2025
Vhangeri raJesu Kristu Rakamisirwa paMhuri
Mbudzi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Mbudzi 2025

Vhangeri raJesu Kristu Rakamisirwa paMhuri

Dzidziso dzedu uye kutenda kwedu mumhuri dzokusingaperi zvinotisimbisa nekutisunganidza.

Mabhuratha nemasisita angu vane rudo, ndinokutendai neminamato yenyu muchinzvimbo changu. Ndakainzwa.

I.

Dzidziso yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakananga pamhuri. Chakakosha kudzidziso yedu pamusoro pemhuri itemberi. Zvisungo zvinogamuchirwa imomo zvinoita kuti tikwanise kudzokera semhuri dzokusingaperi pamberi paBaba vedu Vokudenga.

Kubva pamusangano mukuru waChikumi 2025, Mutungamiri Russell M. Nelson vakanga vazivisa kuvakwa kwematemberi matsva mazana maviri. Vaida kuzivisa matemberi matsva pakupera kwemusangano mukuru wega-wega, uye tose taifara navo. Zvisinei, nenhamba huru yematemberi iyezvino ari muzvikamu zvekutangisisa zvekuronga nekuvaka, zvakakodzera kuti tideredze kuziviswa kwematemberi matsva. Naizvozvo, nemvumo yeChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri, hatisi kuzozivisa matemberi matsva pamusangano uno. Iyezvino tinozoenderera mberi mukupa zvisungo zvemutemberi kunhengo dzeChechi nemunyika dzose, kusanganisira kuti ndiriinhi uye ndekupi kwekuzivisa kuvakwa kwematemberi matsva.

Chikamu chenhaurwa yangu chandichangobva kupa chakanyorwa mushure merufu rweMutungamiri wedu anodiwa Russell M. Nelson. Izvo zvinotevera iyezvino zvakanyorwa uye zvakatenderwa mavhiki akapfuura, asi zvichiri kumiririra dzidziso dzangu, dzakafemerwa naIshe.

II.

Chiziviso chemhuri, chakaziviswa makore makumi matatu akapfuura, chinotaura kuti “mhuri yakagadzwa naMwari” uye “yakakosha zvikurusa kuchirongwa choMusiki chemagumo okusingaperi evana Vavo.” Chinozivisazve “kuti murairo waMwari wokuti vana Vavo vawande uye vazadze nyika uchiripo.” Uye “tinozivisa zvakare kuti Mwari vakaraira kuti masimba anoera okusika vana anofanira kushandiswa chete pakati pomurume nomudzimai, vakachata zviri pamutemo somurume nomukadzi.” Sokudzidzisa kwakaita Mutungamiri Russell M. Nelson vari Gosa panguva iyoyo kuvateereri vepaBrigham Young University kuti, mhuri “yakakosha zvikuru kuchirongwa chaMwari. … Chokwadi ndechekuti, chinangwa chechirongwa chacho ndechekusimudzira mhuri kumusoro-soro.”

Chechi yaJesu Kristu dzimwe nguva inozivikanwa sechechi yakanangiswa pamhuri. Ndizvo zvairi! Hukama hwedu kuna Mwari uye chinangwa cheupenyu hwedu hunofa zvinotsanangurwa maererano nemhuri. Vhangeri raJesu Kristu chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chepundutso yevana Vavo vemweya. Tinokwanisa kutaura zvechokwadi kuti chirongwa chevhangeri chakatanga kudzidziswa kwatiri mudare remhuri yokusingaperi, chinozadzikiswa kuburikidza nemhuri dzedu dzepanyika, uye chinangwa chemugumisiro wacho ndechekusimudzira kumusoro-soro vana vaMwari mumhuri dzokusingaperi.

III.

