Huyai, Munditevere
Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi


“Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

mhuri ichinzvera pamwechete

Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi

Apo paunonzvera vhangeri reMuponesi kumba uye kuchechi, funga pamusoro pemibvunzo inotevera:

  • Ungakwanisa sei kukoka Mweya mukunzvera kwako?

  • Ungakwanisa sei kunangisa pfungwa paMuponesi mukunzvera kwako?

  • Ungakwanisa sei kutora mukana wenguva dzekudzidza dzemazuva ose?

  • Ungakwanisa sei kukurudzira nhengo dzemhuri nedzekirasi kunzvera magwaro matsvene vari voga uye nokugovera zvavanenge vachidzidza?

Hedzino dzimwe nzira dziri nyore dzokunatsurudza nadzo kunzvera kwako shoko raMwari.

Namatira femero

Magwaro matsvene ishoko raMwari, naizvozvo Vakumbire rubatsiro rwekuanzwisisa.

Tsvaka zvokwadi pamusoro paJesu Kristu

Zvinhu zvose zvinopupura nezva Kristu (ona 2 Nifai 11:4; Mosesi 6:63), naizvozvo funga pamusoro pokunyora pasi kana kumaka ndima dzinopupura nezve Muponesi, dzinodzamisa rudo rwako kwaAri, uye dzinodzidzisa mateverero okuMuita. Dzimwe nguva zvokwadi pamusoro peMuponesi nevhangeri Rake zvinotaurwa pachena, uye dzimwe nguva zvinorehwa kuburikidza nemuenzaniso kana nyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvokusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi? Zvokwadi izvi zvinondidzidzisa chii pamusoro peMuponesi?”

Teerera kuMweya

Teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako, kunyangwe kana dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro aya anogona kunge ari izvo Baba vako Vokudenga zvavanoda kuti iwe udzidze.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pane nzira dzakawanda dzekunyora pasi nadzo manzwiro anouya apo paunonzvera. Semuenzaniso, unogona kuwana kuti mamwe mashoko nendima zviri mumagwaro matsvene zvinokufadza; unokwanisa kuzvimaka uye wonyora pfungwa dzako senoti mumagwaro matsvene ako. Unokwanisawo kuchengeta jonari renzwisiso, pfungwa, uye manzwiro aunogamuchira.

musikana wechidiki achinzvera

Goverana nevamwe izvo zvauri kudzidza

Kukurukura nzwisiso dzinobva mukunzvera kwako pachako inzira yakanaka yekudzidzisa nayo vamwe, uye kunobatsirawo kusimbisa nzwisiso yako yezvawaverenga. Goverana nenhengo dzemhuri neshamwari zvauri kudzidza (muri panzvimbo imwechete kana paindaneti), uye vakoke kuti vaite zvimwechetezvo.

Fananisa magwaro matsvene kuupenyu hwako

Funga pamusoro pokuti nyaya nedzidziso zvauri kuverenga zvinoshanda sei muupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo izvo zvakafanana nezvandiri kuverenga?”

Bvunza mibvunzo apo paunonzvera

Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo inokwanisa kuuya mupfungwa. Mibvunzo iyi ingangova inoenderana nezvauri kuverenga kana neupenyu hwako hwemazuva ose. Fungisisa mibvunzo iyi uye wotsvaka mhinduro apo paunoenderera mberi nekunzvera magwaro matsvene.

mukomana wechidiki achinzvera

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene

Kuti uwane dzimwe nzwisiso dzendima dzaunoverenga, shandisa manotsi epazasi pepeji, Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, uye zvimwe zvibatsiro zvekunzvera.

Funga pamusoro pokuti zvinyorwa zvitsvene zvacho zvakataurwa mumamiriro ezvinhu api

Unokwanisa kuwana nzwisiso dzakakosha pamusoro pendima yechinyorwa chitsvene apo paunofunga pamusoro pemamiriro ezvinhu ayakaturwa nezvayo, kusanganisira zvinhu zvaiitika kana zvakakonzera kuitika kwazvo. Semuenzaniso, kuziva mamiriro uye tendo dzevanhu avo Mwari vavakataura navo kunokwanisa kukubatsira kuti unzwisise zvirinani vavariro yemashoko Avo.

Nzvera mashoko avaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira

Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene.

amai nemwanakomana vachinzvera pamwechete

Rarama maererano nezvaunodzidza

Kunzvera magwaro matsvene hakufaniri kutikurudzira chete asi kunofanirawo kutitungamirira kuti tishandure mararamiro atinoita. Teerera kune izvo zvaunofemerwa neMweya kuti uite apo paunenge uchiverenga, uye zvino woita chimwe chinhu pafemero idzi.

Shandisa mumhanzi

Nziyo nedzimbo dzevana vadiki dzakapuwa dzinowanikwa nemubhuku rose reHuyai, Munditevere. Shandisa mumhanzi unoera kukoka Mweya uye kudzamisa rutendo neuchapupu hwako hwezvokwadi zvevhangeri.

mhuri ichiimba pamwechete

Dzidza magwaro matsvene nemusoro

Sarudza ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kwauri, kumhuri yako, kana kukirasi yako, uye moidzidza nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kuburikidza nekutamba mutambo wekudzidza zvinhu nemusoro.

Govera zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa

Wana zvinhu zvinobatwa zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzauri kuverenga. Funga pamusoro pokuti chinhu choga choga chinoenderana sei nedzidziso dziri mumagwaro matsvene.

Dhirowa, wana, kana kuti tora mufananidzo

Verenga ndima shoma, uye zvino wodhirowa chimwe chinhu chinoenderana nezvawaverenga. Kana kuti unokwananisa kutsvaka mufananidzo muBhuku reMifananidzo yeVhangeri kana kumwewo muRaibhurari yeVhangeri. Unokwanisawo kutora mufananidzo unoratidza zvawakadzidza.

Itai mutambo wenyaya

Mushure mokuverenga nyaya, koka mhuri kana nhengo dzekirasi kuti dziite mutambo wayo. Pashure, taurai pamusoro pokuti nyaya yacho inoenderana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo.

Iva wakasungunuka kumba

Kana uine nhengo dzemhuri dzisingadi kutora chinhanho mukunzvera magwaro matsvene kwemhuri, tsvaka dzimwe nzira dzekupedza nguva nokutaurirana navo. Somuenzaniso, unokwanisa here kugovera chokwadi chokusingaperi nenzira yemazuva ose muhurukuro dzenyu kana kugovera chinyorwa chitsvene chakakosha nenzira isingairatidziki sokunge iri yokuparidza kana yechisimba? Kunzvera magwaro matsvene hakusi kunofanira kuitwa nenzira imwecheteyo mumhuri dzose. Vamwe vana vangangodavira zvirinani pakunzvera magwaro matsvene nemunhu mumwechete. Namata uye utevere femero dzeMweya.

Misangano yedare ravadzidzisi yevabereki. Kana uchida rumwe rubatsiro mukuedza kwako kudzidzisa vana vako, bvunza kana wadhi yako iri kuita misangano yedare revadzidzisi yevabereki (ona General Handbook, 17.5). Misangano iyi mukana wekuti vabereki vagoverane mazano uye vadzidze pamwechete pamusoro pokuti vanganatsurudza sei kudzidzisa kwavo. Vanokwanisa kukurukura misimboti iri muTeaching in the Savior’s Way, mazano ari pamapeji ano ekunatsurudza kunzvera magwaro matsvene kwemhuri, uye mazano ekudzidza nekudzidzisa anowanikwa nemubhuku rose reHuyai, Munditevere.