“Chiwedzerwa B: ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Varambe Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chiwedzerwa B,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Chiwedzerwa B
ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Varambe Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose
Mumwedzi ine Svondo shanu, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kutsiva chidzidzo chakarongwa chemuHuyai, Munditevere paSvondo yechishanu nechimwechete kana kupfuura chezviitwa zvekudzidza izvi.
Misimboti uye Zvisungo zveVhangeri raJesu Kristu
Dzidziso dzaKristu dzinotidzidzisa madzokero okuita kuna Mwari.
Apo Jesu Kristu paakazviratidza kuvanhu munyika dzemaAmerica, Akavadzidzisa dzidziso Dzake. Akataura kuti tinokwanisa kupinda muumambo hwaMwari kana tiine rutendo, tikatendeuka, tikabhabhatidzwa, tikagamuchira Mweya Mutsvene, uye tikashingirira kusvika kumagumo (ona 3 Nifai 11:31–40; onawo Dzidziso neZvibvumirano 20:29). Zviitwa zviri pazasi zvinokwanisa kukubatsira kudzidzisa vana kuti misimboti nezvisungo izvi zvinozotibatsira kuswedera pedyo neMuponesi nemuupenyu hwedu hwose.
Kuti udzidze zvakawanda pamusoro pedzidziso yaKristu, ona 2 Nifai 31.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Ipa vana mifananidzo inomiririra rutendo muna Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye rusimbiso (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 1, 111, 103, uye 105). Verenga kana kudzokorora nemusoro nevana musimboti wechitendero wechina, uye wovakumbira kuti vasimudze mifananidzo yavo apo musimboti iwoyo kana chisungo ichocho pazvinotaurwa. Batsira vana kunzwisisa kuti mumwe nemumwe wemisimboti uye zvisungo izvi unotibatsira sei kuti tinyanye kuva saBaba Vokudenga naJesu Kristu.
-
Ungakwanisa kubatsira sei vana kunzwisisa kuti rutendo, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye rusimbiso hazvisi zviitiko zvenguva imwechete asi zvinoshandura kukura kwezvepamweya kwedu nemuupenyu hwedu hwose? Unokwanisa kuvaratidza mufananidzo wembeu uye nemuti mukuru (kana kudhirowa zvinhu izvi pabhodhi). Vabatsire kufunga nezve zvinhu zvinobatsira mbeu yacho kuti ikure kuva muti mukuru, sezvakaita mvura, ivhu, uye chiedza chezuva. Vabatsire kuona kuti izvi zvakafanana nezvinhu zvatinoita kuti tiswedere pedyo naMwari nemuupenyu hwedu hwose—kuvaka rutendo rwedu muna Jesu Kristu, kutendeuka zuva roga roga, kurarama zvibvumirano zvedu zverubhabhatidzo, kutora sakaramende uye nokugamuchira Mweya Mutsvene.
-
Goverana nevana nyaya yechipfura moto kubva mushoko raGosa Dale G. Renlund “How Can Repenting Help Me Feel Happy?” (Friend, Zvita 2017, 12–13, kana Liahona, Zvita 2017, 70–71; onawo vhidhiyo “Repentance: A Joyful Choice” [Gospel Library]). Panguva dzakasiyana-siyana pakati pokugovera nyaya yacho, kumbira vana kuti vafunge pamusoro pokuti Gosa Renlund vangange vakanzwa sei. Sei tichinzwa mufaro apo patinotendeuka? Goverana nevana rufaro nerudo rwawakanzwa apo pawakakumbira Baba Vokudenga kuti vakuregerere.
4:36Repentance: A Joyful Choice
Rubhabhatidzo
Jesu Kristu akamisa muenzaniso kwandiri apo paakabhabhatidzwa.
Kunyangwe zvazvo Jesu akanga asina zvivi, Akabhabhatidzwa kuti amise muenzaniso wakarurama wokuteerera kuna Baba Vokudenga (ona 2 Nifai 31:6–10).
