Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Mbudzi 2024
Ishe Jesu Kristu Vanozouya Zvakare
Iyezvino ndiyo nguva yokuti ini newe tigadzirire Kuuya kweChipiri kwaIshe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.
Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, ndinotenda zvikurusa kuti Ishe vandiropafadza kuti nditaure nemi.
Mumusangano uno, Ishe vataura kwatiri kuburikidza nevaranda Vavo. Ndinokukurudzirai kuti munzvere mashoko avo. Mashandisei senzira yokuziva izvo zviri zvechokwadi uye neizvo zvisiri zvechokwadi mumwedzi mitanhatu inotevera.
Kuchengetedzwa nokunatsurudzwa kweTemberi yeSalt Lake uye nedzimwe nzvimbo paTemple Square kwanga kuchiitika kwemakore anoda kusvika mashanu. Kufungidzira kwaiyezvino kunoratidza kuti basa iri rinozopedzwa mukupera kwa2026. Ndinotenda avo vose varikushanda pabasa gurusa iri.
Munguva yemwedzi mitanhatu yapfuura, takakumikidza kana kukumikidzazve matemberi mana munyika shanu. Kubva parizvino kusvika pakupera kwegore, tichazokumikidza mamwe mashanu.
Nhasi tinofara kuzivisa hurongwa kwekuvaka mamwe matemberi gumi nemanomwe. Ndapota teererai neruremekedzo apo pandinozivisa nzvimbo dzacho.
-
Juchitán de Zaragoza, Mexico
-
Santa Ana, El Salvador
-
Medellín, Colombia
-
Santiago, Dominican Republic
-
Puerto Montt, Chile
-
Dublin, Ireland
-
Milan, Italy
-
Abuja, Nigeria
-
Kampala, Uganda
-
Maputo, Mozambique
-
Coeur d’Alene, Idaho
-
Queen Creek, Arizona
-
El Paso, Texas
-
Huntsville, Alabama
-
Milwaukee, Wisconsin
-
Summit, New Jersey
-
Price, Utah
Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, murikuona here zvirikuitika pamberi pemaziso edu? Ndinonamata kuti hatizopotsi runako rukurusa hwenguva ino! Ishe zvirokwazvo varikuchimbidzisa basa Ravo.
Sei tiri kuvaka matemberi nedanho risati ramboitika kudaro? Sei? Nokuti Ishe vakatiraira kuti tiite kudaro. Maropafadzo etemberi anobatsira kuunganidza Israeri nokumativi ose echidzitiro. Maropafadzo aya anozobatsirawo kugadzirira vanhu avo vanozobatsira kugadzirira nyika kuitira Kuuya kweChipiri kwaIshe!
Sokuporofita kwakaita Muporofita Isaya, uye sezvinorehwa nerondedzero yemumhanzi waHandel Mesiasi, apo Jesu Kristu paanodzoka, “kubwinya kwaIshe kucharatidzwa, uye nyama yose ichazviona pamwechete.”
Nezuva iroro “utongi huchava pamapfudzi ake; uye zita rake richadaidzwa kuti Anoshamisa, Mupiwezano, Mwari Samasimba, Baba Vokusingaperi, Jinda reRunyararo.”
Jesu Kristu anozotonga kubva zvose kuJerusarema Rakare uye Jerusarema Itsva “ichavakwa munyika yeAmerica.” Kubva mumizinda miviri iyi, Anozotungamirira mabasa eChechi Yake.
Muzuva iroro Ishe vanozozivikanwa “saMambo waMadzimambo, uye Ishe waMadzishe.” Avo vanenge vaNaye vanozova “vakadaidzwa, uye vakasarudzwa, uye vakatendeka.”
Mabhuratha namasisita, iyezvino ndiyo nguva yokuti iwe neni tikugadzirire Kuuya kweChipiri kwaIshe neMuponesi wedu, Jesu iye Kristu. Iyezvino ndiyo yokuti tiite kuti hudzidzi hwedu chive chinhu chatinokoshesesa. Munyika izere nezvipingaidzo zvizhinjisa, izvi tingazviita sei?
Kushumira mutemberi nguva zhinji kunozotibatsira. Muimba yaIshe, tinonangisa pfungwa pana Jesu Kristu. Tinodzidza neZvake. Tinoita zvibvumirano kuMutevera. Tinosvika pakuMuziva. Apo patinochengeta zvibvumirano zvedu zvemutemberi, tinonyanya kuwana simba rinosimbisa raIshe. Mutemberi, tinogamuchira dziviriro kubva kushungurudzo dzenyika. Tinonzwa rudo rwakarurama rwaJesu Kristu uye rwaBaba vedu Vokudenga muhuwandu hukuru! Tinonzwa runyararo nesimbiso yemweya, zvinosiyana nemhirizhonga dzenyika.
Heino vimbiso yangu: Mutsvaki wechokwadi wose waJesu Kristu anozoMuwana mutemberi. Unozonzwa ngoni Dzake. Unozowana mhinduro kumibvunzo inonyanyisa kunetsa yako. Unozonzwisisa zvirinani mufaro wevhangeri Rake.
Ndakadzidza kuti mubvunzo unokosha zvikurusa uyo mumwe nemumwe wedu waanofanira kupindura ndouyu: Ndinozopa kuna ani kana kune chii upenyu hwangu?
