2025
Tarisai kuna Mwari uye Murarame
Mbudzi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Mbudzi 2025

Tarisai kuna Mwari uye Murarame

Kuburikidza chete nokutarisa kuna Mwari kunoita kuti vanhu pachavo, mhuri, uye kunyangwe marudzi akwanise kubudirira.

Muna Chikumi akapfuura, njodzi yakaipa zvikuru yakaitika munyika yeLesotho muAfrica yekumaodzanyemba. Kabhazi kadiki kaiva kakatakura vasikana vechidiki makumi maviri veBazi reMaputsoe reChechi nevatungamiri vanomwe raiva rakananga kuguta guru, Maseru, kugungano revasikana vechidiki vomudunhu ravo. Apo pavaifamba mumugwagwa mukuru une nzira mbiri mumaawa emangwanani, motokari yaiuya nekudivi rakapesana, ichiedza kupfuura imwe motokari, yakapinda munzira yaiva iine bhazi. Paiva pasina nzvimbo kana nguva yokudzivirira kudhumana, uye muchinguva chemasekonzi motokari dzakarovana, dzikakungurukira kunze kwemugwagwa uye dzikabatira moto.

Pamwechete, vanhu gumi nevashanu vakafa munjodzi yacho, kusanganisira vasikana vechidiki vatanhatu, vatungamiri vaviri veVasikana Vechidiki, uye mutungamiri webazi nemudzimai wake. Vakapona, nhengo dzemhuri, uye shamwari vakaratidza manzwiro akasiyana-siyana, kusanganisira nguva dzekunzwa hasha, kuora mwoyo, uye kunyangwe kuzvipa mhosva. Zvisinei nemanzwiro aya uye mibvunzo isina mhinduro, vakanyaradzana uye vakatendeukira kuna Mwari kuburikidza nemimhanzi inoyera, magwaro matsvene nemunamato, uko kwavakawana nyaradzo. Setso’ana Selebeli ane makore gumi nemanomwe akapona akapupura kuti, “Jesu Kristu anotida uye anesu, kunyange zvazvo mwoyo yedu ichirwadza.”

Nhengo muLesotho

Mufananidzo naJeffrey D. Allred, Deseret News

Musikana wechidiki uye mutungamiri avo vakagara muchipatara vachirapwa kutsva vakanzvera Bhuku raMormoni pamwechete. Mumwe akati, “Munguva pfupi yapfuura takanga tichiverenga muna Moronai, uye Moronai anotaura chaizvo-izvo zvandakanga ndichinzwa. … Apo paanotaura, zvinoita sekunge arikuti, ‘Unofanira kudzidza mashoko aya nekuti akanyorerwa iwe kukubatsira kupfuura nemuneizvi.’”

Mariro muLesotho

Pamariro akabatanidzwa eavo vakaparara, Gosa veMakumi Manomwe eNharaunda, Siyabonga Mkhize vakaraira kuti, “Tese tinofanira kutendeukira kuna Ishe panguva ino uye toVakumbira kuti vanyaradze mwoyo yedu uye … nekupodza marwadzo ayo atinonzwa.” Mutungamiri weVasikana Vechidiki anobva kuBazi rakavakidzana reLeribe Mampho Makura, akakurudzira kuti: “Tendeukirai kuna Ishe, uye muwane simba rokutambira kuda Kwavo. Jesu Kristu ndiye ‘munyori nomupedzisi wokutenda kwedu’ [VaHeberu 12:2]. Usatarise kurutivi, asi tarisa kwaAri.”

Tarisa kwaAri. Mashoko ake anodzokorora rairo yaAruma kumwanakomana wake Hiramani yekuti: “Ona kuti unotarisa kuna Mwari kuti urarame.” Aruma akataura zviitiko zvaRihai nevanhu vake neRiyahona semhando, “Zviri nyore kuteerera kushoko raKristu, iro rinozonongedzera kwauri gwara rakatwasanuka rinoenda kumufaro wokusingaperi, sezvazvakanga zviriwo kuti madzibaba edu ateerere kukambasi iyi, iyo yaizonongedzera kwavari gwara rakatwasuka rokuenda kunyika yechipikirwa.” Aruma akati: “Kana vakava vanotarisa vangava vanorarama. … Uye kana tikava … tinozotarisa tingava tinorarama nokusingaperi.”

