2025
Jesu Kristu: Tariro uye Vimbiso yeIsita
Kubvumbi 2025


“Jesu Kristu: Tariro uye Vimbiso yeIsita,” Liahona, Kubvumbi 2025.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kubvumbi 2025

Jesu Kristu: Tariro uye Vimbiso yeIsita

Kuburikidza netariro uye vimbiso yeIsita, Jesu Kristu anozadzikisa zvishuvo zvemwoyo yedu uye anopindura mibvunzo yemweya yedu.

bazi remuti risingabereki

Mifananidzo naMichael Dunford

Ndapota wana nguva yerunyararo uye nenzvimbo tsvene yezvepamweya apo paunenge uchiverenga shoko iri.

Kazhinji, nyika yedu ineruzha, izere nemanyepedzero uye nerudado. Asi patinenge takasununguka, takavimbika, uye takazvipira muchokwadi kugamuchira nzwisiso pamusoro pedu uye huridziro yaMwari, tariro nevimbiso yeIsita muna Jesu Kristu inova yechokwadi. Munguva dzakadaro tinoteterera:

“Ndingakwanisa sei kuona zvakare nhengo yemhuri yangu, shamwari yangu, mudikani wangu?”

“Munyika yakawanda ukama hwenguva pfupi uye hwoundingoveni, ndekupi kwandinowana nekunzwa runyararo, tariro, uye nhaurirano naMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 107:19), avo vakandipoteredza uye ini pachangu?”

“Aripo here mumwe munhu wandinokwanisa kuda—uye uyo achazondidawo zvechokwadi? Hukama hwechibvumirano hunokwanisa kukura here uye kuramba hwuripo, kwete sengano dzefungidiziro asi nerubatano hwakasimba kupfuura tambo dzerufu, kuva nemufaro wechokwadi uye nokusingaperi?”

“Apo pane marwadzo makuru, kutambudzika kukuru, uye pasina ruenzaniso zvachose, ndingakwanisa sei kubatsira kuti pave nerunyararo, wirirano, uye nzwisiso muna Jesu Kristu uye nemuvhangeri Rake rakadzorerwa uye nemuChechi Yake?

Panguva ino yeIsita, ndinogovera uchapupu hwangu hwaJesu Kristu uye hwevimbiso netariro Yake.

Vimbiso yeKuva weChibvumirano uye Chinangwa

Mwari, Baba vedu Vokusingaperi vari Kudenga, Jesu Kristu, Mwanakomana wavo Anodiwa, uye noMweya Mutsvene ivo pachavo vari pedyo nesu. Chiedza chavo chisina magumo uye chokusingaperi, tsitsi dzavo, uye norudo rwavo rwerudzikinuro zvakabatanidzwa muchinangwa chokusikwa uye nemuzvinangwa zvokurarama kwedu (ona Aruma 30:44; Mosesi 6:62–63).

”Mudare rokudenga tisati tazvarwa panyika “nyeredzi dzemangwanani dzakaimba pamwechete, uye vanakomana [nevanasikana] vose vaMwari vakadaidzira nemufaro” (Jobo 38:7). Takasarudza sarudzo. Zvino tinofamba norutendo. Kuburikidza nezviitiko zvedu pachedu, tinoziva runako, rujeko, mufaro, uye chinangwa zvakavimbiswa naMwari pakati pokusava nechokwadi kwehupenyu hunofa, kuodzwa mwoyo, uye nezvinetso.

Hatifaniri kunge tichidzengerera tega mukusava nechokwadi nechinangwa chokurarama. Tinokwanisa kutaurirana nedenga, kuvaka rutendo nokuva mumhuri uye muimba nennzanga yeVatendi, uye kuva vanhu vari pachokwadi chose, vakasununguka zvikurusa, vechokwadi zvikurusa, vanofara kuburikidza nekuteerera nechido uye nemufaro kumirairo yaMwari. Rudzikinuro——muna, uye kuburikidza naJesu Kristu kunounza kuva vechibvumirano uku.