Sarudzo yangu yokutevera Jesu Kristu ndiyo sarudzo yakakosha zvikurusa yandakambofa ndakaita. Munguva yekuchikoro chokudzidzira kuva chiremba, ndakawana uchapupu hweumwari hwaMwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Kubvira ipapo Muponesi wedu akanga ari dombo iro randakavakira upenyu hwangu. Sarudzo iyoyo yakaita mutsauko wose! Sarudzo iyoyo yakaita kuti dzimwe sarudzo zhinjisa dzive nyore. Sarudzo iyoyo yakandipa chinangwa negwara. Yakandibatsirawo kushingirira muzviedzo zveupenyu. Regai ndigovere mienzaniso miviri:
Wokutanga, apo mudzimai wangu Dantzel paakafa zvaiva zvisingatarisirwi, handina kukwanisa kubata upi zvake wevana vedu. Ipapo pandaiva ndiri ndoga, ndichirwadziwa pamwoyo zvikuru, uye ndichichemera rubatsiro. Zvandinotenda zvikuru ndezvokuti, kuburikidza neMweya Wavo, Ishe vakandidzidzisa kuti sei Dantzel wangu anodiwa akanga atorwa kuenda kumusha. Nenzwisiso iyoyo, ndakanyaradzwa. Mukufamba kwenguva, ndakakwanisa kurarama nemarwadzo angu zvirinani. Pashure, ndakazochata nemudzimai wangu anodiwa Wendy. Akanga ari chikamu chakakosha zvikuru chemuenzaniso wangu wechipiri.
Apo Wendy neni patakanga tiri pabasa kunyika iri kure, makororo aiva nezvombo akaisa pfuti mumusoro mangu uye ndokudhonza rukungiso rwepfuti. Asi pfuti haina kupfura. Nemuchiitiko ichocho chose, hupenyu wedu tirivaviri hwaiva munjodzi. Asi Wendy neni takanzwa runyararo rusingarambiki. Rwaiva runyararo “runopfuura kunzwisisa kwose.”
Mabhuratha neMasisita, Ishe vanozokunyaradzaiwo! Vanozokusimbisai. Vanozokuropafadzai nerunyararo, kunyangwe pakati pemhirizhonga.
Ndapota tererai kuvimbiso iyi yaJesu Kristu kwamuri: “Ndinozova kurudyi rwenyu nokuruboshwe rwenyu, Mweya wangu uchava mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikutsigirei.”
Hakuna magumo kukwaniso yeMuponesi yokukubatsirai. Kutambura Kwake kusingatsananguriki muGetsemani uye paKarivhari kwaiva kuitira imi! Rudzikinuro Rwake rwusina mugumo nderwenyu!
Ndinokukurudzirai kuti muzvipire nguva vhiki yoga yoga—kwehupenyu hwenyu hwose—kuwedzera nzwisiso yenyu yeRudzikinuro rwaJesu Kristu. Mwoyo wangu unorwadzwa naavo varimumatope ezvivi uye vasingazivi kuti vobuda sei. Ndinochema nokuda kwaavo vanonetsekana nezvapamweya kana vakatakura mitoro inorema voga nokuda kwokuti havanzwisisi zvavakaitirwa naJesu Kristu.
Jesu Kristu akatora paari zvivi zvako, marwadzo ako, marwadzo emwoyo ako, uye utera hwako. Haufaniri kuzvitakura wega! Anozokuregerera apo paunotendeuka. Anozokuropafadza nezvidikanwi zvako. Anozopodza mweya wako wakakuvara. Apo paunozvisunga pajoko kwaAri, mitoro yako inozova yakareruka. Kana ukaita nekuchengeta zvibvumirano zvokutevera Jesu Kristu, unozowana kuti nguva dzemarwadzo dzeupenyu hwako ndedzenguva pfupi. Matambudziko ako “anozomedzwa mumufaro waKristu.”
Hausi uri kunyanya kukurumidza kana kunonoka kuti uve mudzidzi akazvipira waJesu Kristu. Zvino unozonzwa zvakazara maropafadzo eRudzikinuro Rwake. Unozokwanisawo kubatsira zvakanyanya mukuunganidza Israeri.
Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, muzuva rinouya, Jesu Kristu anozodzoka panyika saMesiasi wechiuru chemakore. Saka nhasi ndinodaidza kwamuri kuti mupire zvakare upenyu hwenyu kuna Jesu Kristu. Ndinodaidza kwamuri kuti mubatsire kuunganidza Israeri yakaparadzirwa uye kugadzirira nyika kuKuuya kweChipiri kwaIshe. Ndinokudaidzai kuti mutaure nezva Kristu, mupupure nezva Kristu, muve nerutendo muna Kristu, uye mufare muna Kristu!
Huya kuna Kristu uye “wozvipira [mwoyo] wako wose” kwaAri. Ichi ndicho chakavanzika chehupenyu hwemufaro!
Zvakanakisisa zvichiri kuuya, mabhuratha namasisita angu anodiwa, nokuda kwokuti Muponesi arikuuya zvakare! Zvakanakisisa zvichiri kuuya nokuda kwokuti Ishe vari kukurumidzisa basa Ravo. Zvakanakisisa zvichiri kuuya apo patinotendeutsira zvakazara mwoyo yedu uye upenyu hwedu kuna Jesu Kristu.
Ndinopa uchapupu hwangu neruremekedzo kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari. Ndiri mudzidzi Wake. Ndinokudzwa kuva muranda Wake. Pakuuya Kwake kweChipiri ,“kubwinya kwaIshe kucharatidzwa, uye nyama dzose dzichazviona pamwechete.” Zuva iroro richazadzwa nemufaro kuna vakarurama!
Kuburikidza nesimba remakiyi anoera ehupirisita andinawo, ndinozivisa chokwadi ichi kwamuri uye nokunyika yose! Muzita raJesu Kristu, ameni.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, Mbudzi 2024. Shona. 19349 731