Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chivabvu 2025
“Swederai Pedyo Neni”
Jesu Kristu anoda mumwe nemumwe wedu. Anotipa mukana wekuswedera pedyo Naye.
Mabhuratha namasisita angu anodikanwa, mufaro mukuru kwandiri kuva nemi mumusangano mukuru uno weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ino iChechi Yake. Takaungana muzvivakwa uye mudzimba napanyika pose nemuzita Rake.
Tinotora zita Rake patiri apo patinopinda muumambo Hwake kuburikidza nechibvumirano. Ndiye Mwanakomana waMwari akamuka kuvakafa uye anorumbidzwa. Tiri vanhu venyama inofa, vanosangana nezvivi uye nerufu. Asi zvakadaro, murudo Rwake kune mumwe nemumwe wedu, Muponesi anotikoka kuti tiuye pedyo Naye.
Heino kokero Yake kwatiri: “Swederai pedyo neni uye ini ndinozoswedera pedyo nemi; nditsvakei noushingairi uye muchandiwana, kumbirai uye muchagamuchira; gogodzai, uye muchazarurirwa.”
Pane nguva dzatinonzwa kuva pedyo neMuponesi Jesu Kristu. Asi zvakadaro, dzimwe nguva pakati pemiedzo yedu yeupenyu hwapanyika, tinonzwa kuva kure Naye uye toshuvira kuva nechivimbiso chekuti Anoziva zviri mumwoyo yedu uye kuti Anotida isu savanhu pachavo.
Kokero yeMuponesi inosanganisira nzira yokunzwa chivimbiso ichocho. Swederai pedyo Naye kuburikidza nokuMurangarira nguva dzose. Mutsvakei noushingairi kuburikidza nokunzvera magwaro matsvene. Kumbirai kuburikidza nemunamato wemwoyo wose kuna Baba Vokudenga kuti munzwe kuva pedyo neMwanakomana Wavo Anodiwa.
Pane nzira irinyore yekufunga nezvazvo. Ndeizvo zvawaizoita dai waiparadzaniswa kwechinguva kubva kushamwari dzinodiwa. Waizowana nzira yokutaudzana navo, waizokoshesa shoko ripi zvaro rawakagamuchira kubva kwavari, uye waizoita zvose zvaunokwanisa kuti uvabatsire.
Izvi pazvaizoitika kakanyaya kuwanda, pazvaizonyanya kuramba zvichienderera mberi, zvaizosimbisa ukama hwekudanana zvakanyanya kudzama, uye waizonzwa uchiramba uchiswedera pedyo. Kana nguva yakareba yaizopfuura pasina kutaudzana kwakakosha uye mukana wekubatsirana, hukama hwacho haizova hwusina kusimba.
Jesu Kristu anoda mumwe nemumwe wedu. Anopa mukana iwoyo wekuswedera pedyo Naye. Sezvaunoita neshamwari ine rudo, unozozviita nenzira imwecheteyo, nokutaura kuburikidza nomunamato kuna Baba Vokudenga nemuzita raJesu Kristu, uchiteerera kunzwa nhungamiro yakakosha kubva kuMweya Mutsvene, uye zvino nekuzoshandira vamwe kuitira Muponesi nemufaro. Nenguva pfupi unozonzwa ropafadzo iroro rokuswedera pedyo Naye.
Muhuduku hwangu, ndakanzwa mufaro wokuuya pedyo neMuponesi—uye newekuuya Kwake pedyo neni—kuburikidza nezviito zvirinyore zvekuteerera mirairo. Pandaiva mukomana wechidiki, sakaramende yaipuwa munguva yemusangano wamanheru. Ndichiri kurangarira humwe husiku, makore anopfuura makumi manomwe nemashanu akapfuura ayo, apo kunze pakwaiva kwasviba uye kuchitonhora. Ndinorangarira kunzwa mufaro nerudo apo pandakaona kuti ndakanga ndachengeta murairo wekuungana naVatendi kuti titore sakaramende, tichiita chibvumirano naBaba vedu Vokudenga chokurangarira Mwanakomana Wavo nguva dzose nokuchengeta mirairo Yavo.
Kumagumo kwemusangano husiku ihwohwo, takaimba rwiyo rwokuti “Abide with me; ’Tis Eventide,” nemashoko asingakanganwikwi okuti “O Muponesi, garai neni usiku huno.”
Mashoko aya akaunza manzwiro makurusa eMweya kwandiri, kunyangwe semukomana wechidiki. Ndakanzwa rudo rweMuponesi uye kuva pedyosa kwake husiku ihwohwo kuburikidza nenyaradzo yeMweya Mutsvene.
Mushure memakore mazhinji, ndaida kunzwa zvakare manzwiro mamwechetewo erudo rweMuponesi uye kuva pedyo naIshe kwandakanga ndanzwa mumusangano wesakaramende iwoyo muhuduku hwangu. Saka ndakachengeta mumwe murairo urinyore: ndakanzvera magwaro matsvene.
Mubhuku raRuka, ndakaverenga nezve zuva rechitatu mushure moKuroverwa Pamuchinjikwa nekuvigwa Kwake, apo varanda vakatendeka pavakanga vauya, nokuda kwerudo rweMuponesi, kuzozodza muviri Wake. Apo pavakasvika, vakawana dombo rakakungurutswa kubva pabwiro uye vakaona kuti mutumbi Wake waiva usimo.
Ngirozi mbiri dzakamirapo uye dzikabvunza kuti sei vaitya:
“Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
“Haapo pano, wamuka: Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,
“Achiti, Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaoko evanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.”
Manheru iwayo parufuramhembwe, vadzidzi vaviri vakafamba kubva kuJerusarema munzira yeEmausi, uye Ishe akamuka kuvakafa akazviratidza kwavari uye akafamba navo.
