Huyai, Munditevere
Kubvumbi 13–19. “Mirai, Mugovona Sununguro yaIshe”: Eksodo 14–18


“Kubvumbi 13–19. ‘Mirai, Mugovona Sununguro yaIshe: Eksodo 14–18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Kubvumbi 13–19. ‘Mirai, Mugovona Sununguro yaIshe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026

Gungwa Dzvuku

Kubvumbi 13–19: “Mirai, Mugovona Sununguro yaIshe”

Eksodo 14–18

VaIsraeri vakanga vakavharirwa. Gungwa Dzvuku raiva kune rimwe divi, uye mauto aFarao aiuya nekune rimwe. Zvaitaridzika sokuti kubuda kwavo muEgipita, kwaizongova kwechinguva chipfupi. Asi Mwari vaiva neshoko kuvaIsraeri iro raVaida kuti vayeuke kwezvizvarwa zvakawanda: “Musatya zvenyu. … Ishe achakurwirai” (Eksodo 14:13–14).

Kubva panguva iyoyo, apo vanhu vaMwari pavanoda rutendo uye ushingi, kazhinji vanorondedzera nyaya iyi. Apo Nifai paaida kukurudzira madzikoma ake, akati, “Ngativei takasimba saMosesi; zvirokwazvo akataura kumvura dzeGungwa Dzvuku uye dzikaparadzaniswa napakati, uye madzibaba edu akapfuura, kubva muutapwa, nepasi pakaoma” (1 Nifai 4:2). Apo Mambo Rimuhai paaida kuti vanhu vake vakanga vakatapwa “vasimudze misoro yavo, uye vafare,” akavayeuchidza nezve nyaya imwecheteyo iyi (Mosaya 7:19). Ndizvowo zvakaita Aruma, paaida kupupura kumwanakomana wake nezve simba raMwari (ona Aruma 36:28). Uye apo patinonzwa kunge takavharirwa—apo patinoda rutendo rwakawanda kuti, “tione sununguro yaIshe”—tinokwanisa kuyeuka kuti “Ishe vakaponesa Israeri sei zuva iroro” (Eksodo 14:13, 30).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Eksodo 14; Eksodo 15:1–21

Mwari vanokwanisa kuita “basa guru” muupenyu hwangu.

Apo paunenge uchiverenga Eksodo 14:1–10, fungidzira kuti vaIsraeri vangange vakanzwa sei apo pavaiona varwi vaFarao vachiswedera pedyo. Pamwe unonzwa kuti unoda chishamiso kuti ukurire chinetso chakaoma chawakatarisana nacho. Chii chaunowana muna Eksodo 14:13–31 icho chinokukurudzira kutsvaga simba raMwari muupenyu hwako? Fungisisa kuti wakaona sei simba Ravo munguva yakapfuura. Chii chawakadzidza pamusoro Pavo kubva muzviitiko izvi?

Eksodo 15:1–19 ndirwo rumbo rwerumbidzo urwo vaIsraeri rwavakaimba mushure mokunge Ishe vapatsanura Gungwa Dzvuku. Ndedzipi ndevo dziri murwiyo urwu dzaunonzwa dzichinyanya kureva chinhu kwauri. Pamwe kune rwiyo rwaunonzwa uchida kuimba apo Ishe pavanenge vakuitira chimwe chinhu chinoshamisa, rwakaita serwokuti “Mununuri weIsraeri” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 8). Funga pamusoro pokuruimba kana kuruteerera sechikamu chokunamata kwako nhasi.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 8:2–3.

Eksodo 15:22–27; 16:1–15; 17:1–7

Ishe vanokwanisa kuita kuti zvinhu zvinovava zvitapire.

Kuverenga pamusoro perwendo rwaIsraeri kungangokutungamirira mukufunga pamusoro pezvinhu zvemuupenyu hwako zvaitaridzika “sezvinovava” semvura yekuMara. (ona Eksodo 15:23–27). Ishe vakaita sei kuti zvinhu zvinovava muupenyu hwako zvitapire? Zviitiko izvi zvakava zvakakosha sei muupenyu hwako?

