2025
Tinotevera Jesu Kristu noKubatana Naye muBasa Rake
Chikumi 2025


‌“Tinotevera Jesu Kristu noKubatana Naye Mubasa Rake,” Liahona (Riahona), Chikumi 2025.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikumi 2025

Tinotevera Jesu Kristu noKubatana Naye Mubasa Rake

Tinotora chinhanho mubasa reMuponesi apo patinonangisa pfungwa dzedu pazvinangwa Zvake, kuchengeta mirairo Yake, uye nokudanana.

Kristu neJaya Mutongi Mupfumi

Chikamu chakabva kuChrist and the Rich Young Ruler [Kristu neJaya Mutongi Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Apo patinobhabhatidzwa, tinotanga chiito chekutora patiri zita raJesu Kristu. Chikamu chechiito ichi chinoratidza kuti tinobatana neMuponesi mubasa Rake. Mutungamiri Dallin H. Oaks, Mutevedzeri Wokutanga muHutungamiri Hwokutanga, akanyora kuti, “Imwe yerevo dzakakoshesesa dzokutora patiri zita raKristu (ndeye) chido nokuzvipira kutora patiri basa reMuponesi neumambo Hwake.”

Basa reMuponesi “nderekuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu” (Mosesi 1:39). Kusafa chipo chisina zviga icho Jesu Kristu chaakatovimbisa kuburikidza noKumuka Kuvakafa Kwake. Upenyu hwokusingaperi, zvisinei, hahwuna kufanana nekusafa. Upenyu hwokusingaperi chipo chikurusa icho Mwari chavanokwanisa kupa kuvanhu (ona Dzidziso neZvibvumirano 14:7‌). Ndechekurarama nokusingaperi semhuri pamberi Pavo. Kuti tiwane upenyu hwokusingaperi, tinofanira kuva vadzidzi vakatendeseka vaJesu Kristu. Izvi zvinoreva kuti tinogamuchira vhangeri rakadzorerwa kuburikidza nekuva nerutendo muMuponesi neRudzikinuro Rwake, kutendeuka, kubhabhatidzwa, kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene, kuita nokuchengeta zvibvumirano zvemutemberi, uye kutsungirira kusvikira kumagumo. Kutsungirira kusvikira kumagumo kunosanganisira kubatana neMuponesi mubasa Rake.

Kushanda neChido Chikuru

Tinotora chinhanho mubasa reMuponesi apo patinobatsira vana vaMwari kuti naivowo vave vateveri vakatendeka vaJesu Kristu. Izvi zvinosanganisira kugovera vhangeri Rake, nokudaro tichiunganidza Israeri yakaparadzirwa, kuburikidza nekuzadzikisa mabasa muChechi yeMuponesi uye nokuedza zvikuru kuva saIye. “Budiriro yedu [mubasa Rake] haitsamiri pakuti vamwe vanhu vanosarudza sei kuteerera [kwatiri], kukokero [yedu], kana kuti kuzviito [zvedu] zvemwoyo wose zvetsitsi.” Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Nguva ipi zvayo yaunoita chinhu chipi zvacho chinobatsira munhu upi zvake—kumativi ose echidzitiro—kutora danho rekuita zvibvumirano naMwari uye nokutambira zvisungo zvake zvakakosha zverubhabhatidzo uye zvemutemberi, uri kubatsira kuunganidza Israeri.”

Kuti tiite kuti basa reMuponesi rive redu, tinonangisa pfungwa dzedu pazvinangwa Zvake, kuchengeta mirayiro Yake, uye nokudanana. Patinenge tichiita basa Rake munzira Yake (ona ‌Dzidziso neZvibvumirano 51:2), zvimwe zvinhu zvinosiirwa kwatiri isu kuti tizvionere tega. Muponesi akaudza Vatendi avo vaiva vakaungana muDunhu reJackson, Missouri kuti:

‌“Nokuti tarisai, hazvina kukodzera kuti ndinofanira kuraira muzvinhu zvose; nokuti uyo anomanikidzwa muzvinhu zvose, mumwecheteyo ane nungo uye haazi muranda akachenjera; naizvozvo hapana mubairo waanogamuchira.

‌“Zvirokwazvo ndinoti, vanhu vanofanira kubata nechido mumabasa akanaka, uye vaite zvinhu zvakawanda nenzira yokuzvidira kwakasununguka kwavo pachavo, uye vounza kuitika kweururami huzhinji;

‌“Nokuti simba riri mavari, iro kuburikidza naro vanozvimiririra ivo pachavo. Uye apo chete vanhu pavanoita zvakanaka havazombofa vakarashikirwa nemubairo wavo” (‌Dzidziso neZvibvumirano 58:26–28‌).

