Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chivabvu 2025
Zvibatsiro zveHumwari zveUpenyu hwaPanyika
Chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chinopa zvibatsiro zvokutitungamirira nemunzendo dzedu dzeupenyu hwapanyika.
I.
Kuburikidza nemuporofita Joseph Smith, Ishe vakazarura zvinhu zvishoma pamusoro peupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika. Ikoko tairarama sevana vemweya vaMwari. Nokuti Mwari vaiva nechido chekubatsira vana Vavo kuenderera mberi, Vakasarudza kusika nyika apo pataizokwanisa kugamuchira muviri wenyama, kudzidza kuburikidza nezviitiko, kukudziridza hunhu hwohumwari, uye kuedzwa kuona kana taizochengeta mirairo yaMwari. Avo vanokodzera “vanozova nokubwinya kunopamhidzirwa pamisoro yavo nariinhi nariinhi” (Abrahama 3:26).
Kuti vamise zvidikanwi zvechirongwa chehumwari ichi, Mwari vakasarudza Mwanakomana Wavo Mumwechete Wakaberekwa kuti ave Muponesi wedu. Rusifa, uyo nzira yake yaakataura yaizoparadza kwaniso yokuzvisarudzira yevanhu, akava Satani uye “akakandirwa pasi.” Adzingirwa pasi uye arambirwa chikomborero chekuva neupenyu hwenyama, Satani akatenderwa kuedza “kunyengedza nokupofomadza vanhu, uye nokuvatungamirira muutapwa pamadiro ake, kunyangwe avo vose vanoramba kuteerera kuinzwi [raMwari] (Mosesi 4:4).
Chakakosha muchirongwa chikuru chaMwari chekukura muupenyu hwapanyika kwevana Vavo chaiva kuti vave nechiitiko “chorupikiso muzvinhu zvose” (2 Nephi 2:11). Sezvazviri kuti tsandanyama dzedu dzemuviri hadzikwanisi kukudziridzwa kana kuchengetedzwa pasina kurwisana nesimba rinokwevera zvinhu pasi, naizvozvowo kukura kwemunhu wenyama kunoda kuti tirwisane nemiedzo yaSatani uye nerumwe rupikiso rweupenyu hwapanyika. Chakanyanyisa kukosha pakukura kwezvapamweya chidikanwi chekusarudza pakati pezvakanaka nezvakaipa. Avo vakasarudza zvakanaka vaizoenderera mberi vakananga kumagumo avo okusingaperi. Avo vakasarudza zvakaipa—sezvaizoitwa navose mumiedzo yakasiyana-siyana yeupenyu hwapanyika—vanozoda rubatsiro runoponesa, urwo Mwari vane rudo rwavakaronga kupa.
II.
Zvirokwazvo, rubatsiro rweupenyu hwapanyika rwaMwari rwakanyanya kukosha rwaiva kupa Muponesi, Jesu Kristu, uyo aizotambura kuripa mutengo uye nokupa ruregerero rwezvivi zvakatendeukwa. Rudzikinuro rwune tsitsi uye rwunoshamisa irworwo rwunotsanangura kuti sei rutendo muna Ishe Jesu Kristu rwurirwo musimboti wekutanga wevhangeri. Rudzikinuro Rwake “rwunounza kuitika kwekumuka kuvakafa kwevakafa” (Aruma 42:23), uye rwunodzikinura zvivi zvenyika” (Aruma 34:8), rwuchidzima zvivi zvedu zvose zvakatendeukwa uye rwuchipa Muponesi wedu simba rokuti atibatsire muutera hwedu hweupenyu hwepanyama.
Pamwepo nokudzimwa nokuregererwa kunoshamisa kwezvivi zvakaitwa, chirongwa chaBaba vari Kudenga vane rudo chinopa zvimwe zvipo zvakawanda zvekutidzivirira, kusanganisira kutidzivirira kubva pakuita zvivi pokutanga. Upenyu hwedu hwapanyika nguva dzose hunotanga nababa naamai. Zvinenge zvakanyanya kunaka ndezvokuti, vose varipo, nezvipo zvakasiyana zvokutungamirira kukura kwedu. Kana zvisina kudaro, kusavapo kwavo chikamu cherupikiso rwatinofanira kukunda.
III.
Chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chinopa zvimwe zvibatsiro zvokutitungamirira munzendo dzedu dzeupenyu hwapanyika. Ndichataura pamusoro pezvina zveizvi. Ndapota musatarisire kuti ndikurukure nhamba yangu chaiyo yezvina, nokuti zvibatsiro izvi zvinoenderana. Uyezve, pane dzimwe dziviriro dzine tsitsi pamusoro peidzi.
