Huyai, Munditevere
Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi


“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

murume nemukadzi vachinzvera pamwechete

Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi

Bhuku Rino Rinoshandiswa Nani?

Huyai, Munditevere ndere munhu upi noupi zvake anoda kudzidza kubva mumagwaro matsvene—ari ega pachake, semhuri uye mumakirasi eChechi. Kana usina kumbonzvera magwaro matsvene nguva dzose munguva yakapfuura, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti utange. Kana wagara uchitova netsika yakanaka yokunzvera magwaro matsvene, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha.

Vanhu paChavo uye Mhuri Kumba

Nzvimbo yakanakisisa yokudzidza vhangeri ndeye kumba. Vadzidzisi vako kuchechi vanokwanisa kukutsigira, uye unokwanisa kuwana kurudziro kubva kune dzimwe nhengo dzewadhi. Asi kuti mupone pane zvepamweya, iwe nemhuri yako munoda kugutswa kwezuva nezuva kunobva “mushoko rakanaka raMwari” (Moronai 6:4; onawo Russell M. Nelson, “Mashoko eKuvhura,” Liahona, Mbudzi 2018).

Shandisa bhuku rino munzira ipi zvayo inobatsira kwauri. Zvidzidzo zvaro zvinosimbisa zvimwe zvokwadi zvokusingaperi zvinowanikwa muTestamente Yekare. Zvinopawo mazano nezviitwa zvinokubatsira kunzvera magwaro matsvene wega pachako, nemhuri yako, kana neshamwari. Apo paunonzvera, tevera nhungamiro yeMweya kuti uwane zvokwadi zvokusingaperi izvo zvakakosha kwauri. Tsvaka mashoko aMwari kwauri, uye tevera femero dzaunogamuchira.

Vadzidzisi neVadzidzi kuChechi

Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi chirongwa chezvidzidzo zvemakirasi eSvondo muPuraimari, zveChikoro cheSvondo chevechidiki nevakuru, zvemakirasi eVasikana Vechidiki, uye nezvemisangano yechikwata cheHupirisita hwaAroni. Kana uchidzidzisa mune mune ipi zvayo yemakirasi aya, unokurudzirwa kushandisa zvidzidzo zviri mubhuku rino mukunzvera kwako pachako uye apo paunenge uchigadzirira kudzidzisa. Tanga nokuva nezviitiko zvako pachako mumagwaro matsvene. Gadziriro yakanyanya kukosha yako inozoitika apo paunotsvagurudza magwaro matsvene uye nokutsvaka femero yeMweya Mutsvene. Tsvaka zvokwadi zvokusingaperi izvo zvinokubatsira kuti unyanye kuva saBaba Vokudenga naJesu Kristu. Huyai, Munditevere rinokwanisa kukubatsira kudoma zvimwe zvezvokwadi izvi uye kunzwisisa kuti magwaro matsvene akanyorwa mumamiriro ezvinhu api.

Chengeta mupfungwa kuti kudzidza vhangeri, pakunakisisa kwako, kunomisirwa kumba uye kuchitsigirwa neChechi. Nemamwe mashoko, basa rako gurusa ndere kutsigira vanhu vaunodzidzisa mukuedza kwavo kudzidza nokurarama vhangeri kumba. Usanetsekana pamusoro pokuva nezvidzidzo zvakasiyana nezvimwe zvose zvokuvapa mukirasi. Pane kudaro, vape mikana yokugovera zviitiko zvavo, pfungwa dzavo, uye nemibvunzo yavo pamusoro pendima dzemagwaro matsvene dzavakaverenga kumba. Vakoke kuti vagovere zvokwadi zvokusingaperi zvavakawana. Izvi zvakanyanya kukosha kupfuura kupedza humwe huwandu hwezvinyorwa.

Makirasi eChikoro cheSvondo eVechidiki naVakuru

Chikonzero chikurusa chimwechete chatinoungana mumakirasi eChikoro cheSvondo ndechekutsigirana nokukurudzirana apo patinoedza kutevera Jesu Kristu. Nzira yakareruka yokuita izvi ndeyokubvunza mubvunzo wakaita souyu “Chii chawakadzidziswa neMweya Mutsvene vhiki ino apo pawainzvera magwaro matsvene?” Mhinduro kumubvunzo uyu inokwanisa kutungamirira kuhurukuro dzakakosha idzo dzinovaka rutendo muna Jesu Kristu nevhangeri Rake.

Zvino unokwanisa kukoka hurukuro iri maererano nemazano okunzvera ari muna Huyai, Munditevere. Somuenzaniso, zano rokunzvera ringangopa pfungwa yokutsvagurudza Muporofita Isaya 53, uchitsvaka mashoko anotsanangura basa reMuponesi. Ungangokumbira nhengo dzekirasi kugovera pfungwa ipi neipi zvayo kana manzwiro api neapi zvawo avanokurudzirwa nemashoko aya. Kana kuti munokwanisa kutora nguva muchitsvaga mashoko aya sekirasi.

Makirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni uye eVasikana veChidiki

Apo makirasi ezvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki paanosangana pamisi yeSvondo, chinangwa chawo chakati siyanei nechekirasi yeChikoro cheSvondo. Pamusoro pokubatsirana kudzidza vhangeri raJesu Kristu, mapoka aya anosanganawo kuitira kurairana pamwechete pamusoro pokuzadzikisa basa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro soro (ona General Handbook, 1.2). Vanoita izvi vari pasi penhungamiro yehutungamiri hwemakirasi nezvikwata.

Nokuda kwechikonzero ichi, musangano woga woga wechikwata kana wekirasi unofanira kutanga nenhengo yehutungamiri hwechikwata kana hwekirasi ichitungamirira hurukuro pamusoro pezviedzwa, semuenzaniso, zvokurarama vhangeri, kushumira kuvanhu vanoshaiwa, kugovera vhangeri, kana kutora chinhanho mubasa retemberi nerenhoroondo yemhuri.

Mushure menguva iyi yokurairana pamwechete, murairidzi anotungamira kirasi kana chikwata mukudzidza vhangeri pamwechete. Vatungamiri vechikuru kana nhengo dzekirasi kana dzechikwata vanokwanisa kupuwa basa rokudzidzisa. Hutungamiri hwekirasi kana hwechikwata, vachitaurirana nevatungamiri vechikuru, ndivo vanopa mabasa aya.

Vanhu vanenge vapuwa basa rokudzidzisa vanofanira kugadzirira vachishandisa mazano okudzidza ari muchirongwa chechidzidzo chevhiki yoga yoga cheHuyai, Munditevere. Muchidzidzo choga choga, mufananidzo uno mufananidzo weseminari unoratidza chiitwa icho chakanyanya kukodzera kune vechidiki. Zvisinei, mazano api zvawo ari muchidzidzo anokwanisa kushandiswa sechiitwa chokudzidza chevechidiki.

Somuenzaniso wehurongwa hwemisangano yechikwata neyekirasi, ona chiwedzerwa D

Puraimari

Gadziriro yako yokudzidzisa Puraimari inotanga apo paunonzvera magwaro matsvene iwe pachako uye nemhuri yako. Apo paunodaro, iva nechido chokutambira femero nenzwisiso dzezvepamweya kubva kuMweya Mutsvene pamusoro pevana vari mukirasi yako yePuraimari. Namata, uye Mweya unokwanisa kukufemera nemazano okuvabatsira kudzidza vhangeri raJesu Christu.

Apo paunogadzirira kudzidzisa, ungangowana imwe femero kuburikidza nokuwongorora mazano okudzidzisa ari muHuyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi. Chidzidzo choga choga chiri mubhuku rino chine chikamu chine musoro wenyaya unoti “Mazano eKudzidzisa Vana.” Funga nezvemazano aya sepfungwa dzinokubatsira kutanga kunzwa femero. Unoziva vana vari mukirasi yako yePuraimari—uye unozovaziva zvakanyanya kuvanani paunotaurirana navo mukirasi. Mwari vanovazivawo, uye Vanozokufemera nenzira dzakanakisisa dzokuvadzidzisa nokuvaropafadza.

Zvinokwanisika kuti vana vari mukirasi vanenge vakatoita kare zvimwe zvezviitwa zviri muHuyai, Munditevere nemhuri dzavo. Izvi ZVAKANAKA. Dzokororo yakanaka. Funga pamusoro pokukoka vana kuti vagoverane navamwe izvo zvavakadzidza kumba—kunyangwe zvazvo uchifanirawo kuronga nzira dzokuti vana vatore chinhanho kunyangwe kana vasiri kudzidza kumba. Vana vanodzidza zvokwadi zvevhangeri zvakanyanya kusimba apo zvokwadi izvi pazvinodzokororwa kudzidziswa kuburikidza nezviitwa zvakasiyana siyana. Kana ukawana kuti chiitwa chokudzidza chinoshanda kuvana, funga pamusoro pokuchidzokorora, kunyanya kana uri kudzidzisa vana vadikisa. Ungangowongororawo chiitwa kubva kuchidzidzo chakare.

Mumwedzi iyo ine maSvondo mashanu, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kutsiva chidzidzo chakatarwa cheHuyai, Munditevere paSvondo yechishanu nechimwechete kana kupfuura chezviitwa zvokudzidza zviri “muChiwedzerwa B: ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Varambe vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”