Bhuku raRuka rinotitendera kufamba navo manheru iwayo:
“Zvino vakati vachitaurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
“Asi meso avo akanga abatwa vakasamuziva.
“Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?
“Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari, Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”
Vakamuudza nezvorusuwo rwavo kuti Jesu akanga afa apo vakanga vavimba kuti aizova Mununuri weIsraeri.
Panofanirwa kunge paiva nerudo muinzwi raIshe akamuka kuvakafa apo paAitaura nevadzidzi vaviri ava vaiva vakasuwa uye vachichema.
Pandakaenderera mberi nekuverenga, pakauya mashoko aya ayo akaita kuti ndinzwe mufaro nerudo mumwoyo mangu, semanzwiro andakaita apo pandaiva mukomana mudiki:
“Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda, iye akaita sowoda kupfuura.
“Asi vakamugombedzera, vachiti, Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.”
Muponesi akatambira manheru iwayo kokero yokuti apinde mumba yevadzidzi Vake. Akagara navo pakudya. Akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Meso avo akasvinudzwa, uye vakaMuziva. Zvino akanyangarika kwavari.
Ruka akatinyorera manzwiro evadzidzi vakaropafadzwa ivavo: “Vakataurirana, vachiti: Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu here, apo paaitaura nesu munzira, uye nokutizarurira magwaro matsvene?”
Vadzidzi vaviri vakadzokera nokukurumidza kuJerusarema kuti vanoudza vaApositora vane gumi nemumwechete zvaiva zvaitika. Pavaiva vachigovera chiitiko chavo, Muponesi akazviratidza zvakare.
Akamira pakati pavo uye “akati kwavari, Rugare ngaruve nemi.” Akawongorora zvino huporofita hwebasa Rake rokudzikinura zvivi zvevana vose vaBaba Vake uye nokudambura majoko erufu.
“Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu:
“Kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.
“Uye imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.”
Sezvakangoita vadzidzi Vake vaidiwa, mwana woga woga waBaba Vokudenga akasarudza kupinda nepamusuwo werubhabhatidzo ari pasi pechibvumirano chokuva chapupu cheMuponesi uye kuriritira avo vane zvidikanwi nemuhupenyu hwedu hwose hwapanyika. Kuzvipira uku kwakajekeswa kwatiri nemuporofita mukuru muBhuku raMormoni Aruma mazana emakore apfuura ayo paMvura dzaMormoni:
“Sezvo imi muchida kuuya mudanga raMwari, nokudaidzwa kunzi vanhu vavo, uye muine chido chokutakurirana mitoro, kuti igoreruka;
Hongu, uye mune chido chokuchema naavo vanochema; hongu, nokunyaradza avo vanoda nyaradzo, uye kumira sezvapupu zvaMwari panguva dzose uye muzvinhu zvose, uye nomunzvimbo dzose dzamungange muri … , kunyangwe kusvikira pakufa, kuitira kuti mugonunurwa naMwari, … kuitira kuti mugova noupenyu hwokusingaperi.”
Apo paunovimbika kuvimbiso idzi, unozowana kuti Ishe vanochengeta vimbiso Yavo yekuva mumwechete newe mukushandira kwako, vachirerutsa mitoro yako. Unozosvika pakuziva Muponesi, uye nekufamba kwenguva unozosvika pakuva saIye uye “woruramiswa maari.” Nekubatsira vamwe kuitira Muponesi, unozoona kuti uri kuswedera pedyo Naye.
Vazhinji venyu mune vadikanwi avo vari kutsauka kubva pagwara rekuupenyu hwokusingaperi. Munoshama kuti chii chimwezve chamunokwanisa kuita kuti muvadzose. Munokwanisa kuvimba panaIshe kuti Aswedere pedyo navo apo pamunoMushandira murutendo.
Mungangorangarira chivimbiso chaIshe kuna Joseph Smith naSidney Rigdon apo pavaiva kure nemhuri dzavo vachiMushandira: “Shamwari dzangu Sidney naJoseph, mhuri dzenyu dzakagara zvakanaka; dziri mumaoko angu, ndinozoita navo izvo zvandinoona zvakanaka; nokuti mandiri mune simba rose.”
Apo pamunosunga maronda eavo vanoda rubatsiro, simba raIshe rinozokubatsirai. Maoko Ake anozotambanudzwa pamwechete neenyu kubatsira nekuropafadza vana vaBaba vedu Vokudenga.
Muranda woga woga wechibvumirano waJesu Kristu anozogamuchira nhungamiro Yake kubva kuMweya apo paanoropafadza uye nokushandira vamwe kuitira Iye. Zvino vanozonzwa rudo rweMuponesi uye vowana mufaro mukuswededzwa pedyo Naye.
Ndiri chapupu cheKumuka Kuvakafa kwaIshe zvirokwazvo sokunge ndakanga ndiripo nevadzidzdi vaviri muimba yepanzira yekuEmausi. Ndinoziva kuti Anorarama.
Ino iChechi Yake yechokwadi—Chechi yaJesu Kristu. Isu, Muzuva reKutongwa, tinozomira pamberi peMuponesi, takatarisana chiso nechiso. Inozova nguva yemufaro mukuru kune avo, muupenyu hwuno, vakaswedera pedyo Naye mumushando Wake uye vanokwanisa kutarisira nechido chikuru kunzwa mashoko Ake okuti: “Wakaita zvakanaka, iwe muranda wakanaka uye wakatendeka.”
Ndinopupura sechapupu cheMuponesi neMununuri wedu akamuka kuvakafa, nemuzita raJesu Kristu, ameni.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, May 2025. Shona. 19602