Huyai, Munditevere
Chivabvu 18–24. “Simba Utsunge Mwoyo”: Joshua 1–8; 23–24


“Chivabvu 18–24. ‘Simba Utsunge Mwoyo: Joshua 1–8; 23–24,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chivabvu 18–24. ‘Simba Utsunge Mwoyo,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Mosesi achiropafadza Joshua

Moses Ordaining Joshua [Mosesi achigadza Joshua], naDarrell Thomas (detail)

Chivabvu 18–24: “Simba Utsunge Mwoyo”

Joshua 1–8; 23–24

Zvakanga zvatora zvizvarwa zvakati wandei, asi vimbiso yaIshe yakanga yava pedyo nokuzadzikiswa: vana vaIsraeri pokupedzisira vaiva vava kuzogara nhaka yenyika yechipikirwa. Asi munzira yavo maiva mumire rwizi rweJoridani, masvingo eJeriko, uye vanhu vaiva nesimba avo vakanga varamba Ishe (ona 1 Nifai 17:35). Uye vaizofanira kusangana nezvose izvi vasina mutungamiri wavo aidikanwa Mosesi. Mamiriro ezvinhu aya angangova akaita kuti vamwe vaIsraeri vanzwe kusava nesimba uye kutya, asi Ishe vakati, “Simbai mutsunge mwoyo.” Vaiva nechikonzero chei chokuti vave noushingi? Kwete nokuda kwesimba ravo pachavo—kana kunyangwe raMosesi kana raJoshua—asi nokuda kwokuti “Ishe Mwari wako anewe kwose kwaunoenda” (Joshua 1:9). Apo patinenge tiine nzizi dzedu pachedu dzekuyambuka uye nemasvingo ekuputsa, zvinhu zvinoshamisa zvinokwanisa kuitika muupenyu hwedu, nokuti “Ishe vachaita zvinoshamisa pakati [pedu]” (Joshua 3:5).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raJoshua, ona “Joshua, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Joshua 1:1–9

Mwari vanozova neni pandinoedza nesimba kuva akatendeka kwaVari.

Fungidzira kuti zvingange zvaiva zvakaita sei kuna Joshua kudaidzwa kuti atsive Mosesi. Cherechedza izvo zvakataurwa naIshe muna Joshua 1:1–9 kumukurudzira. Funga pamusoro pezvinetso zvakaoma zvaunosangana nazvo; chii mundima idzi chinokupa ushingi?

Zita rokuti Joshua (Yehoshua kana Yeshua muchiHeberu) rinoreva kuti “Jehova vanoponesa.” Uye zita rekuti Jesu rinobva pane rekuti Yeshua. Saka apo paunoverenga nezva Joshua, funga pamusoro pebasa rake rekutungamirira vana vaIsraeri kuyambuka Rwizi Joridani uye kupinda munyika yechipikirwa. Basa rake raiva rakafanana sei nezvatinoitirwa naKristu?

Joshua 1:8

mufananidzo weseminari
Shoko raMwari rinokwanisa kuita kuti nzira yangu ibudirire.

Sekukurudzira kwavakaita Joshua, Ishe vakapa rairo muna Joshua 1:8 pamusoro pemagwaro matsvene, kana “bhuku remurairo.” Tichitarisa basa gurusa raJoshua, sei rairo iyi ingava yakabatsira zvikuru?

Apo Ishe pavanotikoka kuti tiverenge magwaro matsvene, Kazhinji vanoshandisa mashoko anopfuura kungoverenga. Vanovimbisawo maropafadzo makurusa. Chati iri pazasi inokwanisa kukubatsira kuwana kokero idzi uye maropafadzo akavimbiswa:

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

Joshua 1:8

Kokero

Fungisisai siku nesikati

Maropafadzo akavimbiswa

1 Nifai 15:23–24

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

2 Nifai 32:3

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

Mosaya 1:7

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

Budirirai munyika

Hiramani 3:29–30

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

Dzidziso neZvibvumirano 84:85

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

­Russell M. Nelson, “Hear Him,” Liahona, Chivabvu 2020, ndima yokupedzisira papeji 89

Kokero

Maropafadzo akavimbiswa

Ishe vakazadzikisa sei Vimbiso idzi muupenyu hwako? Ino ingangova nguva yakanaka yekuwongorora mitoo yako yokunzvera magwaro matsvene. Chii chiri kufamba zvakanaka? Chii chaunozwa uchikurudzirwa kuita kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha neshoko raMwari?