Apo patinotevera Muponesi, tobatana Naye mubasa Rake, uye tobatsira vamwe kuti vave vadzidzi Vake vakatendeka, tinodzidzisa izvo zvaaizodzidzisa Iye. Nokuda kwokuti hatina kupuwa mvumo yokudzidzisa zvimwe zvinhu (ona Dzidziso neZvibvumirano 52:9, 36), tinonangisa pfungwa dzedu padzidziso Yake tisingatsauki pairi (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25). Pamusoro pazvo, tinonyanya kurangarira avo vari varombo, vanoda rubatsiro, uye vasina dziviriro (ona Dzidziso neZvibvumirano 52:40). Kusimbisisa uku kwakajekeswa apo Muponesi paakatapa mashoko kubva kuna Muporofita Isaya musinagoge muNazareta ekuti:

“Mweya waIshe uri pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndizoporesa vane mwoyo yakatyorwa, kuti ndiparidze rusunungurwo kuna vakatapwa, uye kudzorerwa kwekuona kumapofu, kusunungura avo vakasungwa,

“Kuparidza gore rakanaka raIshe” (Ruka 4:18–19; onawo Muporofita Isaya 61:1–2).

Gore rakanaka raIshe rinoreva nguva apo maropafadzo ese echibvumirano chaMwari paanozotutirwa pavanhu Vake. Tinotevera Jesu Kristu nekukoka vamwe kuti vagamuchire maropafadzo ekuita nekuchengeta zvibvumirano naMwari uye nekutaririra avo vari varombo kana kuti vanoda rubatsiro.

Kubatana naJesu Kristu mubasa Rake kunofadza zvikurusa nokuda kwokuti mabasa, marongero, uye zvinangwa Zvake “hazvikwanisi kukanganiswa, uye hazvikwanisi kuva zvisina maturo” (Dzidziso neZvibvumirano 3:1). Kune avo vanonzwa kuodzwa mwoyo, Ishe akaraira kuti: “Naizvozvo musaneta mukuita zvakanaka, nokuti imi muri kumisa hwaro hwebasa guru. Uye kubva muzvinhu zvidiki munobuda izvo zvinova zvikuru” (Dzidziso neZvibvumirano 64:33). Tinorega Ishe vachinetsekana nezvegoho, uye isu tinongoita pedu.

“Mwoyo uye Pfungwa Inoda”

Kuita chikamu chedu kuri nyore kupfuura zvatingafungidzira nokuda kwekuti hatidikanwi kuti tiunze zvipo kana kwaniso dzisiri dzemazuva ose kubasa raIshe. Chidikanwi Chavo ndechekungova chete nemwoyo wekuzvipira uye nechido. Ishe vakati kuVatendi muKirtland, Ohio, “Tarisai, Ishe vanoda mwoyo uye pfungwa inoda” (Dzidziso neZvibvumirano 64:34). Ishe vanokwanisa kuita kuti ane chido akwanise, asi haVakwanisi kana kuti haVazoiti kuti uyo anokwanisa ave nechido. Nemamwe mashoko, kana takazvipira uye tiine chido, Vanokwanisa kutishandisa. Asi zvisinei nokuti tine chipo chakanaka zvakadii, haVazotishandisi kunze kwokunge takazvipira kubasa Ravo uye tiine chido chekuVabatsira.

Samuel naAnna-Maria Koivisto vakaratidza zvose kuzvipira nechido. Chinguva chipfupi mushure memuchato wavo, mhuri yekwaKoivisto yakatama kubva kuJyväskylä, Finland ichienda kuGöteborg, Sweden, kunotsvaka mikana iri nani yebasa. Mushure mokunge vasvika, Bhuratha Koivisto vakakokwa kushanyira Mutungamiri Leif G. Mattsson, mutevedzeri muhutungamiri hweHoko yemuGöteborg Sweden. Nokuda kwokuti Samuel aiva asingakwanisi kutaura mutauro wechiSwedish, bvunzurudzo yacho yakaitwa mumutauro weChirungu.

Mushure mekushanya kwenguva pfupi, Mutungamiri Mattsson vakakumbira Samuel kuti ashandire semutungamiri wehushumiri muWadhi reUtby. Samuel akataura izvo zvaiva pachena: “Asi handitauri mutauro wechiSwedish.”

Mutungamiri Mattsson vakazendamira padhesiki ravo uye ndokumubvunza kuti, “Ndabvunza here kana uchikwanisa kutaura mutauro wechiSwedish, kana kuti unoda here kushandira Ishe?”