bazi remuti rine maruva arikutungira

Tariro yeUpenyu neHushumiri hwaJesu Kristu

Zuva roga roga, tariro nevimbiso yeIsita zvinosanganisira maropafadzo nedzidziso izvo Jesu Kristu zvaakagovera panguva yehushumiri Hwake hwakarurama hwepanyika. Afanogadzwa kubvira pakutanga, Jesu Kristu akazvarwa ari Mumwechete Wakaberekwa waMwari (ona Jacobo 4:5; Aruma 12:33–34; Mosesi 5:7, 9). Akakura pakuchenjera napamumhu, achiwana kufarirwa naMwari uye navanhu (ona Ruka 2:52). Achitsvaka chete kuita chido chaBaba Vake, Jesu Kristu akaregerera zvivi, akaporesa utera, akamutsa vakafa, uye akanyaradza vairwara nevaisurukirwa.

Pane imwe nguva, mushure mekutsanya kwemazuva makumi mana, Akapupura, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo,; wakandituma kuti ndizoporesa vane mwoyo yakatyorwa, kuti ndiparidze rusunungurwo kuna vakatapwa, uye kudzorerwa kwekuona kumapofu, kusunungura avo vakasungwa” (Ruka 4:18; onawo Muporofita Isaya 61:1).

Izvi zvinoreva mumwe nemumwe wedu.

PaChirairo Chokupedzisira, Jesu Kristu akageza tsoka dzavadzidzi Vake (ona Johane 13:4–8). Mudzose Nyika Yekare neItsva, “mvura mhenyu” uye “chingwa cheupenyu” Iye Pachake akamisa sakaramende. Muchisungo chinoera chesakaramende, tinodaidza kuna Baba uye toita chibvumirano chekutora patiri zita raJesu Kristu, kuMurangarira nguva dzose, uye kuchengeta mirairo Yake, kuitira kuti tigova neMweya Wake nguva dzose kuti uve nesu (ona Ruka 22:19–20; 3 Nifai 18:7, 10–11).

Mubindu reGetsemani, Jesu akatambura kupfuura kutambudzika kungakwanisa kuitwa nomunhu kuti atinunure nokutidzikinura. Ropa rakabuda nemuburi rose repaganda. Akatambudzikira marwadzo aya vanhu vose, kuitira kuti tisazotambudzika kana tikazotendeuka (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:11; 19:16).

Apandukirwa uye nokupomerwa mhosva dzenhema, Jesu Kristu akazvidzwa uye akarohwa zvikurusa, uye korona yeminzwa ikaiswa pamusoro wakaninipa Wake (ona Mateo 27:26, 29; Marko 15:15, 17, 20, 31; Ruka 22:63; Johane 19:1–2). Akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu … nemavanga ake takaporeswa” (Muporofita Isaya 53:5). Iye “akasimudzwa pamuchinjikwa” kuti atiswededze kwaAri (ona 3 Nifai 27:14–15). Asi, kunyangwe paaiva ari pamuchinjikwa, Jesu Kristu akaregerera (ona Ruka 23:34). Akakumbira Johane kuti atarire amai Vake (ona Johane 19:26–27). Akanzwa sokuti asiyiwa ega (ona Mateo 27:46; Marko 15:34). Kuitira kuti chinyorwa chitsvene chizadzikiswe, Akati Aiva nenyota (ona Johane 19:28). Apo paaiva apedza zvose, Iye Pachake “akabudisa mweya wake” (Ruka 23:46; onawo Johane 10:17–18).

Jesu Kristu anoziva mabatsiriro okutiita muurwere hwedu, utera hwedu, kusurukirwa kwedu, kuva tiri toga kwedu, uye mukuomerwa kwedu (ona Aruma 7:12). Matambudziko akadaro kazhinji anouya nekuda kwesarudzo dzevamwe. Anozivawo mafariro okuti nesu mukufara kwedu nemukutenda kwedu, machemero okuita nesu apo mufaro wedu paunenge wakazara. Nehunyoro, Anotidaidza muzita Rake, neinzwi Rake, kuti tiuye mudanga Rake. Anodaidza kumunhu wose kwose kwose. Anotikoka kuti tione nekunzwisisa upenyu hunofa kuburikidza nemaonero okusingaperi. Apo patinofamba takatwasanuka uye tichichengeta zvibvumirano zvedu, Anovimbisa kuti zvinhu zvose zvinokwanisa kushanda pamwechete kuitira pundutso yedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 90:24; Varoma 8:28).

