Mumagwaro matsvene, kutukwa kuunza murau unoyera kuti ubvumire kana kuunza kutongwa nezvakaipa zvinoitika pachinhu, munhu, kana vanhu kazhinji pamusana pekusarurama. Kutukwa kuratidza kwaMwari rudo rwunoyera nekuenzanisa kungangoitwa naMwari pachavo kana kutaurwa nevaranda vavo vane mvumo. Dzimwe nguva, zvikonzero zvakazara zvekutukwa zvinozivikanwa naMwari chete. Pamusoro paizvozvo, chinhanho chekutukwa chinonzwika neavo vanoramba kuteerera Mwari vachida uye nokudaro vachibva vazvibvisa paMweya waIshe.
Ishe vangabvise kutukwa pamusana pekutenda kwemunhu kana vanhu kuna Jesu Kristu nokuteerera mumirau nezvisungo zvevhangeri (Aru. 23:16–18 ; 3 Ni. 2:14–16 ; Mis. yeCh. 1:3 ).
Mwari vakatuka nyoka pamusana pekunyengedza Adama naEva, Gen. 3:13–15 (Mos. 4:19–21 ).
Ivhu rakatukwa pamusana paAdama naEva, Gen. 3:17–19 (Mos. 4:23–25 ).
Ishe vakatuka Kaini pamusana pekuuraya kwaakaita Aberi, Gen. 4:11–16 (Mos. 5:22–41 ).
Ishe vakatuka Kanani nezvizvarwa zvake, Gen. 9:25–27 (Mos. 7:6–8 ; Abr. 1:21–27 ).
Israeri icharopafadzwa kana ichiteerera Mwari, nekutukwa kana isingateerere, Deut. 28:1–68 (Deut. 29:18–28 ).
Gehazi nezvizvarwa zvake vakatukwa nemaperembudzi aNaamani, Ⅱ Madz. 5:20–27 .
Ishe vakatuka rudzi rwakare rwaIsraeri nokusabvisa chegumi nemipiro, Mara. 3:6-10 .
Jesu akatuka muwonde ukafa, Marko 11:11–14, 20–21 .
Jesu akatuka maguta eChorazini, Betsaida, neKapernaume, Ruka 10:10–15 .
Pamusana pekuti maRamani akanga asingade kuteerera kuna Ishe, vakatsaurwa kubva pamberi paIshe vakatukwa, 2 Ni. 5:20–24 .
Vose vanokokwa kuuya kuna Mwari, 2 Ni. 26:33 .
Ishe vachatuka avo vanoita upombwe, Jak. 2:31–33 .
MaNifai achagashira kutukwa kukuru kunopfuura kwemaRamani kunze kwekunge vatendeuka, Jak. 3:3–5 .
Vanhu vanopanduka vanozviunzira kutukwa pamusoro pavo, Aru. 3:18–19 (Deut. 11:26–28 ).
Koriho akatukwa pamusana pekutungamirira vanhu achivabvisa kuna Mwari, Aru. 30:43–60 .
Ishe vakatuka nyika neupfumi hwemaNifai pamusana pekuipa kwevanhu, Hir. 13:22–23 (2 Ni. 1:7 ; Aru. 37:31 ).
Ishe vakatuka maJaredhi akaipa, Eta 9:28–35 .
Rudzikinuro rwaKristu rwunobvisa kutukwa kwaAdama kuvana vadiki, Moro. 8:8–12 .
Avo vanobva kuna Ishe vanotukwa, D&Z 41:1 .
Pasi pacharohwa nokutukwa kunze kwekunge paine kusungwa neutare pakati pemadzibaba nevana, D&Z 128:18 (Mara. 4:5–6 ).
Kutuka kushandisawo mutauro unoshora, unotuka Mwari, kana kushoropodza.
Vanhu havafanire kutuka vana baba kana vanamai vavo, Eks. 21:17 (Mat. 15:4 ).
Musatuke avo vanokutongai, Eks. 22:28 (Mpa. 10:20 ).
Varume nevakadzi havafanire kutuka Mwari, Rev. 24:13–16 .