2025
Kuyedzwa uye Kusimbiswa munaKristu
Mbudzi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Mbudzi 2025

Kuyedzwa uye Kusimbiswa munaKristu

Nguva dzokuyedzwa hausi humboo hwekuti Ishe vakurasa. Panzvimbo pezvo, humboo hwokuti Vanokuda zvakakwana zvokuti vakunatsurudze nokukusimbisa.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinonzwa rudo rwaIshe apo patinosangana pamwechete. Ndinonzwa kuninipiswa kutaura nemi. Ndinonamata kuti Mweya unozoisa mumwoyo yenyu izvo Ishe zvavangada kuti munzwe, zvichidarika nekure shanduro ingakwanisa kuitwa namashoko ayo andinozotaura.

Kare kare ndakatsvaga kudzidza fizikisi uye masvomhu mumakore angu edzidzo yekukoreji. Ndakanzwa kuremerwa. Ndakatanga kunzwa kuti ndaiva ndiri kuyedza kudzidza chimwe chinhu chaiva chakaoma kwandiri. Pandainyanya kunzwa kuremerwa, ndipo pandainyanya kunzwa kusava nesimba rekuramba ndichiedza. Kuora mwoyo kwangu kwakanditungamirira kunzwa kuti kuyedza kwangu kwaiva kusina chimuko. Ndakatanga kufunga zvekuregedza, zvekuita chimwe chinhu chiri nyore.

Ndakanzwa kupera simba. Apo pandainamata, ndakanzwa vimbiso yakanyarara yaIshe. Ndakanzwa Vachiti kupfungwa dzangu, “Ndiri kukuyedza, asi ndinewe zvakare.”

Ndaisaziva panguva iyoyo zvese izvo mashoko iwayo zvaaireva. Asi ndakaziva zvokuita—ndakaenda kubasa.

Kuburikidza nekufungisisa uye nekushanda mumakore akatevera, ndakasvika pakunzwisisa shoko iri rekurudziro mumagwaro matsvene: “Ndingaita zvose naKristu anondipa simba.”

Ndakadzidza kuti kutambudzika kwangu nefizikisi kwaiva zvechokwadi chipo kubva kuna Ishe. Vaiva vachindidzidzisa kuti nerubatsiro Rwavo, ndanokwanisa kuita zvinhu zvinoratidzika sezvisingakwanisiki kana ndakanga ndiine rutendo rwekuti Vaizovapo kundibatsira. Kuburikidza nechipo ichi, Ishe vaishanda kuti vandiyedze nekundisimbisa.

Izwi rokuti yedza rine revo dzakati wandei. Kuyedza chimwe chinhu hakusi kungochiyera chete. Zvinoreva kuwedzera simba racho. Kuyedza chidimbu chesimbi kuchiisa pasi pezvinorema. Kupisa, huremu, uye kudzvinyidzira zvinoiswa kusvikira mamiriro ayo echokwadi avandudzwa uye aburitswa pachena. Simbi haideredzwi simba nekuyedzwa. Chokwadi ndechokuti inova chimwe chinhu chinokwanisa kuvimbwa nacho, chimwe chinhu chakasimba zvakakwana zvekukwanisa kutakura mitoro mikurusa.

Ishe vanotiyedza nenzira yakangofanana naiyoyo kuti vatisimbise. Kuyedzwa ikoko hakuuyi munguva dzekureruka kana dzegadzikano. Kunouya munguva idzo dzatinonzwa kuyedzwa kupfuura zvataifunga kuti tinokwanisa kutakura. Ishe vanotidzidzisa kuti tinofanira kuenderera mberi nekukura uye tisambofa takaneta mukuedza kwedu, kuti tisambofa takaora mwoyo, kuti tirambe tichiedza.

KanaApo patinoramba tiine rutendo muna Jesu Kristu—kunyangwe apo zvinhu pazvinonzwika sezvisingakwanisiki kwatiri panguva ino—tinova vakasimba zvikurusa pane zvepamweya. Zvinyorwa zvinoyera zvemagwaro matsvene zvinosimbisa chokwadi ichi.

