Huyai, Munditevere
Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu


“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2026 (2026)

Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu

baba nevana vachipa gwayana zvokudya

Chinangwa chokudzidza nokudzidzisa vhangeri kwose ndechekudzamisa rutendeuko rwedu uye nokutibatsira kunyanya kuva saJesu Kristu. Nokuda kwechikonzero ichi, apo patinonzvera vhangeri, hatisi kungotsvaka ruzivo rutsva chete; tinoda kuva “chisikwa chitsva” (2 Vakorinte 5:17). Izvi zvinoreva kuvimba naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu kuti vatibatsire kushandura mwoyo yedu, maonero ezvinhu edu, zviito zvedu, uye nehunhu hwedu chaihwo.

Asi rudzi rwekudzidza vhangeri urwo rwunosimbisa rutendo rwedu uye rwunotungamirira kuchishamiso cherutendeuko harwusi rwunoitika rwose panguva imwechete. Rwunoenderera mberi kupfuura kudzidza kwemukirasi kuenda mukati memwoyo nomumba memunhu pachake. Rwunoda kuedza kwenguva dzose, zuva nezuva kuitira kunzwisisa nekurarama vhangeri. Rutendeuko rwechokwadi rwunoda kurudziro yeMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene unotitungamirira kuchokwadi uye unopa uchapupu hwechokwadi ichocho (ona Johane 16:13). Unojekesa pfungwa dzedu, unokurumidzisa nzwisiso dzedu, uye unobata mwoyo yedu nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari, manyuko echokwadi chose. Mweya Mutsvene unochenesa mwoyo yedu. Unokurudzira matiri chido chokurarama nechokwadi, uye Unozevezera matiri nzira dzekuita izvi. Zvirokwazvo, “Mweya Mutsvene … uchatidzidzisa zvinhu zvose” (Johane 14:26).

Nokuda kwezvikonzero izvi, mukuedza kwedu kurarama, kudzidza, uye nokudzidzisa vhangeri, chinhu chokutanga uye chakakoshesesa chatinofanira kuita ndeche kutsvaka hufambidzani hweMweya. Chinangwa ichi chinofanira kutonga sarudzo dzedu uye kutungamira pfungwa dzedu nezviito zvedu. Tinofanira kutsvaka chipi nechipi zvacho chinokoka hurudziro yeMweya uye kuramba chipi nechipi zvacho chinodzinga hurudziro iyoyo—nokuti tinoziva kuti kana tikakwanisa kuva takakodzera huvepo hweMweya Mutsvene, tinokwanisawo kuva takakodzera kurarama pamberi paBaba Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.