Riahona
Gwara reChibvumirano Rinofadza
Kukadzi 2026 Liahona (Riahona)


“Gwara reChibvumirano Rinofadza,” Liahona (Riahona), Kukadzi 2026.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kukadzi 2026

Gwara reChibvumirano Rinofadza

Kushamisa nokubwinya kwenhengo dzemhuri dzakasunganidzwa pamwechete pamberi paBaba neMwanakomana kunounza rumbidzo hurusa nemufaro mukurusa kumweya wangu uye zvinondizadza nemweya weruvongo.

Gosa Patrick Kearon nemudzimai wavo, Jennifer

Gosa Patrick Kearon nemudzimai wavo, Jennifer

Apo Israel naElizabeth Haven Barlow pavakabva kuNauvoo, Illinois, vachienda kuSalt Lake Valley muna 1848, vakasiya mwanakomana mucheche uyo aiva akavigwa munzvimbo yamakuva duku yeNauvoo. James Nathaniel Barlow mucheche, mwana wavo wekutanga, akanga afa achangoberekwa muna Chivabvu 1841.

Nokuenda kwavo kuSalt Lake Valley, Israel naElizabeth pamwe havana kumbotarisira kutarisa zvakare paguva remwanakomana wavo. Asi Israel paakadaidzwa kunoshumira kuEngland mushure memakore mashoma, akapfuura nemuNauvoo apo paaienda kumabvazuva. Pachikumbiro chaElizabeth, akamira kuti atsvake guva remwanakomana wavo uye kuti vaendese mutumbi wake kunzvimbo huru yamakuva, kumabvazuva kweguta.

Mushure mezuva rokutsvaka zvisina budiriro, Israel akatsvaka rubatsiro kubva kumuchengeti womunzvimbo imomo. Zuva raitevera, vakazowana guva iri, riri pedyo naMary hanzvadzi yaJames. Zvinosuwisa ndezvokuti, mabhokisi avo akanga aora uye apwanyika. Mutsamba kumudzimai wake, Israel akanyora, “Naizvozvo ndakafuratira ndikasarudza kuti ndaizovasiya ikoko kusvikira nguva yaitevera.”

Akanga asati afamba kure neguva apo paakanzwa inzwi. Achiyeuka chiitiko chacho, akanyora, “Rakanga risinganzwiki, asi rakajeka zvikuru kupfungwa dzangu zvokuti ndaisakwanisa kuriramba: ‘Baba, musandisiya pano.’” Israel akadzokera kuguva, achisarudza kubvisa mukomana wake muduku mushure mazvose. “Ndakanzwa rudzikamo nerunyararo rwepfungwarwusiri rwemazuva ose urwo rwandakanga ndisati ndambonzwa kare. … Izvi ndinozotaura: kuti handina kumbobvira ndakanyanya kuziva nezve basa ripi zvaro rakaitwa muupenyu hwangu.”

Musi waGunyana 2, 1853, Israel Barlow nemuchengeti vakaendesa mitumbi yaJames naMary kunzvimbo huru yamakuva yeNauvoo, vachimaka nzvimbo yacho “namatombo kumusoro uye kuzasi kwemakuva.”

Israel akaudza Elizabeth kuti apo paakanga achakamira padivi reguva, “Ndakanzwa chido chokuzvipira ini uye zvose zvandingati dzezvangu mumaoko aIshe, kuti ndigoverengwa sendakakodzera kuuya pamberi na[James] murungwanani rweKumuka Kuvakafa kwoKutanga.”

Kuzvipira kwaIsrael kuvhangeri raJesu Kristu, pamwechete nekukudza zvibvumirano zvinoera, kunobvumira Kristu kuti upenyu hwokusingaperi—iro gurusa ramaropafadzo ose—hwukwanisike kwaari, kumadzitateguru ake, uye kuzvizvarwa zvake.

Zvimwechetezvo ichokwadi kwatiri tose.

matireyi esakaramende

Mufananidzo naJerry Garns, unogona kukopwa kuti ushandiswe chete mune zveChechi

Vimbiso Dzinoera

Baba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, vanoda mumwe nomumwe wedu kupfuura zvipi zvazvo zvatingafungidzira. Hakuna pamwe panoratidzwa rudo Rwavo kupfuura kuburikidza nemaropafadzo akavimbiswa anoenderana nezvibvumirano zvinopuwa kwatiri parubhabhatidzo uye nemuimba yaIshe.