Somuenzaniso, muporofita Moronai akayedzwa uye akasimbiswa nenzira yakadaro. Akagara makore ake ekupedzisira ari ega. Akanyora kuti akanga asina shamwari, kuti baba vake vakanga vauraiwa, kuti vanhu vake vakanga vaparadzwa. Aivhimwa neavo vaitsvaga upenyu hwake.

Asi zvakadaro Moronai haana kuora mwoyo. Pane kudaro, akanyora uchapupu hwake hwaJesu Kristu pamahwendefa kuitira vanhu vaaisazofa akaona, kusanganisira zvizvarwa zvevanhu vaida kumuuraya. Akanyorera isu. Akaziva kuti vamwe vaizoshora mazwi ake. Aiziva kuti vamwe vaizoaramba. Asi akaramba achinyora.

Mukuyedzwa kwake, rutendo rwaMoronai rwakanatswa uye rwukasimbiswa. Rwakava rwakanyanya kururama. Mashoko ake akatakura simba romunhu akatsungirira nokutendeseka kusvikira kumagumo. Tinokwanisa kunzwa simba iroro patinoverenga uchapupu hwake:

“Zvino ini Moronai, ndinonyora zvimwe zvishoma zvinoratidzika kwandiri kuva zvakanaka; uye ndinonyora kuhama dzangu; vaRamani; uye ndinoda kuti vazive kuti makore anopfuura mazana mana nemakumi maviri akapfuura kubvira chiratidzo pachakapuwa chokuuya kwaKristu.

“Uye ndinonamira chisimbiso parondedzero idzi, mushure mokunge ndataura mashoko mashoma nenzira yekurudziro kwamuri.

“Tarisai, ndinokukurudzirai kuti apo imi pamuchaverenga zvinhu izvi, kana huri hungwaru muna Mwari kuti imi muzviverenge, kuti muzorangarira kuti Ishe vakaita ngoni dzakadii kuvana vavanhu, kubvira pakusikwa kwaAdama kusvikira panguva iyo imi yamuchagamuchira zvinhu izvi, uye mugozvifungisisa mumwoyo yenyu.

“Uye apo pamuchagamuchira zvinhu izvi, ndinokukurudzirai kuti imi mubvunze Mwari Baba Vokusingaperi, muzita raKristu, kana zvinhu izvi zvisiri zvechokwadi; uye kana imi makazokumbira nomwoyo wose, nevavariro yechokwadi, muine rutendo muna Kristu, anozoratidza chokwadi chazvo kwamuri, nesimba roMweya Mutsvene.

“Uye kuburikidza nesimba roMweya Mutsvene imi munokwanisa kuziva chokwadi chezvinhu zvose.”

Uchapupu hwaMoronai hwakanatsurudzwa mukusurukirwa, asi hunopenya nechiedza kuti hutungamire zvizvarwa zvose mukutsvaga Baba vedu vari Kudenga uye Muponesi Jesu Kristu.

Mumwe muporofita wemuBhuku raMormoni, Jakobo, akayedzwa uye akasimbiswa semwana akaona matambudziko uye rusuwo rwakanyanya. Asi baba vake Lehi, vakamudzidzisa kuti Mwari vaizomuropafadza kuburikidza nemiedzo yake.

“Zvino tarisa, muhwana hudiki hwako wakatambura nematambudziko uye rusuwo rukuru, nokuda kwoutsinye hwamadzikoma ako.

“Zvisinei, Jakobo, dangwe rangu murenje, iwe unoziva ukuru hwaMwari; uye vacharopafadza matambudziko ako kuitira rupundutso rwako.

“Naizvozvo, mweya wako ucharopafadzwa, uye uchagara zvakanaka nomukoma wako, Nifai; uye mazuva ako achapedzwa mukushandira Mwari vako. Nokudaro, ndinoziva kuti iwe wakanunurwa, nokuda kwoururami hweMununuri wako; nokuti wakaona kuti mukuzara kwenguva anouya kuti aunze ruponeso kuvanhu.”

