“Chokwadi cheUpenyu Hwedu,” Liahona, Nyamavhuvhu 2025.
Shoko reMwedzi woga woga reLiahona (Riahona) Nyamavhuvhu 2025
Chokwadi cheUpenyu Hwedu
Baba vedu Vokudenga vane rudo vakazivisa zvokwadi zveranezuro, ranhasi, uye ramangwana redu, kusanganisira magamuchiriro atingaita chikurusa chezvipo zvose.
Kumusoro kwemanera mumupanda mudiki, wakazara nezvinhu waiva pamusoro pechitoro chaNewel K. Whitney muKirtland, Ohio, musi waNdira 22, 1833, magosa eChechi akaungana naMuporofita Joseph Smith. Muna Zvita wegore rakanga rapfuura, Joseph akanga agamuchira chakazarurwa chaimuraira kuti amise chikoro chokugadzirira mabhuratha kuhushumiri.
“Ndinopa kwamuri murairo,” Ishe vakataura, “wokuti mudzidzisane dzidziso dzeumambo.
“Dzidzisai imi neushangairi uye nyasha dzangu dzichava nemi, kuitira kuti mugorairidzwa zvakanyanya kururama muruzivo, muchokwadi, mudzidziso, mumutemo wevhangeri, muzvinhu zvose zvinoererana neumambo hwaMwari, izvo zvakakodzera kuti munzwisise; …
“Kuti imi mugova makagadzirira muzvinhu zvose apo pandichakutumai zvakare kunozadzikisa daidzo dzandakakudaidzai kwadziri, uye nehushumiri uhwo hwandakakudaidzai kwahwuri” (Dzidziso neZvibvumirano 88:77–78, 80).
“Chikoro chaVaporofita” ichi, sokudaidzwa kwachaiitwa, chaipa chiratidzo chinoshamisa chezvepamweya. Vatungamiri vokutanga vakawanda veChechi vakadzidziswa imomo. Nhasi nyika inzvimbo yakasiyana zvikurusa, asi nhungamiro iyo Ishe yavakapa ipapo ichiri kushanda zvinoshamisa zvikuru. Isuwo, tinofanira kutsvaka ruzivo nechokwadi “rwezvinhu sezvazviri, uye nezvazvaiva zviri, uye sokuva kwazvinozoita” (Dzidziso neZvibvumirano 93:24).
Kutsvaka kwedu Chokwadi
Munguva ino yatinorarama, ruzivo rwakanyanya kuwanda tinoruwana kupfuura kare. Kare, kana waida kuziva chimwe chinhu, waifanira kuenda kuraibhurari uye wonochitsvaka mubhuku. Nhasi indaneti nemidziyo inobatwa mumaoko zvinopa mukana wokuwana ruzivo rusina mugumo urwo rwatinokwanisa kuwana pakarepo.
Ishe vanofara apo patinoshandisa zvine ungwaru zvishandiso zviripo kwatiri, asi Vakapa rairo iyi isina mugumo: “Tsvakai imi neushingairi uye mudzidzisane mashoko eungwaru; hongu, tsvakai imi kubva mumabhuku akanakisisa mashoko eungwaru; tsvakai kudzidza, kunyangwe kuburikidza nokunzvera uyewo nerutendo” (Dzidziso neZvibvumirano 88:118). Vanotikurudzira kudzidza pamusoro penyika yakatipoteredza (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:79; 93:53), asi mukutsvaka kwedu chokwadi, tinofanira kutarisa kuna Mwari, avo “vanonzwisisa zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zviri pamberi pavo, … uye vari pamusoro pezvinhu zvose, … uye zvinhu zvose zvakaitwa naivo, uye zvinobva kwavari” (Dzidziso neZvibvumirano 88:41).
Pakati pezvokwadi izvo Mwari zvavakatipa, chimwe chakakoshesesa muupenyu hwedu panyika ndechokuti Ndivo Baba vedu Vokudenga. Tiri vanakomana nevanasikana Vavo vemweya. Vanotiziva uye vanotida zvakarurama. Uye savana Vavo vemweya, tine hunhu hwehumwari nemugumisiro wehumwari. Kunzwisisa nokutambira zvokwadi zvokusingaperi izvi kunotipa zivikanwo, ukoshi, uye chinangwa izvo zvakatiropafadza nokutitungamirira muupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika uye zvinozoramba zvichiita kudaro iyezvino uye nariinhi nariinhi.
