Riahona
Kuropafadza Dzose Mhuri dzePanyika
Kurume 2026 Liahona (Riahona)


“Kuropafadza Dzose Mhuri dzePanyika,” Liahona (Riahona), Kurume 2026.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kurume 2026

Kuropafadza Dzose Mhuri dzePanyika

Kana tikatevera uye nekugovera chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chemhuri, Vanozova nesu, vanozotitsigira, uye vanozobatana nesu murwendo rwedu rwekudzokera kwaVari.

mufananido waJakobo achiva nechiratidzo

Jacob’s Dream at Bethel [Chiroto chaJakobo paBeteri], naJ. Ken Spencer

Nguva pfupi yakapfuura, ini naSisita Uchtdorf takapinda rubhabhatidzo rwemumwe wechizukuru chedu chechipiri. Apo patakatarisa zvizvarwa zvizhinji zvichipemberera nomufaro chiitiko ichi, takanzwa ruvongo rwakadzama kuna Baba vedu Vokudenga nekuda kwechirongwa chavo cheruponeso chevana Vavo. Takanzwa makoshero akaita mhuri nezvibvumirano zvinoera kwaVari kubvira pakutanga chaipo.

Kukosha ikoko kunokwanisa kuonekwa murondedzero yeTestamente Yekare yaJakobo akatendeka, uyo akatora rwendo rurefu uye rwakaoma kuti awane mudzimai, achate muchibvumirano, uye aumbe mhuri. Mamwe manheru, Jakobo akamira kuti azorore usiku asi akawana mabwe chete emutsago wake. Anofanira kunge akanga aneta zvikuru nekuti akakwanisa kurara zvakadaro—uye akava nechiroto.

Aine mupfungwa dzake zvirokwazvo zvinangwa zvake zvakakodzera zvemuchato wechibvumirano nemhuri , Jakobo akaona “danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga: akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro.

Akaona Jehova amire naye, akati, “Ndini Jehova, Mwari waAbrahama baba vako, naMwari waIsaka” (Genesi 28:12–13).

Ishe zvino vakaita dzimwe vimbiso dzechibvumirano dzakakosha kuna Jakobo—vimbiso dzaVakanga vaitawo nababa vaJakobo, Isaka, nasekuru vake, Abrahama, dzinosanganisira:

  • Vimbiso dzekuti Jakobo aizova baba “vendudzi zhinji dzavanhu” (Genesi 28:3; onawo ndima 14).

  • Vimbiso dzenyika kuvana vaJakobo (ona Genesi 28:4, 13).

  • Vimbiso dzokuti kuburikidza naJakobo uye “navana vake ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa” (Genesi 28:14; kusimbisa kwakawedzerwa).

Chiitiko chaJakobo chaiva chinoera zvikuru zvokuti akazivisa kuti: “Zvirokwazvo Jehova ari panzvimbo ino. … Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga” (Genesi 28:16–17). Uye naizvozvo, Jakobo akatumidza nzvimbo yacho kuti Beteri, zvinoreva kuti “imba yaMwari.

Maropafadzo akavimbiswa akapuwa muhope dzaJakobo aida kuti Jakobo aite kukwira kwekufananidzira muupenyu chaihwo. SaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, hazvina kuoma kuona enderano pakati pechiroto chaJakobo, zvibvumirano zvaIshe, uye neimba yaIshe. Matemberi akafanana zvikuru nedanhu rakaonekwa naJakobo. Dzidziso, zvisungo, uye zvibvumirano zveimba yaIshe zvinobatanidza denga nenyika. Zvibvumirano zvacho zvinokwanisa kufananidzwa nematanho ari padanhu anotiswededza pedyo naIshe. Uye, kuburikidza nemushando unoera watinopa mumatemberi matsvene, tiri kuropafadza “ndudzi dzose dzenyika”—dzakapfuura, dzazvino, uye dzeramangwana.

“Chiwanikwa Chikuru Zvakadii Ichocho!“

Gosa Bruce C. Hafen, vaimbova nhengo yeveMakumi Manomwe, vakambotambira runhare kubva kumupepeti wemagazini yenhau yenyika. Mupepeti aida kutaura pamusoro pebhuku raiva richangoshambadzwa raiongorora nhoroondo yezvitendero pamusoro pedenga muzvitendero zvakasiyana-siyana.

“Vanyori vakawana kuti veruzhinji vanonzwa chishuwo chikuru chedenga—uye mhuri kudenga,” Elder Hafen vakanyora. Asi kunyangwe zvazvo vanhu vazhinji vaiva vachiri kutenda muupenyu mushure merufu, rudo rwokusingaperi, uye kubatanidzwazve kwemhuri kudenga, “machechi mazhinji echiKristu anongopa mhinduro shoma kuchishuwo chemukati ichi“—kunze kweimwechete: Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

MuChechi yeMuponesi yakadzorerwa, tine matemberi anoera. Tine muchato wokusingaperi, une mvumo yekusunganidza inoropafadza kupfuura rufu rwepanyama. Tine vimbiso yeramangwana rokusingaperi nevadikani pamberi paBaba neMwanakomana. Kubva pane zvose izvi, vanyori vakagumisa kuti pfungwa yedenga yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndiyo yakanyanya kuzara—uye, ndinowedzera kuti, ndiyo inofadza zvikurusa.

“Chiwanikwa Chikuru Zvakadii Ichocho!” Gosa Hafen vakacherechedza. “Vanhu vazhinji nhasi vanoshuvira mhuri dzokusingaperi, uye [vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa] rinozadzikisa chishuwo ichocho zviri nani kupfuura dzimwe dzipi zvadzo pfungwa dzinozivikanwa [kana dzidziso dzezvitendero]. Ndinoshuvira kuti dai nyika yose yaikwanisa kunzwa vana [vedu] vachiimba mashoko anofadza: ‘Mhuri dzinokwanisa kuva pamwechete nokusingaperi.’”

Mhuri hadzisi chete hurongwa huri nyore hwemagariro evanhu. Mutoo wokusingaperi wekudenga. “Dzakakosha kuchirongwa cheMusiki chemagumo osingaperi evana Vavo.” Sezvatakadzidziswa naMutungamiri Russell M. Nelson (1924–2025): “[Ishe] vakasika nyika [kuitira]kuti tikwanise kuva nemiviri yenyama uye kuumba mhuri. Vakamisa Chechi Yavo kuti isimudzire mhuri kumusoro. Vanopa matemberi kuitira kuti mhuri dzikwanise kuva pamwechete nariinhi nariinhi.”

Asi kufarira kwedu mhuri dzakasimba hakusi pamusoro pemagumo okusingaperi chete. Mhuri ine basa rakakosha mumufaro wedu wepanyika zvakare. Baba vedu Vokudenga, avo vanonyatsoziva izvo zvinounza mufaro iyezvino uye nokusingaperi, vanotumira vana Vavo kumhuri—kunyangwe nekusarurama kwadzingange dzakaita—uye vanotikoka kuti tivake nekuriritira mhuri dzakasimba. Ichokwadi, “urema, rufu kana mamwe mamiriro ezvinhu zvinokwanisa kuita kuti shanduro ifanire kuvapo pamubereki anoita mabasa aya mune dzimwe mhuri.” Asi hapana chinokwanisa kutsiva mabasa akakosha, akagadzwa nohumwari emurume nemukadzi, baba naamai.

Tsvakurudzo pamusoro “pemhuri dzevabereki vaviri vokubereka chaivo, dzakabatana” inoramba ichiratidza kuti mhuri yakakosha zvikuru pakuchengetedza “hukama hwakadzama hwerudo nekudanana.” Ndiyo “nzvimbo huru yekukudza vanhu vakagadzikana, vakadzikama, uye vane hanya nemagariro evamwe.”

Vadziviriri veMhuri Nokushingaira

Ichokwadi, hazvifanire kutishamisa kuti chimwe chinhu chakakosha zvakadaro kuchirongwa chaMwari chingasangana nerupikiso. Satani haana kumbobvira akafarira mhuri, uye kuedza kwake kuri kutonyanya kusimba “nokuti anoziva kuti ane nguva duku” (Zvakazarurwa 12:12). Sezvakataurwa naMutungamiri M. Russell Ballard (1928–2023), Mutungamiri Akafanobata chigaro weChikwata chaVaApositora vane Gumi naVaviri, kuti, “Satani anoziva kuti nzira isingakundikani uye inoshanda zvikurusa yekukanganisa basa raIshe ndeyekuderedza kushanda zvakanaka kwemhuri uye utsvene hweimba.”

Tichiziva zvatinoziva pamusoro pemhuri yaMwari yokusingaperi, chirongwa Chavo chevana Vavo, uye kukosha kwokusingaperi kwehukama hwemhuri, tinofanira kuva pakati pevadziviriri vemhuri nokushingaira zvikuru pasi rose.

Izvi tinozviita sei?

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakapa rairo iyi: “Chiziviso chemhuri … ndicho simbisozve yaIshe yezvokwadi zvevhangeri zvatinoda kuti zvititsigire nemuzvinetso zvaiyezvino kumhuri.”

Muupenyu hwedu pachedu, tinokwanisa kuita “zvinhu zviduku uye zvakareruka” (Aruma 37:6) izvo zvinosimbisa hukama hwemhuri. Izvi zvinosanganisira kutevera misimboti yemhuri nemichato inobudirira zvatsanangurwa muchiziviso chemhuri: “rutendo, munamato, rutendeuko, ruregerero, ruremekedzo, rudo, mutsa, basa, uye zviitwa zvekutandara zvakanaka.” Zvisinei nemamiriro ezvinhu emhuri yedu parizvino, tinokwanisa kuratidza kuburikidza nezviito zvedu kuti hukama hwemhuri hwakakosha kwatiri nokusingaperi.

“Sevagari vakatendeka” munharaunda dzedu, tinokwanisa “kusimudzira zvirongwa izvo zvakagadzirirwa kuchengetedza nokusimbisa mhuri.”

Tiri vanhu vechibvumirano vaIshe vemazuva ekupedzisira. Tiri vagari venhaka yevimbiso dzakaitwa kuna Abrahama, Isaka, naJakobo—vimbiso dzine chekuita nemhuri zvachose. Vimbiso idzodzo dzinouya nedaidzo inoera yekuropafadza “mhuri dzose dzepanyika.” Uye imwe nzira yakakosha yatinoita izvozvo ndeyekurarama, kudzivirira, uye kugovera chokwadi chokusingaperi chokuti “mhuri yakagadzwa naMwari” uye kuti “zvisungo nezvibvumirano izvo zvinowanikwa mumatemberi matsvene zvinoita kuti zvikwanisike kuti vanhu pachavo vadzokera pamberi paMwari uye kuti mhuri dzibatanidzwe nokusingaperi.”

“Ndinewe”

Apo Sisita Uchtdorf neni patinotarisa nhengo dzemhuri yedu dzichiita zvibvumirano zvinoera naBaba vedu Vokudenga vane rudo, vokusingaperi, mwoyo yedu inozadzwa nomufaro noruvongo. Tinofara kwete nevana vedu nevana vavo chete asiwo nevabereki vedu nevabereki vavo. Tinofungisisa nerudo rukuru kuti zvibvumirano zvevhangeri zvinotibatanidza sei nomuzvizvarwa zvose. Chiitiko chasina kusiyana nekuona “danhu rakanga ramiswa panyika, … musoro waro [wakasvika] kudenga: uye kuona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro.” (Genesi 28:12).

Maropafadzo akavimbiswa naIshe kuna Jakobo muchiroto chake anotambanukira kuvana Vake vose vechibvumirano—kusanganisira iwe neni. Sezvakaitwa naIshe kuna Jakobo, Vanozotipindura “pazuva rekutambudzika [kwedu]” (Genesi 35:3) kana tikaVasarudza.

“Tarira,” Ishe vakadaro, “Ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, … nokuti handingakusiyi” (Genesi 28:15).