Chokutanga, ndinotaura pamusoro peChiedza kana Mweya waKristu. Mudzidziso huru yake mubhuku raMoronai, Moronai anotapa baba vake kuti “Mweya waKristu unopuwa kumunhu wose, kuitira kuti agoziva zvakanaka nezvakaipa” (Moronai 7:16). Tinoverenga dzidziso imwecheteyo muzvakazarurwa zvezuva ranhasi:
“Uye Mweya unopa chiedza kumunhu wose anouya panyika; uye Mweya unojekesera munhu wose napanyika pose, uyo anoteerera kuinzwi reMweya” (Dzidziso neZvibvumirano 84:46).
Zvakare: “Nokuti Mweya wangu unotumwa mberi munyika kunojekesa vanozvininipisa uye vakatyoka, uye kuitira kunotongera mhosva avo vasina humwari” (Dzidziso neZvibvumirano 136:33).
Mutungamiri Joseph Fielding Smith vakatsanangura magwaro matsvene aya: “Ishe havana kusiya vanhu (apo pavanozvarwa munyika muno) vasina rubatsiro, vachitsvanzvadzira kuti vawane chiedza nechokwadi, asi munhu wose … anozvarwa aine kodzero yokugamuchira nhungamiro, rairidzo, rairo yeMweya waKristu kana Chiedza cheChokwadi.”
Chechipiri chezvibatsiro zvikuru zvakapuwa naIshe kutibatsira kusarudza izvo zvakanaka inhungamiro dzehumwari dzakatiwandei mumagwaro matsvene sechikamu chechirongwa cheruponeso (chirongwa chemufaro). Nhungamiro idzi mirairo, zvisungo, uye zvibvumirano.
Mirairo inoratidza gwara ratakatarirwa naBaba Vokudenga kuti tifambire mberi takananga kuupenyu hwokusingaperi. Vanhu vanofunga mirairo senzira iyo Mwari yavanosarudza nayo uyo wokuranga vanotadza kunzwisisa chinangwa ichi chechirongwa chemufaro chine rudo chaMwari. Mugwara iroro, tinokwanisa kuwana zvishoma nezvishoma hukama neMuponesi wedu hwunodikanwa uye tigokodzera kuwedzerwa kwesimba Rake kuti ritibatsire munzira yedu yekumagumo kwaAnoda kuti tive nako tose. Baba vedu Vokudenga vanoda kuti vana Vavo vose vadzokere kuumambo hweseresitiyaro, uko kunogara Mwari neMuponesi wedu, uye kuti vave nemhando yeupenyu hweavo vanogara mukubwinya kweseresitiyaro ikoko.
Zvisungo uye zvibvumirano chikamu chemutemo unotsanangura gwara rokuupenyu hwokusingaperi. Zvisungo, nezvibvumirano zvinoera zvatinoita naMwari kuburikidza nekutora chinhanho mazviri, inhanho dzinodikanwa uye idziviriro dzakakosha kubva kunjodzi patinofambanemugwara iroro. Ndinofarira kufunga nezve basa rezvibvumirano sekuratidza kuti maererano nechirongwa chaMwari, maropafadzo Avo makurusa anopuwa kune avo vanofanovimbisa kuchengeta mimwe mirairo uye vanochengeta zvivimbiso izvozvo.
Zvimwe zvibatsiro zvinopuwa naMwari zvekuita sarudzo dzakanaka ndizvo zviratidzo zveMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene inhengo yechitatu yeMusoro weHumwari. Basa Rake, rakatsanangurwa mumagwaro matsvene, ndere kupupura nezva Baba uye Mwanakomana, kutidzidzisa, kuunza zvinhu zvose mundangariro dzedu, uye kutitungamirira kuchokwadi chose. Magwaro matsvene anosanganisira tsananguro zhinji dzezviratidzo zveMweya Mutsvene, sezvakaita uchapupu hwezvepamweya mumhinduro kumubvunzo pamusoro pechokwadi cheBhuku raMormoni. Chiratidzo hachifaniri kuvhiringidzwa nechipo cheMweya Mutsvene, icho chinopuwa mushure merubhabhatidzo.
Chimwe chezvibatsiro zvaMwari zvakakoshesesa zvevana Vavo vakatendeka ndeche chipo cheMweya Mutsvene. Kukosha kwechipo ichi kunoonekwa pakuti chinopuwa zvepamutemo mushure merutendeuko nerubhabhatidzo nemvura, “uye zvino [magwaro matsvene anotsanangura] kwouya ruregerero rwezvivi zvenyu kuburikidza nomoto uye noMweya Mutsvene (2 Nifai 31:17). Vanhu vane ruregerero rwezvivi urwu—uye zvino nguva nenguva vozovandudza kushanangurwa kwavo kuburikidza norutendeuko rwezuva nezuva uye nokurarama maererano nezvibvumirano zvavanoita kuburikidza nechisungo chesakaramende—vanokodzera vimbiso yokuti Mweya Mutsvene, Mweya waIshe, “ugova nguva dzose … uinavo” (Dzidziso neZvibvumirano 20:77).
