“Kubvumbi 27–Chivabvu 3. ‘Hutsvene kuna Ishe: Eksodo 35–40; Revitiko 1; 4; 16; 19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yakare 2026 (2026)
“Kubvumbi 27–Chivabvu 3. ‘Hutsvene kuna Ishe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yakare 2026
Temberi yeRio de Janeiro Brazil
Kubvumbi 27–Chivabvu 3: “Hutsvene Kuna Ishe”
Eksodo 35–40; Revitiko 1; 4; 16; 19
Kubuda muEgipita—sekukosha kwazvaiva zvakaita—hakuna kuzadzikisa zvakazara zvinangwa zvaMwari zvevana vaIsraeri. Kunyangwe upenyu hwakagarika munyika yechipikirwa hwaiva hwusiri chinangwa chokupedzisira chaMwari kwavari. Idzi dzaiva nhanho chete vakananga kune izvo Mwari zvavaida chaizvo kuvanhu Vavo: “Muchava vatsvene nokuti ini Ishe Mwari wenyu ndiri mutsvene” (Revitiko 19:2). Mwari vakaronga sei kuti vaite kuti vanhu Vavo vave vatsvene mushure mokunge vararama muutapwa kwezvizvarwa zvakawanda? Vakavaraira kuti vagadzire nzvimbo yeutsvene murenje—tabernakeri. Vakavapa zvibvumirano uye mitemo yokutungamirira zviito zvavo uye nokushandura mwoyo yavo. Uye Vakavaraira kuti vaite zvibairo zvemhuka kuitira kuti vavadzidzise pamusoro perudzikinuro rezvivi. Zvose izvi zvaiitirwa kunangisa pfungwa dzavo, mwoyo yavo, neupenyu hwavo kuMuponesi. Ndiye gwara rechokwadi kuhutsvene, kuvaIsraeri uye nekwatiri. Tose takapedza imwe nguva tiri muutapwa hwezvivi, uye tose tinokokwa kusiya zvivi kumashure uye totevera Jesu Kristu, uyo akavimbisa kuti, “Ndinokwanisa kukuitai vatsvene, “(Dzidziso neZvibvumirano 60:7).
Kuti uwane pfupiso yebhuku raRevitiko, ona “Revitiko” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Eksodo 35–40; Revitiko 19
Ishe vanoda kuti ndive mutsvene.
Eksodo 35-40 inorondedzera kuedza kwavaIsraeri kuvaka tabernakeri, umo zvisungo zvinoera mazvaizovabatsira kuva vanhu vatsvene. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, tsvaka zvinhu izvo Ishe zvavakakumbira kuti vanhu Vavo vaise mutabernakeri. Zvinhu izvi zvingava zvichimiririra chii? Zvinotaura chii kwauri pamusoro pekuwedzera muhutsvene? Funga kunyanya pamusoro pokuti zvinhu izvi zvinotendeutsira sei pfungwa dzako kuMuponesi. Tebhuru yezvinyorwa yakaita sei ingangokubatsira:
|
Chinhu chipi chawawana? |
Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? |
|---|---|
Chinhu chipi chawawana? Areka yechibvumirano (Eksodo 37:1–9; 40:20–21) | Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? (Ona Eksodo 25:20–22; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Areka yeChibvumirano”) |
Chinhu chipi chawawana? Aritari yezvinonhuwira (Eksodo 40:26–27; onawo Eksodo 30:1, 6–8) | Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? (Ona Zvakazarurwa 8:3–4) |
Chinhu chipi chawawana? Chigadziko chekenduru kana chigadziko cherambi (Eksodo 37:17–24) | Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? (Ona Mateo 5:14–16; Johane 8:12) |
Chinhu chipi chawawana? Aritari yechibairo (Eksodo 38:1–7; onawo Eksodo 27:1; 29:10–14) | Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? (Ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Kupira”) |
Chinhu chipi chawawana? Mudziyo wemvura wokushambidzira (Eksodo 30:17–21) | Chii chinokwanisa kumiririrwa nechinhu ichi? (Ona 2 Makoronike 4:6; Muporofita Isaya 1:46; Jeremia 33:8) |
Chokwadi ndechokuti, kungova munzvimbo tsvene hakutiite vatsvene. Revitiko 19 inotsanangura mitemo nemirairo Ishe yavakapa kubatsira vaIsraeri kuti vawedzere muutsvene. Chii chaunowana mumirairo iyi chinokwanisa kukubatsira kuti utsvake hutsvene kubva kuna Ishe? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti urarame misimboti iyi zvakanyanya kuzara?