­­

Joshua 2

Zvose rutendo nemabasa zvinodikanwa kuitira ruponeso.

VaKristu veTestamente Itsva vakaona Rakabi semuenzaniso wesimba rerutendo namabasa (ona VaHeberu 11:31; Jakobo 2:25). Apo paunoverenga Joshua 2, funga pamusoro pebasa rerutendo namabasa aRakabi mukuzviponesa iye pachake, mhuri yake, uye navasori vechiIsraeri. Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pokuti rutendo rwako muna Kristu uye namabasa ako zvinokwanisa kukushandura sei iwe pachako uye navamwe?

Rakabi achitarisa kunze napafafitera

Rakabi ari pafafitera rake. Waiting for the Promise [Kumirira Vimbiso], naElspeth Young (detail)

Joshua 3–4

Nerutendo muna Jesu Kristu, ndinokwanisa kuona “zvishamiso” zvaMwari.

Ishe vakaita zvishamiso pakati pavanhu Vavo apo paVaivatungamirira kupinda munyika yechipikirwa, uye Vanokwanisa kuita zvimwechete kwauri. Heino mimwe mibvunzo inokutungamira mukunzvera kwako Joshua 3–4:

  • Sei uchifunga kuti vaIsraeri vaifanira kuzvitsvenesa vasati vayambuka Rwizi rweJoridani? (ona Joshua 3:5).

  • Cherechedza kuti rwizi rwakapatsanuka chete mushure mokunge “tsoka dzevapirisita … dzanyikwa pamucheto wemvura” (Joshua 3:13, 15). Sei izvi zvakakosha?

  • Zvimwe zviitiko zvakakosha zvakati wandei zvakaitika paRwizi rweJoridani—ona 2 Madzimambo 2:6–15; 5:1–14; uye Marko 1:9–11. Ndedzipi enderano dzaunoona pakati pezviitiko izvi?

  • Ishe vakaita “zvishamiso” sei muupenyu hwako? (Joshua 3:5). Unokwanisa kuona—kana kuziva sei—zvishamiso izvozvo nguva zhinji? (semuenzaniso, ona Joshua 3:17).

Joshua 6–8

Kuteerera kunokoka simba raMwari muupenyu hwangu.

Joshua 6–8 inotaura nezvehondo dzakarwiwa pamusoro penyika dzeJeriko neAi. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, funga pamusoro pokuti unorwisa sei muedzo (semuenzaniso, ona Joshua 7:10–13). Chii chaunodzidza pamusoro pemabatsirirwo aunokwanisa kuitwa naMwari uye izvo zvaunofanira kuita kuti uwane simba Ravo? Somuenzaniso, chii chinokufadza pamusoro pemirairidzo yaIshe yokutora Jeriko? (ona Joshua 6:1–5). Pamwe rondedzero iri muna Joshua 7 inozokukurudzira kuti uone kana “paine chinhu chakayeriswa” muupenyu hwako chaunofanira kubvisa (Joshua 7:13).

Joshua 23–24

“Sarudzai nhasi uyo wamunoda kushumira.”

Dzidziso dzokupedzisira dzaJoshua kuvaIsraeri muna Joshua 23–24 dzinosanganisira yambiro dzakakosha, rairo, uye maropafadzo akavimbiswa. Pamwe unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvaunowana. Uchifunga pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvasanganwa nazvo navaIsraeri, unofunga kuti sei Joshua akasarudza kuvaudza zvinhu izvi kumagumo kweupenyu hwake? Chii chaunowana chinokukurudzira “kunamatira kuna Ishe”? (Joshua 23:8).

Onawo Dale G Renlund, “Choose You This Day,” Liahona, Mbudzi 2018, 104–6.

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Joshua 1–46

“Simba Utsunge Mwoyo.”