Zvisinei nemamiriro ezvinhu edzidziso iyoyo, pane rupikiso. MuUnited States, tiri kutambura nekuderera kwemuchato uye kuberekwa kwevana. Kweangangoda kusvika makore zana chikamu chedzimba dzinotungamirwa nemurume nemukadzi vakachata chadzikira uye ndizvo zvaitawo kuberekwa kwevana. Michato uye kuberekwa kwevana kwenhengo dzeChechi yedu kwakanaka zvako zvikuru, asi kwadererawo zvakanyanya. Zvakakosha kuti Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vasarasikirwe nenzwisiso yavo yechinangwa chemuchato uye kukosha kwevana. Ndiro ramangwana ratinovavarira. “Kusimudzirwa Kumusoro-soro inyaya yemhuri,” Mutungamiri Nelson vakatidzidzisa kudaro. “Kuburikidza chete nezvisungo zveruponeso zvevhangeri raJesu Kristu kunoita kuti mhuri dzikwanise kusimudzirwa kumusoro-soro.”

Kuderera kwemichato uye kuberekwa kwevana munyika kunonzwisisika nekuda kwezvikonzero zvemaitiro munhoroondo, asi tsika nemaitiro eVatendi vaMazuva Ekupedzisira zvinofanira kunatsurudzwa—kwete kutevera—maitiro iwayo.

Muhukomana hwangu makore makumi masere akapfuura, ndaigara papurazi rasekuru naambuya vangu mumamiriro ezvinhu ayo zvingangova zvese zvaiitika pazuva zvaiva pasi penhungamiro yemhuri. Kwaiva kusina terevhizheni kana zvimwe zvetekinoroji zvaikangaidza zviitwa zvemhuri. Mukusiyana, muvagari vomumaguta vanhasi, nhengo shoma dzinotora chinhanho muzviitwa zvenguva dzose zvakanangiswa pamhuri. Kugara mumaguta uye zvokufambisa zvemazuva ano, varaidzo dzakarongwa, uye kurukurirano inokurumidza kufamba zvikuru kwaita kuti zvive nyore kuti vechidiki vabate misha yavo sedzimba dzokugara, kwavanorara nokudya apo neapo asi uko kune nhungamiro shoma zvikuru yavabereki yezviitwa zvavo.

Hurudziro yavabereki yakaderedzwawo nenzira iyo nhengo zhinjisa dzazvino dzeChechi yadzinowana nayo chinoraramisa. Munguva dzakapfuura imwe yehurudziro huru dzaibatanidza mhuri chaiva chiitiko chokutambudzika pamwechete mukutsvaga chinangwa chimwechetecho—chakaita sekuparura sango kana kuwana chinoraramisa. Mhuri yaiva chikamu chevarimi voupfumi chakarongeka uye chinotungamirwa. Nhasi, mhuri zhinji dzava zvikamu zvekudya upfumi, izvo zvisingadi mwero wepamusoro wekurongeka nokubatana pamwechete kwemhuri.

IV.

Apo hurudziro dzevabereki padzinodzikira, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vachine basa rakapihwa naMwari rekudzidzisa vana vavo kugadzirira magumo emhuri yedu mukusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25). Vazhinji vedu vanofanira kuita izvi apo mhuri dzedu padzisiri dzose zvadzinotarisirwa kunge dzakaita. Kurambana, rufu, uye kuparadzana zvinhu zvinowanikwa. Ndakava nechiitiko ichi mumhuri umo mandakarerwa.

Mhuri yekwaOaks

Baba vangu vakashaya ndiine makore manomwe ekuberekwa, saka munun’una wangu nehanzvadzi yangu neni takarerwa naamai vakanga vari shirikadzi. Mumamiriro ezvinhu akaomesesa, vakaramba vachienda mberi. Vaiva varivega uye vachirwadziwa mwoyo, asi nerubatsiro rwaIshe, kudzidzisa kwavo kunesimba kwedzidziso dzeChechi yakadzorerwa kwakatitungamirira. Vainamatira zvikuru rubatsiro rwedenga mukurera vana vavo, uye vakaropafadzwa! Takarerwa muimba yaiva nemufaro umo mataigara tichiziva kuti baba vedu vakashaya. Vakatidzidzisa kuti taive nababa uye vaiva nemurume uye taizova mhuri nguva dzose nekuda kwemuchato wavo wemutemberi. Baba vedu vaingova vasipo kwenguva pfupi nekuti Ishe vakanga vavadaidza kunoita basa rakasiyana.

