2025
Uyo Mwari Wavasiri
Nyamavhuvhu 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2025

Uyo Mwari Wavasiri

Zvokwadi zvishanu pamusoro paBaba Vedu Vokudenga

Tinokwanisa kudzidza zvakawanda pamusoro pokuti Mwari ndiani apo patinonzwisisa uyo waVasiri.

pendi nebhurashi rependi

Mufananidzo naCamila Gray

Rimwe remaropafadzo makurusa eKudzorerwa ndere kuti Mwari zvakare Vakazviratidza uye nehunhu Hwavo saBaba Vokudenga vane rudo. Asi dzimwe nguva tinoita pfungwa kana mafungiro pamusoro paMwari izvo zvisiri zvechokwadi zvachose. Apo izvi pazvinoitika, tinokwanisa kudzidza zvakawanda pamusoro pokuti Mwari ndiani kuburikidza nokunzwisisa uyo waVasiri.

Mwari havasi mumwe munhu asingazivikanwi ari pachigaro cheumambo kure, kure.

Ndivo Baba vedu, vanoshamisa kupfuura kunyangwe baba vapanyika vakanakisisa vamungafungidzira. Kunyangwe zvazvo tisingakwanisi kuyeuka upenyu hwedu Navo tisati tazvarwa panyika, Vanoziva mumwe nemumwe wedu uye zvakarurama. Vane muviri wakarurama wenyama nemapfupa, uye tiri mumufananidzo Wavo.

Kana uchinetseka kufungidzira kuti Mwari vakaita sei, kune muenzaniso wakarurama: Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Kristu akati, “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapano munhu unouya kuna Baba asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva, mungadai maizivavo Baba vangu” (Johane 14:6–7). Nemamwe mashoko, kana tichida kuziva kuti Baba Vokudenga vakaita sei, tinokwanisa kudzidza pamusoro pokuti Jesu Kristu akaita sei! Vakabatana zvakarurama muchinangwa.

Mwari havasi mumwe munhu akabatikana zvikuru zvokuti havana nguva newe.

Chokwadi ndechokuti, kukubatsira kuti uve neupenyu hwokusingaperi ndiro basa Ravo uye nokubwinya Kwavo. Uri nangiso Yavo yokutanga! Havasungirwi nenguva sezvatinoitwa isu. Nanavira kwaVari mumunamato panguva ipi zvayo. Zvino woteerera kunzira dzakawanda dzaVanopindura nadzo.

Mwari havasi mumwe munhu arikukumanikidza kuVatevera.

Gosa Dale G. Renlund veChikwata chaVaApositora vane Gumi naVaviri vakambodzidzisa kuti, “Chinangwa chaBaba vedu Vokudenga mukurera vana hachisi chokuita kuti vana Vavo vaite zvakanaka; ndechokuita kuti vana Vavo vasarudze kuita zvakanaka uye pokupedzisira vagova saIvo.” Vanozokukoka, kukuraira, uye kukudzidzisa chokwadi, asi haVazobvisi kwaniso yokuzvisarudzira yako kuburikidza nokukumanikidza kuVatevera.

Mwari havasi mumwe munhu arikuedza kukubata uchiita chimwe chinhu chakaipa kuitira kuti Vagokuranga.

Panokudaro, sokutaura kwakaita Gosa Patrick Kearon veChikwata chaVaApositora vane Gumi naVaviri, “Mwari vanoshingaira kukutsvaka,” zvichireva kuti haVazombofi vakarega kuedza kukubatsira kudzokera kwaVari. Vanoziva kuti isu tose tinozotarisana nezvinhu zvakaoma apo patinoita zvikanganiso? Saka Vanopa nzira yokuti ticheneswe kubva kuzvivi uye tiwane simba kuburikidza neRudzikinuro rweMwanakomana Wavo.

Mwari havasi mumwe munhu akamirira kuti uve “akakwana” kana “akarurama” Vasati Vakuda.

Rudo Rwavo kwauri harwuna mugumo. Vanokuda iyezvino uno, nokusarurama kwako kwose! Mutungamiri Jeffrey R. Holland, avo vari kufanotungamirira Chikwata cheVaApositora vane Gumi naVaviri, vanopa rujekeso rwakasimba zvikuru pamusoro pechokwadi ichi: “‘Huyai sezvamuri,’ Baba vane rudo vanodaro kune mumwe nemumwe wedu, asi Vanowedzera, ‘Musaronga kuramba makaita sezvamuri.’ Tinonyemwerera uye torangarira kuti Mwari vakashinga kutiita vakarurama kupfuura zvatinofunga kuti tinokwanisa kuva.” Nerudo nerukurudziro rwakarurama, Baba Vokudenga varikuedza kukubatsira kuti uve saIvo uye ugamuchire zvose zvaVainazvo, nhanho imwechete panguva.

Uyo Mwari WAVARI

Nzira yakanakisisa yokuziva nayo Baba vako Vokudenga ndeyokuramba uchiwana zviitiko Navo. Sei? Dzidza pamusoro Pavo neMwanakomana Wavo kubva kumagwaro matsvene uye mashoko evaporofita vanorarama. Namata kwaVari. Kuchengeta mirairo Yavo. Pedza nguva iwe pachako muchinyararire uchiVanamata kuchechi, mutemberi, uye mune dzimwe nzvimbo tsvene. Ita nokuchengeta zvibvumirano Navo. Vanozokubatsira kuziva uyo waVari uye manzwiro aVanoita pamusoro pako.

Manotsi

  1. Ona Dzidziso neZvibvumirano 130:22.

  2. Ona For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (2022), 23.

  3. Ona Mosesi 1:39.

  4. Dale G. Renlund, musangano mukuru waGumiguru 2018 (Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018, 104).

  5. Patrick Kearon, musangano mukuru waKubvumbi 2024 (Ensign, Chivabvu 2024, 87).

  6. Jeffrey R. Holland, musangano mukuru waKubvumbi 2017 (Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 51).