“Imwe yepfungwa dzakanyanya kukosha dzechitendero chakazarurwa ndeye chibvumirano chinoera,” Mutungamiri Russell M. Nelson (1924–2025) vakadzidzisa. “Mumutauro wezvepamutemo, chibvumirano kazhinji zvinoreva wirirano pakati pavanhu vaviri kana kupfuura. Asi munyaya dzechitendero, chibvumirano chinhu chakanyanyisa kukosha. Ivimbiso naMwari inoera.”

Vimbiso yoga yoga inoera yatinoita uye nokuchengeta inotiropafadza. Baba Vokudenga neMuponesi wedu Jesu Kristu vanoda kuti tiswedere pedyo Navo. Vanoda kutibatsira kuti tidzidze uye tikure murutendo nenzwisiso. Vanoda kutipa simba rokudenga. Vanoda kuti tiwane ruponeso nerunyararo munyika iyo maropafadzo akadaro maanoramba achinetsa kuwanikwa. Vanoda kuti tiwane mufaro muupenyu hwuno nemuupenyu hwuchauya. Zvichiyerera kubva murudo rwakarurama urwu, Vanotipa mukana wokupinda muchisungo chechibvumirano Navo. Tine ropafadzo rokuzvipira zvakare kuzvibvumirano izvozvo vhiki yoga yoga munguva yemusangano wesakaramende.

Tinotora sakaramende mumweya woruvongo nokuti tine ropafadzo rinofadza rokutora patiri zita raJesu Kristu, tichimurangarira Iye nerudo Rwake kwatiri rwakaratidzwa kuburikidza neRudzikinuro Rwake—kuti Akatitambua, akatideurira ropa, uye akatifira. Sakaramende inotiropafadzawo nemukana wevhiki yoga yoga wokuratidza chido chedu chokuchengeta mirairo Yake, kuvandudza zvibvumirano zvedu, uye kuita chibvumirano chitsva (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79).

“Kazhinji, ndinonzwa matauriro ekuti tinotora sakaramende kuti tivandudze zvibvumirano zvakaitwa parubhabhatidzo. Kunyangwe zvazvo ichi chiri chokwadi, zvinoreva zvakawanda zvikuru kupfuura izvozvo,” vakadaro Mutungamiri Nelson. “Ndaita chibvumirano chitsva. Waita zvibvumirano zvitsva. … Zvino mukudzorera izvozvo [Ishe] vanoita chirevo chokuti tinozozova neMweya Wavo nguva dzose kuti uve nesu. Iropafadzo yakakura zvakadii!”

Apo patinotendeuka uye totora sakaramende nomwoyo mutsvene, tinogamuchira Mweya Mutsvene uye “tinoshanangurwa kubva muchivi sokunge tabhabhatidzwa zvakare. Iyi ndiyo tariro nengoni izvo Jesu zvaanopa kune mumwe nemumwe wedu.”

Zvinofadza sei kutendeuka uye kuregererwa kuburikidza nerudo rwunonunura rwaKristu!

Temberi yeNauvoo Illinois

Mufananidzo weTemberi yeNauvoo Illinois naJennifer Rose Maddy

Imba Yake yoMufaro

Mushure mokuva Mutungamiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, Mutungamiri Nelson vakataura kazhinji pamusoro pegwara rechibvumirano, vachitanga neshoko ravo kuruzhinji seMutungamiri weChechi. Tinopinda gwara iroro kuburikidza “nerutendeuko uye nerubhabhatidzo nemvura” (2 Nifai 31:17), vakazoti pane imwe nguva yakatevera, uye “zvino tinoripinda zvakanyanya kuzara mutemberi.”

Sokungotiyeuchidza kunoita kutora sakaramende nezve zvibvumirano zvedu namaropafadzo anoenderana nazvo, ndizvowo zvazviri nokuita basa muchinzvimbo chavakafa mutemberi. Apo patinoita zvisungo takamiririra avo vakafa, tinorangarira zvivimbiso zvinoera zvatakaita uye maropafadzo akavimbiswa atinozogaamuchira.

Kuburikidza negwara rechibvumirano, tinozova vagari venhaka yemaropafadzo ose akavimbiswa kuna Abrahama, Isaka, Jakobo, uye nezvizvarwa zvavo. Zvisinei nemaropafadzo akavimbiswa iwayo, Abrahama, Isaka, naJakobo havana kurarama upenyu hwaiva hwuri nyore, uye kana isu hatidarowo. Saivo, tinosangana nematambudziko, kurangwa, uye kushaikirwa apo “patinoedzwa muzvinhu zvose” (Dzidziso neZvibvumirano 136:31; onawo 101:4–5). Asi savaporofita naVatendi vakarurama vakare, tinoziva avo vatinovimba navo (ona 2 Nifai 4:19).

Upenyu hwedu hwunofa hwunogova chinguvana mukurarama kwedu, asi chinguvana ichocho—dzimwe nguva chakaoma zvikuru—chakakosha zvokusingaperi. Hongu, Baba vedu Vokudenga vanoda kuti tidzidze uye tikure. Uye, hongu, kukura ikoko dzimwe nguva kunosanganisira kuora mwoyo uye nokutambudzika. Asi Vanoda kuti upenyu hwedu hwuve hwakanaka uye hwune tariro. Nechinangwa ichocho, uye kurerutsa rwendo rwedu rwekudzokera kwaVari, Vakatipa Muponesi, uyo anova “muvimbisi” wezvibvumirano zvedu naBaba Vake. Kuburukidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, Baba vanozadzikisa vimbiso dzakaitwa kuvana Vavo mutemberi.

Kuburikidza nerudo uye nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake, Muponesi wedu akagadzirisa uye akaporesa zvinhu zvose zvatinozosangana nazvo muupenyu. Uye nokuda kweimba Yake tsvene—Imba Yake yomufaro—zvose zvinozova zvakanaka zvisinei nematambudziko. Barsami yokuchengeta zvibvumirano inotsvairira kure rusuwo, marwadzo, kuchema, uye kuodzwa mwoyo. Hatifaniri kunetseka kana kutya. Panokudaro, tinokwanisa kufara kuti mutengo werudzikinuro rwedu wakabhadharwa (ona 1 VaKorinte 6:20) uye kuti gwara rechibvumirano kuupenyu hwokusingaperi rakamiswa.

Gwara rechibvumirano zvirokwazvo igwara rerudo runonunura. Apo patinoremekedza zvibvumirano zvedu zvatinoita mutemberi, tinogamuchira maropafadzo ane simba gurusa, rudo rwukurusa, ngoni hurusa, nzwisiso hukurusa, uye tariro hurusa. Kushamisa nokubwinya kwesunganidzo dzemutemberi—kwenhengo dzemhuri dzakasunganidzwa pamwechete murudo nokusingaperi—zvinounza rumbidzo hurusa nemufaro mukurusa kumweya wangu uye zvinondizadza nemweya weruvongo.

“Apo pose panoitika kusagadzikana kwerudzi rwupi zvarwo muupenyu hwako, nzvimbo yakanyanya kuchengetedzeka yokuva pamweya kugara mukati mezvibvumirano zvemutemberi zvako!” Mutungamiri Nelson vakaraira. Ndinoziva huchokwadi hwemashoko iwayo kubva muzviitiko zveupenyu hwangu hwepanyika zvinofadza uye pane dzimwe nguva zvinorwadza.

mufananidzo wemurume nomukadzi vakabata mwana mucheche

James Nathaniel Barlow, mwana wokutanga waIsrael naElizabeth Barlow, akafa achangoberekwa muna Chivabvu 1841. Mushure memakore akawanda, akasunganidzwa kuvabereki vake kuburikidza nemumiririri muLogan Utah Temple.

Mufananidzo naAllen Garns

Vaunganidzei Kumba

Mushure mokunge Israel Barlow aoneka kwokupedzisira mwanakomana wake muduku, akanyora kumudzimai wake, “Pfungwa dzokuenda kure kure, ndisingazombofi ndakadzokera muupenyu kuguva [raJames], dzakandisuwisa zvokuti ndakanzwa sokuti mwoyo wangu waityoka uye ndakachema zvikuru paguva rake.”

Ndinofunga kuti mimwe misodzi yakawanda—misodzi yemufaro panguva ino—yakaerera musi waZvita 4, 1889. Pazuva iroro, James Nathaniel Barlow muduku akasunganidzwa kuvabereki vake muLogan Utah Temple. Panguva iyi, Israel akanga afa, saka vamwe vakamira sevamiririri vake naJames.

Sisita Kearon neni tine imwe nzwisiso uye mutsa mukuru kuna Israel naElizabeth. Mwana wedu wokutanga, mukomana ainzi Sean, akafa paaiva achivhiyiwa mwoyo apo paakange aine mavhiki matatu chete ekuzvarwa. Uku kwaiva kurashikirwa kwakaita kuti tinzwe kuti nyika yedu yakanga yava kuguma. Panguva iyoyo, takazvibvunza kuti taizokwanisa kurarama here. Takamuviga zvinorwadza zvikuru muguva duku kuEngland. Mushure memakore gumi nemashanu, mhuri yeduyakakumbirwa kutama kubva pamba pedu kuUnited Kingdom kuti tinoshumira kwenguva yakazara muChechi, uye takasiya guva diki iroro.

Hatina kurashikirwa nemwana wedu parwendo rwokumadokero, uye hatina kusangana nematambudziko asingakwanisi kunzwisiswa emhuri yekwaBarlow, asi tine mavambo enzwisiso yezvavakasangana nazvo. Guva remwanakomana wedu muduku riri kure zvikuru, asi semhuri yekwaBarlow, tine rutendo rwusingagumi muKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu uye nemamiriro ekusingaperi emhuri yedu kuburikidza nechibvumirano chitsvene chekusunganidzwa.

Tose tine madzitateguru nevamwewo vadikanwi vakafa varikuti kwatiri, “Musandisiya pano.” Nokuda kwezvibvumirano zvemutemberi, hapana anofanira kusiiwa shure. Daidzo yedu ndeyokuvada, kuvashandira, uye nekubatsira kuvaunganidza kumba.

Baba vedu Vokudenga vanotida, iwe neni. Vakatipa matemberi kuitira kuti “chipi nechipi zvacho [isu] chatinosunga panyika chichasungwa kudenga” (Dzidziso neZvibumirano 128:8; onawo Mateo 18:18). Vakatumira Mwanakomana Wavo kuzodambura majoko erufu, zvichiita kuti zvikwanisike kuti tisunganidzwe kunhengo dzemhuri dzedu nokusingaperi.

Ndosaka tiine zvisungo. Ndosaka tichiita zvibvumirano. Ndosaka tichivaka matemberi. Ndosaka tichizvipira kubasa nokubwinya kwaMwari (ona Mosesi 1:39). Uye Ndosaka tichichema misodzi yemufaro, tichiziva kuti kusanganazve kwokusingaperi kwakatimirira isu uye navadikanwi vedu pamberi paBaba neMwanakomana.

Ngatiwanei mufaro nerunyararo apo patinochengeta zvibvumirano zvedu uye patinobatana naIshe mubasa Ravo rinoshamisa rokuponesa.

Manotsi

  1. Ona Ora H. Barlow, The Israel Barlow Story and Mormon Mores (1968), 306–8; kuperetera nezvimiso zvakaitwa kuti zvive zvamazuva ano; onawo Brent A. Barlow, “Daddy, Do Not Leave Me Here,” Ensign, Chikunguru 2009, 34–36.

  2. Russell M. Nelson, “Covenants,” Liahona, Mbudzi 2011, 86.

  3. Ona “Ndinoshamiswa Kwazvo,” Nziyo nedzeVana Vadiki,, nhamba 42.

  4. Russell M. Nelson, muDale G. Renlund, “Unwavering Commitment to Jesus Christ,” Liahona, Mbudzi. 2019, 25, noti 18.

  5. Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende,” Liahona (Riahona), Kurume 2021, 7

  6. Ona Russell M. Nelson, “Apo Patinofambira Mberi Pamwechete,” Liahona (Riahona), Kubvumbi 2018, 7

  7. Russell M. Nelson, “Chibvumirano Chisingaperi,” Liahona (Riahona), Gumiguru 2022, 6

  8. Kuti uwane mudorongodzwa wemaropafadzo akavimbiswa iwayo, ona Russell M. Nelson, “Covenants,” Liahona, Mbudzi 2011, 87.

  9. Ona Russell M. Nelson, “Chibvumirano Chisingaperi,” 10.

  10. Ona Russell M. Nelson, “Chibvumirano Chisingaperi,” 7.

  11. Russell M. Nelson, “The Temple and Your Spiritual Foundation,” Liahona, Mbudzi 2021, 96.

  12. Israel Barlow, muOra H. Barlow, The Israel Barlow Story, 308; kuperetera nezvimiso zvakaitwa kuti zvive zvamazuva ano.

  13. Musi wesunganidzo wakapuwa neRaibhurari yeNhoroondo dzeChechi.