Kuti udzidze zvimwe zvakawanda pamusoro perubhabhatidzo, ona Dzidziso neZvibvumirano 20:37; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Bhabhatidza,” Raibhurari yeVhangeri.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Ratidza mufananidzo werubhabhatidzo rweMuponesi nerubhabhatidzo rwemumwe munhu (kana kuti ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 35 uye kana nhamba 103 kana kuti nhamba 104). Kumbira vana kuti vagovere izvo zvakasiyana uye izvo zvakafanana pakati pemifananidzo miviri yacho. Verengai pamwechete Mateo 3:13–17 kana “Chitsauko 10: Jesu Anobhabhatidzwa” muNyaya dzeTestamente Itsva, 26–29. Ita kuti vana vanongedzere kuzvinhu zviri mumifananidzo zvavanonzwa munyaya idzi. Taurira vana pamusoro perudo rwako rweMuponesi uye nechido chako chekuMutevera.
1:52Chapter 10: Jesus Is Baptized
-
Teererai kana kuimba rumbo rwuri pamusoro perubhabhatidzo, rwakaita serwokuti “When Jesus Christ Was Baptized” (Children’s Songbook, 102). Chii chatinodzidza pamusoro perubhabhatidzo kubva murumbo rwacho? Verenga 2 Nifai 31:9–10, uye koka vana kuti vateerere mashoko anotaura kuti sei Jesu Kristu akabhabhatidzwa. Vakoke kuti vadhirowe mufananidzo wavo pachavo pazuva ravo rerubhabhatidzo.
Ndinokwanisa kusarudza kuita chibvumirano naMwari uye ndobhabhatidzwa.
Kugadzirira rubhabhatidzo kunoreva zvakanyanya kuwanda kupfuura kugadzirira chimwe chiitiko zvacho. Zvinoreva kugadzirira kuita chibvumirano uye zvino nokuzochengeta chibvumirano ichocho kweupenyu hwose. Fungisisa makwanisiro aungaita kubatsira vana kunzwisisa chibvumirano chavanozoita naBaba Vokudenga apo pavanobhabhatidzwa, icho chinosanganisira vimbiso dzaVanoita kwavari uye vimbiso ivo dzavanoita kuna Baba Vokudenga.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Tsanangura kuti chibvumirano ivimbiso pakati pemunhu naBaba Vokudenga. Apo patinoedza kuchengeta vimbiso dzedu kuna Mwari, Mwari vanovimbisa kutiropafadza. Nyora pabhodhi Vimbiso Dzangu kuna Mwari uye Vimbiso dzaMwari Kwandiri. Verengai pamwechete Mosaya 18:10, 13 uye Dzidziso neZvibvumirano 20:37, uye wobatsira vana kuita mudorongodzwa wevimbiso dzavanowana pasi pemisoro yenyaya yakakodzera (onawo Dallin H. Oaks, “Your Baptism Covenant,” Friend, Kukadzi 2021, 2–3). Govera maropafadzirwo awakaitwa naBaba Vokudenga apo paunoedza kuchengeta chibvumirano chako cherubhabhatidzo.
-
Ratidza vana mifananidzo yezvinhu zvakaitwa naJesu Kristu apo paAiva panyika (kuti uwane mimwe mienzaniso, ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 33–49). Ita kuti vana vataure pamusoro peizvo zviri kuitwa naJesu mumufananidzo woga woga. Verenga Mosaya 18:8–10, 13, uye koka vana kuti vateerere kuti vanzwe nzira dzavanokwanisa kuchengeta nadzo chibvumirano cherubhabhatidzo (onawo “My Baptismal Covenant,” Liahona, Nyamavhuvhu 2023, 10–11). Vimbiso dzerubhabhatidzo dzinozoshandura sei zviito zvedu zuva nezuva? Koka vana kuti vadhirowe mufananidzo wavo ivo pachavo vachibatsira mumwe munhu nenzira yaizoitwa naJesu.
Rusimbiso
Kana ndabhabhatidzwa nekusimbiswa, ndinobva ndava nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.
Kuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kunounza maropafadzo mazhinji, kusanganisira mikana yokuti vana vave vatori vechinhanho vanoushingairi mubasa raMwari.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Koka mumwe munhu akabhabhatidzwa nokusimbiswa muchinguva chipfupi chakapfuura kuti auye kukirasi uye agovere zvazvaiva zvakaita kuva anosimbiswa. Kumbira munhu uyu kuti ataure pamusoro pezvazvinoreva kwaari kuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Batsira vana kufunga nzira dzavanokwanisa kuchengeta nadzo chibvumirano chavo cherubhabhatidzo senhengo dzeChechi. Govera kuti kuita zvinhu izvi kwakakubatsira sei kunzwa mufaro wokuva nhengo yeChechi yaKristu.
-
Ratidza mufananidzo wevanhu vari paMvura dzaMormoni (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 76), uye wokumbira vana kuti vatsanangure zvavanoona mumufananidzo wacho. Taura nyaya yaAruma nevanhu vake vachibhabhatidzwa ipapo (ona Mosaya 18:1–17; “Aruma ari paMvura dzaMormoni,” Nyaya dzeMubhuku raMormoni). Wongororai Mosaya 18:8–9 uye wokoka vana kuti vaite zviito zvinovabatsira kurangarira zvinhu izvo vanhu zvavaida kuita senhengo dzeChechi yaKristu. Govera chiitiko apo pawakaona nhengo dzeChechi dzichishandira nenzira idzi.
2:41Alma at the Waters of Mormon
Apo pandinosimbiswa, ndinotambira chipo cheMweya Mutsvene?
Apo patinobhabhatidzwa uye nokusimbiswa, Baba Vokudenga vanovimbisa kuti “tinozova neMweya wavo nguva dzose [uinesu]” (Dzidziso neZvibvumirano 20:77). Chipo chinoshamisa ichi chinobva kuna Mwari chinonzi chipo cheMweya Mutsvene.
Kuti udzidze zvimwe zvakawanda pamusoro perusimbiso uye chipo cheMweya Mutsvene ona Gary E. Stevenson, “Promptings of the Spirit,” Liahona, Mbudzi 2023, 42–45; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Chipo cheMweya Mutsvene,” Raibhurari yeVhangeri.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Verenga Dzidziso neZvibvumirano 33:15, uye kumbira vana kuti vateerere kuti vanzwe chipo chakakosha icho Baba Vokudenga chavanotipa apo patinobhabhatidzwa nokusimbiswa. Kuvabatsira kudzidza zvakawanda pamusoro pemabatsirirwo avanozoitwa nechipo cheMweya Mutsvene, wongororai pamwechete Johane 14:26; VaGaratia 5:22–23; 2 Nifai 32:5; 3 Nifai 27:20. Munokwanisawo kuwongorora chinyorwa chinoti“A Special Gift” (Liahona, Nyamavhuvhu 2023, 18–19).
-
Kirasi isati yatanga, kumbira vabereki vemwana mumwechete kana kupfuura kuti vagovere maropafadzirwo avakaitwa nokuda kwokuti vane chipo cheMweya Mutsvene. Unovabatsira sei? Vanonzwa sei inzwi raWo?
-
Imbai pamwechete rumbo pamusoro peMweya Mutsvene, rwakaita serwokuti “The Holy Ghost” (Children’s Songbook, 105). Batsira vana kunzwisisa izvo zvatinodzidziswa nerumbo rwacho pamusoro pekuti Mweya Mutsvene unokwanisa kutibatsira sei.
Mweya Mutsvene unokwanisa kutaura kwandiri nenzira dzakawanda.
Vana avo vanokwanisa kuziva inzwi reMweya vanozova vakagadzirira kugamuchira zvakazarurwa zvavo pachavo zvinovatungamirira nemuupenyu hwavo hwose. Vadzidzise kunzwisisa kuti kune nzira dzakawanda idzo Mweya Mutsvene dzaunokwanisa kutaura nesu.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Batsira vana kufunga nzira dzakasiyana-siyana dzatingakwanisa kutaura nadzo kushamwari inogara kure, sezvakaita kunyora tsamba, kutumira imeiri, kana kutaura parunhare. Vadzidzise kuti Baba Vokudenga vanokwanisa kutaura kwatiri nenzira dzakasiyana siyana kuburikidza neMweya Mutsvene. Shandisa shoko reMutungamiriri Dallin H. Oaks “How Does Heavenly Father Speak to Us?” kubatsira vana kunzwisisa nzira dzakasiyana-siyana idzo Mweya mutsvene dzaunokwanisa kutaura kupfungwa dzedu nekumwoyo yedu (Friend, Kurume 2020, 2–3, kana Liahona, Kurume 2020, F2–F3).