Samuel akapindura kuti, “Mabvunza kana ndiri kuda kushandira Ishe. Uye ndinoda.”

Samuel akatambira daidzo yacho. Anna-Maria akatambirawo daidzo. Vose vari vaviri vakashandira zvakatendeka uye vakadzidza kutaura zvakanaka mutauro wechiSwedish nokufamba kwenguva.

Kuzvipira nechido chekushandira Ishe ndizvo zvakava chimiro cheupenyu hwaSamuel naAnna-Maria. Magamba emazuva ose muChechi. Vakashandira zvakatendeka panguva dzose dzavakumbirwa. Vakandidzidzisa kuti apo patinoshandira, tinoshandisa zvipo zvatiinazvo (ona Dzidziso neZvibvumirano 60:13), uye Ishe zvino vanotibatsira kuzadzikisa zvinangwa Zvavo.

Kana tiine chido chekushandira, tinoedza nesimba rose kuti tisanyunyuta kana kugunun’una, nokuda kwokuti hatidi kusvibisa kushandira kwedu nenzira ipi zvayo. Kunyunyuta kunogona kuva chiratidzo chekuzvipira kusina kusimba, kana kuti chokuti rudo rwedu kuMuponesi haruna kuita sezvarunofanira kunge rwakaita. Kana kukasagadziriswa, kunyunyuta kunogona kuenderera kusvika pakuva kupandukira Ishe chaiko. Kuenderera uku kunoonekwa muhupenyu hwaEzra Booth, mutendeukiri kuChechi pakutanga muOhio uyo akadaidzwa kuhushumiri kuMissouri.

Paakabva muOhio muna Chikumi wegore ra1831, Ezra akagumbuka kuti vamwe vashumiri vaikwanisa kufamba nengoro apo iye aifanira kufamba netsoka muzuva raipisa rechirimo, achiparidzira nemunzira. Akanyunyuta. Apo paakasvika muMissouri, akanzwa kuora mwoyo. Missouri yaiva isiri izvo zvaakanga akatarisira. Panzvimbo pazvo, akatarisa kwose kwose uye akacherechedza kuti “tarisiro yaitaridzika kuva yaisuwisa zvikuru.”

Ezra akanyanya kuva neruzvidzo, nokunyomba uye norushoropodzo. Paakabva kuMissouri, pachinzvimbo chokuparidza nepaaifamba napo, sezvaainga akumbirwa kuita, akadzokera kuOhio nekukurumidza sezvaaikwanisa. Kunyunyuta kwake kwokutanga kwakakura kukava kuzununguka uye pakupedzisira kukasvika pakurashikirwa nechivimbo pazviitiko zvake zvepamweya zvaiva zvaitika pokutanga. Nenguva pfupi Ezra akabuda muChechi uye “akapedzisira ‘asiya chiKristu uye akava munhu asingabvumi kuvapo kwaMwari.’”

Zvimwechetezvo zvinokwanisa kuitika kwatiri kana tikasangwarira. Kana tikasaramba tiine maonero okusingaperi, tichizviyeuchidza kuti iri ibasa raani chaizvo, tinogona kunyunyuta, kuzununguka, uye pokupedzisira torashikirwa nerutendo rwatinarwo.

Ndinonamata kuti tinokwanisa kusarudza kutevera Jesu Kristu nokubatana Naye mubasa Rake. Patinodaro, tinopuwa “vimbiso dzakakura uye dzinokosha zvikuru kwazvo” (2 Petro 1:4). Maropafadzo aya anosanganisira ruregerero rwezvivi (ona Dzidziso neZvibvumirano 60:7; 61:2, 34; 62:3; 64:3), ruponeso (ona Dzidziso neZvibvumirano 6:13; 56:2), uye kusimudzirwa kumusoro-soro (ona Dzidziso neZvibvumirano 58:3–11; 59:23). Chokwadi, tinovimbiswa chipo chikurusa icho Mwari chavanokwanisa kupa—hupenyu hwokusingaperi.

Manotsi

  1. Dallin H. Oaks, His Holy Name (1998), 37.

  2. Kuunganidza Israeri kunoreva kukoka vese kuti vave vatendi vechokwadi muna Jesu Kristu.

  3. Preach My Gospel: A Guide to Sharing the Gospel of Jesus Christ (2023), 13, Gospel Library.

  4. Russell M. Nelson, “Hope of Israel” (munamato wevechidiki wepasi rose, Chikumi 3, 2018), Raibhurari yeVhangeri.

  5. ‌Ona Matthew McBride, “Ezra Booth naIsaac Morley,” muna Revelations in Context: The Stories behind the Sections of the Doctrine and Covenants (2016), 130–36.