Onawo Henry B. Eyring, “Holiness and the Plan of Happiness,” Liahona, Mbudzi 2019, 100–103; “The Tabernacle” (vhidhiyo), Gospel Library.
The Tabernacle
Shandisa mumhanzi unoera. mumhanzi une simba guru rekukoka hurudziro yeMweya uye nokuvaka rutendo muna Jesu Kristu. Mashoko arimunziyo kazhinji anosimbisa dzidziso dzemumagwaro matsvene. Somuenzaniso, kuimba rwiyo rwakaita serwokuti “Ita Zvitsvene” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 164) kunokwanisa kusimbisa mamwe emashoko anodzidziswa muna Revitiko 19. Runokwanisawo kukubatsira kufunga pamusoro pezvazvinoreva kunyanya kuva mutsvene seMuponesi uye kufungisisa kuti Ari kukubatsira sei kuwedzera muhutsvene.
Eksodo 35:4–35; 36:1–7
Ishe vanondikumbira kuti ndiite mipiro yangu nemwoyo unoda.
Mugore rakatevera mushure mokunge vabuda muEgipita, ukama hwevana vaIsraeri naJehova hwunokwanisa kutsanangurwa sehwaishanduka nguva dzose. Asi zvakadaro, apo paunoverenga Eksodo 35:4–35 uye 36:1–7, cherechedza mapinduriro akaitwa nevaIsraeri kumurairo wekuvaka tabernakeri. Chii chaunodzidza kubva kuvaIsraeri chinokwanisa kukubatsira kushandira Ishe zvirinani?
Vanogona kusakukumbira matombo anokosha, micheka, kana matanda etabernakeri. Chii Ishe chavakakupa, uye chii chaVari kukumbira kuti upire? Ndiriinhi apo “mwoyo [wako] pawakakukurudzira kuuya kubasa”?
Onawo Topics and Questions, “Sacrifice,” Gospel Library.
Vana vaIsraeri vakapa mipiro yetabernakeri “nemwoyo unoda” (Eksodo 35:5). Mufananidzo naCorbert Gauthier, © Lifeway Collection/licensed from goodsalt.com
Eksodo 40:12–14
Zvisungo zvemutemberi zvaipuwa chinyakare.
Eksodo 40:12–14 inotaura pamusoro pezvisungo zvechinyakare izvo zvinopuwawo muzuva redu ranhasi muimba yaIshe. Hedzino dzimwe ndima dzinokwanisa kukubatisra kudzidza pamusoro pokuti zvisungo izvi zvinopupura sei nezva Jesu Kristu.
-
Shambidzo: Pisarema 51:2; Muporofita Ezekieri 36:25–27
-
Rupfekedzo mugamendi dzvene: Muporofita Isaya 61:10; Mateo 22:11–14; Zvakazarurwa 19:7–8
-
Uzodzwa: Ruka 4:18–19; Mabasa 10:38
Revitiko 1:1–9; 4;16
Nokuda kwekuzvipira kwaJesu Kristu, ndinokwanisa kuregererwa.
Zvizhinji zvebhuku raRevitiko zvingangoratidzika sezvinhu zvatisinganzwisisi—zvibayiro zvemhuka, tsika dzinosanganisira ropa nemvura, uye mitemo inotonga zvinhu zvidiki-diki zveupenyu. Asi tsika nemitemo iyi zvakaitirwa kudzidzisa misimboti iyo inozivikanwa—rutendeuko, utsvene, uye Rudzikinuro rweMuponesi. Kuti uwane misimboti iyi apo paunoverenga Revitiko 1:1–9; 4;16, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:
-
Ndeapi mashoko kana ndevo dzandinowana dzinondiyeuchidza pamusoro paJesu Kristu nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake?
-
Chii chandinodzidza kubva pazvibayiro izvi pamusoro pekuzvipira kweMuponesi?
-
Ndakafanana sei navanhu avo vaiita zvibayiro izvi?