Muporofita Joseph Smith akasangana nokuyedzwa nekusimbiswa kwakadaro apo paakanga ari muJere reLiberty. Muudzamu hwekutambudzika kukuru kwake, muporofita Joseph akadaidzira kuti:

“O Mwari, muri kupiko? …

“Ruoko rwenyu rwuchadzorwa kusvika riinhiko?”

Ishe vakaona mukutambura kwaJoseph shanduro yekutsvenesa kwokutsungirira kwake zvakanaka apo paVakapindura, kuti:

“Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako; matambudziko ako nenhamo dzako zvichava kwechinguva chidiki chete;

“Uye zvino, kana ukashingirira pazviri zvakanaka, Mwari vachakusimudzira kumusoro-soro; iwe uchakunda pamusoro pavavengi vako vose.”

Muenzaniso mukuru-kuru wekuyedzwa nekusimbiswa wakaitika kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi. Akatora paAri zvivi zvenyika. Akatakura marwadzo edu, norusuwo rwedu. Akanwa mukombe unovava. Akaratidza kutendeka munguva yose.

Nekuda kweRudzikinuro Rwake rwunoshamisa, Jesu Kristu anokwanisa kutisimbisa munguva dzedu dzokuedzwa. Anoziva kuti angatibatsira sei nekuti Akanzwa zvinetso zvese zvatinozofa takanzwa muupenyu hunofa. “Anozotora paari marwadzo uye nezvirwere zvavanhu vake … kuitira kuti agoziva maererano nenyama mabatsiriro okuita vanhu vake maererano noutera hwavo.”

Muponesi muGetsemani

Tinodzidza kuti paaiva muBindu reGetsemani, Muponesi akakumbira Baba kana muedzo wacho waikwanisa kupfuura paAri—asi zvino Akatiwo kana kwaiva kuda kwaBaba, Muponesi aizozviita. Nemamwe mashoko, Muponesi akatora kunyangwe kusava nechokwadi uye kusagadzikana, asi aiva norutendo muna Baba Vake Vokudenga.

Mabhuratha nemasisita, kuyedzwa nekusimbiswa kwenyu kunogona kusaratidzika sekwa Moronai kana Jakobo kana muporofita Joseph. Asi kunozouya. Kunogona kuuya chinyararire, kuburikidza nemiedzo yeupenyu hwemhuri. Kunogona kuuya kuburikidza nehurwere kana kuodzwa mwoyo kana rusuwo rukurusa kana kusurukirwa.

Ndinopupura kuti nguva idzi hadzisi humboo hwekuti Ishe vakakusiya. Panzvimbo pezvo, humboo hwokuti Vanokuda zvakakwana zvokuti vakunatsurudze nokukusimbisa. Vari kukuita kuti usimbe zvakakwana zvokuti utakure huremu hweupenyu hwokusingaperi.

Kana tikaramba takatendeka mukushandira kwedu, Ishe vanozotinatsurudza. Vanozotisimbisa. Uye rimwe zuva tinozotarisa kumashure uye toona kuti miyedzo iyoyo chaiyo yaiva humboo hwerudo Rwavo. Tinozoona kuti Vaitiumba kuti tikwanise kumira Navo mukubwinya. Sezvakataurwa neMuapositora waIshe Pauro pakupera kweupenyu hwake, “ndakarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndachengeta rutendo.”

Ndinopupura kuti Mwari vanokuziva. Vanoziva miyedzo yaunotarisana nayo. Vanewe. Havazokurasi. Ndinopupura kuti Jesu mwanakomana waMwari. Ndiye simba redu, Mununuri wedu, tariro yedu. Kana tikavimba Naye, Anozoita kuti simba redu rezvepamweya rive rakaenzana nemuyedzo woga-woga watinodaidzwa kuti titakure. Ndinopupura kudaro nemuzita rinoera raJesu Kristu, ameni.