Unozocherechedza mienzaniso yakawanda yezviitiko zvevaIsraeri zvinovava muna Eksodo 16 uye 17. Zvirinyore kushoropodza kugunun’una kana kunyunyuta kwavo, asi apo paunoverenga, funga kana wakamboita chinhu chimwechetecho. Chii chaunodzidza kubva kuzviitiko zvevaIsraeri icho chinokwanisa kukubatsira kuti usanyanya kugunun’una uye uvimbe naMwari zvakanyanya? Ndima idzi dzinokudzidzisei pamusoro paMwari?

Onawo 1 Nifai 2:11–12.

VaIsraeri vachiunganidza mana

VaIsraeri vachiunganidza mana. Mufananidzo werudzi rweNeo-gothic fresco, muguta reTrnava (detail)

Eksodo 16

mufananidzo weseminari
Ishe vanondipa kudya kwemweya kwezuva roga roga.

Sezvo tose tichifanira kudya, Ishe kazhinji vanoenzanisa zvinhu zvepamweya nezvokudya. Tsvaga dzidziso Dzavo dzezvepamweya muzviitiko zvevaIsraeri nemana muna Eksodo 16. Somuenzaniso, chii chaunowana mumirairidzo yaIshe muna Eksodo 16:16, 19, 22–26 chinoshanda mukugutswa kwako kwezvepamweya?

Kuti uwane zvimwe zvidzidzo izvo Ishe zvavangada kuti udzidze kubva muchishamiso ichi, fungisisa nezve mibvunzo yakaita seiyi:

  • Chii icho Ishe chavanondipa chakaita semana yezuva roga roga iyo yaVakapa kuvaIsraeri?

  • Chii chandinokwanisa kuita chakafanana nokuunganidza mana?

Unogona kuwana dzimwe nzwisiso kubva muimwechete kana kupfuura yemavhidhiyo aya: “Daily Bread: Pattern,” “Daily Bread: Experience,” and “Daily Bread: Change” (Gospel Library).

2:52

Daily Bread: Pattern

3:12

Daily Bread: Experience

3:0

Daily Bread: Change

Funga nezve zvimwe zvinhu, kunze kwokudya, zvaunoita mazuva ose. Sei zvimwe zvinhu zvichifanira kuitwa zuva roga roga kuti zvishande? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti utsvage zviitiko zvepamweya zuva roga roga?

Onawo Dieter F. Uchtdorf, “Daily Restoration,” Liahona, Mbudzi 2021, 77–79; “Daily Restoration” (vhidhiyo), Gospel Library.

5:27

Daily Restoration

Eksodo 17:1–7

Jesu Kristu ndiye dombo rezvepamweya rangu uye mvura mhenyu yangu.

Funga pamusoro peMuponesi apo paunoverenga Eksodo 17:1–7. Jesu Kristu akaita sedombo sei kwauri? (ona Pisarema 62:6–7; Heramani 5:12). Akaita semvura sei? (ona Johane 4:10–14; 1 VaKorinte 10:1–4; 1 Nifai 11:25).

Tsvaga zvinhu zvinokwanisa kubatwa izvo zvinopupura nezvaKristu. Pose apo zvinyorwa zvitsvene pazvinotsanangura zvinhu zvinokwanisa kuva micherechedzo yaJesu Kristu, sezvinoita Eksodo 17:1–7 ungangova mukana wechidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa. Kutarisa kana kubata dombo kana mvura kunokwanisa kuita kuti zvive nyore kunzwisisa kuti zvinhu izvi zvakaita saJesu Kristu sei. Kana uchikwanisa kusanganisira kuona, kunzwa, kubata, kunhuwidza, nekuravira mukudzidza, kunozova kunonyanya kuyeukwa uye kune shanduro huru.

Eksodo 17:8–16; 18:13–26

Vadzidzi vanobatsirana “kutakura mutoro” wokuita basa raIshe.

