Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikumi 2025
Ndingakwanisa sei kuziva kuti ndatendeuka zvechokwadi uye kuti ndaregererwa?
Coming Full Circle (Kutenderera Zvakazara), naJenedy Page
Ishe vakati: “Uyo akatendeuka kubva kuzvivi zvake, mumwecheteyo anoregererwa, uye ini, Ishe, handizozvirangariri zvakare.
“Nenzira iyi imi mugona kuziva kana munhu atendeuka kuzvivi zvake—tarisai, anozozvireurura uye wozvisiya” (Dzidziso neZvibvumirano 58:42–43).
Kuburikidza nokutendeuka kwemwoyo wose, tinokwanisa kugamuchira ruregerero. “Apo paunonzwa rugadzikano kubva kuMweya, unokwanisa kuziva kuti simba rinodzikinura reMuponesi riri kushanda muhupenyu hwako.” Uye kana tikakanganisa zvakare, tinokwanisa zvakare kutendeuka, toregererwa, uye toramba tichiedza.
Pamusoro pazvo, Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaApositora vane Gumi naVaviri vakadzidzisa kuti: “Satani anozoedza kuita kuti tibvume kuti zvivi zvedu hazvina kuregererwa nokuda kwokuti isu tinokwanisa kuzviyeuka. Satani murevi venhema. … Mwari havana kuvimbisa kuti isu hatizoyeuki zvivi zvedu. Kuyeuka kunozotibatsira kudzivirira kuita zvikanganiso zvimwechetezvo zvakare. Asi kana tikaramba tiri pachokwadi uye takatendeka, ndangariro dzezvivi zvedu dzinozopfaviswa nekufamba kwenguva.”
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, June 2025. Shona. 19629 731