  • Heino nzira imwechete yokubatsira vana vako nayo kuti “vasimbe vatsunge mwoyo” (Joshua 1:6) kuburikidza naJesu Kristu. Vakoke kuti vawane ndevo iyo yakadzokororwa muna Joshua 1:6, 9, uye 18, uye vainyore pasi kana kuidzidza nemusoro. Batsira vana vako kufunga nezve mamiriro ezvinhu apo pavangangoda shoko iri, sezvakaita Joshua. Munokwanisawo kuwongorora pamwechete dzimwe dzenyaya muna Joshua 1–46 (onawo “Joshua Muporofita” uye “Rakabi naVasorimuNyaya dzeTestamente Yekare, 85–91). Vanhu vari munyaya idzi vakaratidza sei ushingi uye simba muna Ishe?

    2:59

    Joshua the Prophet

    1:39

    Rahab and the Spies

Joshua 1:8

Kunzvera magwaro matsvene kunondiunzira maropafadzo.

  • Kuverenga Joshua 1:8 kungakwanisa kukurudzira vana vako kuti vaverenge magwaro matsvene vari voga. Vabatsire kuwana mashoko mundima iyi anovadzidzisa kuti sei uye nemhaka yei tichifanira kuverenga magwaro matsvene. Vanokwanisa kutsvaga chinhu chimwechetecho muna 1 Nifai 15:23–24; 2 Nifai 31:20; 32:3; Jakobo 4:6; Hiramani 3:29–30. Unokwanisawo kuvabatsira kugadzira uye nokuita chirongwa chokuverenga magwaro matsvene.

Joshua 3–4

Ndinofanira kubhabhatidzwa kuitira kuti ndipinde muumambo hwokudenga.

  • Ungangoshandisa nyaya yavaIsraeri vachiyambuka Rwizi rweJoridani sechiratidzo cherubhabhatidzo—kusiya upenyu hwedu hwakare murenje uye kutanga hutsva muukama hwechibvumirano naMwari. Saka apo pamunoverenga pamwechete Joshua 3–4 (kana “Joshua MuporofitamuNyaya dzeTestamente Yekare, 85–89), munokwanisawo kutarisa pamufananidzo waJesu achibhabhatidzwa uye wotsanangura kuti Jesu akabhabhatidzwa murwizi rumwecheterwo urwo vaIsraeri rwakayambuka. - Goveranai kuti kubhabhatidzwa kwakafanana sei nokutanga upenyu hutsva muumambo hwaJesu Kristu.

    2:59

    Joshua the Prophet

mifananidzo miviri yakabatanidzwa kuita mumwechete unoratidza Jesu achibhabhatidzwa uye mukomana wechidiki achibhabhatidzwa

Joshua 24:15

Ndinokwanisa kusarudza kushandira Jesu Kristu.

  • Chii chaungaita kubatsira vana vako kudzidza kusarudza kutevera Jesu Kristu, sokukoka kwakaita Joshua kuti vaIsraeri vaite? Unokwanisa kuvakoka:

    • Kudzidza nemusoro ndevo pfupi kubva muna Joshua 24:15. Edza kuti zvive zvinonakidza kuvana vako. Huwandu hwemashoko avanodzidza nemusoro hunogona kuenderana nezera ravo.

    • Kuwana nyaya pamusoro pevanhu vakasarudza kushandira Jesu Kristu. Vanokwanisa kutarisa muBhuku reMifananidzo yeVhangeri, kana muNyaya dzeTestamente Yekare uye namamwe mabhuku enyaya dzemagwaro matsvene.

    • Kuita mitambo yemamiriro ezvinhu umo mavanokwanisa kusarudza kutevera uye kushandira Muponesi.

Shandisa zviitwa zvakasiyana siyana. “Vana vose vakasiyana, uye apo pavanokura, zvidikanwi zvavo zvinozochinja. Kusiyanisa nzira dzako dzokudzidzisa kunozokubatsira kuzadzikisa zvidikanwi zvavo zvakasiyana siyana” (Teaching in the Savior’s Way31).

­­

placeholder

First Steps of Faith into the Jordan [Nhanho Dzokutanga dzeRutendo kupinda muJoridani], naTrent Gudmundsen

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinofanira kubhabhatidzwa kuitira kuti ndipinde muumambo hwokudenga