Taiva naBaba Pamavambo
Apo patinotsvaka chokwadi chezvinhu “sezvazvaiva zviri,” tinozoziva mashoko aya akabva kuMuponesi, Jesu Kristu: “Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndaivapo pamavambo naBaba, uye ndini Dangwe,” uye “imiwo maivapo pamavambo naBaba” (Dzidziso neZvibvumirano 93:21, 23).
Upenyu hwedu panyika hwusati hwatanga, takapinda dare kudenga umo Baba vedu Vokudenga mavakasuma chirongwa Chavo chikuru chemufaro. Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti vavariro yaMwari yechirongwa Chavo ndeyokutipa “mukana wokufambira mberi saivo [uye] … kusimudzirwa kumusorosoro naivo.” Basa Ravo nokubwinya Kwavo ndere “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwavanhu” (Mosesi 1:39).
Takashandisa kwaniso yokuzvisarudzira yedu uye tikasarudza kutevera chirongwa chaBaba Vokudenga. Takaropafadzwa kuzvarwa muupenyu hwuno, umo matinoramba tiine kwaniso yokuzvisarudzira uye matinokwanisa kurarama muupenyu hwunofa, todzidza, uye tofambira mberi takananga kuupenyu hwokusingaperi.
Munguva yerwendo rwedu rweupenyu hwunofa, tinozosangana nezvinetso uye nezvikangaidzo. Asi hatisi tinofanira kutarisana nematambudziko eupenyu tiri toga. Joseph Smith akadzidzisa kuti Baba Vokudenga, ”Mubereki Mukuru wepasi rose[,] vanotarisa pamhuri yavanhu yose nerudo rwababa uye nehanya yemubereki.”
Baba vedu Vokudenga, “Baba vengoni, uye Mwari venyaradzo dzose,” vanozotiropafadza, kutisimudzira, uye nokutinyaradza “mumatambudziko edu ose, kuti tigokwanisa kunyaradza avo vari mumatambudziko, nenyaradzo iyo isu pachedu yatinonyaradzwa nayo naMwari” (2 Vakorinte 1:3–4). Sechikamu chakakosha zvikuru chechirongwa Chavo, Baba Vokudenga vakapa nzira yokuti tidzokere kwaVari.
Nzira yokuna Baba Vedu
Chokwadi “chezvinhu sezvazviri chaizvo” (Jakobo 4:13) chakajeka: hatikwanisi kusvika kukwaniso yedu yakazara savana vaBaba vedu Vokudenga tiri toga. Jesu Kristu, Mwanakomana Dangwe raBaba mumweya, akaita chibvumirano chokuva Muponesi neMununuri wedu.
Jesu Kristu, “Mumwechete Wakaberekwa waBaba, azere nenyasha nechokwadi, kunyangwe Mweya wechokwadi, … akauya akagara munyama, uye akagara pakati pedu” (Dzidziso neZvibvumirano 93:11). Akauya kuzotiratidza nzira yokuwana mufaro, revo, nerudekaro muupenyu hwuno uye nemukusingaperi.
“Nokuti Mwari vakada nyika, nokudaro vakapa Mwanakomana wavo wakaberekwa mumwechete, kuti ani nani anotenda maari arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.
“Nokuti Mwari havana kutuma Mwanakomana wavo panyika kuti atonge nyika; asi kuti nyika iponeswe naye”.(Johane 3:16–17).
Zviitiko zveMuponesi panyika zvakakosha. “Haana kugamuchira kuzara pakutanga, asi akagamuchira nyasha mumhinduro kunyasha” (Dzidziso neZvibvumirano 93:12). Akakura kusvikira “agamuchira kuzara kwekubwinya kwaBaba” uye “simba rose, zvose kudenga uye napanyika, uye kubwinya kwaBaba kwaiva kuinaye, nokuti vaigara maari” (Dzidziso neZvibvumirano 93:16–17). Muponesi akadzidzisa kuti:
“Ndinopa kwamuri mashoko aya kuitira kuti mugonzwisisa uye nokuziva manamatiro okuita, uye nokuziva uyo wamunonamata, kuitira kuti mugouya kuna Baba muzita rangu, uye munguva yakafanira mugogamuchira kuzara kwavo.
“Nokuti kana mukachengeta mirairo yangu muchagamuchira kuzara kwavo, uye mugobwinya mandiri sezvandiri muna Baba; naizvozvo, ndinoti kwamuri, muchagamuchira nyasha mumhinduro kunyasha” (Dzidziso neZvibvumirano 93:19–20).
Mubindu reGetsemani uye nepamuchinjikwa, Jesu Kristu akatora paAri zvivi zvenyika uye akatambura rusuwo rwose uye “marwadzo nematambudziko nezviedzo zvemarudzi ose” (Aruma 7:11). Izvi “zvakamukonzera [Iye], … mukurusa kuna vose, kudedera nokuda kwamarwadzo, uye nokubuda ropa nepamaburi ose eganda” (Dzidziso neZvibvumirano 19:18). Chete kuburikidza naJesu Kristu neRudzikinuro noKumuka Kuvakafa Kwake, ruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro zvinokwanisika.
Kuburikidza nenyasha nokuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi, tinogona kukura kusvikira tagamuchira kuzara uye tozokwanisa nerimwe zuva kuunzwa kuururami. Kana tikazotevera muenzaniso weMuponesi uye toteerera mirairo Yake, Anozotitungamirira munzira yedu yokudzokera pamberi paBaba vedu Vokudenga panobwinya.
Christ on the Road to Jerusalem [Kristu ari munzira kuenda kuJerusarema], naMichael Coleman, haufaniri kukopwa
Unozogamuchira here Chipo Chavo?
Pakati pezvokwadi “zvezvinhu sezvazvinozova zviri chaizvo” (Jakobo 4:13), tinodzidza kuti chiitiko chedu mukusingaperi chinozoenderana nesarudzo yedu yokutevera Jesu Kristu uye kugamuchira zvipo zvaAnopa. Magwaro matsvene anodzidzisa kuti tinozofadzwa neicho [isu] chatinoda kugamuchira.” Chinosuwisa ndechokuti, vamwe vanenge “vasingadi kufadzwa neicho chavangadai vakagamuchira” (Dzidziso neZvibvumirano 88:32).
Mutungamiri wangu wehushumiri, Gosa Marion D. Hanks (1921–2011), uyo akashanda seMutungamiri Mukuru weMakumi Manomwe, akadzidzisa vashumiri vake kuti kukumbira izvo zvatinoda kugamuchira uye kufadzwa nazvo ndiyo nzira yatinokwanisa kuyera nayo apo patiri murwendo rwedu rwezvapamweya. “Nokuti zvinopundutsa chii munhu kana chipo chikapuwa kwaari, uye iye oramba kugamuchira chipo chacho?” Apo patinogamuchira zvipo zveMuponesi kuburikidza nokuMutsvaka uye nokuMutevera nomwoyo wose, tinozofara mutariro yeupenyu hwokusingaperi uye “mune uyo ari mupi wechipo [ichocho]” (Dzidziso neZvibvumirano 88:33). Chipo ichi chinopuwa norudo rukuru “ndicho chikurusa pazvipo zvose zvaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 14:7).
Mwari ndivo Baba Vedu Vokudenga. Vanotiziva uye vanotida. Apo patinotendeukira kwaVari mukutsvaka kwedu chokwadi, tinokwanisa kunamatira kuuchenjeri, kugamuchira ungwaru, kumbundikira chokwadi, kuda hunhu hwakanaka, uye kunamatira kuchiedza icho chinouya kubva kwaVari (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:40). Zvino tinoenderera mberi nemuupenyu hwedu kusvikira “zuva richauya apo [isu] patichanzwisisa kunyangwe Mwari, nokuva tinomutswa mavari uye naivo” (Dzidziso neZvibvumirano 88:49).
Iro rinozova zuva rinoshamisa uye rinofadza zvikurusa.
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, August 2025. Shona. 19613 731