Pane chimwe chiitiko, Aruma akatapa muenzaniso wenyoka yendarira yakasimudzwa naMosesi apo VaIsraeri vechinyakare pavakatambudzwa nenyoka dzaipenga. Ishe vakaudza Mosesi kuti agadzire chivezwa chemufananidzo wenyoka uye achisimudze pabango, nechivimbiso “chokuti wese arumwa, apo paanotarisa pachiri, anorarama.” Aruma akatsanangura kuti chivezwa chemufananidzo chendarira ichi chaiva mhando kana kuti chiratidzo chaKristu uyo aizosimudzwa pamuchinjikwa. Vazhinji vakatarisa uye vakararama asi vamwe, mumashoko aAruma, “vaiva vakaoma mwoyo” zvekuti vaisangoda kutarisa uye vakaparara.

Aruma akabvunza kuti:

“Kana maikwanisa kuponeswa nekungokanda maziso enyu chete kuitira kuti mugoponeswa, hamaizotarisa here nokukurumidza, kana kuti maizosarudza kuomesa mwoyo yenyu mukusatenda, uye moita nungo, zvokuti hamaizokanda maziso enyu, zvokuti manozoparara?

“… Saka kandai maziso enyu mutange kutenda muMwanakomana waMwari, kuti anozouya kuzonunura vanhu vake, uye kuti achatambura uye agofa kuti adzikinure zvivi zvavo; uye kuti achamuka zvakare kuvakafa, izvo zvichaita kuti kumuka kuvakafa kuitike, zvokuti vanhu vose vachamira pamberi pake, kuti vatongwe pazuva rokupedzisira uye rokutongwa, maererano namabasa avo.”

Chokwadi ndechekuti, rairo yekuti “tarisai kuna Mwari uye murarame” haingovi nerevo kwatiri mukusingaperi chete asiwo inoita mutsauko wese muhunhu uye manakiro eupenyu hwedu hunofa. Rangarirai mashoko aSisita vechidiki Selebeli muLesotho ambotaurwa kare—“Jesu Kristu anotida uye anesu, kunyangwe zvazvo mwoyo yedu ichirwadza.”

Zviri hunhu hwenyika yakaputsika—umo dhiabhorosi maanorura uye umo munhu wese maasina kururama—kuti munozova nekuodzwa mwoyo uye zvigumburo, kutambura uye rusuwo, kukundikana uye kurasikirwa, rutambudzwo uye kusaenzanisa. Kuburikidza chete nokutarisa kuna Mwari kunoita kuti vanhu pachavo, mhuri, uye kunyangwe marudzi akwanise kubudirira. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Nokuda kwokuti Muponesi, kuburikidza neRudzikinuro Rwake rusina mugumo, akanunura mumwe nemumwe wedu kubva kuutera, zvikanganiso, uye nezvivi, uye nokuda kwokuti Akasangana namarwadzo ose, nokunetsekana kwose, uye nemitoro yose izvo imi zvamakambova nazvo [ona Aruma 7:11–13], zvino apo pamunotendeuka zvechokwadi uye motsvaka rubatsiro Rwake, munokwanisa kukunda zvinetso zvenyika ino isina rugadzikano.”

Hakuna vimbiso yakadzokororwa kakawanda mumagwaro matsvene emuBhuku raMormoni kudarika iyi: “Chero chete mukazochengeta mirairo yangu muchabudirira munyika; asi chero chete mukasazochengeta mirairo yangu muchabviswa pamberi pangu.” Chiitiko chakararamwa nevanhu vemuBhuku raMormoni mumazana emakore chinoratidza chokwadi chemashoko aya. “Budirira” raireva kuva nenhungamiro uye maropafadzo edenga muupenyu hwavo. “Budirira” raireva kuwana mwero wekugara zvakanaka pahupfumi izvo zvakavagonesa kuchata, kurera mhuri, uye kushumira kuzvidikanwi zvevamwe. “Kubudirira” kwaisanganisira kwaniso yokukunda kuomerwa uye muyedzo. Kuburikidza nenyasha dzaKristu, “Zvese zvinhu zvakabatirana kuti zvivaitire zvakanaka,” zvakavanatsa uye zvikadzamisa ukama hwavo Naye.