Ndinoziva kuti dzimwe mhuri zhinji hadzifare zvakadai, asi amai mumwe nemumwe anokwanisa kudzidzisa nezve rudo rwaBaba Vokudenga uye nemaropafadzo anozouya emuchato wemutemberi. Newewo unokwanisa kuzviita izvi! Chirongwa chaBaba Vokudenga chinovimbisa kukwanisika uku kumunhu wese. Tose tinotenda nemuchato wemutemberi uye maropafadzo anotarisirwa ekusunganidzwa semhuri yokusingaperi. Saamai vangu, tinoda kutapa chivimbiso chaRihai kumwanakomana wake Jakobo chokuti Mwari “vacharopafadza matambudziko ako kuitira rupundutso rwako.”(2 Nifai 2:2). Izvozvo zvinoshanda kumhuri yoga-yoga yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira izere kana isina kuzara parizvino. Tiri chechi yemhuri.

Dzidziso dzedu uye kutenda kwedu mumhuri dzokusingaperi zvinotisimbisa nekutibatanidza. Handizombofa ndakakanganwa vimbiso yababa vaamai vangu Sekuru Harris, apo isu vana pataigara papurazi ravo pedyo nePayton, Utah. Vakandiudza nhau dzinosuwisa dzekuti baba vangu vakanga vafa kunzvimbo yaiva kure kuDenver Colorado. Ndakamhanyira mumupanda wokurara uye ndikapfugama parutivi pemubheda, ndichichema zvikurusa. Sekuru vakanditevera vakaenda pamabvi avo padivi pangu uye vakati, “Ndinozova baba vako.” Vimbiso nyoro iyoyo muenzaniso unesimba weizvo vanasekuru nanaambuya zvavanokwanisa kuita kuzadzisa mumagwanza apo mhuri padzinorasikirwa kana padzisina imwe nhengo.

Vabereki, varivega kana vari mumuchato—nevamwe, vakaita savanasekuru navanaambuya, vanozadzisa basa iroro kuvana—vadzidzisi vakurusa. Dzidziso yavo inonyanya kubatsira ndeinoitwa kuburikidza nemuenzaniso. Denderedzwa remhuri inzvimbo yakanaka yekuratidza nekudzidza tsika dzekusingaperi, sezvakaita kukosha kwemuchato nevana, chinangwa cheupenyu, uye manyuko echokwadi emufaro. Ndiyo nzvimbo yakanakisisawo yokudzidza zvimwe zvidzidzo zvakakosha zveupenyu, zvakaita setsitsi, ruregerero, kuzvidzora, uye kukosha kwedzidzo nebasa rakavimbika.

Hongu chokwadi, nhengo zhinji dzeChechi dzine nhengo dzemhuri dzavo dzinodiwa dzisingagamuchire tsika uye tarisiro dzevhangeri. Nhengo dzakadai dzinoda rudo rwedu uye mwoyo murefu. Muhukama hwedu , tinofanira kuyeuka kuti ururami hwatinotsvaga haugumiri pamamiriro ezvinhu anoshungurudza eupenyu hunofa. Dzidziso huru iri muDzidziso neZvibvumirano 138:57–59 inotivimbisa kuti rutendeuko nekukura kwezvepamweya kunokwanisa kuenderera munyika yemweya iyo inotevera upenyu hunofa. Zvinonyanya kukosha ndezvokuti, mhuri dzinobatana kuti dzisimbisane, tose tinofanira kuyeuka kuti zvivi nezvikanganiso zvisingadziviriki zvatinosangana nazvo tose muupenyu hunofa zvinokwanisa kuregererwa kuburikidza nerutendeuko nekuda kweRudzikinuro rwunoshamisa uye runoponesa rwaJesu Kristu.

V.