Munguva uye nenzira Yake, kudzorerwa kunouya—kwete chete kumamiriro akanga akaita zvinhu asiwo kumamiriro azvinokwanisa kuva. Zvirokwazvo, Jesu Kristu anokwanisa kutisunungura kubva kuusungwa uye kuchivi, kubva kurufu uye kugehena, uye kutibatsira kuzadzikisa kuzivikanwa kwedu kwehumwari apo patinova vanopfuura izvo zvatakambofungidzira, kubirikidza nerutendo uye rutendeuko.

Vimbiso yeRusunungurwo

Nokuda kwaJesu Kristu, rufu harusirwo mugumo. PaIsita tinozivisa:

Rufu rwakundwa: munhu asununguka.

Kristu akava norukundo

Nemurairo uye nesimba zvaibva kuna Baba Vake, Jesu akakwanisa kuradzika upenyu Hwake uye akahutora zvakare (ona Johane 10:17). Apo muviri Wake pawaiva urere mubwiro, Jesu Kristu akashumira uye akaronga munyika yemweya, achizivisa “rudzikinuro rwavo kubva kumajoko erufu” (Dzidziso nezvibvumirano 138:16).

Pamangwanani ezuva rechitatu, akamuka kubva mubwiro. Akataura kuna Maria. Akazviratidza kuvadzidzi vaviri munzira yokuenda kuEmausi, VaApositora Vake, uye nevamwe. (Ona Mateo 28; Marko 16; Ruka 24; Johane 20.)

Mune humwezve uchapupu, Akakoka vadzidzi Vake kuti vakande mambure avo kune rumwe rutivi rwechikepe, panguva ino, kunyangwe zvakare aiva akazara nehove, mambure haana kubvaruka (ona Johane 21:6–11; Ruka 5:3–7). Akapa zvokudya kuvadzidzi uye akateterera katatu kuna Petro kuti afudze makwai nehwayana Dzake (ona Johane 21:12–17). Akakwira kudenga, achizivisa kuti vadzidzi vake panguva iyoyo uye isu tose iyezvino tinofanira kugovera nhau yakanakisisa yeIsita uye vhangeri Rake kudzose ndudzi, hama uye kuvanhu vose (ona Mateo 28:19–20; Marko 16:15).

Jesu Kristu ndiye Mufudzi wedu Akanaka uye Gwayana raMwari. Akapira upenyu Hwake uye anopa upenyu Hwake kumakwai Ake. Mubindu uye pamuchinjikwa, akatakura zvisingatakuriki uye akatidzikinura. Munguva uye nokusingaperi, Anotiratidza nemuenzaniso kuti “rufu rwunovhura nzira yokusingaperi” sei.

Kuburikidza nesimba reRudzikinuro noKumuka Kuvakafa kwaKristu , miviri nemweya yedu zvinozobatanidzwa mukumuka kuvakafa kwepanyama. Tichange tichibwinya, tadzorerwa mukuratidzika kwedu uye mumiviri yedu, mutezo kumutezo. Kunyangwe nevhudzi remumusoro medu richadzorerwa. Tichange takasununguka kubva kumarwadzo enguva, zvirwere, njodzi dzepanyama uye utera hwepfungwa. Rudzikinuro rwaKristu rwunokwanisa kutiropafadza kuti tikunde mhando dzese dzekuparadzaniswa kubva kune zvepamweya uye rufu rwezvepamweya. Kana tikatendeuka, tinosunungurwa kubva kuchivi chose uye rusuwo rwose uye tozarurirwa kukuzara kwokusingaperi kwerudo nemufaro. Takarurama, takachena, takasununguka, tinokwanisa kudzokera tiri muukama hwemhuri hwatinokoshesesapamberi panobwinya, peseresitiyaro paMwari Baba vedu naJesu Kristu.