Aruma akatsanangura kuti kutarisa kuna Mwari ndiko kuchengeta mirairo Yavo, kuchema kwaVari nguva dzose kuitira tsigiro Yavo, kurairwa Navo muzviito zvako zvose, uye kuita kuti mwoyo wako uzadzwe noruvongo kwaVari masikati nousiku. Mitemo yaMwari nerairo zvinowanikwa mumagwaro matsvene uye nemumashoko evaranda Vavo. Misimboti nezvinangwa zvakaiswa “muMhuri: Chiziviso kuNyika” muenzaniso wakanakisisa. Mumwe wacho inhungamiro inowanikwa mukaBhuku kanonzi For the Strength of Youth. Dingindira regore rino reVakomana Vechidiki neVasikana Vechidiki rinoti “Tarisai kuna Kristu,” kubva kunhungamiro yenyaradzo yaIshe kuna Joseph Smith naOliver Cowdery: “Tarisai kwandiri mupfungwa yose; musakahadzike, musatye.” For the Strength of Youth kanokurukura nezve yakati wandei yemirairo nemaitiro zvakakoshesesa zvaMwari uye kanodzidzisa matarisiro okuita kuna Ishe mukuita sarudzo dzakanaka. Inhungamiro kwete chete kuvadiki asi kunesu tose.

Semumwe muenzaniso wakakosha zvikuru, For the Strength of Youth kane nhungamiro yakakosha muchitsauko chine musoro wenyaya unoti “Your Body Is Sacred.” Kanorairidza kuti: “Bata muviri wako—nemiviri yevamwe—nerukudzo. Apo paunoita sarudzo pamusoro pezvipfeko zvako, magadziriro ebvudzi uye maratidzikiro, zvibvunze kuti, ‘Ndiri kuremekedza muviri wangu sechipo chinoyera chinobva kuna Mwari here?’”

For the Strength of Youth kanoenda mberi kachiti: “Chengetai zvepabonde uye manzwiro ezvepabonde zvichiyera. Hazvifanire kuva nyaya yemajee kana varaidzo. Kunze kwemuchato pakati pemurume nemudzimai, hazvina kunaka kubata mitezo yakavanzika, inoyera yemuviri wemumwe munhu kunyangwe akapfeka zvipfeko. Pasarudzo dzako pamusoro peizvo zvaunoita, zvaunotarisa, zvaunoteerera, zvaunofunga pamusoro pazvo zvaunotumira, kana kunyora mumameseji, dzivirira chose chinosimudza nokuda manzwiro ezvepabonde mune vamwe kana mauri.”

Izvi zvinorangaridza kurudziro yenguva pfupi yapfuura yeMutungamiri Nelson:

“Zvinhu zvishoma zvinozoomesa upenyu hwako nokukurumidza kupfuura kutyora mutemo wohumwari uyu [wekuzvibata]. Kune avo vakaita zvibvumirano naMwari, hunhu husina kururama ndiyo imwe yenzira dzinokurumidzisa kurasikirwa neuchapupu hwako.

“… Simba rekusika upenyu ndiro ropafadzo rimwechete rehumwari iro Baba Vokudenga ravanobvumira vana Vavo venyama kushandisa. Nokudaro, Mwari vakamisa mirairo yakajeka yokushandisa simba benyu, rohumwari iri. Kubatana muviri kwezvepabonde kunongova chete kwemurume nemudzimai vakaroorana.

“Ruzhinji rwepanyika harwubvumi izvi, asi mafungiro eruzhinji haasiriwo mutongi wekuti chokwadi ndechipi. Ishe vakazivisa kuti hakuna munhu asingazvibati anozowana umambo hweseresitiyaro. … Kana wanga usingazvibate, ndinoteterera kwauri kuti utendeuke. Huya kuna Kristu ugogamuchira vimbiso Yake yeruregerero rwakazara apo pauno tendeuka zvakazara pazvivi zvako.[ona Muporofita Isaya 1:16–18; Dzidziso neZvibvumirano 58:42–43].”

