“Rukundo rweMuponesi Wedu Anodiwa,” Liahona, Kubvumbi 2026.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kubvumbi 2026
Rukundo rweMuponesi Wedu Anodiwa
Hapana mashoko okutsanangura makuriro echipo chakakosha chaJesu Kristu. Hazvizombofi zvakadikanwa kubva kune mumwe munhu. Akatambura "kamwechete kuitira vose."
Nokufamba kwamakore, ndakava ndinonyanya kuzvininipisa apo pandaifunga pamusoro, pandainzvera, uye pandaiwana nyaradzo hurusa muchipo chisingayereki cheMuponesi wedu, Rudzikinuro rwaJesu Kristu. Pfungwa dzemunhu wenyama hadzingatombokwanisi kutanga kunzwisisa kuti magumisiro avanhu akashanduka zvakazara sei nokuda kwezvakaitika muGetsemani, pamuchinjikwa, uye napabwiro.
Tose Tinosangana neKutyorwa Mwoyo uye Nokutambura
Mudaidzo yangu seMuApositora, ndakafamba kunzvimbo dzakawanda zvikurusa uye ndikava nemukana wokusangana navana, nevechidiki, uye navakuru nepanyika pose. Kune nguva dzemufaro mukuru muupenyu, asi chinhu chimwechete chandakaona nameso angu pachangu uye ndikachinzwa muudzamu hwemwoyo wangu ndechokuti pamusoro pemufaro nerudekaro, upenyu hwune nguva dzekutyorwa mwoyo uye nokutambura.
Handizombofi ndakakanganwa apo pandaiva ndakagara navana vaduku vana avo upenyu hwavabereki vavo hwakanga hwagumiswa zvineutsinye nemupindiri mumba mavo apo vana pavaiva vakarara, kana pandakasangana nemudzimai uyo akanga abatwa chibharo semusikana muduku nehama yaivimbwa nayo, kana apo pandakagara parutivi rwemubhedha wemusikana muduku akanga akuvara muurozvi mushure mokuputsika pabhasikoro uye aizofa nenguva pfupi, kana pandaiteerera kuchema kwemukadzi uyo aiva nemurume akanga atyora chivimbo chake maari uye atyora zvibvumirano zvemutemberi zvake nenzira yakaipa zvikurusa kwamakore mazhinji.
Ndakanzwa marwadzo emurume nomukadzi avo vane mwana mukuru akanga asisatendi zvokwadi zvevhangeri uye akatsvaka kuderedza rutendo rwavamwe mumhuri. Ndakashanyirana navaberiki neshamwari dzakasuwa zvikuru dzemukomana wechidiki aitarisirwa kuita zvinhu zvikuru muupenyu uyo akazviuraya. Ndakanzwa rusuwo rwehumwari rwaavo vakaita chivi uye vaida zvechokwadi kutendeuka uye nemarwadzo makuru eavo vakatambudzwa nechivi chacho.
Ndakaona kutyora mwoyo kwechirwere chepfungwa zvose kune uyo anorwara nacho uye nokuna avo vanotambura muchinyararire apo pavanotarisa nekwaniso shoma yokubatsira. Ndakaona kurashikirwa kukurusa kwemunhu pachake kunokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzoga, mafashama, matutu, moto, uye nokudengenyeka kwenyika. Ndakaona mhirizhonga mudzinyika kubva kunyonganyonga dzezvematongerwo enyika, hondo, uye ruparadzo, uye marwadzo makuru anouya apo izvo zvisingatarisirwi pazvinouya pana avo vasina mhosva uye vari kutsvaka kuita izvo zvakanaka.