Panogona kuva nenguva muupenyu hwako apo paunokwanisa kunzwa saMosesi—apo vamwe pavanenge vakatarisira kwauri, asi “mawoko ako [anonzwa] kuneta” (Eksodo 17:12). Dzimwe nguva, ungangova wakanyanyoita saAroni, Huri, naJetero, avo vakatsigira Mosesi. Zviise muchinzvimbo chemumwe nemumwe wevanhu ava apo paunoverenga Eksodo 17:8–16; 18:13–26, uye uone izvo Ishe zvavanokudzidzisa pamusoro pebasa Ravo.

Onawo Mosaya 4:27; 18:8–9.

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Eksodo 14:5–22

Mwari vanokwanisa kuita “basa guru” muupenyu hwangu.

  • Apo Mwari pavakapatsanura Gungwa Dzvuku, Mosesi nevaIsraeri vakaona kuti Vanesimba guru zvakadii. Ita kuti vana vako vakubatsire kufunga nezve nzira inonakidza yokudzokorora nyaya inobva muna Eksodo 14:5–22 (onawo “PasekamuNyaya dzeTestamente Yekare, 70–74). Pamwe unokwanisa kuronga zvigaro kana magumbeze uye “woapatsanura” seGungwa Dzvuku. Munokwanisawo kugoverana maonero amakaita simba raMwari muupenyu hwenyu.

    2:54

    The Passover

  • Chii icho Dzidziso neZvibvumirano 8:2–3 chainowedzera kunzwisiso yedu yenyaya iri muna Eksodo 14? Unokwanisa kuudza vana vako pamusoro pechiitiko apo Mweya Mutsvene pawakakutaurira chimwe chinhu mupfungwa kana mumwoyo mako, uye wovakoka kuti vataure pamusoro pezviitiko zvavo. -

Eksodo 15:22–25

Ishe vanokwanisa kuita kuti zvinhu zvinovava zvitapire.

  • Pamwe iwe navana vako munokwanisa kunwa chinhu chinotapira uye chimwe chinhu chinovava pamunenge muchinzvera Eksodo 15:22–25 pamwechete. Ishe vakaita sei kuti zviitiko “zvinovava” muupenyu hwako “zvitapire” ?

Eksodo 15:23–25; 16:14–15; 17:1–6

Jesu ndiye Mvura Mhenyu yangu, Chingwa cheUpenyu changu , neDombo rangu.

  • Apo iwe nevana vako pamunoverenga Eksodo 15:23–25; 16:14–15; 17:1–6, ita kuti vakubatsire kuwana zvinhu zvinobatsira kutaura nyaya yoga yoga—sebazi remuti (kuporesa mvura paMara), chirongo kana hari (chekuzadza nemana), uye dombo (remvura paHorebi). Nyaya idzi dzinotiyeuchidza chii pamusoro pezvatinoitirwa naJesu Kristu? Sechikamu chehurukuro yenyu, mungangoverenga Mateo 7:24–27; Johane 4:10–14; 6:29–35, 48–51; Hiramani 5:12; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.

mufananidzo unoratidza Mosesi, Aroni, naHuri

One Before God [Mumwechete pamberi paMwari], naJoseph Brickey (detail)

Eksodo 17:8–16; 18:13–26

Ndinokwanisa kubatsira “kutakura mutoro” wokuita basa raIshe.

  • Apo paunoverenga Eksodo 17:8–16, unokwanisa kukoka mwana kuti asimudze maoko ake mudenga. Apo mwana paanenge aneta, vamwe vana vanokwanisa kubatsira, senzira iyo Aroni naHuri yavakabatsira nayo Mosesi. Nyaya iyi inotidzidzisa chii pamusoro pemabatsiriro atinokwanisa kuita humambo hwaMwari kuti hwubudirire? Unokwanisawo kuverenga Eksodo 18:13–26 uye wotaura pamusoro pemabasa anorema evanhu vanoshandira muwadhi yako. Tinokwanisa kuita chii nhasi kuti tibatsire vatungamiri vedu veChechi, sekubatsira kwaita Aroni naHuri muporofita Mosesi?

­­

Mosesi achipatsanura Gungwa Dzvuku

Crossing the Red Sea [Kuyambuka Gungwa Dzvuku], naOtto Semler

Peji yechiitwa chePuraimari: Mwari vanokwanisa kuita “basa guru” muupenyu hwangu