Rangarira kuti muvimbiso yemuBhuku raMormoni, pesano nebudiriro hwakanga husiri hurombo—kwaiva kubviswa kubva pamberi paIshe. Pamberi Pake zvinoreva kuva nehurudziro yeMweya Mutsvene muupenyu hwemunhu. Vose vanozadzwa nechiyedza chaKristu apo pavanouya pano panyika. Pamusoro pazvo, vamwe vanoita chiitwa chokuti vabhabhatidzwe uye vatambire chipo nechiyedza chakawedzerwa cheMweya Mutsvene. Anounza kurudziro nenhungamiro, anovandudza nokunatsa zvipo nekwaniso zvemusikirwo zvomunhu, uye anobatsira kudzivirira pesvedzero dzakaipa, sarudzo dzisina kunaka, uye makwara asina maturo.

Sewe, ndinoziva vamwe vaimbonakirwa nechipo cheMweya Mutsvene asi kuburikidza nekukundikana kuchengeta mitemo yaMwari vakarasikirwa neropafadzo iroro. Ndinorangarira mumwe uyo hunhengo hwake hwemuChechi hwakanga hwabviswa nekuda kwechitadzo. Akataura kuti madaviriro ake okutanga kwaiva kunzwa kugumburwa. Akanzwa kutongwa navatungamiri vaiva vasina kururama. Aiziva kuti maitiro ake akanga asina kururama, asi akaaruramisa nokunongedzera kuzvikanganiso nokukundikana kwavamwe. Mushure menguva yakati kuti, akatanga kunzwa kugadzikana nemararamiro ekunze kweChechi pasina sungiro yedaidzo uye tarisiro dzokupinda misangano yokunamata nokushumira vamwe.

Izvi zvakaenderera mberi kwenguva, asi akatanga kunyanyisa kunzwa kusavapo kweMweya Mutsvene—kusavapo kwaMwari—muupenyu hwake. Neruzivo rwaaiva narwo, aiziva kuti zvakanga zvakaita sei kuva, zuva nezuva, nenyaradzo, nhungamiro, uye chivimbo chinobva paMweya, uye akanzwa kuzvisuwa. Pakupedzisira, akaita zvaidikanwa kuti atendeuke uye akodzere zvakare rubhabhatidzo rwemvura nerwoMweya.

Zvinoratidzika sekusina mugumo wemanyuko akasiyana ayo vanhu avanotsvaga kwaari kuwana revo, mufaro, uye rubatsiro. Vazhinji vari “Kutarira zvinopfuuridza nharidzo.” Asi hatifanire kuva “vacheche tichizungunutswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa [kana maitiro].” Mukutarisa kuna Mwari, tinokwanisa kuwana rugare munguva dzakaoma, uye rutendo rwedu rwunokwanisa kuramba rwuchikura kunyangwe munguva dzekusava nechokwadi uye kunetseka kwezvepamweya. Tinokwanisa kugamuchira simba mukutarisana nerupikiso uye kuparadzaniswa navamwe. Tinokwanisa kuyananisa zvinotarisirwa nezviripo panguva ino. Chokwadi, hakuna imwe nzira kunze kweizvo Mwari Pachavo zvavakagadza: “Tarirai kwandiri muponeswe, imi mativi ose enyika: nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe.”

Kutarisa kuna Mwari kunoreva kuti havasi Vanongova mumwe wezvatinokoshesa; zvinoreva, panzvimbo pezvo, kuti Ndivo kosheseso yedu imwechete yepamusoro-soro. Ndinorangaridza zvakare njodzi iya yakaipa zvikuru muLesotho Chikumi akapfuura. Ari pamubhedha wake wemuchipatara, mumwe wevatungamiri veVasikana Vechidiki akapona, uyo aisatenda muna Mwari asati apinda Chechi, akati chinangwa chake ndechekuwana kuti sei upenyu hwake hwaponeswa. “Kugara ndichishandira Mwari ndiyo nzira yandichawana nayo mhinduro, kana ndikasvika pamhinduro,” akadaro. “Ndaimbofunga kuti ndinoda Mwari, asi iyezvino ndava kuVada chaizvo, chaizvo, chaizvo, chaizvo, chaizvo. Iyezvino Ndivo vari [pekutanga] pezvakakosha muupenyu hwangu.”