Muponesi wedu, Jesu Kristu, ndiye muenzaniso wedu wakanakisisa. Tinozoropafadzwa kana tikararama upenyu hwedu maererano nedzidziso Dzake uye kuzvipira Kwake iye pachake. Kutevera Kristu uye kuzvipira mukushandirana ndiyo nzira yakanakisa yekupedza hundingoveni uye humbimbindoga uhwo parizvino hwunoratidzika kuva hwawanda zvikuru.

Vabereki vane basawo rekudzidzisa vana vavo ruzivo rwavanoshandisa pakurarama kwemazuva ose kunze kwemisimboti yevhangeri. Mhuri dzinobatana apo padzinoita zvinhu zvine revo pamwechete. Mapindu emhuri anovaka hukama hwemhuri. Zviitiko zvemhuri zvinofadza zvinosimbisa hukama hwemhuri. Kuita misasa, zviitwa zvemitambo, uye nedzimwe varaidzo zvakakosha zvikuru pakubatanidza mhuri. Mhuri dzinofanira kuronga kusanganazve kwemhuri kuti vayeuke madziteteguru, izvo zvinotungamirira kutemberi.

Vabereki vanofanira kudzidzisa vana unyanzvi hunokosha hwokurarama, kusanganisira kushanda muchivanze nomumba. Kudzidza mitauro igadziriro inobatsira yemushando weushumiri uye yeupenyu hwemazuva ano. Vadzidzisi vezvidzidzo izvi vanokwanisa kuva vabereki kana vanasekuru nanambuya kana nhengo dzevamwe vemuhukama. Mhuri dzinobudirira padzinodzidza seboka uye dzichirairana pamwechete panyaya dzose dzine chokuita nemhuri nenhengo dzayo.

Vamwe vanogona kuti, “Asi hatina nguva yezvipi zvazvo izvozvo.” Kuti vawane nguva yokuita zvinokosha zvechokwadi, vabereki vakawanda vanozowana kuti vanokwanisa kubatidza mhuri dzavo kana vose vakadzima tekinoroji dzavo. Uye vabereki, rangarirai kuti, icho vana ivavo chavanonyanya kuda panguva yokudya kwamanheru inguva nemi.

Maropafadzo makuru anouya kumhuri kana vachinamata pamwechete, vachipfugama husiku nemangwanani kupa ruvongo rwemaropafadzo uye kunamata pamusoro pezvinetso zvamazuva ose. Mhuri dzinoropafadzwawo apo padzinonamata pamwechete mumisangano yeChechi uye nemunemimwe minamato. Hukama hwemhuri hunosimbiswawo nenyaya dzemhuri, kuumba tsika dzemhuri, uye kugoverana zviitiko zvinoyera. Mutungamiri Spencer W. Kimball vakatiyeuchidza kuti “nyaya dzekurudziro kubva muupenyu hwedu uye hwemadziteteguru edu … midziyo yakasimba yekudzidzisa.” Ndidzo kazhinji manyuko akanakisa ekurudziro kwatiri uye zvizvarwa zvedu.

Ndinopupura nezva Ishe Jesu Kristu, uyo anova Mwanakomana Mumwechete Wakaberekwa waMwari, Baba vedu Vokusingaperi. Anotikoka kuti titevere gwara rechibvumirano rinotungamirira mukusanganazve kwemhuri yokudenga. Masimba ekusunganidza ehupirisita, anotungamirirwa nemakiyi akadzorerwa mutemberi yeKirtland, anounza mhuri pamwechete nokusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 110:13–16). Arikushandiswa parizvino munhamba irikukura yematemberi aIshe napanyika pose. Izvi ndezvechokwadi. Ngativei chikamu chazvo, ndinonamata, muzita raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Raibhurari yeVhangeri.

  2. Russell M. Nelson, “Faith and Families” (Brigham Young University fireside, Kukadzi. 6, 2005), 3, speeches.byu.edu.

  3. Russell M. Nelson, “Open the Heavens Through Temple and Family History Work,” Liahona, Gumiguru. 2017, 18.

  4. Spencer W. Kimball, “Therefore I Was Taught,Ensign, Ndira 1982, 4.