Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Mbudzi 2024
Iri nyore Dzidziso yaJesu Kristu
Zvikamu Zvakatorwa
Colombia
Shoko raMwari idzidziso yakadzidziswa naJesu Kritsu uye navaporofita. …
… Dzidziso iyi ndeyokuti rutendo muna Ishe Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene, nokushingirira kusvika kumagumo kunoropafadza vana vose vaMwari.
Apo patinodzidzisa misimboti iyi kune avo vatinoda, Mweya Mutsvene unozotibatsira kuziva chokwadi. Nokuda kwokuti tinoda kurudziro yeMweya Mutsvene, tinofanira kudzivisa fungidziro kana dudziro dzedu pachedu idzo dzinopfuura kudzidzisa dzidziso dzechokwadi.
… Imwe yenzira dzechokwadi dzokudzivirira kunyangwe kuswedera pedyo nedzidziso yenhema ndeyo kusarudza kuva nyore mukudzidzisa kwedu. …
Kudzidzisa kurinyore kunotibvumira kugovera dzidziso inoponesa pokutanga, apo vana pavanenge vasati vabatwa nemiedzo yemunyengeri iyo pashure yavanozosangana nayo, nguva refu zvokwadi zvavanofanira kudzidza zvisati zvakurirwa noruzha rwenhaurirano dzapaindaneti, navamwe vezera ravo, uye namatambudziko avo pachavo. …
Apo patinoita zvose zvatinogona kudzidzisa avo vatinoda pamusoro pedzidziso dzaJesu Kristu, vamwe vanogona kusazvitambira. Kusava nechokwadi kunogona kupinda mupfungwa dzako. … Usakurirwa nekusava nechokwadi ikoko. Tendeukira kuna Mwari kuti vakubatsire. …
… Unozova une hushingairi uye nemwoyo murefu. Uye zvino unokwanisa kuziva kuti waita zvose zvaunokwanisa kubatsira avo vaunoda uye avo vaunonamatira kuti vatarisane nekuedza kwaSatani kukanganisa kufambira mberi kwavo.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, November 2024. Shona. 19345 731