Nokudaro, Mutungamiri Joseph F. Smith vakadzidzisa kuti Mweya Mutsvene “unozovhenekera pfungwa dzevanhu maererano nezvinhu zvaMwari, kuvapwisa panguva yerutendeuko rwavo nezve kuti vakaita kuda kwaBaba, uye kuva mavari uchapupu hwunogara hwuripo semufambidzani wavo nemuupenyu hwose, uchishanda senhutungamiri yechokwadi uye ine chengeteko kuenda muchokwadi chose uye uchivazadza zuva nezuva nerudekaro nemufaro, nehunhu hwokuita zvakanaka kuvanhu vose, kutsungirira zvakaipa pane kuita zvakaipa, kuva netsitsi nengoni, nemwoyo murefu uye nerudo rwakadzama. Avo vose vane chipo chakakura zvisingaerwi ichi, dombo remutengo mukuru iri, vane nyota isingaperi yeururami. Pasina rubatsiro rweMweya Mutsvene,” Mutungamiri Smith vakapedzisa vachiti, “hakuna munhu wenyama anokwanisa kufamba munzira yakatwasanuka uye yakamanikana.”
IV.
Nezvibatsiro zvakasimba zvakawanda kudaro zvokutitungamirira munzendo dzedu dzeupenyu hwapanyika, zvinoodza mwoyo kuti vazhinji vanoramba vasina kugadzirira musangano wakatarwa wavo neMuponesi uye Mununuri wedu, Jesu Kristu. Rungano Rwake rwemufananidzo rwevasikana vane gumi, rwataurwa nezvarwo kakawanda zvikuru mumusangano uno, rwunoratidza kuti pakati paavo vakakokwa kuzosangana Naye, chikamu chepakati chete chavo ndicho chinozova chakagadzirira.
Tese tinoziva mienzaniso yevasina kugadzirira: vashumiri vakadzoka avo vakakangaidza kukura kwavo kwezvepamweya kuburikidza nenguva dzekusauya kuchechi, vechidiki vakakanganisa kukura kwavo kwezvepamweya kuburikidza nokuzvitsaura kubva kudzidziso nezviitwa zveChechi, varume vakasendeka parutivi kugadzwa kwavo kuHupirisita hwaMerkizedeki, varume nevakadzi—dzimwe nguva zvizvarwa zvevaparuri vanokudzwa kana zvevabereki vakakodzera—vakabuda mugwara rechibvumirano vasati vakwanisa kuita nekuchengeta zvibvumirano mutemberi tsvene.
Mizhinji yemitsauko yakadaro inoitika apo nhengo padzinotadza kutevera chirongwa chakakosha chechengetedzo yezvepamweya chemunamato wemunhu pachake, kunzvera magwaro matsvene nguva dzose, uye nerutendeuko rwenguva zhinji. Mukusiyana, vamwe vanoregera kuvandudzwa kwevhiki yoga yoga kwezvibvumirano kuburikidza nokusatora sakaramende. Vamwe vanoti Chechi haisi kuzadzikisa zvidikanwi zvavo; ivavo vanoisa zvavanoona sezvidikanwi zvavo zveramangwana pamberi peizvo Ishe zvavakapa mudzidziso Dzavo dzakawanda uye mumikana yekushandira vamwe kwedu kwakakosha.
Kuzvininipisa uye kuvimba muna Ishe ndidzo gadziriso kumitsauko yakadaro. Sekudzidzisa kunoita Bhuku raMormoni, Ishe “vanoropafadza uye vanoita kuti avo vanoisa ruvimbo rwavo mavari vabudirire” (Hiramani 12:1). Kuvimba muna Ishe ndicho chidikanwi chikuru cheavo vose vanoyera zvisizvo mirairo yaMwari nedzidziso dzevaporofita Vavo vachizvienzanisa nezvichangobva mukuwanikwa netsvagurudzo dzevanhu uye neruzivo runobva kuvanhu.
Ndataura nezve zvibatsiro zvizhinji zveupenyu hwapanyika izvo Baba vedu Vokudenga vane rudo zvavakapa kubatsira vana Vavo kudzokera kwaVari. Chikamu chedu muchirongwa chehumwari ichi ndeche kuvimba muna Mwari uye nokutsvaka nokushandisa zvibatsiro zvehumwari izvi, kunyanya zvikurusa Rudzikinuro rweMwanakomana Wavo Anodiwa, Muponesi uye Mununuri wedu, Jesu Kristu. Ndinonamata kuti tinozodzidzisa uye nekurarama misimboti iyi, nemuzita raJesu Kristu, ameni.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, May 2025. Shona. 19602