Maoko Anoporesa, naKolby Larsen, haufaniri kukopewa
Muponesi Anotibatsira
Mukutaura nezve Rudzikinuro rwaJesu Kristu, Mutungamiri James E. Faust (1920-2007), Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwokutanga, vakati: "Vakadziswa pamwoyo vanofanira kuita zvose zvavanokwanisa kuti vagadzirise zviedzo zvavo, uye Muponesi ‘anozobatsira vanhu vake maererano neutera hwavo’ [Aruma 7:12]. Anozotibatsira kutakura mitoro yedu. Kumwe kurwadziswa pamwoyo kunorwadza uye kwakadzika zvikuru zvokuti hakukwanisi kuporeswa pasina rubatsiro kubva kusimba rokumusoros-oro uye netariro yeruenzaniso rwakarurama uye gadziriso muupenyu hwunotevera. …Anonzwisisa marwadzo edu uye anozofamba nesu kunyangwe munguva yedu inerima gurusa,"
Ndinonzwa kukweverwa zvakanyanya kurudo rweMuponesi uye nemaropafadzo asina mugumo atakavimbiswa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu. Haana kutidzivirira kubva kuzviitiko zvakaoma zveupenyu izvo zvinounza marwadzo asingayereki, asi Akatidzivirira kubva kukutambura kusingaperi uye kukuparadzaniswa kubva kunaBaba Vokudenga uye akatibvumira, kuburikidza nokutamburira vanhu vose Kwake, kuti tive nekwaniso yokuva nerudekaro rwakarurama uye nomufaro wokusingaperi pamberi paMwari.
Mutungamiri Dallin H. Oaks vakatiyeuchidza kuti: "Nokure, rubatsiro kuvanhu rwakasimba zvikurusa rwaMwari rwaiva rwokupa Kwavo Muponesi, Jesu Kristu, uyo aizotambura kuti aripire mutengo uye ape ruregerero rwezvivi zvakatendeukwa pazviri. Rudzikinuro irworwo rwune ngoni uye rwunoshamisa rwunotsanangura kuti sei rutendo muna Ishe Jesu Kristu rwuri musimboti wokutanga wevhangeri. Rudzikinuro Rwake ‘rwunounza kuitika kwekumutswa kuvakafa kwavakafa’ Aruma 42:23), uye ‘rwunodzikinura zvivi zvenyika’ Aruma 34:8), rwuchidzima zvivi zvakatendeukwa zvedu zvose uye ruchipa Muponesi wedu simba rokutibatsira muutera hwedu hweupenyu hunofa.“
Chikamu chemufananidzo kubva kuPrayer at Gethsemane, naDel Parson, unokwanisa kukopewa kuti ushandiswe kune zveChechi chete
Chiitiko Chakakoshesesa Chokusingaperi
Apo pandinofunga nezve kutambura kwandakaona ini pachangu, uko kunova kuduku zvikurusa pakuenzaniswa naavo vose vakafamba kana vanozofamba panyika, handikwanisi, namashoko api zvawo andinoziva, kutsanangura manzwiro ari mumwoyo mangu pamusoro peizvo zvinofanira kunge zvakaitika mumwoyo nemupfungwa nemumuviri nemumweya weMuponesi munguva Dzake dzinoera dzokutamburira zvivi nemarwadzo avanhu vose.
Chiitiko chakakoshesesa chokusingaperi kwose chacho chakatanga apo Jesu paakaenda “kunzvimbo yainzi Getsemani“ (Mateo 26:36 muGomo reMiorivhi kunze kwemasvingo eguta reJerusarema. Akati kuvadzidzi Vake, “Mweya wangu wakasuwa zvikurusa, kunyangwe kusvika kurufu“ (Mateo 26:38).
Akanamata, achiti "Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri: kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu" (Mateo 26:39). Akadzokera kuvadzidzi Vake, akavawana vakavata, akaenda zvakare, uye akanonamata rwechipiri. "Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe. … Uye Akanyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo" (Mateo 26:42, 44).
Jesu akananwa mukombe unovava uye akatambura kupfuura nzwisisiso yedu savanhu venyama zvose mubindu uye pamuchinjikwa. Asina chivi, Akatora paAri zvivi zvedu zvose, kuitira kuti apo patinouya Kwaari uye totendeuka, zvivi zvedu nemitoro yedu zvinosimudzwa kubva kwatiri (ona 2 Vakorinte 5:21).
Kutambura, kufa, uye nokuzvipira kwerununuro kwaJesu kwakanga kwakatarisirwa kwenguva yakareba. Achitaura makore mazana manomwe Jesu asati azvarwa, Isaya akaporofita kuti "Ishe vakaisa pamusoro pavo kuipa kwedu tose" (Muporofita Isaya 53:6). Jesu akataura nezve kupa upenyu Hwake "serudzikinuro" (Mateo 20:28, onawo 1 Timotio 2:6 "kuitira kukanganirwa zvivi" ( Mateo 26:28 zveavo vose vanozotenda maAri uye votendeuka kuzvivi zvavo. Pero akatsanangura kuti "Akatambudzika [sei] pamusoro pezvivi" zvedu 1 Petro 3:18, kuti kuburikidza namavanga Ake tinoporeswa (ona 1 Petro 2:24). Akaita izvo zvaiva zvisingakwanisi kuitwa nomumwe munhu kuitira kutibvumira kuti tidzokere pamberi paBaba. "Wakakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu" (Muporofita Isaya 53:5).