Ishe havachadi zvibayiro zvemhuka zvakare. Asi kuzvipira uchiri musimboti wakakosha wevhangeri. Kuti udzidze pamusoro pemhando dzekuzvipira uko Ishe kwavachiri kuda, nzvera 3 Nifai 9:19–20; Dzidziso neZvibvumirano 64:34. Urikupa sei mhando dzekuzvipira idzi? Chii chaunodzidziswa muna Mosesi 5:7 pamusoro pamaonero aunofanira kuita kuzvipira kwako?
Onawo “Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Tabernakeri uye Chibayiro.”
Mazano eKudzidzisa Vana
Eksodo 35:20–29; 36:1
Mwari vakandipa zvipo kuti ndibatsire nebasa Ravo.
-
Kumagumo kwechidzidzo chino kune mufananidzo wetabernakeri yavaIsraeri murenje. Ungangoda kuutarisa nevana vako uye kuvabvunza kuti zvishandiso zvipi zvingange zvaidikanwa kuvaka tabernakeri. Zvino munokwanisa kuverenga Eksodo 35:20–29 pamwechete kuti muwane kuti zvishandiso izvi zvakapuwa sei. Ishe vakatikoka sei kuti tibatsire kuvaka humambo Hwavo?
-
Funga pamusoro pokuverenga navo Eksodo 36:1 kuti muwane izvo Ishe zvavakapa kuna Bezareri naAhoriabi kuvabatsira kuvaka tabernakeri. Zvino unokwanisa kutaura nevana vako pamusoro pezvaunonzwa kuti Ishe vakavapa kuti vabatsire kuvaka humambo Hwavo. Tingashandisa sei zvinhu izvi kuropafadza vamwe?
Temberi yeRome Italy
Eksodo 40:17–34
Ndinokwanisa kunzwa huvepo hwaIshe munzvimbo tsvene.
-
Eksodo 40:17–34 inodorongodza zvinhu zvaiva chikamu chetabernakeri yavaIsraeri. Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kuwana zvinhu izvi mundima idzi uye mumufananidzo wetabernakeri uri kumagumo kwechidzidzo chino. Taurai pamusoro pokuti chikamu choga choga chetabernakeri chinokwanisa kukudzidzisa chii pamusoro peMuponesi kana Baba Vokundega. Semuenzaniso, areka yeuchapupu inokwanisa kutiyeuchidza mirairo yaMwari, aritari inokwanisa kutiyeuchidza nezve chibayiro chaJesu Kristu, zvichingodaro.
-
Ndedzipi nzvimbo tsvene dzatinadzo nhasi dzinotibatsira kunzwa kuva pedyosa naJesu Kristu? Sechikamu chehurukuro ino, munokwanisa kuona pamwechete vhidhiyo inonzi “Temples” (Gospel Library). Munokwanisawo kuimba rumbo rwakaita serwokuti “Holy Places” (Gospel Library). Goveranai manzwiro amunoita pamusoro penzvimbo dzinoera sezvakaita temberi.
What Is a Temple?
Revitiko 1:1–4
Nokuda kwekuzvipira kwaJesu Kristu, ndinokwanisa kuregererwa.
-
Zvibayiro zvemhuka zvakatsanangurwa muTestamente Yekare zvaiitirwa kudzidzisa vana veIsraeri pamusoro peruregerero kuburikidza naJesu Kristu. Funga pamusoro pokuti kuverenga pamusoro pezvibayiro izvi kunokwanisa sei kuita zvimwechetezvo kuvana vako. Unokwanisa kuratidza mifananidzo yaJesu Kristu muGetsemani uye pamuchinjikwa (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 56,57) apo paunoverenga nevana Revitiko 1:1–4. Vabatsire kuwana mashoko kana ndima dzinovayeuchidza nezve kuzvipira kwaJesu Kristu.
-
Munokwanisawo kuverenga pamwechete 3 Nifai 9:19–20 kuti muwane zvatinorairwa kuti tipire pachinzvimbo chemhuka. Zvinorevei kupa mwoyo wakatyoka nemweya wekudemba kuna Ishe? Ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mwoyo Wakatyoka” (Rhaibhurari yeVhangeri) kuti uwane rubatsiro rwekupindura mubvunzo uyu.