Huyai, Munditevere
Chiwedzerwa D: CheMakirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano


“Chiwedzerwa D: CheMakirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamende Yekare 2026 (2026)

“Chiwedzerwa D,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Chiwedzerwa D

CheMakirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni uye eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano

Dheti reMusangano:

Kutungamira (nhengo yekirasi kana yehutungamiri hwechikwata):

Kuvhura

Rwiyo (kana muchida):

Munamato:

Dzokororai Dingindira reVasikana Vechidiki kana Dingindira reChikwata cheHupirisita hwaAroni.

Rairanai pamwechete

Zvichitungamirirwa nemunhu ari kutungamira musangano, kirasi kana chikwata chinopedza maminetsi mashanu kusvika kugumi vachirairana pamwechete pamusoro pemabasa avo mubasa raMwari reruponeso uye rokusimudzirwa kumusoro-soro. Uyu mukana wokuti vatungamiri vekirasi kana vechikwata vawongorore zvinhu zvakakurukurwa mumisangano yevatungamiri kana misangano yedare revechidiki yewadhi.

Munhu ari kutungamira anokwanisawo kushandisa mumwechete kana kupfuura yemibvunzo iyi:

Kurarama vhangeri

  • Ndezvipi zviitiko zvenguva ichangopfuura zvakasimbisa uchapupu hwedu hwaJesu Kristu nevhangeri Rake?

  • Chii chatiri kuita kuti tiswedere pedyo neMuponesi? Tiri kuedza sei kuti tinyanye kuva saIye?

  • Takanzwa sei nhungamiro yaIshe muupenyu hwedu?

Kutaririra vanhu vanoshaiwa

  • Ndiani watakanzwa tichikurudzirwa kubatsira kana kushandira? Ndeapi mabasa atakagamuchira ekuti tibatsire mumwe munhu anoda rubatsiro?

  • Ndeapi matambudziko akatarisana nenhengo dzekirasi yedu kana dzechikwata? Tinokwanisa kutsigirana sei muzvinhu zvatiri kunetsekana nazvo?

  • Pane munhu here akatamira muwadhi medu kana akapinda Chechi nguva ichangopfuura? Tinokwanisa kuvabatsira sei kunzwa kutambirwa?

Kukoka vose kuti vagamuchire vhangeri

  • Chii chatinokwanisa kuita kubatsira vamwe kuti vanzwe rudo rwaMwari?

  • Zvii zviitwa zvirikuuya izvo zvatingakwanisa kukoka shamwari dzedu kuti dziuye kwazviri?

  • Zvirongwa zvipi zvekugovera vhangeri zvakakurukurwa mumisangano yedare revechidiki yewadhi? Kirasi yedu kana chikwata chedu chinokwanisa sei kutora chinhanho?

Kubatanidza mhuri nekusingaperi

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzatinokwanisa kubatana zvirinani nadzo nenhengo dzemhuri, kusanganisira vanasekuru nanaambuya uye hama?

  • Chii chatiri kuita kutsvaka mazita emadziteteguru edu anoda zvisungo zvemutemberi? Chii chatinokwanisa kuita kubatsira vamwe kuwana mazita emadziteteguru avo?

  • Tinokwanisa sei kutora chinhanho kakanyanya kuwanda mubasa remutemberi—semunhu pachake uye sekirasi kana chikwata?

Dzidzai pamwechete

Mutungamiri wechikuru kana nhengo yechikwata kana yekirasi anotungamirira rairo pamusoro pekuverenga kwevhiki rino kweHuyai, Munditevere. Anoshandisa mazano ekunzvera ari muHuyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi. Zano rekunzvera rine mufananidzo weseminari mufananidzo uyu rakaiswa panzvimbo imwechete neseminari uye rakanyanya kukodzera kune vechidiki. Zvisinei, mamwe api zvawo mazano ekunzvera anogona kushandiswa. Chikamu ichi chemusangano wavose kazhinji chinotora maminetsi angangoita makumi matatu nemashanu kusvika kumakumi mana.

Kuvhara

Munhu arikutungamira musangano:

  • Anopa uchapupu hwemisimboti yadzidziswa.

  • Anokurukura kuti kirasi kana chikwata chinozoita chimwe chinhu sei pane zvavadzidza—seboka kana kuti semunhu pachake.

Munamato: