“Kuropafadzwa neMvumo uye neSimba reHupirisita,” Liahona, Gunyana 2025.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Gunyana 2025
Kuropafadzwa neMvumo uye neSimba reHupirisita
Nhengo dzeChechi dzinoshandisa simba raMwari mukushandira nekuropafadza vamwe muChechi, kumba, uye nepasi rose.
Uchapupu hwedu kunyika ndohwekuti hupirisita hutsvene hwaMwari hwakakosha mukuzadzisa basa Ravo reruponeso nokusimudzirwa kumusoro-soro, kuti Vakadzorera hupirisita panyika nokuda kwechinangwa ichocho, uye kuti hwunotungamirwa neChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira.
Kudikanwa kweMvumo neSimba reHupirisita
Jesu Kristu ndiye musoro weChechi. Chechi ndiwo mudziyo waakaumba kuti azadzise basa rinokosha rekudzikinura vanhu mune uno mukuwo wevhangeri wokupedzisira sezvayaiva mumukuwo waAkararama panyika. Kuburikidza neChechi:
-
Anokwanisa kuparidza vhangeri Rake napanyika pose.
-
Anokwanisa kupa rubhabhatidzo nezvimwe zvibvumirano zvose—kunyangwe gwara rechibvumirano rinoenda kuumambo Hwake hweseresitiyaro.
-
Anokwanisa kubatanidza mhuri nokusingaperi.
-
Anokwanisa kupa zvipo zveruponeso, kunyangwe kuna avo vakafa vasinazvo.
-
Anokwanisa kutaririra kuzvidikanwi zvenyama zvevana vaMwari munguva ino.
Kuzadzisa zvinangwa zvikurusa izvi, uye nokugadzirira kudzoka kweMuponesi, Chechi inoda kuenderera mberi kwenhungamiro, mvumo uye nesimba raMwari. Chechi ndiyo “chechi yechokwadi uye inorarama” (Dzidziso neZvibvumirano 1:30) nokuti Kristu anoipa hutungamiri nesimba Rake kuburikidza nehupirisita Hwake, “Hupirisita Hutsvene, maererano neHurongwa hweMwanakomana waMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 107:3).
Asi dai pasina hupirisita hutsvene uhwu, Chechi zvirokwazvo yaizova sangano renyika, ichiita zvakanaka munyika asi isina simba rekuzadzisa chinangwa chekupedzisira chekugadzirira vanakomana nevanasikana vaMwari kuwana mufaro woupenyu hwokusingaperi pamberi Pavo. Nehupirisita uhwu, uye nemakiyi ekutungamira basa rehupirisita uhwu, mune zvose mvumo uye kurongeka muChechi.
”Muchechi, mvumo yose yehupirisita inoshandiswa pasi penhungamiro yeavo vakabata makiyi ehupirisita.
“Nhengo dzeChechi dzechirume dzakakodzera dzinogamuchira mvumo yehupirisita kuburikidza nokupuhwa hupirisita uye nokugadzwa kuzvinzvimbo zvehupirisita. Nhengo dzose dzeChechi dzinokwanisa kushandisa mvumo yakapuhwa apo pavanotsaurwa kana kurongerwa kubatsira kuzadzisa basa raMwari.”
Kuburikidza nekiyi dzehupirisita, zvakakoshesa zvaIshe zvinozokunda nguva dzose. Hapana munhu anokwanisa kutsigira hurongwa hwemunhu pachake husingayanani nenhungamiro Yavo. Hapana munhu anokwanisa kubudirira muhupirisita hwemano, achitsvaga kupfuma kwake pachake uye navateveri vake pachake.
Hupirisita hunewo basa gurusa mudzimba dzenhengo dzeChechi. Mutungamiri Dallin H. Oaks, Mutevedzeri Wokutanga muHutungamiri Hwokutanga, akadzidzisa kuti, “Musimboti wokuti mvumo yehupirisita inokwanisa kushandiswa chete pasi penhungamiro yeuyo akabata makiyi ebasa iroro wakakosha muChechi, asi izvi hazvishandi mumhuri.” Madzibaba anotungamirira uye anoshandisa hupirisita mumhuri dzavo—kuraira, kuita misangano yemhuri, kupa hupirisita kana maropafadzo ekuporesa kunhengo dzemhuri kana vamwe, uye zvichingodaro—pasina nhungamiro kana mvumo yemumwe munhu akabata makiyi ehupirisita.
“Musimboti mumwechetewo unoshanda apo baba pavanenge vasipo uye amai vari ivo mutungamiri wemhuri. Vanotungamira mumba mavo uye vanobatsira mukuunza simba uye maropafadzo ehupirisita mumhuri yavo kuburikidza neendawumenti uye nesunganidzo yavo mutemberi.”
Kudzorerwa kweHupirisita muNguva Yedu Ino
Chivabvu 15, 1829
Kudzorerwa kwemvumo yehupirisita mumukuwo wokupedzisira kwakaitika mumafambiro mberi akarongeka, nhanho-nenhanho. Apo gwaro dzvene rekutanga remukuwo wedu, Bhuku raMormoni, parakanga richidudzirwa muna 1829, Ishe vakatanga kumisa nzira yemarongerwo ehupirisita Hwavo. Mukupindura mubvunzo womunamato waJoseph Smith naOliver Cowdery maererano nerubhabhatidzo, Johane Mubhabhatidzi akamutswa kuvakafa akazviratidza uye akagadza pavari Hupirisita hwaAroni, hupirisita uhwo “hwune makiyi ekushumira kwengirozi, uye evhangeri rerutendeuko, uye erubhabhatidzo nokunyikwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi“ (Dzidziso neZvibvumirano 13:1). Nemvumo iyoyo, Joseph naOliver vakabhabhatidzina uye pashure vakabhabhatidza vamwe apo Chechi payakarongwa zviri pamutemo.
Chinguva chipfupi mushure maChivabvu 15, 1829
Pasina nguva refu mushure mekuzviratidza kwaJohane Mubhabhatidzi, VaApositora vechinyakare Petro, Jakobo, naJohane vakazviratidza uye vakagadza hupirisita hukuru, kana kuti hwaMerkizedeki, kusanganisira “makiyi eumambo hwangu, uye nomukuwo wevhangeri … nokuzara kwenguva” (Dzidziso neZvibvumirano 27:13; onawo 128:20).
Kubvumbi 03, 1836
Imwe mvumo yehupirisita yaidiwa yakazotevera apo, muTemberi yeKirtland, vaporofita vatatu vechinyakare, Mosesi, Eria, naErija, pavakazviratidza kuna Joseph naOliver uye vakapa kwavari makiyi ekuunganidzwa kweIsraeri neebasa riri maererano netemberi dzaIshe (ona Dzidziso neZvibvumirano 110:11–16).
Zhizha 1829–Kubvumbi 1835
Zvakazarurwa izvo zvino zvinocherechedzwa sezvinyorwa zvitsvene uye zvakasanganisirwa muDzidziso neZvibvumirano zvakaraira Muporofita Joseph Smith maererano nekugadzwa kwavarume kuzvinzvimbo zvehupirisita hwepamusoro (Merkizedeki) uye nehwegadziriro (hwaAroni); kugadzwa kwevatungamiri vehupirisita, sezvakaita mabhishopu; uye kurongwa kwezvikwata nematare ehupirisita.
1835–1973
Nhungamiro yevaporofita inoenderera mberi nekutungamira kurongwa uye kushanda kwehupirisita muChechi. Somuenzaniso, zvikwata zvevane Makumi Manomwe zvakarongwa munguva yeKirtland kubatsira Chikwata cheVane Gumi neVaviri. Mushure mekuenda kwenhengo dzakawanda zvikuru dzeChechi kuMadokero nekupararira kwenhengo dzeChechi nemumatunhu enyika ari kure, zvikwata izvi zvakarongerwa kushanda muhoko dzeChechi.