Ndinopa uchapupu hwaBaba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene avo mukubatana kwakarurama kweshoko, pfungwa, chinangwa, uye zviito ndivo Mwari mumwechete, avo kwavari tinogona kutsvaga zvinhu zvose zvakanaka. Ndinopa uchapupu hwerudzikinuro rwaJesu Kristu, uko kunobva simba rokuzadzikisa vimbiso yakanaka iyi: “Tarisai kwandiri, uye mushingirire kusvikira kumagumo, uye imi muchararama; nokuti kwaari uyo anoshingirira kusvikira kumagumo ndinozopa upenyu hwokusingaperi.” Muzita raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Ona Ryan Jensen, “Survivors of Deadly Bus Crash in Lesotho Share Grief—and Faith—in Wake of Tragedy,” Church News, Chikunguru 18, 2025, thechurchnews.com; Ryan Jensen, “‘God Is Still God’—Remembering the Lives Lost in Lesotho Bus Accident,” Church News, Chikunguru 19, 2025, thechurchnews.com.

  2. Aruma 37:47.

  3. Aruma 37:44.

  4. Aruma 37:46; kusimbisa kwakawedzerwa.

  5. Ona Numeri 21:5–6.

  6. Numeri 21:8.

  7. Ona Aruma 33:19.

  8. Aruma 33:20.

  9. Aruma 33:21–22. Muzukurukomana waAruma Nifai, mukupa uchapupu hweMuponesi, akawedzera kuti, “Uye avo vose vachatarisa panyoka iyoyo vachararama, kunyangwe saizvozvo avo vose vachatarisa kuMwanakomana waMwari nerutendo, vaine mweya wekudemba, vanokwanisa kurarama, kunyangwe kusvika kuupenyu uhwo hwuri hwokusingaperi” (Heramani 8:15).

  10. Russell M. Nelson, “Overcome the World and Find Rest,” Liahona, Mbudzi 2022, 96.

  11. 2 Nifai 1:20.

  12. VaRoma 8:28.

  13. Tinokwanisa kuona munzvimbo dzakatipoteredza zvibereko zvekutarisa kuna Mwari uye kuva neMweya Wake kuti uve nesu. Semuenzaniso, tsvagurudzo yakawana kuti “kudziridzo yezvepamweya inoenderana nedziviriro kubva kukushungurudzika mupfungwa kukuru uye kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka, uye nekugadzirira vakuru vechidiki kuti vave nehukama hwakanaka, basa rinonyanya kuva nechinangwa, uye nekwaniso hurusa yekutarisana nokukunda zvinetso zveupenyu ” (Cornelia Powers, “The New Spiritual Leader on Campus,” Atlantic, Chivabvu 18, 2025, theatlantic.com).

    Mwero yekusurukirwa kusingaperi, manzwiro ekuva wakaparadzana nevamwe, nekuzvidya mwoyo muruzhinji rwevanhu yakasiyana neyemararamiro ane hutano anowanzoitwa, kugwinya kwepanyama nepfungwa, mwero wepamusoro wedzidzo, uye maonero ezvinhu akanaka akamisirwa murutendo pakati paVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Hakusi kuti isu, sevanhu, hatimbosangani nezvinetso zvinowanzowanikwa munyika. Panzvimbo pezvo, ndezvekuti mukutarisa kuna Jesu Kristu tinokwanisa kukunda.

  14. Ona Aruma 37:35–37.

  15. Ona Dzidziso neZvibvumirano 68:4.

  16. Dzidziso neZvibvumirano 6:36.

  17. For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (2022), 24, 25.

  18. Russell M. Nelson, “Think Celestial,” Liahona, Mbudzi. 2023, 118; kusimbisa mune rekutanga.

  19. Ona Johane 1:9; Moronai 7:16; Dzidziso neZvibvumirano 84:45–46; 93:2.

  20. Jakobho 4:14.

  21. VaEfeso 4:14.

  22. Muporofita Isaya 45:22.

  23. Mapule Joyce Takane, muJensen, “Survivors of Deadly Bus Crash in Lesotho Share Grief—and Faith—in Wake of Tragedy,” thechurchnews.com.

  24. Ona 1 Johane 5:7; 3 Nifai 11:36; Dzidziso neZvibvumirano 20:28; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mwari, Musoro weHumwari,” Raibhurari yeVhangeri.

  25. 3 Nifai 15:9.