Mushure mokutambura muGetsemani, kurwadziswa kukurusa kwake kwakaenderera mberi-kupandukirwa neuyo aifamba Naye, kunyombwa pamberi pavatongi vasina ruenzaniso, marwadzo emuviri Wake uchirohwa zvikuru, korona yeminzwa yakapfekedzwa mumusoro Make navarwi vane utsinye uye vasina ngoni (ona Johane 18:2-3, 12-14; Marko 15:15-20), uye danda guru rairema rakaiswa panyama yakakuvadzwa yemusana Wake apo paAifamba achienda kuGorogota (ona Johane 19:16-17).
Pamuchinjikwa, kurwadziwa kukurusa kwakanzwikwa muGetsamani kwakadzoka nehukasha hwusina munhu aikwanisa kuhwupona. Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, ari oga akatakura basa rehumwari raakarairwa naBaba Vake rokuti aradzike upenyu Hwake. Varwi navatongi vaiva vasingakwanisi kuhutora kubva kwaAri (ona Johane 10:18). Mururemekedzo neruninipo, Jesu akakotamisa musoro Wake uye akati, "Zvapera" (Johane 19:30).
Nguva yokupedzisira youpenyu Hwake hunofa yaiva yakwana. Hapana mashoko okutsanangura ukuru hwechipo Chake chakakosha. Hazvizombofi zvakadikanwa kubva kune mumwe munhu Jesu Kristu akatambura "kamwechete kuitira vose" VaHeberu 10:10
Amuka!
Nebasa Rake rehumwari raadzikiswa, zvino Aizova wokutanga munhoroondo yavanhu vose kumuka kubva muguva kuenda mukusafa (ona 1 Vakorinte 15:21-23).
Kumudzimai pabwiro, ngirozi dzakati:
"Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
"Haapo pano, wamuka" (Ruka 24:5-6).
KuVaApositora Vake, Akati, "Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene" (Ruka 24:39). Pashure, "akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe …" (1 Vakorinte 15:6). Zvapupu zvakaona nemeso Muponesi akamuka kuvakafa. Aiva asina kufa. Aiva mupenyu.
Jesu Kristu akatyora cheni nengetani dzehusungwa hwusingaperi hwerufu kuitira munhu wose akararama kana anozorarama panyika (ona 1 Vakorinte 15:22). Akakunda muvengi wedu tose; muvengi werufu akaparadzwa nariinhi nariinhi.
Mutungamiri Russell M. Nelson (1924 - 2025) vakati: "Jesu Kristu akatora paAri Iye pachake zvivi zvako, marwadzo ako, marwadzo emwoyo wako, uye utera hwako. Haufaniri kuatakura uri woga! Anozokuregerera apo paunotendeuka. Anozokuropafadza neizvo zvaunoda. Anozoporesa mweya wako wakakuvadzwa. Apo paunozvisunga pajoko kwaAri, mitoro yako inozova yakareruka. Kana ukaita nokuchengeta zvibvumirano zvokutevera Jesu Kristu, unozowana kuti nguva dzinorwadza dzeupenyu hwako ndedzechinguva chidiki. Matambudziko ako ‘achamedzwa mumufaro waKristu’ [Aruma 31:38]"
Semumwe wavaApositora Vake vakagadzwa, ndakava nenguva dzezvepamweya uye dzemunhu pachake idzo dzakaunza kwandiri uchapupu hwechokwadi uye hwezvirokwazvo kuti Mupenyu. Pamwaka uno weIsita, mashoko aya ngaagare zvinyoronyoro mupfungwa nemwoyo: "Ngandisakanganwa O Muponesi, Imi makandideukira ropa nokundifira," apo patinofara mukuimba:
© 2026 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo muChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, Kubvumbi 2026. Shona. 20038 731