-
Govera chiitiko apo Mweya Mutsvene pawakataura newe, kuburikidza nemupfungwa dzako kana kuburikidza nemanzwiro mumwoyo wako (ona Dzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 8:2–3; onawo Henry B. Eyring, “Open Your Heart to the Holy Ghost,” Liahona, Nyamavhuvhu 2019, F2–F3). Pupura kuvana kuti Mweya Mutsvene unokwanisa kuvabatsira nenzira dzakafanana naidzodzo.
-
Batsira vana kuziva nguva idzo dzavanenge vachinzwa Mweya—somuenzaniso, apo pavanenge vachiimba rumbo pamusoro peMuponesi kana apo pavanenge vachiitira vamwe chimwe chinhu chine tsitsi. Vabatsire kuziva manzwiro ezvepamweya anounzwa neMweya Mutsvene kunyanya femero Yawo yokuita chimwe chinhu. Unofunga kuti sei Mweya Mutsvene uchitipa manzwiro iwaya? Batsira vana kufunga nezvezvinhu zvatinofanira kuita kuti tinzwe Mweya Mutsvene uchitaura kwatiri. Taura pamusoro peizvo zvaunoita kuti unzwe Mweya zvakanyatsojeka.
Sakaramende
Apo pandinotora sakaramende, ndinorangarira kuzvipira kweMuponesi uye ndinoita chibvumirano Naye.
Apo patinotora sakaramende, tinoita chibvumirano chekurangarira Muponesi nguva dzose, kutora zita Rake patiri, uye nokuchengeta mirairo Yake.
Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Mateo 26:26–30; 3 Nephi 18:1–12; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Koka vana kuti vaise ruvara pamufananidzo unoti “Jesus Introduced the Sacrament to the Nephites” muScripture Stories Coloring Book: Book of Mormon (2019), 26. Vakumbire kuti vataure izvo zviri kufungwa pamusoro pazvo nevanhu mumufananidzo wacho. Verengera vana zvikamu zve3 Nifai 18:1–12 kana “Jesu Kristu Anodzidzisa pamusoro peSakaramende neMunamato,” Nyaya dzeBhuku raMormoni. Chii chatinokwanisa kuita kuti tirangarire Jesu Kristu panguva yesakaramende?
-
Kumbira vana kuti vakuudze zvimwe zvinhu zvavanofanira kurangarira kuita nguva dzose, sezvakaita kusunga shangu dzavo kana kugeza maoko avo vasati vadya. Sei zvakakosha kurangarira zvinhu izvi? Verenga Moronai 4:3 kuvana, uye vakoke kuti vateerere kuti vanzwe izvo zvatinovimbisa kurangarira nguva dzose apo patinotora sakaramende. Sei zvakakosha kurangarira Jesu Kristu? Batsira vana kunzwisisa kuti chingwa nemvura zvesakaramende zvinotibatsira sei kurangarira izvo zvatakaitirwa naJesu (ona Moronai 4:3; 5:2).
-
Nyora pabhodhi kuti “Ndinovimbisa ku …” Verenga minamato yesakaramende kuvana (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79). Apo pavanonzwa vimbiso yatinoita kuna Mwari, imbomira uye wovabatsira kupedzisa mutsetse uri pabhodhi nevimbiso yavanzwa.