Kufanana naJakobo, tose tine renje rekuti tipfuure naro. Dzimwe nguva maropafadzo akavimbiswa anoita seari kure. Apo matambudziko kana zvinetso zvakakomba pazvinouya, tinogona kusava nechokwadi nerudo rwaIshe. Tinogona kunyangwe kunzwa sokuti Mwari vatisiya. Zvisinei nokuedza kwedu kwakanakisisa paudzidzi, tinogona kunzwa kuti hatisi kugamuchira maropafadzo ataitarisira.

Maburatha nemasisita, shamwari dzinodiwa, gwara rechibvumirano igwara rinofadza, kunyange dzimwe nguva rinogona kuva rakatindivadzwa nemisodzi. Kana uchinzwa kuti zvikamu zvechirongwa chemufaro hazvisati zvazadzikiswa muupenyu hwako ikozvino, ndapota vimba kuti Ishe varikukurangarira uye vanozokuropafadza munguva Yavo yakakodzera, maererano nouchenjeri Hwavo.

Rutendo muna Jesu Kristu nevimbiso Dzake rwunotikurudzira kuti titarire mberi, kwete kumashure. Nokuda Kwake, ramangwana redu harifaniri kubatwa unhapwa nechinhu chipi nechipi zvacho chakaitika kare kana kuti chiri kuvhariridza maonero edu pari zvino. Hongu, tose tinokuvadzwa, kana kuti tinozokuvadzwa, neimwe nzira. Asi tinotenda muMuporesi Mukuru. Tinovimba Naye—zvikuru, pachokwadi, zvekuti tinogamuchira vimbiso Dzavo, “tichinyatsogutsikana nadzo,” kunyangwe dzichiri “kure” (VaHeberu 11:13).

“Ngativei tose tinoyeuchidzwa kuti, nenzira yaIshe uye nenguva Yavo, hapana maropafadzo anozonyimwa kuVatendi Vavo vakatendeka,” vakadaro Mutungamiri Nelson. “Ishe Vanozotonga uye Vanozopa mubayiro munhu mumwe nemumwe maererano nechido chemwoyo wose pamwepo nechiito.”

Ndinovimbisa kuti apo patinotevera uye nokugovera chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chemhuri, Vanozova nesu, vanozotitsigira, uye vanozobatana nesu murwendo rwedu. HaVazombotisiyi tiri tega, kunyanya apo miedzo painouya kwatiri kana kuvadiwa vedu. Vanozotitakura, votisimudza, uye votiunza kunyika yechipikirwa yemufaro wakazara pamwechete Navo, neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, uye nemhuri dzedu—nokusingaperi.

Manotsi

  1. Ona Marion G. Romney, “Temples—The Gates to Heaven,” Ensign, Kurume. 1971, 16.

  2. Ona Bruce C. Hafen, Covenant Hearts: Marriage and the Joy of Human Love (2005), 58–59.

  3. Ona Bruce C. Hafen, Covenant Hearts, 59; onawo “Families Can Be Together Forever, Hymns, nhamba 300.

  4. Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Raibhurari yeVhangeri.

  5. Russell M. Nelson, “Set in Order Thy House,” Liahona, Ndira 2002, 80.

  6. Mhuri: Chiziviso kuNyika.”

  7. Scott L. Buchanan, “The Nuclear Family Is Indispensable,” Public Discourse, Chikumi 4, 2020, thepublicdiscourse.com.

  8. M. Russell Ballard, “The Sacred Responsibilities of Parenthood” (Munamato wevhangeri weBrigham Young University, Nyamavhuvhu 19, 2003), 3, speeches.byu.edu; onawo Ensign, Kurume 2006, 28–29.

  9. Dallin H. Oaks, “The Plan and the Proclamation,” Liahona, Mbudzi 2017, 30.

  10. Mhuri: Chiziviso kuNyika.”

  11. Mhuri: Chiziviso kuNyika.”

  12. Mhuri: Chiziviso kuNyika.”

  13. Russell M. Nelson, “Celestial Marriage,” Liahona, Mbudzi 2008, 94.