Tinozoona vadikanwi vedu zvakare. Apo patinobatanidzwazve neavo vatinoda, tinozoonana nemaonero okusingaperi—nerudo rukurusa, nzwisiso hurusa, uye netsitsi hurusa. Rudzikinuro rwaJesu Kristu runokwanisa kutibatsira kurangarira izvo zvakakosha uye kukanganwa zvisina kukosha. Kuona Muponesi wedu uye ukama hwedu nerutendo uye noruvongo rukurusa kunounza runyararo, kunobvisa mitoro, kunoyananisa mwoyo, uye kunobatanidza mhuri munguva uye nokusingaperi.

bazi remuti rine maruva arikutungira

Tariro yeZvakawanda uye Mufaro

Isita muna Jesu Kristu inosanganisira kuzaruka kwemahwindo ekudenga, kuwanda kwemichero yemuzambiringa, uye kunaka nekufadza kwemamiriro ezvinhu. Isita muna Jesu Kristu inosanganisira kunyaradza nekuchengeta shirikadzi nenherera, vane nzara nevasingakwanisi kuzvibatsira, avo vanotya, vanoshungurudzwa, kana vanokuvadzwa vasina mhaka. Achiziva nezvemunhu wose, Jesu Kristu Anotikoka kuona uye kushumira nerudo uye nemutsa, sezvaanoita Iye.

Muzvinhu zvose zvakanaka, Jesu Kristu anodzorera zvakawanda (ona Johane 10:10; Aruma 40:20–24). Anovimbisa kuti “nyika izere, uye mune zvakakwana uye nezvimwe zvinotosara” (Dzidziso neZvibvumirano 104:17) Kudzorera Kwake zvinhu zvose kunosanganisira kuzara kwevhangeri Rake, mvumo nesimba rehupirisita Hwake, uye zvisungonezvibvumirano zvinoera zvinowanikwa muChechi Yake, inodaidzwa nezita Rake kunyangwe Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

Isita muna Jesu Kristu inosanganisira kuuya kwedzimba tsvene dzakawanda pedyo nevana vaMwari munzvimbo zhinji, kuchiunza mumwoyo yedu dzidziso ”yevaponesi paGomo reZioni” (ona Muporofita Obadia 1:21). Ishe vanopa nzira inotsvenesa, isina chindingoveni yokuti tipe panyika izvo vadikanwi vakaenda zvavanoda nekushuvira mukusingaperi izvo zvavasingakwanisi kuzviwanira ivo pachavo.

Iyi ndiyo tariro, vimbiso, uye pupuro yangu. Ndinopupura nezva Mwari Baba vedu, Muponesi neMununuri wedu, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene. PaIsita uye zuva roga roga, ngatiwanei tariro nevimbiso yokusingaperi muchirongwa chemufaro chehumwari chaMwari, nenzira yacho yechibvumirano yeshanduro yehumwari kubva kuupenyu hunofa kuenda kuupenyu husingafi uye hupenyu hwokusingaperi. Zuva roga roga huchokwadi hweRudzikinuro rwaJesu Kristu ngahubvise mitoro yedu, ngahutibatsire kunyaradza vamwe murusuwo rwavo, uye kusunungura mweya yedu kuti igamuchire mufaro Wake wakazara.

Kuburikidza netariro uye vimbiso yeIsita, Jesu Kristu anozadzikisa zvishuvo zvemwoyo yedu uye anopindura mibvunzo yemweya yedu.

Manotsi

  1. Johane 4:10, 14; 6:35; 7:37; onawo Muporofita Isaya 49:10.

  2. Ona Mateo 26:26–29; Marko 14:22–25; Ruka 22:17–20; 3 Nifai 18:1–11.

  3. Amuka!,” Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 108.

  4. Upon the Cross of Calvary,” Hymns, nhamba 184.

  5. Ona Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2011), 473, Gospel Library.