2025
Rubatsiro kubva kuna Jesu Kristu: Nei uye Sei
Kubvumbi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kubvumbi 2025

Rubatsiro kubva kuna Jesu Kristu: Nei uye Sei

Nzwisisa kuti nei Jesu Kristu ari iye mhinduro uye mabatsiriro Aanokuita.

Jesu Kristu

Mifananidzo naDan Wilson

“Ndinonzwa kunge ndinoramba ndichingokanganisa. Zvakaoma kuramba uchingoedza.”

“Mamiriro ezvinhu angu akaoma. Handina chokwadi chokuti ndingaenderera mberi sei

“Ndiri kunetseka pamusoro peramangwana. Handizivi kana ndiine kwaniso yokubudirira”

“Ndaneta, asi kuchine zvakawanda zvekuita”

Pamatambudziko aya, pane anoenderana newe here? Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti,”Ipi neipi mibvunzo kana matambudziko auinawo, mhinduro nguva dzose inowanikwa muupenyu nedzidziso dzaJesu Kristu (“The Answer Is Always Jesus Christ,” musangano mukuru waKubvumbi 2023 [Liahona, Chivabvu 2023, 127]).

Zvirinyore kutaura kuti, “Jesu Kristu ndiye mhinduro.” Zvinotora kuedza kukwati kurei kunzwisisa kuti nei uye sei Ari iye mhinduro.

Nei Kristu ari iye mhinduro?

Apo paAkatsungirira kuzvipira Kwake kworudzikinuro, Muponesi akaita zvinhu zvitatu zvakakosha:

  1. Akakunda rufu, achitibvumira kuti timutswe kuvakafa.

  2. Akaripa muripo wezvivi zvose, achiita kuti zvikwanisike kuti titendeuke, tikure, uye tidzokere kuna Mwari. Izvi zvinotibatsirawo kuregerera vamwe pavanotadza, nokuda kwokuti Kristu akatora zvivi zvavo paAri.

  3. Akasangana nemarwadzo ose, matambudziko ose, miedzo yose, zvirwere zvose, uye neutera hwose (ona Aruma 7:11–13). Izvi zvinoreva kuti Anoziva chaizvo kuti anokubatsira uye anokuporesa sei uye anokwanisa kukusimbisa kuti utsungirire pamiedzo uye kuti uedze nesimba rose kuva nani.

Tora dambudziko ripi zvaro, uye unokwanisa kubatanidza mhinduro yaro kune chimwechete kana zvizhinji zvezvokwadi zvitatu izvi.

Urombo? Nokuda kwokuti Jesu Kristu akasangana nezvinhu zvose, Anoziva chaizvo zvazviri. Haabvisi chimhingamupinyi nguva dzose, asi Anokwanisa kusimbisa vanhu vakatakura mutoro iwoyo (ona Mosaya 24:15).

Kukundikana? Nokuda kwokuti Kristu akakunda chivi, kukundikana kwedu hakufaniri kuva kwezvachose. Rutendeuko runosanganisira kunatsurudzwa uye kuva zvakanyanya munhu waAnoziva kuti tinokwanisa kuva.

Hurwere? Nokuda kwokuti Akakunda rufu, tinozomutswa kuvakafa nemiviri yakarurama isingabatwe neurwere nemarwadzo. Kristu” [akatorawo] paAri … zvirwere” (Aruma 7:11), zvichimuita munhu chaiye akakodzera kupa nyaradzo netsigiro.

Kristu anobatsira Sei?

Asi kunyangwe tichiziva kuti nei Muponesi ari iye mhinduro (nokuda kwezvaAri uye zvaAkatiitira), tichiri kufanira kuziva kuti sei tichiwana rubatsiro uye simba kubva kwaAri. Hedzino nzira shoma:

Munamato. Kuburikidza nokunamata muzita raJesu Christu, vanhu vasina kururama sesu vanokwanisa kutaura naMwari akarurama. Tinokwanisa kunamatira simba ratinoda mumamiriro ezvinhu api neapi, uye Mwari vanozopindura—kwete nenzira yatinoda kana yatinotarisira nguva dzose, asi nemunzira inozotiropafadza. Kokero yaMuponesi ndeye chokwadi: “Kumbira uye uchagamuchira” (Johane 16:24; 3 Nifai 27:29; Dzidziso neZvibvumirano 4:7).

Chipo cheMweya Mutsvene. Baba Vokudenga, Jesu Kristu, neMweya Mutsvene vakabatana muchinangwa. Vanoshanda pamwechete! Nguva yoga yoga paunonzwa nhungamiro kana nyaradzo kubva kuMweya Mutsvene, unokwanisawo kunzwisisa izvi saKristu ari kukubatsirawo.

Kuchengeta Zvibvumirano. Gosa Dale G. Renlund veChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakadzidzisa kuti “Chirevo chokuti gwara rechibvumirano chinotaura pamusoro penhevedzano yezvibvumirano izvo kuburikidza nazvo tinouya kuna Kristu uye tobatanidzwa kwaAri. Kuburikidza nehukama hwechibvumirano uhwu, tinowana simba Rake rokusingaperi” (Apr. 2023 general conference [Liahona, Chivabvu 2023, 36]).

Nyasha Apo patinoshandisa rutendo muna Jesu Kristu uye totendeuka, tinokwanisa kugamuchira rumwe rubatsiro nesimba (iro rinonziwo nyasha) kuti tiite zvinhu zvatisingazokwanisi kuita tiri toga (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene“Nyasha”) Simba iri, kana nyasha rinokwanisa kuuya nemunzira zhinji: kubva kuMweya Mutsvene, shamwari, mutorwa, manzwiro. Pamusoro pezvose, chinhu chose chakanaka chinobva kuna Kristu (ona Moronai 7:22). Apo paunowana mwoyo murefu wakati wandei, simba rakati wandei, simba rakati wandei rekutsungirira, zvione izvi saKristu ari kukubatsira.

Rangarira kuti Nei uye Sei

Saka nguva inotevera yaunenge uchida mhinduro kumubvunzo kana dambudziko, tarisa kuna Kristu. Rangarira kuti nokuda kwekrukunda Kwake chivi, rufu, nemamwe ose matambudziko emuupenyu hunofa, hapana chisingakwanisiki. Tsvaga kuti angakuropafadza sei, uye unozoona huridziro Yake muupenyu hwako. Anokudai zvakadzama!.