1973–Pari zvino
Pasi penhungamiro dzeVatungamiri Spencer W. Kimball (1895-1985), Ezra Taft Benson (1899-1994), naGordon B. Hinckley (1910-2008), Vane Makumi Manomwe nezvikwata zvavo vakatanga kushanda vari pasi chaipo peChikwata cheVane Gumi neVaviri padanho rose reChechi uye munzvimbo dzeChechi. Zvikwata padanho rehoko zvakabva zvaregedzwa. Nhasi, zvikwata gumi nezviviri zveVatungamiri Vakuru uye neMakumi Manomwe eDunhu vanobatsira VaApositora “mukuvaka chechi nekutungamira nyaya dzose dzeChechi imwecheteyo mundudzi dzose” (Dzidziso neZvibvumirano 107:34). Zvimwe zvikwata zveMakumi Manomwe zvinokwanisa kuumbwa apo Chechi painokura.
Gosa Christofferson vanokwazisa mukoma nemunin’ina Sampson naDaniel Amako muGambia, West Africa, muna Kukadzi 2022.
Hupirisita: Simba reKuropafadza
Muchidimbu, chinangwa chemvumo nesimba rehupirisita izvo Jesu Kristu zvaakadzorera ndeche kuropafadza. Hunogonesa nhengo dzeChechi kushandisa simba raMwari mukushandira nekuropafadza vamwe muChechi, kumba, uye nepasi rose. Nhengo dzinobatana neMuponesi mukuzadzisa basa Rake reruponeso uye nokusimudzirwa kumosoro-soro, vachishandisa zvipo zvehumwari nesimba rinopfuura nekure ravo pachavo kuti vabatsire umambo hwaMwari kukura kuti hwuzadze panyika (ona Dzidziso neZvibvumirano 65:2, 5–6).
Ishe vakatsanangura kuti “hupirisita hukuru uhwu [Merkizedeki] hwunotungamira vhangeri uye hwunobata kiyi yezvakavanzika zveumambo, kunyangwe kiyi yeruzivo rwaMwari.
“Naizvozvo, muzvisungo zvahwo, simba rehumwari rinoratidzwa.
Uye pasina zvisungo zvahwo, nemvumo yehupirisita, simba rehumwari hariratidzwi kuvanhu munyama” (Dzidziso neZvibvumirano 84:19–21).
Zvisungo, zvirokwazvo, ndizvo mhemberero dzinotungamirirwa nehupirisita kana masakaramende ayo kuburikidza nawo atinoita zvibvumirano naMwari, kutanga nerubhabhatidzo uye zvichienderera mberi nemuzvibvumirano zvinogamuchirwa muimba yaIshe. Mukuchengeta zvibvumirano izvi ndimo munoita kuti tishandurwe kubva kuvarume nevakadzi “venyama” kuva vatendi (ona Mosaya 3:19) kuburikidza nenyasha dzinodzikinura dzaKristu uye tova zvose vakaruramiswa uye vakatsveneswa—vasina mhosva uye vasina mavara—pamberi paMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:29–31; 3 Nifai 27:16–20).
Chitapwa ichi chinobva muchinyorwa chekuti “Kudzorerwa kwoKuzara kweVhangeri raJesu Kristu: Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri,” chakapuhwa neHutungamiri Hwekutanga uye neDare raVaApositora vane Gumi neVaviri, chinotaura muchidimbu mhedziso yakakodzera yekuti:
“Tinozivisa kuti Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, yakarongwa musi waKubvumbi 6 1830, ndiyo Chechi yeTestamente Itsva yaKristu yakadzorerwa. Chechi ino yakadzimikwa muupenyu hwakarurama hwedombo rayo guru repakona, Jesu Kristu, uye nemuRudzikinuro Rwake rwusina magumo uye neKumuka Kuvakafa chaiko Kwake. Jesu Kristu akadaidza zvakare VaApositora uye akavapa mvumo yehupirisita. Anokoka tose zvedu kuuya kwaAri uye kuChechi Yake, kuti tigamuchire Mweya Mutsvene, zvisungo zveruponeso, uye kuti tiwane mufaro usingaperi.”
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, September 2025. Shona. 19604 731