-
Zvinorevei kutora patiri zita raJesu Kristu? Kubatsira vana kupindura mubvunzo uyu, govera muenzaniso wechimwe chinhu chatinoisa mazita edu pachiri. Sei tichiisa mazita edu pazvinhu izvi? Sei Jesu Kristu achida kuisa zita Rake patiri? Funga kugovera tsananguro iyi inobva kuna Mutungamiri Russell M. Nelson inoti: “Kutora zita reMuponesi patiri kunosanganisira kuzivisa pachena uye kupupura kune vamwe—kuburikidza nezviito zvedu uye nemashoko edu—kuti Jesu ndiye Kristu” (“The Correct Name of the Church,” Liahona, Mbudzi 2018, 88).
Simba reHupirisita, Mvumo, uye Makiyi
Mwari vanoropafadza vana Vavo kuburikidza nesimba rehupirisita.
Vose vana vaMwari—vanhukadzi nevanhurume, vaduku nevakuru—vanogamuchira simba raMwari apo pavanochengeta zvibvumirano zvavakaita Navo. Tinoita zvibvumirano izvi apo patinogamuchira zvisungo zvehupirisita sezvakaita rubhabhatidzo (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 3.5, 3.6, Gospel Library). Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Russell M. Nelson, “Spiritual Treasures,” Liahona, Mbudzi 2019, 76–79; “Priesthood Principles,” chapter 3 muGeneral Handbook.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Batsira vana kuona maropafadzo avanogamuchira nokuda kwehupirisita. Kuti uvape mamwe mazano, unokwanisa kuvaratidza vhidhiyo inonzi “Blessings of the Priesthood” (Gospel Library). Funga pamusoro pekudorongodza maropafadzo aya pabhodhi. Sei maropafadzo aya akakosha kwatiri? Pupura kuti maropafadzo aya anouya kwatiri nokuda kwaJesu Kristu nesimba Rake rehupirisita.
3:5Blessings of the Priesthood
-
Batsira vana kuwana mifananidzo inoratidza mashandisiro anoita Mwari simba Ravo kutiropafadza. Somuenzaniso, vanokwanisa kuwana mufananidzo wenyika yaVakatisikira, mienzaniso yekuporesa vanorwara, nezvisungo zvinoera zvaVakatipa (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 3, 46, 104, 105, 107, 120). Govera kuti sei uchivonga nehupirisita uye maropafadzo ahwunounza. Batsira vana kufunga nezvezviitiko apo pavakaropafadzwa nesimba rehupirisita hwaMwari.
-
Imwe yenzira huru dzatinogamuchira nadzo maropafadzo esimba raMwari muupenyu hwedu ndeye kuburikidza nezvisungo zvehupirisita (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:20). Kuti ubatsire vana kudzidza chokwadi ichi, unokwanisa kudorongodza zvinyorwa zvitsvene zvinotevera pabhodhi: 3 Nifai 11:21–26, 33 (rubhabhatidzo); Moronai 2 (rusimbiso); Moronai 4–5 (sakaramende). Mumwe nemumwe wevana anokwanisa kusarudza imwechete yendima idzi uye odoma chisungo chainotsanangura. Koka vana kuti vagovere kuti vakaropafadzwa sei ivo pachezvavo kuburikidza nekugamuchira zvisungo zvehupirisita.
-
Batsira vana kunzwisisa kuti vanozogamuchira simba kubva kuna Mwari apo pavanobhabhatidzwa uye vachichengeta chibvumirano chavo cherubhabhatidzo. Bvunza vana kuti simba iri rinokwanisa kuvabatsira sei.
Basa raMwari rinotungamirirwa kuburikidza nemakiyi ehupirisita uye rinozadzikiswa kuburikidza nemvumo yehupirisita.
