“Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Mazano oKunatsurudza Kudzidza Kumba uye kuChechi
Apo paunodzidza vhangeri reMuponesi kumba uye kuchechi, funga pamusoro pezvemibvunzo inotevera:
-
Ungakoka Mweya sei muchidzidzo chako?
-
Unganangisa pfungwa sei paMuponesi mukunzvera kwako?
-
Ungatora sei mukana wenguva dzekudzidza dzemazuva ose?
-
Ungakurudzira sei nhengo dzemhuri nedzekirasi kunzvera magwaro matsvene vari voga uye kugovera zvavanenge vachidzidza?
Hedzino dzimwe nzira dziri nyore dzokunatsurudza kunzvera kwako shoko raMwari.
Namatira femero
Magwaro matsvene ishoko raMwari, naizvozvo Vakumbire rubatsiro rwekuanzwisisa.
Tsvaka chokwadi pamusoro paJesu Kristu
Zvinhu zvose zvinopupura nezvaKristu (ona 2 Nifai 11:4; Mosesi 6:63), naizvozvo funga pamusoro pekunyora pasi kana kumaka ndima dzinopupura nezveMuponesi, dzinodzamisa rudo rwako kwaAri, uye dzinodzidzisa mateverero okuMuita. Dzimwe nguva zvokwadi pamusoro peMuponesi nevhangeri Rake zvinotaurwa zvakananga, uye dzimwe nguva zvinorehwa kuburikidza nemuenzaniso kana nyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi? Zvokwadi izvi zvinondidzidzisa chii pamusoro peMuponesi?”
Teerera kuMweya
Teerera kupfungwa nemanzwiro ako, kunyangwe kana dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro aya anogona kunge ari ayo Baba vako Vokudenga avanoda kuti iwe udzidze.
Nyora Pasi Manzwiro Ako
Pane nzira dzakawanda dzekunyora manzwiro anouya apo paunonzvera. Somuenzaniso, ungangowana kuti mamwe mashoko nendevo zviri mumagwaro zvinokufadza; unokwanisa kuzvimaka uye wonyora pfungwa dzako senoti mumagwaro matsvene ako. Unokwanisawo kuchengeta jonari renzwisiso, pfungwa, uye manzwiro aunogamuchira.
Goverana navamwe izvo zvauri kudzidza
Kukurukura nzwisiso dzinobva mukunzvera kwako pachako inzira yakanaka yokudzidzisa nayo vamwe, uye kunobatsirawo kusimbisa nzwisiso yako yezvawaverenga. Goverana nenhengo dzemhuri neshamwari zvauri kudzidza (muri panzvimbo imwechete kana paindaneti), uye vakoke kuti vaite zvimwechetezvo.
Fananisa magwaro matsvene kuhupenyu hwako
Funga pamusoro pokuti nyaya nedzidziso zvauri kuverenga zvinoshanda sei muupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo izvo zvakafanana nezvandiri kuverenga?”
Bvunza mibvunzo paunenge uchinzvera
Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo inokwanisa kuuya mupfungwa. Mibvunzo iyi ingangova inoenderana nezvauri kuverenga kana neupenyu hwako hwemazuva ose. Fungisisa mibvunzo iyi uye wotsvaka mhinduro apo paunoenderera mberi nekunzvera magwaro matsvene.
Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene
Kuti uwane imwe nzwisiso yendima dzaunoverenga, shandisa manotsi omuzasi, Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, uye zvimwe zvibatsiro zvokunzvera.
Funga pamusoro pemamiriro ezvinhu ezvinyorwa zvitsvene
Unokwanisa kuwana nzwisiso dzakakosha pamusoro pendima yechinyorwa chitsvene apo paunofunga pamusoro pemamiriro ezvinhu ayo, kusanganisira zvinhu zvaiitika kana kunzvimbo kwayakabva. Semuenzaniso, kuziva mamiriro uye tendero dzevanhu avo Mwari vavakataura navo kunokwanisa kukubatsira kuti unzwisise zvirinani vavariro yemashoko Avo. Unokwanisa kudzidza pamusoro pavo muRevelations in Context, mumisoro yenyaya yezvikamu muDzidziso neZvibvumirano, uye nezvimwe zvinyorwa.
Nzvera mashoko avaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira
Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene.
Rarama maererano nezvaunodzidza
Kunzvera magwaro matsvene hakufaniri kutikurudzira chete asi kunofanirawo kutitungamirira kuti tishandure mararamiro atinoita. Teerera kune izvo zvaunofemerwa neMweya kuti uite apo paunenge uchiverenga, uye zvino woita chimwe chinhu pafemero idzi.
Shandisa mumhanzi
Nziyo nedzimbo dzevana vadiki dzinopuwa dzinowanikwa nemubhuku rose reHuyai, Munditevere. Shandisa mumhanzi unoera kukoka Mweya uye kudzamisa rutendo neuchapupu hwako hwezvokwadi zvevhangeri.
Dzidza zvinyorwa zvitsvene nemusoro
Sarudza ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kwauri, kumhuri yako, kana kukirasi yako, uye moidzidza nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kuburikidza nokutamba mutambo wekudzidza zvinhu nemusoro.
Govera zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa
Wana zvinhu zvinobatwa zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzauri kuverenga. Funga pamusoro pokuti chinhu chimwe nechimwe chinoenderana sei nedzidziso dziri mumagwaro matsvene.
Dhirowa, wana, kana kuti tora mufananidzo
Verenga ndima shoma, uye zvino wodhirowa chimwe chinhu chinoenderana nezvawaverenga. Kana kuti unokwananisa kutsvaka mufananidzo muBhuku reMifananidzo yeVhangeri kana kumwewo muRaibhurari yeVhangeri. Unokwanisawo kutora mufananidzo unoratidza zvawakadzidza.
Itai mutambo wenyaya
Mushure mekuverenga nyaya, koka mhuri kana nhengo dzekirasi kuti dziite mutambo wayo. Pashure, taurai pamusoro pokuti nyaya yacho inoenderana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo.
Iva wakasungunuka kumba
Kana uine nhengo dzemhuri dzisingadi kutora chinhanho mukunzvera magwaro matsvene kwemhuri, tsvaka dzimwe nzira dzekuva pedyo navo nadzo. Somuenzaniso, unokwanisa here kugovera chokwadi chokusingaperi nenzira yemazuva ose muhurukuro dzenyu kana kugovera chinyorwa chitsvene chakakosha nenzira isingairatidziki sokunge iri yokuparidza kana yechisimba? Kunzvera magwaro matsvene hakusi kunofanira kuitwa nenzira imwecheteyo mumhuri dzose. Vamwe vana vangangodavira zvirinani pakunzvera magwaro matsvene nemunhu mumwechete. Namata uye utevere femero dzeMweya.
Misangano yedare ravadzidzisi yevabereki. Kana uchida rumwe rubatsiro mukuedza kwako kudzidzisa vana vako, bvunza kana wadhi wako iri kuita misangano yedare revadzidzisi yevabereki (ona General Handbook, 17.5). Misangano iyi mukana wekuti vabereki vagoverane mazano uye vadzidze pamwechete pamusoro pokuti vanganatsurudza sei kudzidzisa kwavo. Vanokwanisa kukurukura misimboti iri muna Teaching in the Savior’s Way (Kudzidzisa neNzira yeMuponesi), mazano ari pamapeji aya ekunatsurudza kunzvera magwaro matsvene kwemhuri, uye mazano ekudzidza nekudzidzisa anowanikwa nemubhuku rose reHuyai, Munditevere.