibatsira kuva nemwoyo munyoro.
-
Kuti ubatsire vana vako kufungidzira zvazvinoreva kuva nemwoyo munyoro, zvingangova zvinonakidza kuvaratidza chinhu chakaoma, chakaita sedombo, uye chimwe chakapfava uye chinonwa mvura, chakaita sesiponji. Unokwanisa kudira mvura pamusoro pezvinhu izvozvo kuratidza kuti zviri nyore sei kuti mwoyo munyoro ugamuchire shoko raIshe. Munokwanisa zvino kuverenga pamwechete ndima shoma dzinotsanangura madaviriro akaita Farao kumatambudziko akatumirwa naIshe (ona Eksodo 8:28–32; 9:7). Ndechipi chezvinhu izvi chinonyatsotsanangura mwoyo waFarao kana mafungiro ake? Zvinorevei kuva nemwoyo munyoro? (ona Mosaya 3:19).
-
Iwe nevana vako munokwanisa kuita mudorongodzwa wezvimwe zviito zvinogona kuratidza apo patinenge tiine mwoyo wakaoma (semuenzaniso, kushandisa mashoko asina mutsa kana kusada kugovera vamwe). Tinoratidza sei Ishe kuti tinoda kuva nemwoyo minyoro?
Eksodo 12:1–13
Sakaramende inondibatsira kurangarira Jesu.
-
Paseka yakadzidzisa vaIsraeri kutarisira Muponesi nokuzvipira Kwake kwaakaitira isu. Pamunowongorora Eksodo 12:1–13 pamwechete, batsira vana vako kuona enderano iri pakati peruzivo rwePaseka neRudzikinuro rwaJesu Kristu (onawo “Paseka” muNyaya dzeTestamente Yekare, 70–74). Somuenzaniso, Muponesi akafanana sei negwayana rakatsanangurwa mundima 5?
2:54The Passover
-
Nhasi, tinotora sakaramende kurangarira kuzvipira kwaJesu. Ungangoratidza vana vako mufananidzo wesakaramende uye motaura pamusoro pokuti chisungo ichi chinotibatsira sei kurangarira Jesu Kristu. Unokwanisa kubatsira vana vako kutsvaga shoko rokuti “rangarira” muminamato yesakaramende (ona Moronai 4–5). Kana kuimba pamwechete rwiyo rwunonyanya kufarirwa rwuri pamusoro pesakaramende, uye wobatsira vana vako kuona manzwiro erunyararo avanova nawo apo pavanofunga pamusoro peMuponesi. Tinokwanisa kutsvaga manzwiro aya sei apo patinotora sakaramende?