Apo pose munhu paanotsaurwa kudaidzo kana kupuwa basa rekubatsira mubasa raMwari, anokwanisa kushandisa mvumo yehupirisita yakapuwa. Pamusoro pezvo, nhengo dzeChechi dzechirume dzakakodzera dzinokwanisa kupuwa hupirisita uye nekugadzwa kuchinzvimbo chehupirisita. Kushandiswa kwemvumo dzose dzehupirisita muChechi kunotungamirirwa nevanhu vane makiyi ehupirisita, sezvakaita mutungamiri wehoko, bhishopi, uye vatungamiri vezvikwata. Makiyi ehupirisita imvumo yekutungamira kushandiswa kwehupirisita mukuita basa raIshe.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Verenga nevana Marko 3:14–15, uye varatidze mufananidzo wechiitiko chinotsanangurwa imomo (sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 38). Bvunza vana kana vakamboona mumwe munhu achitsaurwa kudaidzo kana kuti achigadzwa kuchinzvimbo chehupirisita (kana kuti vataurire pamusoro pezviitiko zvawakava nazvo). Izvozvo zvakafanana sei neizvo zvakaitwa neMuponesi navaApositora Vake? Batsira vana kudorongodza pabhodhi daidzo kana zvinzvimbo zvinokwanisa kupuwa kunhengo dzeChechi, sezvakaita mudzidzisi kana mutungamiri mubato. Parutivi pedaidzo kana chinzvimbo choga choga, unokwanisa kunyora izvo mumwe munhu ane daidzo iyoyo kana chinzvimbo ichocho zvaaine mvumo yekuita. Taurira vana kuti kutsaurwa nemumwe munhu ane nhungamiro yekiyi dzehupirisita kwakakubatsira sei mukushandira.
-
Koka vana kuti vafunge nezvechimwe chinhu chaunodira kiyi, sezvakaita motokari kana gonhi. Chii chinoitika kana usina kiyi? Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 65:2, uye wogovera uchapupu hwako pamusoro pekukosha kwekuva nemakiyi ehupirisita panyika. Munokwanisawo kuona vhidhiyo inonzi “Where Are the Keys?” (Gospel Library) uye motsvaga izvo zvinodzidziswa naGosa Gary E. Stevenson pamusoro pemakiyi ehuprista.
2:51Where Are the Keys?
Temberi uye Chirongwa cheMufaro
Temberi imba yaIshe.
Matemberi chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo. Mumatemberi, tinoita zvibvumirano zvinoera Navo, tinopuwa simba rehupirisita, tinogamuchira zvakazarurwa, tinoitira madziteteguru edu akafa zvisungo, uye tinosunganidzwa kumhuri dzedu nokusingaperi. Zvose izvi zvinokwanisika nokuda kwaJesu Kristu nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake.
Unokwanisa kubatsira sei vana vaunodzidzisa kuziva kuera kweimba yaIshe uye kuti vagozvigadzirira kuva vakakodzera kutora chinhanho muzvisungo zvemutemberi? Funga pamusoro pekuwongorora zvinyorwa izvi: Russell M. Nelson, “The Temple and Your Spiritual Foundation,” Liahona, Mbudzi 2021, 93–96; “Why Latter-day Saints Build Temples,” temples.ChurchofJesusChrist.org.
Matemberi chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Ratidza mufananidzo mumwechete kana kupfuura wematemberi. Bvunza vana kuti chii chinoita kuti temberi ive nzvimbo yakakosha. Taura kuti patemberi yoga yoga pane chinyorwa chinoti: “Hutsvene kuna Ishe: Imba yaIshe.” Bvunza vana izvo zvavanofunga kuti “Hutsvene kuna Ishe” zvingarevei. Sei temberi ichidaidzwa kunzi imba yaIshe? Izvi zvinotidzidzisei pamusoro petemberi? Kana vamwe vevana vakambova kutemberi, vanokwanisawo kugovera manzwiro avakava nawo apo pavaivako. Kana wakambova kutemberi, govera manzwiro awakaita huvepo hwaIshe ikoko, uye taura pamusoro pokuti sei temberi iri nzvimbo inoera kwauri.
-
Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 97:15–17. Kumbira vana kuti vatsvake izvo zvinotarisirwa naIshe kune avo vanopinda muimba Yavo tsvene. Sei tichifanira kuva vakakodzera kuti tipinde mumba Mavo? Sechikamu chehurukuro iyi, taura nevana pamusoro pekodzero dzokupinda mutemberi, kusanganisira kuti vanodziwana sei. Unokwanisa kukoka nhengo yehubhishopiriki kuti igoverane navo kuti bvunzurudzo yekodzero yokupinda mutemberi yakaita sei uye mibvunzo inobvunzwa mairi.
Mutemberi, tinoita zvibvumirano naMwari.
Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Jesu Kristu anotikoka kuti titore gwara rechibvumirano kudzokera kumusha kuVabereki vedu Vokudenga uye tigova neavo vatinoda” (“Come, Follow Me,” Liahona, Chivabvu 2019, 91). Batsira vana kunzwisisa kuti gwara rechibvumirano rinosanganisira rubhabhatidzo, rusimbiso, uye endawumenti nekusunganidzwa zvemutemberi.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Kumbira vana kuti vakubatsire kuwongorora chibvumirano chatinoita naMwari apo patinobhabhatidzwa uye apo patinotora sakaramende (ona Mosaya 18:10, 13; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79). Ratidza mufananidzo wetemberi, uye wotsanangura kuti Baba Vokudenga vane maropafadzo akawanda avanoda kutipa mutemberi.
-
Dhirowa suwo rinonanga kugwara. Bvunza vana kuti sei vachifunga kuti zvinobatsira kuva negwara rekufamba pariri. Verengai pamwechete 2 Nifai 31:17–20, umo Nifai maanoenzanisa chibvumirano cherubhabhatidzo nesuwo uye achitikoka kuti tienderere mberi pagwara racho mushure merubhabhatidzo. Kune zvibvumirano zvakawanda zvekuita mushure merubhabhatidzo, kusanganisira zvibvumirano zvinoitwa mutemberi. Tsanangura kuti Mutungamiri Nelson vakadaidza gwara iri kuti “gwara rechibvumirano.”
Mutemberi, tinokwanisa kubhabhatidzirwa nokusimbisirwa madziteteguru akafa.
Vhangeri raJesu Kristu rinoita kuti zvikwanisike kuti vose vana vaMwari vadzoke kuzogara Navo, kunyangwe zvazvo vakafa vasingazivi vhangeri. Mutemberi, tinokwanisa kubhabhatidzwa nekusimbiswa muchinzvimbo chavo.
Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa
-
Taura pamusoro penguva mumwe munhu yaakakuitira chimwe chinhu chawaisakwanisa kuzviitira iwe pachako. Koka vana kuti vagovere zviitiko zvakafanana naichochi. Tsanangura kuti patinoenda kutemberi, tinokwanisa kugamuchira zvisungo zvinoera sezvakaita rubhabhatidzo rwokuitira vamwe vakafa. Tiri kuva saJesu sei apo patinenge tichiita basa revakafa? Chii chaAkatiitira icho chataisakwanisa kuzviitira isu pachedu?
-
Koka wechidiki mumwechete kana kupfuura avo vakabhabhatidzirwa madziteteguru avo kuti vagovere zviitiko zvavo. Vabvunze izvo zvazvaiva zvakaita mutemberi. Vakurudzire kuti vagovere manzwiro avakava nawo vachiitira madziteteguru avo basa iri.
-
Dhirowa muti pabhodhi, kusanganisira midzi nemapazi. Kumbira vana kuti vafunge kuti mhuri yakaita semuti sei. Nyora pamidzi shoko rokuti Madziteteguru, nyora pamapazi shoko rokuti Zvizvarwa, uye nyora pahunde yemuti shoko rokuti Iwe. Verengai pamwechete mutsetse uyu kubva muDzidziso neZvibvumirano 128:18: “Nokuti isu tisinavo [madziteteguru edu] hatikwanisi kuitwa vakarurama; kana ivowo havakwanisi kuitwa vakarurama vasina isu.” Bvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Sei isu tichida madziteteguru edu? Sei madziteteguru edu achida isu? Vabereki vedu, vanasekuru nanaambuya vedu, uye namamwe madziteteguru vakatibatsira sei?” Koka vana kuti vatsvage nemundima yose yeDzidziso neZvibvumirano 128:18 ndevo inotsanangura mabatsiriro atingaita madziteteguru edu.
-
Funga pamusoro pokushanda nevabereki vemwana woga woga kutsvaga zita rateteguru vanoda zvisungo mutemberi (ona FamilySearch.org).